Kugadzirira Hurukuro Dzeungano
PUROGIRAMU yeChikoro chaMwari Choushumiri yakagadzirirwa kubatsira ungano yose. Mashoko anokosha anokurukurwawo pane mimwe misangano yeungano uyewo pamagungano nekokorodzano. Kana wapiwa hurukuro pane imwe yeidzi purogiramu, wapiwa basa guru. Muapostora Pauro akakurudzira mutariri wechiKristu Timoti kuti arambe achichenjerera kudzidzisa kwake. (1 Tim. 4:16) Avo varipo pakuungana kwechiKristu vatsaura nguva inokosha—uye vamwe vatamburira kwazvo—kuti vavepo kuzonzwa murayiridzo panyaya dzine chokuita noukama hwavo naMwari. Kukurukura murayiridzo wakadaro iropafadzo huru kwazvo! Unganyatsoitarisira sei?
Pfungwa Huru Dzinobva Pakuverenga Bhaibheri
Chikamu chino chechikoro chinobva pakuverenga Bhaibheri kwevhiki iroro. Kuti mashoko acho anei nesu nhasi ndizvo zvinofanira kusimbiswa. Sezvinotaurwa pana Nehemia 8:8, Ezra nevamwe vake vakaverengera vanhu Shoko raMwari, vachiritsanangura, vachiita ‘kuti rinzwisisike,’ vachipa zivo. Kukurukura kwako pfungwa huru dzinobva muBhaibheri kunokupawo mukana wokuita izvozvo.
Unofanira kugadzirira sei hurukuro yakadaro? Kana zvichiita, verenga chikamu cheBhaibheri chawakapiwa pachine vhiki kana kupfuura. Zvadaro funga nezveungano yenyu uye zvainoda. Nyengetera nezvazvo. Izano ripi, mienzaniso ipi, inhungamiro dzipi dziri muchikamu chino cheShoko raMwari zvingabatsira pazvinodiwa izvozvo?
Kutsvakurudza kunokosha. Watchtower Library iri paCD-ROM kana kuti Watch Tower Publications Index iripo here mumutauro waunonzwisisa, kana kuti paindekisi yeNharireyomurindi yokupera kwegore? Kana zvakadaro, zvishandise zvakanaka. Nokutsvakurudza zvakatobudiswa pandima dzawasarudza kukurukura nezvadzo, ungawana mamwe mashoko anojekesa, tsananguro dzokuzadzika kwouprofita, kuongorora zvinoratidzwa nemamwe magwaro nezvaJehovha, kana kuti kukurukurwa kwenungamiro yaMwari. Usaedza kukurukura pfungwa dzakawandisa. Ingonanga ndima shomanana dzaunosarudza. Zviri nani kukurukura ndima shomanana, wodzikurukura zvakanaka.
Hurukuro yako ingadawo kuti ukumbire vateereri kuti vataure kuti vakabatsirwa sei nokuverenga Bhaibheri kwevhiki iyoyo. Vakawanei zvichavabatsira mukudzidza kwavo vari voga uye vari mhuri kana kuti muushumiri hwavo kana pamararamiro avo? Unhu hupi hwaJehovha hwakaratidzwa mukubata kwake nevanhu uye nemarudzi? Chii chakadzidzwa nevateereri chakasimbisa kutenda kwavo ndokuvaka kunzwisisa kwavo Jehovha? Usaomerere patsanangudzo dzakaoma kunzwisisa. Taura zvazvinoshanda uye kubatsira kunokosha kwepfungwa dzawasarudza.
Hurukuro Yokurayira
Iyi inobva pamashoko akadhindwa akadai senyaya yomuNharireyomurindi kana kuti Mukai! kana kuti zvimwe chikamu chebhuku. Kazhinji kacho pane mashoko akawanda kupfuura nguva yakapiwa. Hurukuro yacho ungaikurukura sei? Sezvinoita mudzidzisi, kwete sezvinongoita munhuwo zvake ari kukurukura mashoko. Mutariri anofanira ku“kwanisa kudzidzisa.”—1 Tim. 3:2.
Tanga kugadzirira kwako nokudzidza mashoko awakapiwa. Tarisa magwaro. Fungisisa. Edza kuita izvozvo musi wehurukuro yako uchiri kure. Ramba uchiyeuka kuti hama dzinokurudzirwa kufanoverenga mashoko akadhindwa panobva hurukuro yacho. Hurukuro yako haisi yokungoadzokorora kana kuapfupisa chete asi yokuratidza nzira yokuashandisa nayo. Shandisa zvikamu zvakakodzera zvemashoko acho nenzira ichabatsira ungano zvechokwadi.
Kungofanana nomwana mumwe nomumwe ane unhu hwake oga, ungano imwe neimwe ine zvayowo. Mubereki anodzidzisa zvinobudirira haangodzokorori mimwe mitemo yetsika kune mwana wake. Anokurukura nemwana wacho. Anofunga nezvounhu hwomwana wacho uye zvinonetsa zvinotambudza mwana wacho. Vadzidzisi vari muungano vanoedza kuita saizvozvowo, kusvika pakunzwisisa ndokukurukura zvinodiwa zveboka ravari kutaura naro. Zvisinei, mudzidzisi anonzwisisa haazoshandisi mienzaniso inganyadzisa mumwe ari kuteerera. Acharatidza kubatsirwa kwakatovapo pamusana pokufamba munzira yaJehovha uye achasimbisa zano romuMagwaro richabatsira ungano kutarisana zvinobudirira nezvinetso zvavanosangana nazvo.
Kudzidzisa kwakanaka kunobaya mwoyo yevateereri. Izvi hazvidi kungotaura zvinhu sezvazviri asi kuita kuti vanzwisise zvazvinoreva. Zvinoda kuva nehanya zvechokwadi nevaya vari kurayiridzwa. Vafudzi vechiKristu vanofanira kuziva boka. Kana vakaramba vachifunga nenzira yorudo zvinetso zviri kutarisana nevakasiyana-siyana, vachakwanisa kutaura zvinokurudzira, vachiratidza kunzwisisa, tsitsi nokunzwira urombo.
Sezvinozivikanwa nevadzidzisi vose vanobudirira, hurukuro inofanira kuva nechinangwa chakanyatsojeka. Mashoko anofanira kukurukurwa zvokuti pfungwa dzinokosha dzichabuda pachena dzoyeukwa. Vateereri vanofanira kukwanisa kuyeuka pfungwa dzinobatsira dzichachinja upenyu hwavo.
Musangano Webasa
Kana uchipa hurukuro inobva munyaya yomuUshumiri Hwedu hwoUmambo, zvinotarisirwa zvingati siyanei. Uchaona kuti pano unowanzotarisirwa kutaura kuvateereri sezvazviri munyaya yacho, kwete kusarudza zvingava zvakakodzera zvikuru. Batsira vateereri kufungisisa pane zviri pamagwaro panovakirwa chero zano ripi rapiwa. (Tito 1:9) Nguva ipfupi, kazhinji haibvumiri mashoko okuwedzera.
Asiwo, ungakumbirwa kupa hurukuro isina mashoko ari munyaya iri muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Unganzi utarire nyaya iri muNharireyomurindi, kana kuti hurukuro yacho ingave nemashoko mashomanana. Zviri kwauri kufunga nezvezvinodiwa muungano maererano nemashoko awapiwa. Ungada kushandisa mufananidzo mupfupi wakananga kana kuti kurondedzera chakaitika chakakodzera. Yeuka kuti hurukuro yako haisi yokungotaura nhau yacho chete asi kuikurukura nomutoo wokuti ungano inobatsirwa kuita basa ratinonzi tiite neShoko raMwari ndokuwana mufaro mukuriita.—Mab. 20:20, 21.
Sezvaunogadzirira hurukuro yako, funga nezvoupenyu hwevanhu vari muungano yacho. Varumbidze nezvezvavari kutoita. Kushandisa kurudziro yapiwa mumashoko ehurukuro kungawedzera sei kubudirira uye mufaro wavo muushumiri?
Hurukuro yako inoda muenzaniso kana kuti kubvunzurudza here? Kana zvakadaro, kunofanira kurongwa pachine nguva. Unganzwa uchida kukumbira mumwe munhu kuugadzirira, asi izvozvo hazviwanzoguma nokuva nomuenzaniso wakanaka. Kana zvichiita, dzokorora muenzaniso kana kuti bvunzurudzo yacho zuva romusangano wacho risati rasvika. Iva nechokwadi chokuti ichi chikamu chehurukuro yako chinoitwa nomutoo unonyatsobudisa pachena murayiridzo uri kupiwa.
Magungano Nekokorodzano
Hama dzinokudziridza unhu hwakanaka pakushumira Mwari uye dzinova vakurukuri uye vadzidzisi vanobudirira, pane imwe nguva dzingazokumbirwa kugoverana papurogiramu yegungano kana kuti kokorodzano. Chokwadi idzi inguva dzakanaka chaizvo dzedzidzo yaMwari. Hurukuro yakadaro ingava yokuverenga, pepa rehurukuro, mirayiridzo yomutambo womuBhaibheri une zvaunoreva nhasi, kana kuti ndima yemirayiridzo. Kana ukakomborerwa nokuva papurogiramu yakadaro, nyatsodzidza mashoko aunopiwa. Ramba uchiaverenga kusvikira wava kunzwisisa kukosha kwawo.
Vaya vanopiwa hurukuro yokuverenga vanofanira kuverenga mashoko acho sezvazviri. Havazogadziridzi kana kurongazve mashoko acho. Vanoadzidza kuti vanzwisise zvakajeka dziri pfungwa huru uye kuti idzodzi dzinokudziridzwa sei. Vanodzidzira kuverenga zvinonzwika kusvikira vave kugona kupa hurukuro yacho vachisimbisa pfungwa zvakafanira, vaine chido, ushamwari, manzwiro akakodzera, kuva vomwoyo wose, uye kutendiswa, uyewo nenzwi rakanaka rakakwirira zvakakodzera vateereri vakawanda.
Hama dzinopiwa hurukuro iri papepa dzine mutoro wokukudziridza mashoko adzo nomutoo unonyatsopindirana nepepa rehurukuro racho. Pane kuverenga pepa rehurukuro racho pakukurukura kana kuti kuigadzirira nomutoo wehurukuro yokuverenga, mukurukuri anofanira kuikurukura asingaverengi, ichibva pamwoyo. Zvinokosha kuomerera panguva yakapiwa papepa rehurukuro kuitira kuti pfungwa huru yakaratidzwa ijeke. Mukurukuri anofanira kushandisa zvakanaka pfungwa nemagwaro zviri pasi pepfungwa huru. Haafaniri kuunza mamwe mashoko aanodawo zvake achisiya zviri papepa rehurukuro. Chokwadi, hwaro hwemirayiridzo yacho ndiro Shoko raMwari. Mutoro wevakuru vechiKristu ku“paridza shoko.” (2 Tim. 4:1, 2) Saka mukurukuri anofanira kunyatsoongorora magwaro ari papepa rake rehurukuro—oatsanangura uye oratidza kushanda kwaanoita.
Usaverengere
Uri muungano mune mikana yakawanda yokukurukura here? Zvose ungazviita sei nenzira yakanaka? Usagadzirire migove yako nguva yapera.
Hurukuro dzinonyatsobatsira ungano dzinoda kunyatsofungwa zvakakwana. Saka, ngaive tsika yako kutanga kuverenga mashoko acho uchangopiwa hurukuro imwe neimwe. Izvi zvichakubatsira kuizeya paunenge uchiita zvimwe zvinhu. Mazuva kana kuti mavhiki akati paunenge uchimirira kuzokurukura hurukuro yako, unganzwa mashoko angakubatsira kuona kuti ungashandisa sei mashoko acho zvakanakisisa. Mamiriro ezvinhu anoratidza kukodzera kwayo nguva angamuka. Kuverenga nokufunga nezvehurukuro yako uchangoipiwa kunoda nguva, asi inguva inenge yashandiswa zvakanaka. Paunozogara pasi kuti ugadzirire hurukuro yacho, uchakohwa kubatsira kwokunge wafanofunga nezvayo. Kugadzirira hurukuro nenzira iyi kuchaderedza kunetseka uye kuchakubatsira kukurukura mashoko acho nenzira inobudirira uye inobaya mwoyo yevari muungano.
Kana uchionga kwazvo chipo chawakaronzeswa chine chokuita nepurogiramu yaJehovha yokudzidza kwevanhu vake, uchamukudza uye uchava chikomborero kune vaya vanomuda.—Isa. 54:13; VaR. 12:6-8.