RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • be chidzidzo 53 p. 268-p. 271 ndim. 1
  • Vateereri Vakurudzirwa uye Vasimbiswa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vateereri Vakurudzirwa uye Vasimbiswa
  • Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Mashoko Akafanana
  • ‘Rambai Muchikurudzirana Zuva Rimwe Nerimwe’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • Kutevedzera Jehovha—Mwari Anokurudzira Vanhu Vake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
  • Jehovha Achakupa Simba
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
  • Rambai “Muchivakana”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
Ona Zvimwe
Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
be chidzidzo 53 p. 268-p. 271 ndim. 1

CHIDZIDZO 53

Vateereri Vakurudzirwa uye Vasimbiswa

Unofanira kuitei?

Ipa tariro kana kuti ushingi kuvateereri vako. Vashingise uye vape simba.

Nei zvichikosha?

Vanhu vari kudzvinyirirwa zvikuru nezvinetso zvenyika. Vakawanda vanoodzwa mwoyo. Zvinotaurwa nomukurukuri uye matauriro aanozviita anochinja zvikuru vateereri vake.

PASINEI nematambudziko avanotarisana nawo, vashumiri vaMwari vanofanira kukwanisa kuwana kurudziro muungano yechiKristu. Kuti zvidaro, vakuru kunyanya, vanofanira kuva nechokwadi chokuti hurukuro uye mazano avo zvinokurudzira. Vakuru vanofanira kuratidza kuti vakaita “soutiziro pamhepo, sechivando pakunaya kukuru kwemvura, senzizi dzemvura panzvimbo yakawoma, somumvuri wedombo guru panyika yafa nenyota.”—Isa. 32:2.

Kana uri mukuru, hurukuro dzako dzinonyevenutsa mwoyo uye dzinozorodza here? Dzinoshingisa vaya vari kuedza kushumira Jehovha nokutendeka here? Dzinopa simba rokuomerera kuita kuda kwaMwari here pasinei nokusava neshungu kwevanhu kana kuti kushora? Zvakadini kana vamwe vevateereri vako vakaora mwoyo, vachitambura nokuremerwa nokushayiwa mari, kana kuti kurwisana nechirwere chakakomba chisina mushonga unozivikanwa? Unogona ‘kusimbisa hama dzako nemashoko omuromo wako.’—Job. 16:5.

Shandisa mukana waunawo somukurukuri kubatsira hama dzako kuwana tariro nesimba zvinobva kuna Jehovha uye ruyamuro rwaakapa.—VaR. 15:13; VaEf. 6:10.

Vayeuchidze Zvakaitwa naJehovha. Nzira inokosha yokupa ushingi nayo kuratidza kuti Jehovha akabatsira sei vanhu vake munguva dzakaoma munguva yakapfuura.—VaR. 15:4.

Jehovha akaudza Mosesi “kumutsa mwoyo” waJoshua uye “kumusimbisa” vaIsraeri vasati vapinda muNyika Yakapikirwa, iyo panguva iyoyo yaiva nemarudzi aivavenga. Mosesi akazviita sei? Joshua aripo, Mosesi akayeuchidza rudzi rwose nezvezvinhu izvo Jehovha akanga avaitira pavakabuda muIjipiti. (Dheut. 3:28; 7:18) Mosesi akadzokororawo kubatsirwa kwavakaitwa naJehovha kukunda vaAmori. Zvadaro, Mosesi akakurudzira Joshua achiti: “Simba, utsunge.” (Dheut. 31:1-8) Paunenge uchida kukurudzira hama dzako, unovabatsira kuwana simba nokuyeuka zvavakatoitirwa kare naJehovha here?

Pamwe vamwe vanoremerwa nezvinetso zvavo zvokuti havana chokwadi kana vachizombofa vakawana zvikomborero zvoUmambo. Vayeuchidze nezvokuvimbika kwezvipikirwa zvaJehovha.—Josh. 23:14.

Mune dzimwe nyika hama dzedu dzinotarisana nemitemo yehurumende inovarambidza kuparidza mashoko akanaka. Muzviitiko zvakadaro, vakuru vane rudo vanogona kubatsira vavanonamata navo kuwana simba muzvakaitika kuvaapostora vaJesu Kristu. (Mab. 4:1–5:42) Uye kutsanangura mafambisiro akaita Mwari zvinhu sezvakanyorwa mubhuku raEsteri kuchakurudzira hama kushinga.

Padzimwe nguva vamwe vanopinda misangano yeungano asi havafambiri mberi kupfuura ipapo. Vanofunga kuti Mwari haangambovakanganwiri nokuti mararamiro avo aimbova akaipa kwazvo. Pamwe ungarondedzera kuti Mwari akaita sei naMambo Manase. (2 Mak. 33:1-16) Kana kuti ungataura nezvevanhu vaiva muKorinde yekare vakachinja mararamiro avo, vakava vaKristu, uye vakanzi naMwari vava vakarurama.—1 VaK. 6:9-11.

Pane vamwe vanofunga kuti zvinetso zvavari kutarisana nazvo zvinoreva kuti Mwari haachavadi here? Ungavayeuchidza zvakaitika kuna Jobho uye kuti akazoropafadzwa zvikuru sei nokuti akanga aramba akavimbika kuna Jehovha. (Job. 1:1-22; 10:1; 42:12, 13; Pis. 34:19) Vanyaradzi venhema vaJobho vakanga vataura zvisizvo kuti Jobho anofanira kunge akanga aita chivi. (Job. 4:7, 8; 8:5, 6) Kusiyana neizvi, Pauro naBhanabhasi pavaisimbisa vadzidzi uye “vachivakurudzira kurambira mukutenda” vakati: “Tinofanira kupinda muumambo hwaMwari nomukutambudzika kwakawanda.” (Mab. 14:21, 22) Saizvozvowo nhasi, unogona kusimbisa vaya vari kuedzwa nokuvaratidza kuti kutsungirira mumuedzo kunodiwa kuvaKristu vose uye kunokosha zvikuru mumaziso aMwari.—Zvir. 27:11; Mat. 24:13; VaR. 5:3, 4; 2 Tim. 3:12.

Kurudzira vateereri vako kufunga nezvenzira idzo Jehovha akazadzisa nadzo zvipikirwa zvake muupenyu hwavo. Nokuyeuchidzwa zvishomanana, vangaona nzira iyo Jehovha akatovaitira chimwe chinhu, sezvaakapikira. Pana Pisarema 32:8 tinoverenga kuti: “Ndichakudzidzisa nokukurayira nzira yaunofanira kufamba nayo, ndichakupa njere neziso rangu, riri pamusoro pako.” Nokuyeuchidza vateereri vako kuyeuka kutungamirirwa kana kuti kusimbiswa kwavakaitwa naJehovha, uchavabatsira kuona ivo pachavo nenzira yakadzama zvikuru kuti Jehovha ane hanya navo uye kuti achavabatsira chaizvo nomumiedzo yose yavanotarisana nayo panguva ino.—Isa. 41:10, 13; 1 Pet. 5:7.

Farira Zviri Kuitwa naMwari Iye Zvino. Paunenge uchiedza kukurudzira hama dzako, dziratidze zviri kuitwa naJehovha iye zvino. Kutaura nezvezvinhu izvi nenzira inoratidza kuti zvinokufadza kuchaita kuti vateereri vako vanzwewo saizvozvo mumwoyo.

Funga nezvokuti Jehovha anotibatsira sei kutarisana zvinobudirira nezvinonetsa muupenyu. Anotiratidza nzira yakanakisisa yokurarama nayo. (Isa. 30:21) Anotsanangura chikonzero nei vanhu vachipara mhosva, nei kune kusarurama, urombo, kurwara, uye rufu uye anotiudza magumisiro aachaita zvinhu zvose izvi. Anotipa hama dzinotida dzakatikomberedza. Anotipa chipo chinokosha chomunyengetero. Anotipa mukana wokuva Zvapupu zvake. Anovhura maziso edu kuti tione kuti Kristu akatogadzwa pachigaro choUmambo mudenga uye kuti mazuva okupedzisira enyika ino yekare ari kukurumidza kusvika pakuguma.—Zvak. 12:1-12.

Pazvinhu zvose zvakanaka izvi tinogona kuwedzera misangano yedu yeungano, magungano, uye kokorodzano. Paunotaura nezvezvipo izvi nenzira inoratidza kuonga zvechokwadi, uchasimbisa kutsunga kwevamwe kusaregeredza kuungana pamwe chete nehama dzavo.—VaH. 10:23-25.

Mishumo inotaura nezvouchapupu hwokukomborera kuri kuita Jehovha zvatinoita muushumiri hwomumunda inosimbisawo. Muzana remakore rokutanga Pauro naBhanabhasi pavaienda kuJerusarema, vakaita kuti ‘hama dzose dzifare zvikuru’ nokurondedzera zvose nezvokutendeuka kwevanhu vemamwe marudzi. (Mab. 15:3) Newewo unogona kuita kuti hama dzifare nokudziudza nezvezvakaitika zvinovaka.

Kumwe kukurudzira kungavapo kana vanhu vakabatsirwa kuona kukosha kwezvavari kuita. Varumbidze pamusana poushumiri hwechiKristu hwavari kuita. Rumbidza vaya vanoita zvishomanana nemhaka youkweguru kana kuti kurwara asi vachiratidza kuti vari kutsungirira nokutendeka. Vayeuchidze kuti Jehovha haakanganwi rudo rwavakaratidza kuzita rake. (VaH. 6:10) Kutenda kwakaedzwa chinhu chinokosha kwazvo. (1 Pet. 1:6, 7) Hama dzedu dzinofanira kuyeuchidzwa izvozvi.

Taura Zvine Upenyu Nezvetariro Iri mberi. Zvipikirwa zvakafuridzirwa zvezvinhu zvichauya ndizvo zvinokurudzira zvikuru vose vanoda Mwari. Zvimwe vakawanda zvikuru vevari kuteerera vakambozvinzwa. Asi nokuonga kwaunoratidza paunotaura nezvezvipikirwa izvi, unogona kuzviita kuti zvive zvipenyu, wovaita kuti vavimbe nokuzadzika kwazvo, uye woita kuti mwoyo yavo ifashukire nomufaro. Kushandisa zvawakadzidza muChikoro chaMwari Choushumiri kunogona kukubatsira kuita izvozvo.

Jehovha pachake ndiye Mukurudziri Mukuru uye ndiye anopa vanhu vake simba. Asi unogona kushanda pamwe chete naye mukupa vamwe zvikomborero izvozvo. Paunotaura kuungano, shandisa zvakanaka mukana wokuita kudaro.

MAITIRWO AZVO

  • Pakugadzirira hurukuro, funga nezvematambudziko anosangana nevachateerera. Nyatsofunga nezvokukurudzira uye kusimbisa kwauchavaita.

  • Shandisa Shoko raMwari zvinobudirira. Ratidza kuti zvarinotaura zvine chokuita nezvatinotarisana nazvo.

  • Taura wakaperera.

BASA ROKUITA: Paunenge uchiverenga Bhaibheri kana kuti kudzidza uri woga vhiki ino, sarudza chikamu chaunofunga kuti ungashandisa kukurudzira vamwe. Chitaure nomumwe munhu ari muungano.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe