RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lff chidzidzo 31
  • Chii Chinonzi Umambo hwaMwari?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chii Chinonzi Umambo hwaMwari?
  • Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • WEDZERA KUONGORORA
  • PFUPISO
  • WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA
  • Chii Chinonzi Umambo hwaMwari?
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Umambo hwaMwari Chii?
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Zvichaitwa neUmambo
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Umambo Hwamwari Hunotonga
    Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
Ona Zvimwe
Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
lff chidzidzo 31
Chidzidzo 31. Mambo Jesu Kristu akamira pamberi paJehovha.

CHIDZIDZO 31

Chii Chinonzi Umambo hwaMwari?

Rakaprindwa
Rakaprindwa
Rakaprindwa

Umambo hwaMwari ndihwo shoko guru riri muBhaibheri. Jehovha achashandisa Umambo ihwohwo kuti azadzise chinangwa chake chaakasikira nyika. Asi Umambo hwacho chinombova chii? Tinoziva sei kuti hwava kutotonga iye zvino? Ndezvipi zvakanaka zvahwakatoita? Uye huchaitei mune ramangwana? Mibvunzo iyi ichapindurwa muchidzidzo chino uye muzvidzidzo zviviri zvinotevera.

1. Chii chinonzi Umambo hwaMwari, uye Mambo wacho ndiani?

Umambo ihurumende yakagadzwa naJehovha Mwari. Mambo wacho, Jesu Kristu, anotonga ari kudenga. (Mateu 4:17; Johani 18:36) Bhaibheri rinoti Jesu: “Achava Mambo . . . nekusingaperi.” (Ruka 1:32, 33) Sezvo ari iye Mambo weUmambo hwaMwari, Jesu achatonga munhu wese anenge achirarama panyika.

2. Ndivanaani vanotonga pamwe chete naJesu?

Jesu haatongi ega. Pane “vanhu vemadzinza ese nemitauro nemarudzi . . . vachatonga semadzimambo pamusoro penyika.” (Zvakazarurwa 5:9, 10) Vangani vachatonga naKristu? Kubvira pakauya Jesu pasi pano, mamiriyoni evanhu akava vateveri vake. Asi kunongova ne144 000 chete vanoenda kudenga kunotonga naJesu. (Verengai Zvakazarurwa 14:1-4.) Vamwe vaKristu vese vari pasi pano vachange vachitongwa neUmambo ihwohwo.—Pisarema 37:29.

3.Umambo hwaMwari hunopfuura sei hurumende dzese dzevanhu?

Vatongi vepanyika pano havana simba rekuita zvese zvavanoda kuita, kunyange kana vaine chido chekuita zvakanaka. Vanopedzisira vatsiviwa nevamwe vatongi, avo vanogona kunge vasina kana basa nezvido zvevanhu. Asi Jesu, Mutongi weUmambo hwaMwari, haasi kuzombofa akabviswa pachiiswa mumwe. Mwari akaita kuti “pave neumambo husingazomboparadzwi.” (Dhanieri 2:44) Jesu achatonga nyika yese uye anenge asingaiti zvechizivano. NdiMambo ane rudo, tsitsi, anobata vanhu zvakaenzana, uye achadzidzisa vanhu kubata vamwewo saizvozvo.—Verengai Isaya 11:9.

WEDZERA KUONGORORA

Ona kuti nei Umambo hwaMwari hwakanaka kupfuura hurumende ipi zvayo yevanhu.

Jesu Kristu ari kutonga panyika ari pachigaro chake cheUmambo. Vaanotonga navo vakagara nechekumashure kwake. Kubwinya kwaJehovha kuri kuoneka nechekumashure-shure.

4. Ihurumende ine simba ichatonga pasi rese

Jesu Kristu ane simba rekutonga rinopfuura remutongi chero upi zvake akambovako. Verengai Mateu 28:18, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

  • Masimba akapiwa Jesu anopfuura sei emutongi chero upi zvake?

Hurumende dzevanhu dzinogara dzichichinja, uye imwe neimwe inongova nenyika yayo yainotonga. Ko Umambo hwaMwari? Verengai Dhanieri 7:14, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:

  • Nei zvichifadza kuziva kuti Umambo hwaMwari “hahuzoparadzwi”?

  • Nei chiri chinhu chakanaka kuti huchatonga pasi rese zvaro?

5. Utongi hwevanhu hwava kufanira kubviswa

Nei Umambo hwaMwari huchifanira kubvisa hurumende dzevanhu? Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mubvunzo unotevera.

VHIDHIYO: Umambo hwaMwari Chii?—Chidimbu (1:41)

  • Ndezvipi zvakaipa zviri kukonzerwa neutongi hwevanhu?

Verengai Muparidzi 8:9, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:

  • Unofunga kuti hurumende dzevanhu dziri kufanira kutsiviwa neUmambo hwaMwari here? Nei uchidaro?

6. Vatongi vemuUmambo hwaMwari vanonyatsotinzwisisa

Sezvo Mambo wedu, Jesu, akamborarama semunhu wenyama, anogona “kutinzwira tsitsi pakusava nesimba kwedu.” (VaHebheru 4:15) Jehovha ndiye akasarudza varume nevakadzi 144 000 vakatendeka avo vachatonga pamwe chete naJesu achivatora muvanhu “vemadzinza ese nemitauro nemarudzi.”—Zvakazarurwa 5:9.

  • Unofunga kuti zvinonyaradza here kuziva kuti Jesu nevamwe vaachatonga navo vanonyatsonzwisisa zvakaita upenyu hwemunhu wenyama? Nei uchidaro?

Varume nevakadzi vakazodzwa vakararama panguva dzakasiyana-siyana uye vanobva kwakasiyana-siyana.

Jehovha akasarudza varume nevakadzi vanobva kwakasiyana- siyana kuti vazotonga naJesu

7. Mitemo yeUmambo hwaMwari inonyatsobatsira vanhu

Hurumende dzinogadza mitemo nechinangwa chekubatsira uye kudzivirira vanhu vadzinotonga. Umambo hwaMwari hune mitemo inofanira kutevedzerwawo nevanhu vahunotonga. Verengai 1 VaKorinde 6:9-11, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:

  • Unofunga kuti nyika ichange yaita sei kana munhu wese ava kurarama achitevedzera mitemo yaMwari yekuzvibata?a

  • Tingati Jehovha anenge achiomesera vanhu vanotongwa neUmambo here paanovati vatevedzere mitemo iyi? Nei uchidaro?

  • Chii chinoratidza kuti vanhu vasiri kuteerera mitemo iyi vanogona kuchinja?​—Ona vhesi 11.

Mupurisa achimisa mota mumugwagwa kuti vanhu vapfuure.

Hurumende dzinogadza mitemo nechinangwa chekubatsira uye kudzivirira vanhu vadzinotonga. Umambo hwaMwari hune mitemo yakatonaka kupfuura yevanhu inodzivirira uye inobatsira vanhu vahunotonga

MUMWE MUNHU ANOGONA KUBVUNZA KUTI: “Chii chinonzi Umambo hwaMwari?”

  • Ungamupindura sei?

PFUPISO

Umambo hwaMwari ihurumende chaiyo iri kudenga ichatonga pasi rese.

Kudzokorora

  • Ndivanaani vanotonga muUmambo hwaMwari?

  • Umambo hwaMwari hunopfuura sei hurumende chero ipi zvayo yevanhu?

  • Ndezvipi zvimwe zvinotarisirwa naJehovha kuvanhu vanotongwa neUmambo?

Edza Izvi

WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA

Verenga unzwe kuti Jesu akadzidzisa kuti Umambo huri kupi.

“Umambo hwaMwari Huri Mumwoyo Mako Here?” (Nyaya iri paIndaneti)

Nei Zvapupu zvaJehovha zvichisarudza kutsigira Umambo hwaMwari pane kutsigira hurumende dzevanhu?

Kuzvipira kuUmambo hwaMwari (1:43)

Ongorora kuti Bhaibheri rinotii nezvevanhu 144 000 vanosarudzwa naJehovha kuti vanotonga naJesu.

“Ndivanaani Vanoenda Kudenga?” (Nyaya iri paIndaneti)

Chii chakaita kuti mumwe mukadzi aiva mujeri ave nechokwadi chekuti Mwari achaita kuti pave nenyika inobatwa vanhu vese zvakaenzana?

“How I Found the Answer to Injustice” (Awake!, November 2011)

a Mimwe yemitemo iyi yekuzvibata ichakurukurwa muChikamu 3.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe