RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lff chidzidzo 33
  • Zvichaitwa neUmambo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvichaitwa neUmambo
  • Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • WEDZERA KUONGORORA
  • PFUPISO
  • WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA
  • Chii Chinonzi Umambo hwaMwari?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Umambo hwaMwari Chii?
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Chii Chinonzi Umambo hwaMwari?
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Umambo hwaMwari Huchaitei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2020
Ona Zvimwe
Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
lff chidzidzo 33
Chidzidzo 33. Vanhu vava kurarama muparadhiso.

CHIDZIDZO 33

Zvichaitwa neUmambo

Rakaprindwa
Rakaprindwa
Rakaprindwa

Umambo hwaMwari hwava kutotonga. Pasara nguva pfupi kuti huchinje zvinhu pasi pano. Ngatimbokurukurai zvimwe zvinhu zvakanaka zvaungatarisira kuona zvichiitika kana Umambo hwava kutonga.

1. Umambo hwaMwari huchaita sei kuti panyika pave nerunyararo uye vanhu vabatwe zvakanaka?

Jesu, Mambo weUmambo hwaMwari, achaparadza vanhu vakaipa nehurumende dzavo pahondo yeAmagedhoni. (Zvakazarurwa 16:14, 16) Ipapo ndipo pachanyatsozadziswa mashoko akavimbiswa neBhaibheri ekuti: “Kwangosara nguva diki, uye vakaipa havazovipozve.” (Pisarema 37:10) Achishandisa Umambo, Jesu achava nechokwadi chekuti pasi pano pava nerunyararo uye munhu wese ava kubatwa zvakanaka.—Verengai Isaya 11:4.

2. Upenyu huchange hwaita sei kana kuda kwaMwari kwava kuitwa panyika?

Kana Umambo hwaMwari hwava kutonga, “vakarurama vachagara nhaka yenyika, uye vachagara mairi nekusingaperi.” (Pisarema 37:29) Fungidzira hako uchirarama munyika ine vanhu vakarurama chete, vanoda Jehovha uye vanodanana! Hapana anozorwara, uye munhu wese achararama nekusingaperi.

3. Umambo hwaMwari huchaitei kana vanhu vakaipa vaparadzwa?

Kana vakaipa vaparadzwa, Jesu achatonga saMambo kwemakore 1 000. Mumakore iwayo Jesu nevamwe vake 144 000 vaachatonga navo vachabatsira vanhu kuti vasvike pakusava nechivi. Panozopera makore iwayo nyika inenge yaitwa paradhiso, yazara nevanhu vanofara vanenge vachibatsirwa nekuteerera mitemo yaJehovha. Jesu achabva adzosera utongi mumaoko aBaba vake, Jehovha. Zita raJehovha richange ‘ratsveneswa’ zvarisati ramboitwa. (Mateu 6:9, 10) Zvinenge zvanyatsoratidzwa pachena kuti Jehovha Mutongi akanaka ane hanya nevanhu vaanotonga. Jehovha achabva aparadza Satani, madhimoni, nevamwe vese vanosarudza kupandukira utongi hwake. (Zvakazarurwa 20:7-10) Zvakanaka zvese zvichange zvaitwa neUmambo hwaMwari zvichagara nekusingaperi.

WEDZERA KUONGORORA

Ongorora kuti nei tichivimba kuti Mwari achashandisa Umambo kuzadzisa zvese zvakavimbiswa neBhaibheri nezveremangwana.

4. Umambo hwaMwari huchaparadza hurumende dzese dzevanhu

‘Munhu anotonga munhu achimubata zvakaipa.’ (Muparidzi 8:9) Jehovha achashandisa Umambo hwake kugadzirisa zvese izvi.

Verengai Dhanieri 2:44 uye 2 VaTesaronika 1:6-8 mobva makurukura muchishandisa mibvunzo iyi:

  • Jehovha neMwanakomana wake, Jesu, vachaita sei nehurumende dzevanhu nevatsigiri vadzo?

  • Zvawadzidza nezvaJehovha naJesu zvinokubatsira sei kuva nechivimbo chekuti zvavachaita zvichange zvakanaka uye zvakakodzera?

Jesu saMambo wekudenga ari kutonga panyika yava paradhiso.

5. Jesu ndiMambo akanyatsokodzera

Sezvo ari iye Mambo weUmambo hwaMwari, Jesu achaitira vanhu vaanenge achitonga pasi pano zvinhu zvakawanda zvakanaka. Ngationei VHIDHIYO tione kuti Jesu akatoratidza kare kuti ane chido chekubatsira vanhu uye akapiwa simba racho naMwari.

VHIDHIYO: Jesu Akaratidza Zvichaitwa neUmambo (1:13)

Paaiva pasi pano Jesu akapa vanhu nzwisa yezvichaitwa neUmambo hwaMwari. Pamakomborero akanyorwa pamberi apo, ndechipi chauri kuti chakunonokera? Verengai magwaro aripo anotaura nezvemakomborero acho.

PAAIVA PASI PANO, JESU . . .

ARI KUDENGA, JESU . . .

  • akaratidza simba rekudzora mamiriro ekunze.—Mako 4:36-41.

  • achagadzirisa kuparadzwa kwenharaunda.—Isaya 35:1, 2.

  • akaita zvishamiso zvekupa zviuru zvevanhu zvekudya.—Mateu 14:17-21.

  • achapedza nzara panyika.—Pisarema 72:16.

  • akaporesa vakawanda vairwara.—Ruka 18:35-43.

  • achava nechokwadi kuti munhu wese ane utano.—Isaya 33:24.

  • akamutsa vakafa.—Ruka 8:49-55.

  • achabvisa rufu nezvese zvarunokonzera.—Zvakazarurwa 21:3, 4.

6. Umambo hwaMwari huchaunza ramangwana rakazonaka

Umambo huchaita kuti chinangwa chaMwari chaakasikira vanhu chizadziswe zvakakwana. Vachararama nekusingaperi muparadhiso pasi pano. Ngationei VHIDHIYO tione zviri kuitwa naJehovha kuti azadzise chinangwa chake achishandisa Mwanakomana wake, Jesu.

VHIDHIYO: Nzwisa Yemakomborero Atichawana Mune Ramangwana (4:38)

Verengai Pisarema 145:16, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo uyu:

  • Kuziva kuti Jehovha achagutsa “zvido zvezvinhu zvese zvipenyu” kunoita kuti unzwe sei?

VAMWE VANOTI: “Kana tikanyatsoisa misoro pamwe chete tinogona kugadzirisa matambudziko ese ari panyika.”

  • Matambudziko api achapedzwa neUmambo hwaMwari asingagoni kupedzwa nehurumende dzevanhu?

PFUPISO

Umambo hwaMwari huchazadzisa chinangwa chake. Huchachinja nyika yese yova paradhiso yakazara nevanhu vakanaka vachanamata Jehovha nekusingaperi.

Kudzokorora

  • Umambo hwaMwari huchatsvenesa sei zita raJehovha?

  • Chii chinotipa chivimbo chekuti Umambo hwaMwari huchazadzisa zvinovimbiswa neBhaibheri?

  • Ndezvipi zvichaitwa neUmambo zvaunofunga kuti zvakunonokera?

Edza Izvi

WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA

Inzwa kuti chii chinonzi Amagedhoni.

“Chii Chinonzi Hondo yeAmagedhoni?” (Nyaya iri paIndaneti)

Ongorora zvichaitika panguva ‘yekutambudzika kukuru.’—Mateu 24:21.

“Chii Chinonzi Kutambudzika Kukuru?” (Nyaya iri paIndaneti)

Ona kuti mhuri dzingafungisisa sei nezvemakomborero achaunzwa neUmambo.

Ona Uri muParadhiso (1:50)

Verenga nyaya inoti “Ndaiva Nemibvunzo Yakawanda Yaindinetsa” unzwe nezvemumwe murume aipandukira hurumende akazoziva nzira ichapedzwa nayo matambudziko aaiona.

“Bhaibheri Rinochinja Upenyu” (Nharireyomurindi, January 1, 2012)

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe