CHIKAMU 4
Chikoro Uye Vezera Rako
Unoona zvakaoma here kuti ungopasa zvimwe zvidzidzo?
□ Hungu
□ Kwete
Wakambotyisidzirwa here kana kuti wakambonetswa mune zvepabonde kuchikoro?
□ Hungu
□ Kwete
Unombonzwa uchida kubatana nevezera rako pakuita misikanzwa here?
□ Hungu
□ Kwete
Ungati, ‘Kana ndikakwanisa kupedza chikoro zvakanaka, ndinogona kukunda chero chinhu!’ Uye mashoko aya angava echokwadi. Zvechokwadi, zvaunosangana nazvo kuchikoro zvinoedza kusimba kwakaita mafungiro ako, manzwiro ako uye manamatiro ako. Ungawana sei dzidzo yakanaka asi usingasvibiswi nemafungiro akaipa evamwe vezera rako? Zvitsauko 13-17 zvichakubatsira kuti uwane unyanzvi hwaunoda.
[Mufananidzo unozadza peji yose uri papeji 112, 113]