CHIDZIDZO 51
Yakurukurwa Munguva, Yaenzanirana Zvikamu Zvose
KUNYANGE zvazvo kusimbisa kukuru kuchifanira kuiswa pakunaka kwokudzidzisa kwako, kufambirana nenguva pahurukuro dzako kunofanira kuchenjererwawo. Misangano yedu inofanira kutanga ndokupera nenguva dzakarongwa. Kuita izvi kunoda kushandira pamwe kwevanhu vose vane zvokuita papurogiramu yacho.
Munguva inotaurwa muBhaibheri, maonerwo aiitwa upenyu nevanhu asiyana zvikuru neanhasi munzvimbo zhinji. Nguva yaisataurwa yakanyatsoti kwesere asi kungoti “inenge awa yechitatu” kana kuti “awa inenge yegumi.” (Mat. 20:3-6; Joh. 1:39) Vanhu vaisawanzonetseka pamusoro pokuchengeta nguva chaiyoiyo pakuita mabasa ezuva nezuva. Mune dzimwe nzvimbo munyika nhasi, nguva inoonwa zvakadaro.
Zvisinei, kunyange zvazvo tsika dzomunzvimbo imomo kana kuti zvinodiwa nomunhu zvingaita kuti vanhu vadekare zvavo panyaya yenguva, tinogona kubatsirwa nokudzidza kuichengeta. Vanhu vanoverengeka pavanenge vane zvikamu zvepapurogiramu, vanofanira kufunga nezvenguva yechikamu chimwe nechimwe. Nhungamiro yokuti “zvinhu zvose ngazviitike nenzira yakafanira uye nokurongeka” inogona kushandiswa zvakanaka-naka pakuchengeta nguva yehurukuro dzepamisangano.—1 VaK. 14:40.
Kugona Kuchengeta Nguva Zvakanaka. Kugadzirira ndicho chinhu chinokosha. Kazhinji vakurukuri vanonetseka nokuchengeta nguva vanenge vakundikana kugadzirira zvakakwana. Vangave vachinyanyozvivimba. Kana kuti vanozogadzirira nguva yapera. Kuchengeta nguva zvakanaka kunotanga nokuonga kuti wapiwa hurukuro uye kuda kuigadzirira zvakanaka.
Yako ihurukuro yokuverenga here? Tanga wambodzokorora Zvidzidzo 4 kusvika ku7, zvinotaura nezvokudedemura, kumbomira, kusimbisa pfungwa, uye kusimbisa pfungwa huru. Zvadaro shandisa zano racho uchiverenga zvinonzwika mashoko awakapiwa. Tarisa kuti uri kuita nguva yakadini. Unofanira kuwedzera kukurumidza pakuverenga kwako kuti upedze nenguva here? Kurumidza pazvikamu zvisinganyanyokoshi, asi ramba uchimbomira uye uchinonokera kuti usimbise pfungwa dzinokosha. Ramba uchidzidzira. Kuverenga uchiita zvokudedemura zvakunowedzera, zvichava nyore kudzora nguva yako.
Uchataura uchishandisa zvakanyorwa here? Hazvidikanwi hazvo kuti unyore zvizhinji—kuita sezvinonzi ihurukuro yokuverenga—uchiitira kuti uzochengeta nguva. Pakushandira pa Chidzidzo 25, wakadzidza nzira iri nani. Usakanganwe zvinhu zvishanu izvi: (1) Gadzirira mashoko akanaka, asi kwete akanyanyowanda. (2) Pfungwa huru ngadzijeke mumusoro mako, asi usadzidzire nomusoro zvirevo zvakazara. (3) Maka papepa rako rehurukuro nguva yaunoda kuzopedzera pachikamu chimwe nechimwe chehurukuro yako kana kuti inguva yakareba zvakadini inenge yapera paunosvika pane zvimwe zvikamu. (4) Pakugadzirira, funga kuti ndezvipi zvinofanira kuzosiyiwa kana ukaona kuti wava kupererwa nenguva. (5) Dzidzira kukurukura kwako.
Kudzokorora uchidzidzira kunokosha. Sezvaunodzokorora, tarisa nguva yechikamu chimwe nechimwe. Ramba uchidzokorora kusvikira hurukuro yako yose yave kukwana munguva yayo. Usaedza kumanikidzira mashoko akawanda. Ita kuti usare une nguva shomanana nokuti kukurukura hurukuro yako pamberi pevateereri kungatora nguva yakati wandei kupfuura paunenge uchidzidzira uri woga.
Kuti Zvikamu Zvienzanirane. Kuchengeta nguva kunofambidzana zvikuru nokukamura zvakakodzera zvikamu zvehurukuro. Nguva yakawanda inofanira kupedzerwa pakukurukura mutumbi wehurukuro. Mauri ndimo mune mirayiridzo inokosha. Sumo inofanira kunge yakangoreba zvokupedza zvinangwa zvitatu zvinotaurwa mu Chidzidzo 38. Mutumbi haufaniri kunyanyoreba zvokuti hapana nguva yokunyatsogumisa zvinobudirira, maererano ne Chidzidzo 39.
Kuedza kwako kuchengeta nguva kuchaguma nehurukuro yakanaka uye kucharatidza kuti unoremekedza vamwe vane zvikamu papurogiramu uye ungano yose.