Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Neiko Ndichifanira Kufunda Zvakasimba Muchikoro?
‘Zvizhinjisa zvezvatinodzidza muchikoro zvinongova hazvo zvokutaura. Hakuna nechimwe chazvo chinoshanda chaizvoizvo.’
‘Basa rinoitirwa kumba harindifadzi. Ndinofarira zvikuru zvimwe zvinhu, zvakafanana nemitambo uye kuenda kunofara neshamwari dzangu.’
‘Ndinoziva kuti ndichapinda muushumiri hwenguva yakazara, naizvozvo neiko ndingashanda zvakasimba muchikoro?’
TSINHIRO dzakafanana neidzi dzinowanzoitwa nepwere apo dzinotaura nezvechikoro nebasa rinoitirwa kumba. Zvichida unogoverana mifungo yavo.
Sezvinobvumwa, vapiwa chisarudzo pakati pefundo nevaraidzo, pwere zvizhinjisa zvimwe dzaizosarudza chapashure. Dzimwe dzingatoshuva kuti dai vaisatongodikanirwa kufunda. Havakoshesi kudzidza zvakakomba; havagoni kufungidzira musiano wakuchaita muupenyu hwavo. Pane rumwe rutivi, zvichida iwe uri mumwe anoda kubudirira muchikoro asi une mbavarira duku nokuda kwebasa rako rechikoro. ‘Handisiri zvangu rudzi rwokupa ngwariro,’ unofunga kudaro.
Chipi kana chipi chiri kunzwa kwako, fariro, kana kuti mano, unogona kubudirira muchikoro. Asi unofanira kusundwa kuita kudaro. Uye kunzvera betsero dzingauya kwauri kana ukafunda nesimba kungangowedzera sundo yako chaiyo.
Kushanda Kwouropi
Zvizhinji zvezvaunofunda muchikoro zvingasaratidzika zvino kuva zvinoshanda muupenyu hwako. Kutoti kana uri kurongedzera basa somusayendisiti, sezvingabvira uchava nokushandisa kushoma munguva yemberi kwamashomhu ephysics ayo mudzidzisi wako angave akaita kuti udzidze. Uyezve, kazhinji kazhinji hakusiri kuti somunhu mukuru zuva nezuva uchada kushandisa mashoko echiito kana kuti kuita mativi eisosceles triangle. ‘Naizvozvo, kufundirei zvose izvozvo?’ unobvunza kudaro.
Kutanga, chikoro chinokugovera banza rokuwana zivowo zvayo yakanaka yenhau dzakawanda dzakasiana-siana, dzakadai sehistory, literature, sayenzi, geography, uye mashomhu. Uhu hwaro hwakafara hwezivo huchakudziridza kunzwisisa kwako nyika yakakupota uye kuchaumba hwaro uhwo mashoko chaiwo akawanda anogona kuwedzera pahuri. “Kune anonzwisisa zivo chinhu chiri nyore,” inodaro Zvirevo 14:6, NW.
Mubhuku rinonzi Savoir étudier (Kuziva Nzira Yokufunda Nayo), Robert Bosquet anopfuurira kutsanangura kuti bviro yendangariro yokudzidza “inofanira kuwanwa nenzira inofambira mberi ndokuiswa munhevedzo inoshanda.” Iye anowedzera, kuti: “Kunozivikanwa navose kuti nyanzvi yemitambo ichawana bedzi miuyo yayo yakanakisisa pashure penhambo refu yokurovedza umo anowanwa mutoo wokushandisa nawo mano ake zvakazara. . . . Kuziva nzira yokufunda nayo kunongova kuti: kushandisa bviro yako yakazara, kuwana miuyo yakanakisisa, pamwe chete nenguva shoma nenhamburiko.”
Basa rinoitirwa kumba naizvozvo ringanzi kushanda kwouropi. “Uropi . . . ikochekedzano hurusa yakabatanidzwa pamwe chete,” rinodaro bhuku rinonzi How to Study, “uye apo hunova hwakanyanyooma zvikuru kunzwisisa uye hwakabatanidzwa ndipo pahunoshanda nenzira inobudirira zvikuru.” Migove yechikoro inogona kukubetsera kuvandudza mano ako okupa ngwariro, okurangarira, okuziva nomusoro, okukamuranisa chinetso, uye kuwana mhedziso dzine mufungo.
Kukura Kwendangariro Nokwomudzimu
Makore ako echikoro inguvawo yokukura mundangariro nomumudzimu. Uri kukudziridza miitiro nezvimiro izvo kumwero mukuru zvichasarudza rudzi rwomunhu mukuru rwauchava. Uchava anoshanda zvakasimba, anoshingaira, anozviranga, uye anokwanisa—mumwe uyo mushandirwi angada kupinza basa here? Kuzvirovedza umene iye zvino kuva nemiitiro yakanaka yebasa neyokufunda kuchava nebetsero dzoupenyu hwose. (Enzanisa naZvirevo 22:6.) Pakati pezvimwe zvinhu, kungava netapuro hurusa panguva yako yemberi yezvemari nekariro dzebasa. Mabhizimisi mazhinji anoshandisa chinyorwa chomunhu chezvaakaita kuchikoro sechiratidzo chebviro yebasa yomunguva yemberi yomukumbiri.
Miitiro yako yokufunda inotapurawo kukura kwako mumudzimu. Jesu akadzidzisa kuti munhu anofanira kunamata Mwari “nomwoyo [wake] wose.” (Marko 12:30) Ikoku kunoreva kuti vabatiri vaMwari, vaduku navakuru, vanofanira kushandisa ndangariro dzavo nesimba kuti vapinze zivo iyo Jehovha anoita kuti iwanikwe kwavari uye kunzwisisa nzira yokuishandisa nayo muupenyu hwavo.—Johane 17:3; 1 Timotio 4:7.
“Ndinokuona mune dzimwe pwere dzezera rangu,” anotaura kudaro Sylvie, mudzimai muduku muFrance. “Miitiro yokufunda yavaiva nayo muchikoro yakapfuurira kumiitiro yavo yefundo yomunhu oga muzvinhu zvomudzimu. Avo vasina kudzidza kuda kufunda kuchikoro havana kufarirawo fundo yomunhu oga yeBhaibheri.” Zvirevo 10:4 (NW), inoti: “Uyo anoshanda nousimbe achawana zvishoma, asi ruoko rwounoshingaira ndirwo ruchamupfumisa.” Ikoku kwakabvumikisa kuva kwechokwadi naSylvie mupfungwa yomudzimu. Miitiro yake yakanaka yokufunda yakaita kuti kumuitire nyore kukudza kunzwisisa kwake Bhaibheri. Ikoku kwakamugadzirira nokuda kwebasa rake somuevhangeri wenguva yakazara.—Enzanisa nePisarema 1:2, 3.
Dzidza Nzira Yokufunda Nayo
Asi zvakadiniko kana usati uchikombamira kukufunda? Ziva kuti musiano mukuru uri pakati pomudzidzi akanaka nomudzidzi asina kutsarukana kazhinji kazhinji rushingairo—kwete ungwaru. “Ndakanga ndisina mano omuzvarirwo akawanda kufanana navamwe vadzidzi,” anobvuma kudaro Sylvie. “Kuti ndiite zvakanaka muchikoro, ndaitofanira chaizvoizvo kushanda uye kushanda bedzi kuti ndiwane mamakisi akanaka.” Kunyange zvazvo chikoro chakanga chisiri nyore nokuda kwake, Sylvie akaita nhamburiko dzokushingaira; akadzidza kwete bedzi nzira yokufunda nayo asiwo nzira yokukufarikanya nayo. “Nemhaka yokuti wakava muitiro,” iye anoti, “rakanga risati richiva basa rakakura zvakadaro kufunda kana kuti kunzvera nhau. Ndakadzidza kukuita nenzira yomuzvarirwo.”
Mubhuku rake rinonzi How to study, Harry Maddox anoti: “Mano bedzi haana kuringana. Vadzidzi vakawanda vakangwara zvikuru vanokundikana . . . nemhaka yokuti vanoita basa risina kukwana, kana kuti nemhaka yokuti havana kutongodzidza nzira yokufunda nayo inobudirira.” Iye anowedzera, kuti: “Mitoo inobudirira yokufunda inofanira kudzidzwa kwete bedzi nokuda kwamadonzo ako okufunda, asi nemhaka yokuti miitiro yako yebasa ichava newe upenyu hwako hwose.”
Vanhu kazhinji kazhinji vanofarikanya kuita zvinhu zvavanoita zvakanaka—uye vanokombamira kudzivisa zvinhu zvavanoita zvakashata. Zvichida haudi basa rechikoro, ipapo, imhaka yokuti hausati watanga unyanzvi hwako hwokufunda zvakanaka kuita kuti basa rako rive rinofadza. Kana zvakadaro, kuregererei kunangidzira ngwariro pakudzidza nzira yokufunda nayo? Mashoko anobetsera anopiwa muganhuro 18 rebhuku rinonzi Questions Young People Ask—Answers That Work.a
Tarira Mberi Kwamakore Ako Echikoro
Vadzidzi vakawanda vanoregeredza zvifundo zvavo nemhaka bedzi yokuti vaizova vachiita chimwe chinhuwo zvacho—chakadai sokufara. Asi Zvirevo 21:17 (NW), inonyevera, kuti: “Iye anoda zvinofadza achava munhu anoshaiwa.” Varaidzo nezororo zvine nzvimbo yazvo. (Muparidzi 3:1, 4) Zvisinei, apo unenge uri muchikoro, kufunda kunofanira kuva chimwe chezvinhu zvako zvokutanga. Miuyo yauchawana ichasarudzwa nenzira yakakura noukuru hwenhamburiko yaunodisa kuratidzira. “Kupfurikidza norudzi ruri rwose rwokushanda nesimba panova betsero,” inodaro Zvirevo 14:23, NW.
Ikoku hakusati kuchireva kuti uchada hako mugove uri wose wekirasi kana kuti wechikoro waunogamuchira. Asi unogona kuedza kuona dzidzo yako senzira yakananga kumugumo—kuwana zivo nounyanzvi zvichakubetsera kurarama upenyu hunoshanda nohune miuyo. Chokwadika, zvinodikanwa zvedzidzo nemigariro yemari zvinosiana zvikuru munyika nenyika. Kunyange zvakadaro, vanhu vaduku vakawanda vanosiya chikoro vasina kuwana kunyange unyanzvi hukurusa hwokudzidza hwehwaro; vanozviwana vamene vasina kugadzirira kana kuti vasingakwanirisi nokuda kwamarudzi mazhinjisa ebasa. Uye neiko? Nemhaka yokuti havana kuzvishandisa vamene vachiri muchikoro.
Usawira mune uyu musungo! Tarira mberi kwamakore ako echikoro ndokuronga kuva anokwanisa kuzvitsigira umene pashure pokunge wasiya chikoro. Rimwe zuva ungasanova nomutoro wokugovera mhuri. (1 Timotio 5:8; enzanisa naZvirevo 24:27.) Kufanana nepwere zhinji dziri pakati peZvapupu zvaJehovha, iwewo ungava uri kuronga basa somuevhangeri wenguva yakazara. Uchatofanira kuzvitsigira umene uye zvichida kunyange mhuri. Naizvozvo funga nezvenguva yemberi. Pamberi zvikuru pakupedza kufunda, edza kuwana kuti marudzii ebasa renguva isina kuzara anowanikwa kwaunogara. Kuzvishandisa umene kubasa rako rechikoro kunogona kukubetsera kukudziridza unyanzvi huri madikanwa hwokuwana mabasa akadaro.
Dzipi kana dzipi dziri rongedzero dzako dzomunguva yemberi, kune mufungo kufunda zvakasimba muchikoro. Aiwa, ungasava zvako uri pamusoro pekirasi yako. Asi unogona kudzidza kuda kudzidza. Pari zvino, unogona kukudziridza zivo, unyanzvi, uye miitiro ichakubetsera muupenyu hwako hwose.
[Mashoko Omuzasi]
a Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
[Mufananidzo uri papeji 24]
Unyanzvi hwokudzidza hwaunowana uchiri pachikoro huchakubetsera muupenyu hwako hwose