RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 1/01 p. 1
  • Iva Muteereri Akanaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Iva Muteereri Akanaka
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Mashoko Akafanana
  • “Chenjererai Mateererere Enyu”
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Iva Muteereri Akanaka
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Nyatsoteerera Pamisangano
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
  • Kutitungamirira Kuri Kuita Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
km 1/01 p. 1

Iva Muteereri Akanaka

1 Zvinoda kuzviranga kuti munhu anyatsoteerera. Zvinodawo kuti muteereri ave nechido chokudzidza ndokubatsirwa nezvinonzwiwa. Nokudaro, Jesu akasimbisa kudiwa kwokuchenjerera “mateererere enyu.”—Ruka 8:18.

2 Izvi zvinoshanda zvikurukuru patinopinda misangano yeungano, magungano, nekokorodzano. Idzi inguva dzatinofanira kunyatsoteerera. (VaH. 2:1) Hezvino zvimwe zvingakubatsira kuva muteereri akanaka pakuungana kwechiKristu uku.

◼ Nzwisisa kukosha kwemisangano. Iyo inzira huru yatino“dzidziswa [nayo] naJehovha” achishandisa “mutariri akatendeka.”—Isa. 54:13; Ruka 12:42.

◼ Fanogadzirira. Ongorora zvinhu zvichakurukurwa, uye iva nechokwadi chokuuya neBhaibheri rako uye bhuku rako pachako riri kudzidzwa.

◼ Panguva yemisangano, edza kuteerera kupfuura zvaunosiita. Kutaura nevaya vawakagara navo uyewo kutarira zviri kuitwa nevamwe vari muvateereri kunofanira kudziviswa. Edza kusatsauswa nokufunga zvauchazoita musangano wapera kana kuti nezvimwe zvinhu zvako woga.

◼ Ongorora zviri kukurukurwa. Zvibvunze kuti: ‘Izvi zvinoshanda sei kwandiri? Ndichazvishandisa rini?’

◼ Nyora mashoko mashoma epfungwa huru uye emagwaro. Izvi zvinokubatsira kuti urambe uchifunga zviri kukurukurwa uye zvinokubatsira kuyeuka pfungwa huru dzokuzoshandisa gare gare.

3 Dzidzisa Vana Vako Kuteerera: Vana vanoda murayiridzo womudzimu. (Dheut. 31:12) Munguva yekare “vose vakanga vachigona kunzwisisa” pakati pevanhu vaMwari vaifanira kuteerera sezvavaiverengerwa Mutemo. (Neh. 8:1-3) Kana vabereki vari kubatanidzwa mumisangano ndokunyatsoteerera, vana vavo vangangodarowo. Hakusi kuchenjera kuuya nezvokutambisa kana mabhuku okudhirowa kuti muvaraidze vana. Kuenda kuchimbudzi pasina chikonzero chaicho kunovhiringidzawo kuteerera kwavo. Sezvo “upenzi hu[chi]namatira mumwoyo womwana,” vabereki vanofanira kuedza zvechokwadi kuona kuti vana vavo vaterama ndokuteerera pamisangano.—Zvir. 22:15.

4 Nokuva vateereri vakanaka, tinoratidza kuti takanyatsochenjera uye kuti tinoda “kuwedzer[a] kudzidza.”—Zvir. 1:5.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe