“Chenjererai Mateererere Enyu”
KUTEERERA chinhu chinokosha pakudzidza. Kungabatsirawo kuwedzera mikana yokuti munhu apone. Jehovha paaigadzirira kununura vanhu vake kubva pakuva varanda muIjipiti, akapa mirayiridzo kuna Mosesi, iye ndokuzoudzawo varume vakuru vevaIsraeri zvavaifanira kuita kuti vaponese matangwe avo pangirozi yaiuraya. (Eks. 12:21-23) Varume vakuru vakazosvitsa mashoko aya kumhuri imwe neimwe. Izvi zvakaitwa nomuromo. Vanhu vaifanira kunyatsoteerera. Vakati chii? Bhaibheri rinoshuma kuti: “Vana vaIsraeri vakaita saizvozvo; Mosesi naAroni sezvavakanga varayirwa naJehovha, ndizvo zvavakaita.” (Eks. 12:28, 50, 51) Pamusana peizvozvo, Israeri akanunurwa zvinoshamisa.
Nhasi, Jehovha ari kutigadzirira kununura kwakatokura. Chokwadi, mirayiridzo yaanopa tinofanira kunyatsoiteerera. Mirayiridzo yakadaro inopiwa pamisangano yeungano. Uri kubatsirwa zvakazara nokuungana kwakadaro here? Zvakawanda zvinoenderana nokuti unoteerera zvakadini.
Unoyeuka pfungwa huru dzemirayiridzo yapiwa pamisangano here? Une tsika yokutsvaka mashandisiro aungaita here muupenyu hwako murayiridzo wapiwa kana kuti kuugoverana nevamwe, vhiki nevhiki?
Gadzirira Mwoyo Wako
Kuti tibatsirwe zvakakwana nomurayiridzo unopiwa pamisangano yechiKristu, tinofanira kugadzirira mwoyo yedu. Kukosha kwokudaro kunoratidzwa nezvakaitika pakutonga kwaMambo Jehoshafati weJudha. Jehoshafati akashinga kutsigira kunamata kwechokwadi. A“kabvisawo matunhu akakwirira namatanda okunamata nawo pakati paJudha” uye akarayira machinda, vaRevhi, nevapristi kuti vadzidzise vanhu vaiva mumaguta ose eJudha Mutemo waJehovha. Kunyange zvakadaro, “matunhu akakwirira haana kubviswa.” (2 Mak. 17:6-9; 20:33) Kunamatwa kwavanamwari venhema uye manamatirwo aJehovha akanga asingatenderwi aiitwa pamatunhu akakwirira evahedheni zvakanga zvakadzika midzi kwazvo zvokuti hazvina kunyatsodzurwa.
Nei murayiridzo wakarongwa naJehoshafati wakakundikana kushanda zvechigarire? Mashoko acho anoenderera mberi achiti: “Vanhu vakanga vachigere [“kugadzirira mwoyo yavo,” NW] Mwari wamadzibaba avo.” Vakanzwa asi vakakundikana kuita zvaidiwa. Zvichida vakafunga kuti kuenda kutemberi yaiva kuJerusarema kunopa zvibayiro kwainetsa. Kunyange zvakadaro, vakanga vasingazviiti pamusana pokutenda kwaiva mumwoyo yavo.
Kuti tisadzokere kunzira dzomunyika yaSatani, tinofanira kugadzirira mwoyo yedu kuti igamuchire murayiridzo uri kupiwa naJehovha nhasi. Sei? Imwe nzira inokosha kunyengetera. Tinofanira kunyengeterera kuti tigamuchire nokuonga murayiridzo unopiwa naMwari. (Pis. 27:4; 95:2) Izvi zvichatibatsira kuonga zvinoitwa nehama dzedu idzo, kunyange dzisina kukwana, dzinobvuma kushandiswa naJehovha pakudzidzisa vanhu vake. Zvichatiita kuti tionge Jehovha kwete bedzi pamusana pezvinhu zvitsva zvatiri kudzidza asiwo nokuda kwomukana wokudzamisa kuonga kwedu zvinhu zvatakadzidza kare. Nechido chokuita kuda kwaMwari zvakazara, tinonyengetera kuti: “Ndidzidzisei nzira yenyu, Jehovha. . . . Batanidzai mwoyo wangu kuti nditye zita renyu.”—Pis. 86:11.
Nyatsoteerera
Pane zvakawanda zvinotivhiringidza pakunyatsoteerera. Pfungwa dzedu dzingave dzichinetseka kwazvo nezvimwe zvinhu. Ruzha nokufamba-famba kwevateereri kana kuti zviri kunze kwepatinosanganira zvingatitorera pfungwa. Kusanzwa zvakanaka kwomuviri kungaita kuti zvitiomere kunyatsoteerera. Vaya vane vana vaduku vanowanzowana kuti vanoteerera nomwoyo miviri. Chii chingatibatsira kuramba tichinyatsoteerera purogiramu?
Maziso paanenge ari ndipo panoteverawo pfungwa dzedu. Shandisa maziso ako kuti akubatsire kunyatsoteerera nokuramba wakatarisa mukurukuri. Paanotaura rugwaro rweBhaibheri—kunyange rwaunoziva—ruvhure, uverengewo sezvaanoruverenga. Rega kungocheuka-cheuka kuti utarire kwose kune ruzha kana kufamba-famba. Kana pfungwa dzako dziri kumomoterwa nemashoko anotora pfungwa anobva kumaziso ako, ucharasikirwa nezvakawanda zviri kukurukurwa pachikuva.
Kana zvinetso zvezuva kana dzimwe “ndangariro zhinji” dzipi nedzipi dzichiita kuti zvikuomere kunyatsoteerera purogiramu, nyengetera kuna Jehovha kuti pfungwa nomwoyo zvigadzikane zvinodiwa kuti uteerere. (Pis. 94:19; VaF. 4:6, 7) Ramba uchidaro kana zvichidikanwa. (Mat. 7:7, 8) Jehovha ndiye anopa misangano yeungano. Unogona kuva nechivimbo chokuti anoda kuti ubatsirwe nayo.—1 Joh. 5:14, 15.
Kuteerera Hurukuro
Zvimwe ungayeuka pfungwa dzaunofarira dzawakambonzwa muhurukuro. Zvisinei, kuteerera hurukuro hakusi kungotora pfungwa huru chete. Hurukuro yakaita sorwendo. Kunyange pangava nezvinhu zvinonakidza kuona munzira, chinokosha ndekwaunogumira, chinangwa. Mukurukuri angave ari kuedza kutungamirira vateereri kuti vagume vaona chimwe chinhu kana kuvaita kuti vaite chiito.
Chimbofunga nezvokutaura kwaJoshua kurudzi rwaIsraeri, kuri pana Joshua 24:1-15. Chinangwa chake chaiva chokuti vanhu vasambotsuguduke pakunamata kwechokwadi nokuzviparadzanisa zvakakwana nokunamata zvidhori kwemamwe marudzi akanga akavapoteredza. Nei izvozvo zvakanga zvichikosha kwazvo? Kuwanda kwokunamata kwenhema kwaiva ngozi chaiyo pakuva noukama hwakanaka naJehovha kworudzi rwacho. Vanhu vakapindura kuteterera kwaJoshua vachiti: “Hazvimbofungiki, kwatiri, kusiya Jehovha kuti tishumire vamwe vanamwari. . . . Tichashumira Jehovha.” Uye vakaita saizvozvo!—Josh. 24:16, 18, 31, NW.
Sezvaunoteerera hurukuro, edza kunzwisisa chinangwa chayo. Funga kuti pfungwa dziri kutaurwa nomukurukuri dzinobatsira sei kusvika pachinangwa ichocho. Zvibvunze kuti mashoko acho anoda kuti uitei.
Kuteerera Pakukurukurirana
Chidzidzo cheNharireyomurindi, Chidzidzo Chebhuku Cheungano, uye zvikamu zveMusangano Webasa zvinoitiswa zviri kukurukurirana kwemibvunzo nemhinduro kwemashoko anobva muBhaibheri.
Kuteerera pakukurukurirana mune zvimwe zviitiko kwakafanana nokukurukurirana muchichinjana mashoko. Kuti ubatsirwe zvakazara, nyatsoteerera. Ona kuti kukurukurirana kwacho kuri kuenda kupi. Onawo masimbisiro anoita muitisi musoro mukuru uye pfungwa huru. Pindura mibvunzo yake mupfungwa dzako. Teerera vamwe pavanenge vachitsanangura woshandisa mashoko acho. Kuona mashoko acho semaonero anoita vamwe kungakupa kunzwisisa kutsva panhau yaunotoziva. Iva nezvaunopa nokutaura mashoko ako okutenda.—VaR. 1:12.
Kufanodzidza mashoko akapiwa kuchakubatsira kunakidzwa nokukurukurirana kwacho uye kunzwisisa mhinduro dzevamwe. Kana mamiriro ako ezvinhu achiita kuti zviome kunyatsodzidza mashoko acho, chingowana maminitsi mashomanana okuona kuti mashoko acho akadini musangano usati watanga. Kudaro kuchakubatsira kuwana zvakawanda mukukurukurirana kwacho.
Kuteerera Pamagungano uye Pakokorodzano
Pamagungano nekokorodzano, pangangova nezvinotora pfungwa zvakawanda kupfuura pamisangano yeungano. Izvi zvingaita kuti kuteerera kutowedzera kuoma. Chii chingatibatsira?
Chinhu chinokosha kuzorora zvakakwana usiku. Purogiramu isati yatanga zuva rimwe nerimwe, simbisa musoro wezuva iroro mupfungwa dzako. Tarisa musoro wehurukuro imwe neimwe, uye edza kufungidzira zvichakurukurwa. Shandisa Bhaibheri rako zvakanaka. Vakawanda vanoona kuti kunyora mashoko mapfupi epfungwa huru kunovabatsira kuita kuti pfungwa dzirambe dziri papurogiramu. Nyora murayiridzo waunoda kuzoshandisa muupenyu hwako nomuushumiri. Kurukurai mashoko mashomanana sezvamunofamba muchienda nokudzoka kunzvimbo yegungano zuva rimwe nerimwe. Izvi zvichakubatsira kuyeuka mashoko acho.
Kudzidzisa Vana Kuteerera
Vabereki vechiKristu vangabatsira vana vavo—kunyange vacheche—kuti vave va“kachenjera nokuda kwokuponeswa” nokuenda navo kumisangano yeungano, magungano, uye kokorodzano. (2 Tim. 3:15) Sezvo vana vachisiyana paunhu uye urefu hwenguva yavanogona kuteerera, kunzwisisa kunodiwa kuvabatsira kuti vadzidze kunyatsoteerera. Mashoko anotevera aya angangokubatsira.
Pamba, rongai nguva dzokuti vana venyu vaduku vagare vakanyarara voverenga kana kuti votarira mifananidzo iri mumabhuku edu echiKristu. Pamisangano, musape vana venyu zvokutambisa kuti vave nezvokuita. Sezvaingoitwa muIsraeri yekare, nhasiwo vaduku vanenge varipo “kuti vanzwe, vadzidze.” (Dheut. 31:12) Kana zvichiita, vamwe vabereki vanopa kunyange vana vaduku kwazvo mabhuku avo pachavo ari kudzidzwa. Vana zvavanokura zvishoma, vabatsirei kugadzirira kuti vapindurewo papurogiramu dzinoda kuti vateereri vadaro.
Magwaro anoratidza kunyatsobatana kuri pakuteerera Jehovha nokuita zvaanoda. Izvi zvinogona kuonekwa pamashoko aMosesi kurudzi rwaIsraeri anoti: “Ndaisa pamberi pako upenyu norufu, kuropafadzwa nokutukwa, naizvozvo tsaura upenyu . . . [nokuda] Jehovha Mwari wako, nokuteerera inzwi rake, nokumunamatira.” (Dheut. 30:19, 20) Nhasi, kuteerera murayiridzo unopiwa naJehovha nokuuita muupenyu hwedu kunokosha kuti titenderwe naMwari uye tiwane chikomborero choupenyu husingaperi. Saka zvinokosha sei, kuti titeerere kurayira kwaJesu kwokuti: “Chenjererai mateererere enyu”!—Ruka 8:18.