RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • be chidzidzo 52 p. 265-p. 267 ndim. 3
  • Kukurudzira Zvinobudirira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kukurudzira Zvinobudirira
  • Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Mashoko Akafanana
  • Shingaira Kuparidza!
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
  • Rudo Rwouhama Runoshingaira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • ‘Kupa Zano Pahwaro Hworudo’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Pfungwa Huru Dzatinowana Mutsamba Dzakanyorerwa Tito, Firimoni, Uye VaHebheru
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
Ona Zvimwe
Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
be chidzidzo 52 p. 265-p. 267 ndim. 3

CHIDZIDZO 52

Kukurudzira Zvinobudirira

Unofanira kuitei?

Kurudzira vamwe kuita chimwe chinhu nokutaura zvinogutsa kana kuti nezano rinobva kwavanoremekedza. Izvi zvinoda kutaura nomwoyo wose.

Nei zvichikosha?

Kukurudzira zvinobudirira kunoita kuti vamwe vaone kudiwa kwokukurumidza kutevera nzira inokomborerwa naJehovha.

VAKURU vechiKristu vanofanira kukwanisa “kurayira nokudzidzisa kunopa utano.” (Tito 1:9) Padzimwe nguva izvi zvinofanira kuitwa mumamiriro ezvinhu akaoma kwazvo. Zvinokosha kupa zano rinopindirana nezvinotaura Magwaro. Saka vakuru vanofanira kuteerera nyevero yokuti: “Ramba uchishingaira . . . kurayira.” (1 Tim. 4:13) Kunyange zvazvo kukurukura kwedu pano kwakanyanya kunanga kuvakuru kana kuti vaya vari kuvavarira kuti vawane ropafadzo iyi, pane nguva apo vabereki vanofanira kukurudzira vana vavo kana kuti vaya vari kuitisa zvidzidzo zveBhaibheri pavanofanira kukurudzira vadzidzi vavo veBhaibheri. Muzviitiko zvakadaro, nhungamiro yakafanana ichashanda.

Mamiriro Ezvinhu Anoda Kukurudzira. Kuti uone panenge pachidiwa kukurudzira, zvinobatsira kuongorora zvinhu zvakanyorwa muBhaibheri apo kukurudzira kwakaitwa. Muapostora Petro akakurudzira vakuru kuzvichenjerera pamabasa avo sevafudzi veboka raMwari. (1 Pet. 5:1, 2) Pauro akanyevera Tito kurayira varume vaduku kuti “vave nepfungwa dzakanaka.” (Tito 2:6) Pauro akarayira vaKristu vaainamata navo kuti ‘vataure vachibvumirana’ uye kuti vasiyane nevaya vanoda kukonzera mapoka pakati pehama. (1 VaK. 1:10; VaR. 16:17; VaF. 4:2) Kunyange zvazvo Pauro akarumbidza vaiva muungano yeTesaronika pane zvakanaka zvavaiita, akavakurudzira kushandisa zvakazara murayiro wavakanga vapiwa. (1 VaT. 4:1, 10) Petro akakurudzira vaKristu vaainamata navo kuti ‘varambe vachirega kuchiva kwenyama.’ (1 Pet. 2:11) Judha akakurudzira hama dzake kuti dzi“rwire kwazvo kutenda” pamusana pezvaiitwa nevanhu vaisada Mwari vaiita zvounzenza. (Jud. 3, 4) VaKristu vose zvavo vakarayirwa kukurudzirana kuti pasave neaizoomeswa mwoyo nesimba rokunyengera rechivi. (VaH. 3:13) Petro akakurudzira vaJudha vakanga vasati vatenda muna Kristu achiti: “Poneswai pachizvarwa chino chakakombama.”—Mab. 2:40.

Ndezvipi zvinodiwa kuti ukurudzire zvine simba muzviitiko zvakadaro? Anenge achikurudzira angaita sei kuti kuteterera kwake kuve kunokosha asingadzvinyiriri kana kuva nehasha?

“Nokuda Kworudo.” Kana kukurudzira kwedu kusingaitwi “nokuda kworudo,” kunganzwika sokwakanyanyisa. (Fir. 9) Ichokwadi kuti kana chiito chokukurumidza chichidiwa, matauriro omukurukuri anofanira kuratidza kudiwa kwokukurumidzira. Kukurukura kwakanyorovera kungatoita sokuti uri kukumbira ruregerero. Asiwo, kuteterera kwacho kunofanira kuitwa nomwoyo wose uye uchinzwira vamwe mutsa. Kuteterera kworudo kunowanzokurudzira vateereri. Paaitaura nezvake uye nezveshamwari dzake, Pauro akaudza vaTesaronika kuti: “Munonyatsoziva kuti sezvinoitira baba vana vavo, takaramba tichirayira sei mumwe nomumwe wenyu.” (1 VaT. 2:11) Vatariri vechiKristu ivavo vakateterera hama norudo. Zvaunotaura ngazvibve pakuva nehanya kwako nevateereri vako.

Chenjerera. Usatsamwisa vaya vauri kuedza kukurudzira kuti vave nezvavanoita. Asiwo usarega kuudza vateereri vako “zvose zvinodiwa zvaMwari.” (Mab. 20:27) Vaya vanoonga havagumburwi kana kukuda zvishoma nokuti wavakurudzira nomutsa kuita zvakanaka.—Pis. 141:5.

Zvinowanzobatsira kutanga mashoko okukurudzira nokurumbidza kwakananga kwechokwadi. Funga nezvezvinhu zvakanaka zviri kuitwa nehama dzako—zvinhu izvo Jehovha anofanira kunge achifadzwa nazvo: kutenda kunoratidzwa nebasa ravo, rudo runovaita kuti vashingaire, uye kutsungirira kwavo pavanotarisana nezvinhu zvinoedza. (1 VaT. 1:2-8; 2 VaT. 1:3-5) Izvi zvichabatsira hama dzako kunzwa kuti dzinokosheswa uye dzinonzwisiswa, uye zvichaita kuti dzide kuteerera kuteterera kunotevera.

“Nemwoyo Murefu Wose.” Kukurudzira kunofanira kuitwa “nemwoyo murefu wose.” (2 Tim. 4:2) Izvi zvinodei? Mwoyo murefu unosanganisa kushivirira zvakaipa kana kuti kudenhwa. Munhu ane mwoyo murefu anoramba ane tariro yokuti vateereri vake vachashandisa zvaari kutaura. Kukurudzira nenzira iyi kuchaita kuti vateereri vako vasafunga kuti unovafungira zvakaipa. Chivimbo chako chokuti hama nehanzvadzi dzako dzinoda kushumira Jehovha nepose padzinogona napo chichaita kuti dzide kuita zvakarurama.—VaH. 6:9.

“Nokudzidzisa Kunopa Utano.” Mukuru anga“rayira nokudzidzisa kunopa utano” sei? Noku“batisisa shoko rakatendeka pamusoro pounyanzvi hwake hwokudzidzisa.” (Tito 1:9) Pane kutaura zvaunofunga, ita kuti Shoko raMwari rive simba rezvaunovakumbira. Bhaibheri ngariumbe maonero ako ezvinofanira kutaurwa. Taura kubatsira kunoita kushandisa zvinotaura Bhaibheri panyaya iri kutaurwa. Nyatsofunga nezvengozi dziripo—zvino uye munguva yemberi—dzokusaita maererano neShoko raMwari, uye shandisa izvi kuti vateereri vako vabvume kudiwa kwokuita chimwe chinhu.

Iva nechokwadi chokuti unotsanangurira vateereri vako zvakajeka zvavanofanira kuita uye maitiro avanofanira kuzviita. Ngazvijeke kuti zvauri kutaura zviri kubva muMagwaro. Kana Magwaro achibvumira rusununguko rwakati pazvose zvinofanira kusarudzwa, jekesa kuti rusununguko irworwo runosvika papi. Zvadaro pakugumisa kwako, nyatsoteterera zvichasimbisa vateereri vako kutsunga kuita chimwe chinhu.

‘Norusununguko Rwokutaura.’ Kuti munhu akurudzire vamwe nenzira inobatsira, anofanira kuva ‘norusununguko rwokutaura pakutenda.’ (1 Tim. 3:13) Chii chinoita kuti munhu ataure akasununguka? Kana ane “muenzaniso wemabasa akanaka kwazvo,” unopindirana nezvaari kukurudzira kuti hama dzake dziite. (Tito 2:6, 7; 1 Pet. 5:3) Kana zvakadaro, vaya vari kukurudzirwa kuita chimwe chinhu vachaona kuti ari kuvakurudzira wacho haavatarisiri kuita zvaasingaiti iye. Vachaona kuti vanogona kutevedzera kutenda kwake iye sezvaanoedza kutevedzera Kristu.—1 VaK. 11:1; VaF. 3:17.

Kukurudzira kunobva muShoko raMwari uye kunopiwa norudo kunogona kubatsira pazvizhinji. Vaya vanopiwa mutoro wokukurudzira zvakadaro vanofanira kushanda nesimba kuti vazviite zvakanaka.—VaR. 12:8.

MAITIRWO AZVO

  • Iva norudo nomwoyo murefu, uye taura nomwoyo wose.

  • Kukurudzira kwako ngakubve muShoko raMwari chete chete.

  • Tsigira kukurudzira kwako nokuva muenzaniso wakanaka.

BASA ROKUITA: Verenga tsamba yomuapostora Pauro kuna Firimoni. Tarisa zvinhu izvi: (1) kurumbidza kwoushamwari, (2) chikonzero chinoshandiswa naPauro pakuteterera achikumbirira Onesimo, (3) chikonzero chinopiwa chokuti Firimoni aone kutambira kwaanofanira kuita muranda wake ari kudzoka, uye (4) chivimbo chaPauro chokuti Firimoni achaita zvakanaka. Funga kuti ungatevedzera sei izvi pakukurudzira.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe