CHITSAUKO 13
Ndingaita Sei Zviri Nani Kuchikoro?
FUNGIDZIRA kuti uri pakati pesango rine rima, rizere miti yakarukana. Chiedza chose chezuva chakavharwa nemapazi emiti. Haukwanisi kufamba sezvo wakapoteredzwa nemiti. Kuti ubudemo, unofanira kutema miti yacho nebhemba.
Vamwe vangati zvavanosangana nazvo kuchikoro zvakafanana nezvarondedzerwa pamusoro apa. Uyezve, unoswera zuva rose mukirasi uye manheru ose unenge wakabatikana nehomuweki. Ndiwo manzwiro aunoita here? Pamutsetse uri pasi apa, nyora kuti chidzidzo chipi chokuchikoro chakanyanya kukuomera.
․․․․․
Zvichida vabereki vako nevadzidzisi vakakukurudzira kuti uwedzere kushanda nesimba pachidzidzo ichi. Kana zvakadaro, havasi kuedza kukuomesera! Vanongoda kuti uite zvose zvaunogona. Saka ungaitei kana zvaunokurudzirwa kuita zvichiita kuti ude kukanda mapfumo pasi? Pane matanho aunogona kutora kuti uvhure nzira yokuti ubude nayo musango racho. Ndeapi iwayo?
● Danho 1: Maonero akanaka okudzidza. Zvakaoma kuti ukurudzirwe kugona muchikoro kana usingafariri kudzidza. Saka edza kuona migumisiro yacho. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Munhu anorima anofanira kurima aine tariro uye munhu anopura anofanira kudaro aine tariro yokuzodyawo.”—1 VaKorinde 9:10.
Kuona kuti zvinokosha kushanda nesimba mune zvimwe zvidzidzo kungasava nyore. Nei? Nokuti iye zvino hazvisi zvidzidzo zvose zvaunoita zvingaita sezvinokosha. Kunyange zvakadaro, kudzidza zvidzidzo zvakasiyana-siyana kuchawedzera kunzwisisa kwaunoita nyika yakakupoteredza. Kuchakubatsira kuva “zvinhu zvose kuvanhu vemarudzi ose,” kuchikupa mano okutaura nevanhu vakasiyana-siyana. (1 VaKorinde 9:22) Kuchavandudzawo mano ako okufunga—unyanzvi huchakubatsira zvechokwadi munguva yemberi.
● Danho 2: Maonero akanaka ezvaunogona kuita. Chikoro chinogona kubudisa pachena zvipo zvako zvisiri pachena. Pauro akanyorera Timoti kuti: ‘Kuchidzira chipo chaMwari chiri mauri sezvinoitwa moto.’ (2 Timoti 1:6) Zviri pachena kuti Timoti akanga apiwa basa rinokosha muungano yechiKristu. Asi mano ake aakanga apiwa naMwari—“chipo” chake—aifanira kukudziridzwa kuitira kuti asangogara asingashandiswi. Chokwadi, Mwari haana kukupa zvakananga mano okugona muchikoro. Kunyange zvakadaro, une zvipo zvakasiyana nezvevamwe. Chikoro chingakubatsira kuti ukudziridze mano ausingazivi kuti unawo uye kukudziridza matsva.
Usarega mafungiro ako asina kururama achikufoirisa nokungofunga kuti haukwanisi kuvandudza. Paunenge uchinetseka nepfungwa dzokuti haugoni, dzitsive nepfungwa dzinokurudzira. Somuenzaniso, vanhu pavakatsoropodza zvisiri izvo mano aPauro okutaura, akapindura achiti: “Kunyange zvazvo ndingasava nyanzvi pakutaura, chokwadi handina kudaro pazivo.” (2 VaKorinde 10:10; 11:6) Pauro aiziva zvakanga zvakamuomera. Asi aiziwo zvaaigona kunyatsoita.
Ko iwe? Zvinhu zvipi zvaunogona kunyatsoita? Kana usingagoni kufunga nezvazvo, wadii kubvunza mumwe munhu mukuru anogona kukubatsira? Shamwari yakadaro inogona kukubatsira kuti uzive zvaunogona uye wonyatsozvishandisa.
● Danho 3: Tsika dzakanaka dzokudzidza. Haugoni kupasa chikoro kana usingashandi nesimba. Unotofanira kuverenga. Chokwadi, ungasafarira kunzwa shoko iroro. Zvisinei, kuverenga kunobatsira. Kutaura zvazviri, kana ukashanda nesimba, uchaona kuchinakidza.
Zvisinei, kuti uve netsika dzakanaka dzokudzidza, unofanira kuronga nguva yako. Yeuka kuti, paunenge uri kuchikoro, kuverenga kunofanira kuva panzvimbo yokutanga. Chokwadi, Bhaibheri rinoti pane “nguva yokuseka” ne“nguva yokusvetuka-svetuka.” (Muparidzi 3:1, 4; 11:9) Saka kufanana nevechiduku vakawanda, ungangoda kuronga nguva yokutamba.a Asi Muparidzi 11:4 inonyevera kuti: “Munhu anotarira mhepo haazodyari mbeu; uye uya anotarira makore haazokohwi.” Unodzidzei? Kudzidza pamberi, kutamba mumashure. Usanetseke—zvose unogona kuzviwanira nguva!
Rubatsiro Pakuita Homuweki Yako
Zvisinei, ko kana homuweki yakakuwandira? Ungangonzwa sezvakaita Sandrine ane makore 17, uyo akati: “Ndinopedza maawa maviri kusvika kumatatu usiku ndichiita homuweki, uye ndinoiitawo pakupera kwevhiki.” Ungaita sei kana yakakuwandira? Edza mazano ari papeji 119.
Kuvhura Nzira
Nezvenyaya dzine chokuita nokufambira mberi mune zvokunamata, Pauro akanyorera Timoti kuti: “Isa pfungwa dzako dzose, simba rako rose, pazvinhu izvi, kuti kufambira mberi kwako kuonekwe nevanhu vose.” (1 Timoti 4:15, Phillips) Saizvozvowo, kana ukashingairira, kufambira mberi kwako mune zvedzidzo kuchaoneka.
Chimbofunga muenzaniso wataurwa kwokutanga kwechitsauko chino. Kana uri pakati pesango rizere miti yakarukana, ungada chokushandisa chakakodzera—bhemba—kuti uvhure nzira yokubuda nayo. Ndizvowo nechikoro. Pane kuti unzwe uchiremerwa nezvaunorayirwa nevabereki vako nevadzidzisi, shandisa matanho matatu akurukurwa muchitsauko chino kuti ubudirire muchikoro. Paunovandudzika, uchafara kuti wakaashandisa!
VERENGA ZVAKAWANDA NEZVENYAYA IYI MUBHUKU 1, CHITSAUKO 18
Kuwedzera pazvinetso zvose zvokuchikoro zvauinazvo, iye zvino uri kunetswa. Ungaita sei?
[Mashoko Omuzasi]
RUGWARO RUNOBUDISA PFUNGWA HURU
“Munhu anotarira mhepo haazodyari mbeu; uye uya anotarira makore haazokohwi.”—Muparidzi 11:4.
ZANO
Paunenge uchiverenga, tanga kuongorora muchidimbu zvauri kuda kudzidza, uchiona pfungwa yezviri kutaurwa. Zvadaro, edza kufunga mibvunzo ingapindurwa nemisoro mikuru. Chiverenga zvauri kuda kudzidza, uchitsvaka mhinduro dzacho. Pakupedzisira, ona kana ungayeuka zvaunenge waverenga.
WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?
Kubiridzira kungaita kuti usavimbwa uyewo kungakanganisa kufambira mberi kwako pakudzidza. Kupfuura zvose, kunokanganisa ukama hwako naMwari.—Zvirevo 11:1.
ZVANDINORONGA KUITA!
Paripoti rangu rinotevera, ndinoda kuwana ․․․․․ muchidzi- dzo chinotevera: ․․․․․
Ndichaedza kuita zviri nani muchidzidzo ichocho nokuita zvinotevera: ․․․․․
Izvi ndizvo zvandingada kubvunza vabereki vangu nezvenya- ya iyi ․․․․․
UNOFUNGEI?
● Nei uchifanira kushingaira muzvidzidzo zvako zvokuchikoro?
● Ipurogiramu ipi yokuverenga kana kuti yokuita homuweki yaunoona ichiita kwauri?
● Kumba kwenyu, ndeipi nzvimbo yakanakisisa kuti uitire homuweki yako uye kuti uverenge?
● Ungaita sei kuti zvinhu zvokuzvivaraidza nazvo zvisakanganisa kubudirira kwako muchikoro?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 117]
“Ndinozviona zvichiitwa nevamwe vezera rangu. Tsika dzokudzidza dzavaiva nadzo kuchikoro dzinoonekwawo pazvinhu zvavanoita pakunamata. Vaya vakanga vasingadi kuverenga kuchikoro vakanga vasingafaririwo kudzidza Bhaibheri vari voga.’’—Sylvie
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 119]
Tsvaka nzvimbo yokuverengera. Haifaniri kuva nezvinhu zvinodzonyongedza. Kana zvichiita shandisa dhesiki. Usabatidza TV.
Isa zvinokosha pakutanga. Sezvo dzidzo yako ichikosha, tsunga kuti usambobatidza TV kusvikira wapedza homuweki yako.
Usaverengera. Iva nepurogiramu isingachinji yokuita homuweki uye omerera pairi.
Ronga. Ronga kuti ndezvipi zvauchaita pakutanga, pechipiri, zvichingodaro. Zvinyore papepa uye chimwe nechimwe chiine nguva yacho. Kanzura zvaunenge wapedza.
Pota uchizorora. Kana pfungwa dzako dzaneta, imbozorora zvishoma. Asi dzokera pahomuweki yako nokukurumidza sezvingabvira.
Iva nechivimbo. Yeuka kuti musiyano uripo pakati pomudzidzi anogona neasingagoni unowanzova nechokuita nokushanda zvakaoma pane kuva nenjere. Unogona kubudirira muzvidzidzo zvako zvokuchikoro. Shanda nesimba uye uchawana mubayiro wacho.
[Mufananidzo uri papeji 116]
Kubudirira muchikoro kungafananidzwa nokuvhura nzira musango rizere miti yakarukana—asi zvose zvinoita kana uine zvokushandisa zvakakodzera