RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • be pp. 43-46
  • Kugadzirira Hurukuro Dzevadzidzi Dzechikoro

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kugadzirira Hurukuro Dzevadzidzi Dzechikoro
  • Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Magadzirirwo Ehurukuro Yokuverenga
  • Kugadzirira Musoro uye Kuronga
  • Kukurukura Pakunenge Kuri Hurukuro
  • Ukoshi Hwegadziriro
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Kushandisa Mashoko Akapiwa
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Kugadzirira Hurukuro Dzeungano
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Mirayiridzo Yevatariri Vechikoro
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
Ona Zvimwe
Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
be pp. 43-46

Kugadzirira Hurukuro Dzevadzidzi Dzechikoro

HURUKURO imwe neimwe yomuchikoro inouya nomukana wokufambira mberi. Shingairira nomwoyo wose, uye kufambira mberi kwako kuchaonekwa zvishoma nezvishoma kwauri nokuna vamwe. (1 Tim. 4:15) Chikoro chichakubatsira kunyatsowedzera mano ako zvizere.

Unotya here paunofunga nezvokutaura pamberi peungano? Ndizvo zvinoita munhu wose, kunyange kana wave wakanyoresa muchikoro kwenguva refu. Zvisinei, zvimwe zvinhu zvingabatsira kuderedza mwero wokutya kwako. Uri kumba, ngaive tsika yako kuverenga zvinonzwika kakawanda. Pamisangano yeungano, pindura kakawanda, uye kana uri muparidzi, paridzira mubasa romumunda nevamwe kakawanda. Izvi zvichakupa ruzivo rwokutaura pamberi pevamwe. Uyezve, gadzirira hurukuro dzako pachine nguva kwazvo, uye dzidzira kudzikurukura zvinonzwika. Ziva kuti unenge uchikurukura pamberi pevateereri vane ushamwari. Uye usati wakurukura chero hurukuro ipi zvayo, nyengetera kuna Jehovha. Anopa mudzimu mutsvene achifara kune vashumiri vake vaya vanomukumbira.—Ruka 11:13; VaF. 4:6, 7.

Iva nomwero pane zvaunotarisira. Zvinotora nguva kuti uzova noruzivo somukurukuri uye kuva mudzidzisi anobudirira. (Mika 6:8) Kana uchangonyoresa pachikoro, usatarisira kungotanga nokupa hurukuro yamandorokwati. Pane kudaro, dzidzira chikamu chimwe chounyanzvi hwokutaura panguva. Dzidza chikamu chinohukurukura mubhuku rino. Kana zvichiita, ita basa raunokumbirwa kuita imomo. Izvi zvichakupa ruzivo munyaya dzinoda unyanzvi hwokutaura kwakafanana usati wapa hurukuro yako muungano. Uchabudirira.

Magadzirirwo Ehurukuro Yokuverenga

Kugadzirira kuverengera vanhu kunosanganisira zvakawanda zvinopfuura kungogona kutaura mashoko ari pachikamu chinoverengwa. Edza kunyatsonzwisisa kuti mashoko acho anorevei. Uchangopiwa hurukuro yako, iverenge yose uchifunga nezveizvi. Edza kunzwisisa chiri kurehwa nechirevo chimwe nechimwe uye pfungwa iri kukudziridzwa mundima imwe neimwe kuitira kuti uzokwanisa kubudisa pfungwa yacho zvakarurama uye nemanzwiro akakodzera. Paunenge uchikwanisa, tarisa muduramanzwi mataurirwo akarurama emashoko ausingazivi. Svika pakuziva mashoko acho ose zvakanaka. Vabereki vangada kubatsira vana vavo vaduku kuita izvi.

Wakanzi uverenge chikamu cheBhaibheri kana kuti zvimwe ndima dzenyaya iri muNharireyomurindi here? Kana mumutauro wenyu mune makaseti okuteerera zvauchaverenga, zvingabatsira chaizvo kuteerera kuverenga kwakaitwa, uchiteereresa zvinhu zvakadai semataurirwo emashoko, maverengerwe echitsama chemashoko, panosimbiswa, uye panosiyaniswa inzwi. Zvadaro edza kuverenga saizvozvowo.

Paunotanga kugadzirira hurukuro yako, Usakanganwe kunyatsodzidza chidzidzo chinokurukura unyanzvi hwokutaura hwawakanzi ushandire. Kana uchikwanisa, chidzokorore paunenge waverenga zvinonzwika kakati wandei mashoko awakapiwa. Edza kushandisa zano rakanyorwa zvakakwana okukwanisa kwako.

Kurovedza uku kuchakubatsira kwazvo muushumiri hwako. Sezvaunoita basa romumunda, une mikana yakawanda yokuverengera vamwe. Shoko raMwari zvariine simba rokuchinja upenyu hwevanhu, zvinokosha kuti uriverenge zvakanaka. (VaH. 4:12) Usatarisire kubata zvinhu zvose zvokuverenga kunobudirira nehurukuro imwe kana kuti mbiri. Muapostora Pauro akanyorera mukuru wechiKristu aiva nemakore oruzivo kuti: “Ramba uchishingaira paku[verengera] vanhu vose.”—1 Tim. 4:13.

Kugadzirira Musoro uye Kuronga

Paunopiwa hurukuro pachikoro inoda kuti uronge maitirwo ayo, unofanira kugadzirira sei?

Pane zvinhu zvikuru zvitatu zvinofanira kufungwa nezvazvo: (1) musoro wehurukuro yako, (2) marongero ako uye munhu waunenge uchitaura naye, uye (3) zano rawakanzi ushandire.

Unofanira kuunganidza mashoko omusoro wawakapiwa. Asi usati wamboenda kure naizvozvo, fungisisa nezvemarongero ako uye nezvomunhu wauchakurukura naye, sezvo zvinhu izvi zvichabatsira parudzi rwemashoko auchakurukura uye makurukuriro auchaaita. Ucharonga sei? Uchange uchienzanisira nzira yokuparidzira nayo mashoko akanaka kumunhu waunoziva here? Kana kuti ucharatidza zvingaitika paunosangana nomumwe munhu kokutanga? Munhu wacho mukuru kana kuti muduku kwauri here? Angaona sei nyaya yauri kuda kukurukura naye? Angangove achitoziva zvakawanda sei pairi? Une tariro yokuti zvichazodini kana makurukurirana? Mhinduro dzemibvunzo iyoyo dzichapa nhungamiro inokosha yokushandira pairi.

Uchawana kupi mashoko ehurukuro yawapiwa? Pamapeji 33 kusvika ku38 ebhuku rino, panokurukurwa nyaya yokuti “Nzira Yokutsvakurudza Nayo Mashoko.” Iverenge, wobva wazoshandisa zvinoshandiswa pakutsvakurudza zvaunowana. Kakawanda kacho uchawana mashoko akawanda kupfuura aunogona kushandisa. Verenga zvakakwana kuti uone kuwanda kwezvingashandisika zviripo. Zvisinei, paunodaro, ramba uchifunga nezvemarongero auchashandisa pahurukuro yako uyewo nezvomunhu waunenge uchikurukura naye. Tara pfungwa dzakakodzera.

Usati waronga hurukuro yako ndokusarudza mashoko okupedzisira, wana nguva yokuverenga mashoko ari paunyanzvi hwawakanzi ushandire pahuri. Kushandiswa kwounyanzvi ihwohwo ndicho chimwe chezvikonzero zvikuru zvehurukuro yako.

Sezvo chiratidzo chichapiwa kana nguva yawakapiwa yakwana, ukapedza hurukuro yako panguva yawakapiwa, uchagutsikana nokupa mhedziso yako zvakanaka. Zvisinei, muushumiri hwedu hwomumunda, hapasi pose patinodzorwa nenguva. Saka paunogadzirira, funga nezvenguva iripo, asi chinokosha ngachive kudzidzisa kunobudirira.

Shoko Pamusoro Pemarongero. Ongorora mazano ari papeji 82, wosarudza rimwe chete richabatsira muushumiri hwako uye richakutendera kuratidza kushanda kwechokwadi kwemashoko awakapiwa. Kana wave uri muchikoro kwenguva yakati rebei, uone somukana wokukura ndokukudziridza unyanzvi hwokuwedzera hwomuushumiri hwako.

Kana mutariri weChikoro chaMwari Choushumiri akakurongera, bvuma. Kuronga kuzhinji kune chokuita nokupupura. Kana usati wambopupura mumamiriro ezvinhu arondedzerwa, wana dzimwe pfungwa nokutaura nevaparidzi vakambodaro. Kana zvichiita, edza kukurukura nhau yako yawakapiwa nenzira yakafanana neyauchashandisa muchikoro. Izvi zvichakubatsira kuti uzoona chinangwa chinokosha chokurovedzwa kwako.

Kukurukura Pakunenge Kuri Hurukuro

Kana uri munhurume, unganzi upe hurukuro pfupi kuungano. Pakugadzirira hurukuro idzi, pfungwa huru dzinofanira kufungwa nezvadzo dzakafanana nedzatorongwa kare dzehurukuro dzevadzidzi dziri mienzanisiro. Chakangosiyana chete vateereri uye makurukurirwo ayo.

Zvinowanzodiwa kuti ugadzirire hurukuro yako kuitira kuti vose vari kuteerera vabatsirwe nayo. Vazhinji vevaripo vanotoziva chokwadi cheBhaibheri chinokosha. Vangave vachitoziva zvawakanzi ukurukure. Funga nezvezvavanotoziva pahurukuro yako. Edza kuvabatsira nenzira yakati nemakurukuriro ako. Zvibvunze kuti: ‘Ndingashandisa sei hurukuro yangu kudzamisa kunzwisisa kwangu nevamwe nezvaJehovha somunhu? Chii chiri mumashoko acho chichatibatsira kunzwisisa kuda kwaMwari? Mashoko aya angatibatsira sei kusarudza nokuchenjera munyika inodzorwa nokuchiva kwenyama?’ (VaEf. 2:3) Kuwana mhinduro dzinogutsa dzemibvunzo iyoyo kunoda kutsvakurudza. Pakushandisa Bhaibheri, edza kuita zvinopfuura kuverenga ndima chete. Fungisisa magwaro aunoshandisa, uye ratidza kuti iwaya anopa sei hwaro hwokugumisa kwakati. (Mab. 17:2, 3) Usaedza kukurukura mashoko akawandisa. Kurukura nomutoo wokuti zvichava nyore kuyeuka.

Kugadzirira kunofanira kusanganisira makurukuriro auchaita. Usambofunga kuti hazvina basa. Dzidzira kupa hurukuro yako zvinonzwika. Kushingairira kwaunoita pakudzidza nokushandisa unyanzvi hwokutaura hwakasiyana-siyana kuchabatsira zvikuru pakubudirira kwako. Ungave uri mukurukuri mutsva kana ave noruzivo, nyatsogadzirira kuitira kuti utaure uchitendiswa uye nemanzwiro akakodzera mashoko ako. Sezvaunokurukura hurukuro imwe neimwe pachikoro, ramba uchifunga nezvechinangwa chokushandisa chipo chako chokutaura chawakapiwa naMwari kuti umurumbidze.—Pis. 150:6.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe