Shingaira Kuparidza!
1. Pauro akakurudzira chii chatinofanira kufunga nezvacho?
1 “Paridza shoko, shingaira kuriparidza.” (2 Tim. 4:2) Nei kukurudzira kwaPauro kuchikosha chaizvo munguva yedu? Mashoko aya angaitei paupenyu hwedu nehwevamwe?
2. Nei tichishingaira kutsvaka vaya vasati vanzwa mashoko akanaka?
2 Kune Chokuita Noupenyu: Mamiriyoni evanhu munyika yose havasati vanzwa mashoko akanaka ayo angazoita kuti vapone. (VaR. 10:13-15; 1 Tim. 4:16) Vanhu vakawanda vane mwoyo inoda zvakarurama vari kuwanikwa mundima dzinogara dzichishandwa. Kana tikashanya pazuva rakasiyana kana kuti pane imwe nguva yakasiyana, tingawana munhu watisina kumboonana naye. Kushingaira kutsvaka vanhu kwakadaro kuchatisiya tiine hana yakanaka uye tisina mhaka yeropa.—Mab. 20:26.
3. Tingashandisa sei nguva yedu nokuchenjera patinenge tiri muushumiri?
3 Pasinei nokuti vaiitirwa chisimba, vaKristu vemuzana remakore rokutanga ‘vakazadza Jerusarema nokudzidzisa kwavo.’ (Mab. 5:28) Isu takatsunga saizvozvowo here kuti ‘tipupure kwazvo’? (Mab. 10:42) Patinenge tiri muushumiri, tinoshandisa nguva nokuchenjera here? Kana takamirira vamwe vachidzokerera, tinoshandisa nguva yacho kutanga kutaura nevanhu vanenge vachipfuura here?
4. Kushingaira pakuparidza kunotibatsira sei kuramba takarinda?
4 Kunoita Kuti Tinyanye Kusvinura: Kuguma kwemamiriro ezvinhu aripo zvino zvakwava pedyo, tinofanira kugara takasvinura, takarinda. (1 VaT. 5:1-6) Patinogara tichitaura nezvetariro yedu yeUmambo, tinodzivisa kuremerwa nezvinhu zvemamiriro ezvinhu aripo iye zvino. (Ruka 21:34-36) Uyewo, sezvatinoramba ti“chinyatsofunga” nezvezuva raJehovha, tinonzwa tichida kuwedzera basa redu rokuparidza rinoponesa upenyu.—2 Pet. 3:11, 12.
5. Kuremekedza upenyu kunotikurudzira sei muushumiri?
5 Patinoshingaira pakuparidza, tinoratidza maonero anoita Jehovha upenyu, okuti: “Hapana waanoda kuti aparadzwe asi anoda kuti vose vasvike pakupfidza.” (2 Pet. 3:9; Ezek. 33:11) Ngatitsungei kukurukura nevanhu vakawanda chaizvo vari mundima yedu, kuti Jehovha arumbidzwe!—Pis. 109:30.