Ganhuro 23
Vafundisi Vanokurumidzisa Kukura Munyika Yose
MUBATO wokushingaira wavafundisi vanodisa kubatira kupi kana kupi kwavanodikanwa wave uri chinhu chinokosha mukuziviswa munyika yose kwoUmambo hwaMwari.
Kare kare Watch Tower Bible and Tract Society isati yatanga chikoro nokuda kwechinangwa chacho, vafundisi vakanga vachitumwa kudzimwe nyika. Purezidhendi wokutanga weSosaiti, C. T. Russell, akarongazve kudikanwa kwavanhu vanokwanirisa kutanga ndokutungamirira mukuparidza mashoko akanaka muminda yokumwe. Akatuma varume nokuda kwechinangwa ichocho—Adolf Weber kuEurope, E. J. Coward kunharaunda yeCaribbean, Robert Hollister kuMabvazuva, uye Joseph Booth kumaodzanyemba kweAfrica. Nenzira inosuruvarisa, Booth akabvumikisa kuva anofarira zvikuru gadziriro dzake amene; naizvozvo, muna 1910, William Johnston akatumwa achibva kuScotland kuenda kuNyasaland (zvino Malawi), uko pesvedzero yakashata yaBooth yakanga yave yanzwiwa zvikuru. Pashure paikoko, Hama Johnston vakagoverwa kutanga hofisi yebazu yeWatch Tower Society muDurban, South Africa, uye gare gare vakabatira somutariri webazu muAustralia.
Pashure pehondo yenyika yokutanga, J. F. Rutherford akatotuma vafundisi vakatowanda—somuenzaniso, Thomas Walder naGeorge Phillips kubva kuBritain kuenda kuSouth Africa, W. R. Brown kubva kumugove muTrinidad kuenda kuWest Africa, George Young kubva kuCanada kuenda kuSouth America nokuEurope, Juan Muñiz kutanga kuSpain uye ipapo kuArgentina, George Wright naEdwin Skinner kuenda kuIndia, vachiteverwa naClaude Goodman, Ron Tippin, uye vakawanda. Vakanga vari mapiyona chaiwoiwo, vachiita nhamburiko dzokusvika kunzvimbo uko kuparidzwa kushomanene kana kuti kusina kwamashoko akanaka kwakanga kwaitwa uye vachivanzarika hwaro hwakasimba hwokukura kwomunguva yemberi kwesangano.
Pakanga pane vamwewo vaiva nomudzimu woufundisi wakavasunda kutanga kuparidza kunze kwenyika yavo vamene. Pakati pavo pakanga pana Kate Goas nomwanasikana wake Marion, avo vakapa makore kubasa rokushingaira muColombia neVenezuela. Mumwe akanga ari Joseph Dos Santos, uyo akabva muHawaii parwendo rwokuparidza rwakatungamirira kumakore 15 oushumiri muPhilippines. Pakanga panawo Frank Rice, uyo akafamba nengarava inotakura zvinhu kubva kuAustralia kundozarura kuparidzwa kwamashoko akanaka pachitsuwa cheJava (zvino Indonesia).
Zvisinei, muna 1942 gadziriro dzakatanga dzechikoro chaiva nekosi yakashongedzerwa zvikuru kurovedza vose vari vaviri varume navakadzi avo vakanga vachidisa kutanga kuita basa rakadaro roufundisi kupi kana kupi kwavaidikanwa mumunda wenyika yose.
Chikoro cheGilead
Pakati pehondo yenyika, kungave kwakaratidzika sokunge kusingashandi mumurangariro womunhu kuronga kukura kwemibato yokuparidza Umambo muminda yokumwe. Bva, muna September 1942, nechivimbo muna Jehovha, vatungamiriri vamaviri amasangano makuru apamutemo anoshandiswa neZvapupu zvaJehovha vakatendera chikarakadzo chakaitwa naN. H. Knorr chokutanga chikoro chakarongedzerwa kurovedza vafundisi navamwe nokuda kwebasa chairo. Chakanga chichizodanwa kuti Watchtower Bible College of Gilead. Gare gare zita iroro rakachinjirwa kuWatchtower Bible School of Gilead. Hakuna murayiridzo waifanira kuchinjwa, uye vadzidzi vaizopiwa pokugara uye vaipiwa zvokudya pandyiko yeSosaiti kwenhambo yokurovedzwa kwavo.
Pakati paavo vakakokwa kuzobetsera kuronga kosi yefundo pakanga pana Albert D. Schroeder, uyo akanga atowana ruzivo rwokuzviwanira rukuru muDhipatimendi reBasa padzimbahwe reSosaiti muBrooklyn uye somutariri webazu reSosaiti muBritain. Murangariro wake wakanaka, nzira iyo akazvipa amene nayo, uye fariro yake youshamwari muvadzidzi yakamuita kuti adiwe naavo aidzidzisa mukati mamakore 17 ayo akabatira somunyori uye somurayiridzi muchikoro chacho. Muna 1974 akava mutezo woMutumbi Unodzora, uye gore rakatevera racho akagoverwa kubatira muDare rawo Rokudzidzisa.
Hama Schroeder navarayiridzi biyavo (Maxwell Friend, Eduardo Keller, uye Victor Blackwell) vakaronga kosi yefundo yemwedzi mishanu iyo yakasimbisa kufundwa kweBhaibheri rimene nesangano roubati ushe hwaMwari, uyewo dzidziso dzeBhaibheri, kutaura pachena, ushumiri hwomumunda, basa roufundisi, nhau yorudzidziso, mutemo woumwari, nzira yokubata nayo navakuru vakuru vehurumende, mutemo wamarudzi akawanda, kuchengeta zvinyorwa, uye mutauro wokumwe. Chinjo mukosi dzakaitika mumakore akapfuura, asi kufundwa kweBhaibheri rimene noukoshi hwebasa rokuparidza evhangeri nguva dzose zvakava nenzvimbo yokutanga. Nharidzano yekosi yacho ndeyokusimbisa kutenda kwavadzidzi, kuvabetsera kukudza mavara omudzimu anodikanwa kunangana nenzira inobudirira nedenho dzebasa roufundisi. Simbiso yakaiswa paukoshi hwokutsamira zvakazara pana Jehovha noruvimbiko kwaari. (Pis. 146:1-6; Zvir. 3:5, 6; VaEf. 4:24) Vadzidzi havapiwi mhinduro dzakadzidzwa nomusoro kuchinhu chiri chose asi vanorovedzwa munzvero uye vanobetserwa kunzwisisa chikonzero nei Zvapupu zvaJehovha zvichidavira sezvazvinoita uye chikonzero nei zvichinamatira kunzira dzakati dzokuita nadzo zvinhu. Vanodzidza kunzwisisa nheyo idzo vanogona kushanda nadzo. Nokudaro hwaro hunovanzarikwa hwokumwezve kukura.
Kokero kuvadzidzi vanokarirwa vekirasi yokutanga dzakatumirwa pana December 14, 1942. Pakanga pari pakati pechando apo vadzidzi 100 vakaumba kirasi iyoyo vakanyoresa pazvivako zvechikoro zvaiva kumusoro kweNew York, paSouth Lansing. Vakanga vachida, vachidisa, uye vachiti ivei noruzazu. Kunyange zvazvo fundo dzemukirasi dzakanga dziri itiro hanya yakananga, vaisagona kurega kushamiswa kuti ndokupi mumunda wenyika kwavaizotumirwa pashure pokupedza kudzidza.
Mune imwe hurukuro kukirasi yokutanga iyoyo pana February 1, 1943, zuva rokuzarura chikoro, Hama Knorr vakati: “Muri kupiwa kumwe kugadzirirwa nokuda kwebasa rakafanana neiro romuapostora Pauro, Marko, Timotio, uye vamwe avo vakafamba kumativi ose oUmambo hweRoma vachizivisa shoko roUmambo. Vaifanira kusimbiswa neShoko raMwari. Vaifanira kuva nezivo yakajeka yezvinangwa Zvake. Munzvimbo dzakawanda vaifanira kumira vari voga mukurwisana navakakwirira navane simba venyika ino. Mugove wenyu ungave mumwe chetewo; uye Mwari achava simba renyu kwauri.
“Kune nzvimbo dzakawanda uko uchapupu pamusoro poUmambo husina kupiwa kusvikira kutambanuko huru. Vanhu vanogara muidzi nzvimbo vari murima, vakachengetwa imomo norudzidziso. Mune dzimwe dzeidzi nyika umo mune Zvapupu zvishomanene kunocherekedzwa kuti vanhu vepfungwa dzakanaka vanonzwa nokudisa uye vangazvibatanidza vamene nesangano raShe, kana vakarayiridzwa zvakafanira. Panofanira kuva navamwe vane mazana navane zviuru avo vangagona kusvikwa kudai kwakanga kune vashandi vakawanda mumunda. Kupfurikidza nenyasha dzaShe, pachava nevakawanda.
“HACHISATI CHIRI chinangwa cheiyi koreji kukushongedzerai kuva vashumiri vakagadzwa. Munotova vashumiri uye mave muchishingaira muushumiri kwamakore. . . . Kosi yefundo pakoreji iri nokuda kwechinangwa bedzi chokukugadzirirai kuva vashumiri vanokwanisa zvikuru mundima kwamuchaenda. . . .
“Basa renyu guru nderiya rokuparidza evhangeri yoUmambo paimba neimba sezvakaita Jesu navaapostora. Apo muchange mawana nzeve inonzwa, rongai shanyo yedzokerero, tangai fundo yapamusha, uye rongai kambani [ungano] yavose vakadaro muguta kana kuti taundi. Hausati uchizova bedzi mufaro wenyu kuronga kambani, asi munofanira kuvabetsera kunzwisisa Shoko, kuvasimbisa, kutaura kwavari nguva nenguva, kuvayamura mumisangano yavo yebasa nokuronga kwavo. Apo vanenge vasimba uye vachigona kupfuurira vari voga ndokutora ndima yacho, munogona kutamira kune rimwe guta kundozivisa Umambo. Nguva nenguva kungava kuri madikanwa kuti mudzokere kundovavaka mukutenda kutsvene zvikurusa ndokuvasimbisa mudzidziso; naizvozvo basa renyu richava riya rokutarisira ‘mamwe makwai’ aShe, uye kwete kuarega. (Joh. 10:16) Basa renyu chairoiro nderokubetsera vanhu vepfungwa dzakanaka. Muchafanira kutanga, asi muchitarira kunhungamiro yaMwari.”a
Mwedzi mishanu gare gare mitezo yekirasi yokutanga iyoyo yakapedza kurovedzwa kwayo chaiko. Mavhiza akawanwa, gadziriro dzokufamba dzakaitwa, uye vakavamba kuenda kunyika pfumbamwe dzeLatin-America. Mwedzi mitatu pashure pokupedza kudzidza kwavo, vafundisi vokutanga vakarovedzwa paGilead kubva muUnited States vakaenda kuCuba. Pakasvika 1992, vadzidzi vanopfuura 6 500 vakabva kunyika dzinopfuura 110 vakanga varovedzwa uye pashure paikoko vakanga vabatira mudzinopfuura zvikuru nyika 200 namapoka ezvitsuwa.
Kuburukira chaizvo kunguva yorufu rwavo makore 34 pashure pokutangwa kweChikoro cheGilead, Hama Knorr vakaratidzira fariro huru yomunhu oga mubasa ravafundisi. Temu imwe neimwe yechikoro, vaishanyira kirasi yaivapo kanoverengeka kana kwaitongobvira, vachipa hurukuro uye vachienda nemimwe mitezo yavashandi vapadzimbahwe kuzotaura kuvadzidzi. Pashure pokunge vakapedza kudzidza veGilead vavamba basa ravo kunyika dzokumwe, vakashanyira ivo pachavo mapoka avafundisi, vakavabetsera kupedza zvinetso, uye vakavapa kurudziro yaidikanwa. Sezvo nhamba yemapoka avafundisi yakawanda, vakaronga kuti dzimwe hama dzakasanokwaniriswa dziite shanyo dzakadarowo, kuitira kuti vafundisi vose, pasinei hapo nokwavakanga vachibatira, vaizowana ngwariro yenguva dzose yomunhu oga.
Ava Vafundisi Vakanga Vakasiyana
Vafundisi vechiKristudhomu vakavaka zvipatara, nzvimbo dzinochengeterwa vapoteri, uye nzvimbo dzinochengeterwa nherera kuti vagotarisira zvinodikanwa zvokunyama zvavanhu. Vachizviita vamene vatsigiri vavarombo, vakanyandurawo kupandukira uye vakatora rutivi muhondo yechigandanga. Mukupesana, vafundisi vakapedza kudzidza veChikoro cheGilead vanodzidzisa vanhu Bhaibheri. Panzvimbo pokutanga machechi ndokukarira vanhu kuuya kwavari, vanoshanya paimba neimba kundowana ndokudzidzisa avo vane nzara nenyota zvokururama.
Vachisanonamatira kuShoko raMwari, vafundisi Zvapupu vanoratidza vanhu chikonzero nei mhinduro yechokwadi neyechigarire yezvinetso zvorudzi rwomunhu iri Umambo hwaMwari. (Mat. 24:14; Ruka 4:43) Musiyano uri pakati peiri basa neiro ravafundisi vechiKristudhomu wakasimbiswa kuna Peter Vanderhaegen muna 1951 apo aienda kumugove wake muIndonesia. Mumwe mukwiri bedzi akanga ari mungarava inotakura zvinhu akanga ari mufundisi weBaptist. Kunyange zvazvo Hama Vanderhaegen vakaedza kutaura kwaari pamusoro pamashoko akanaka oUmambo hwaMwari, muBaptist akajekesa kuti fariro yake huru yakanga iri kutsigira nhamburiko dzaChiang Kai-shek muTaiwan dzokutongazve nyika yacho.
Kunyange zvakadaro, vamwe vanhu vakawanda vakasvika pakunzwisisa ukoshi hwechinotaurwa muShoko raMwari. MuBarranquilla, Colombia, apo Olaf Olson akapupura kuna Antonio Carvajalino, uyo akanga ave ari mutsigiri akasimba wesangano rakati rezvamatongerwe enyika, Hama Olson havana kumutsigira, uyewo havana kutsigira imwe pfungwa yezvamatongerwe enyika. Panzvimbo pezvo, vakakarakadza kufunda Bhaibheri pachena naAntonio nehanzvadzi dzake. Nokukurumidza Antonio akaziva kuti Umambo hwaMwari ndihwo chaizvoizvo tariro bedzi yevarombo veColombia norutivi rwasara rwenyika. (Pis. 72:1-4, 12-14; Dhan. 2:44) Antonio nehanzvadzi dzake vakava vabatiri vanoshingaira vaMwari.
Idi rokuti vafundisi Zvapupu vakaparadzana uye vakasiyana nesangano rorudzidziso rechiKristudhomu rakasimbiswa neimwe nzira muchiitiko muRhodesia (zvino Zimbabwe). Apo Donald Morrison akashanyira musha wevamwe vafundisi vechiKristudhomu imomo, mufundisi wacho akanyunyuta kuti Zvapupu zvakanga zvisiri kuremekedza miganhu yakanga yaiswa. Miganhuiko? Eya, marudzidziso echiKristudhomu akanga akamura nyika yacho kuva nharaunda umo rumwe norumwe rwaizoshanda pasina vhiringidzo inobva kumamwe. Zvapupu zvaJehovha zvaisagona kuwirirana negadziriro yakadaro. Jesu akanga ataura kuti shoko roUmambo raifanira kuparidzwa mupasi rose rinogarwa. ChiKristudhomu chaizvoizvo chakanga chisiri kukuita. Vafundisi vakarovedzwa paGilead vakanga vakatsunga kuita basa rakakwana, mukuteerera Kristu.
Ava vafundisi vakatumwa, kwete kuzobatirwa, asi kuzobatira. Kwakanga kuri pachena munzira dzakawanda kuti ikoku ndiko uko vakaedza kuita chaizvoizvo. Hakuna kuipa kugamuchira zvinhu zvokunyama zvinopiwa pachena (uye kwete somugumisiro wokukumbira) mukuonga betsero yomudzimu. Asi kuti vagosvika mwoyo yavanhu muAlaska, John Errichetti naHermon Woodard vakawana kuti kwakanga kuchibetsera kuwana nguva yakati yokushanda namaoko avo kuti vagovere zvinodikanwa zvavo zvomuviri, sezvakanga zvaita muapostora Pauro. (1 VaK. 9:11, 12; 2 VaT. 3:7, 8) Mubato wavo mukuru wakanga uri kuparidza mashoko akanaka. Asi apo vaigamuchira mutsa, vaibetserawo namabasa aifanira kuitwa—somuenzaniso, kuisa tara denga remba yomumwe munhu nemhaka yokuti vakaziva kuti aida betsero. Uye apo vaifamba panzvimbo nenzvimbo neigwa, vakabetsera kuburutsa zvitakurwa. Vanhu vakakurumidza kuziva kuti ava vafundisi vakanga vasina kutongofanana navafundisi vechiKristudhomu.
Mune dzimwe nzvimbo kwakanga kuri madikanwa kuti vafundisi Zvapupu vatange kushanda basa rokunyika kwenguva yakati kuti vagadzikane munyika kuti vagogona kupfuudzira ushumiri hwavo imomo. Nokudaro, apo Jesse Cantwell akaenda kuColombia, akadzidzisa chiNgezi mudhipatimendi rezvokurapa reyunivhesiti kusvikira mamirire ezvinhu ezvamatongerwe enyika achinja uye ganhuriro dzorudzidziso dzaguma. Pashure paikoko akakwanisa kushandisa ruzivo rwake rwokuzviwanira nguva yakazara muushumiri somutariri anofambira weZvapupu zvaJehovha.
Munzvimbo dzakawanda, vafundisi vaifanira kutanga namavhiza avashanyi ayo aivabvumira kuva munyika kwomwedzi kana kuti zvichida mwedzi inoverengeka. Ipapo vaifanira kubuda ndokupindazve. Asi vakapfuurira, vachidzokorora vadzokororazve mutoo wacho kutozosvikira mapepa okuva mugari wemo aidikanwa agona kuwanikwa. Vaishuva zvikuru kubetsera vanhu munyika umo vakanga vagoverwa.
Ava vafundisi havana kuzvirangarira vamene savakuru kuvanhu vomunzvimbomo. Somutariri anofambira, John Cutforth, uyo pakuvamba aiva mudzidzisi wechikoro muCanada, akashanyira ungano pamwe chete neZvapupu zvaiva zvoga muPapua New Guinea. Aigara pauriri navo, aidya navo, uye aigamuchira kokero dzokurara pabonde pauriri mumusha mavo. Akafarikanya ruwadzano navo sezvavaifamba pamwe chete muushumiri hwomumunda. Asi ikoku kwakanga kuchishamisa kuvakanga vasiri Zvapupu avo vaikucherekedza, nokuti vafundisi veEurope vemishoni dzechiKristudhomu vakanga vane mukurumbira wokuramba vakaparadzana navanhu vomunzvimbomo, vachisonganirana nevomuruwa rwavo kwenguva pfupi bedzi pamimwe yemisangano yavo, asi vasingatongodyi navo.
Vanhu avo pakati pavo izvi Zvapupu zvakabatira vakanzwa fariro yorudo yavafundisi neyesangano rakanga ravatuma. Mukupindura tsamba yakabva kuna João Mancoca, mumwe mugari weAfrica anozvininipisa akachengetwa munyika yechirango muPortuguese West Africa (zvino Angola), mumwe mufundisi weWatch Tower akatumwa kundogovera betsero yomudzimu. Achitarira shure pashanyo iyoyo, Mancoca gare gare akati: “Ndakanga ndichisina panikiro yokuti irori rakanga riri sangano rechokwadi iro rine tsigiro yaMwari. Ndakanga ndisina kutongofunga kana kuti kudavira kuti rimwe sangano ripi neripi rorudzidziso raizoita chinhu chakadaro: pasina mubhadharo, rakatuma mufundisi kubva kure kuzoshanyira munhu asingakoshi nemhaka chete yokuti akanyora tsamba.”
Migariro Yokurarama Netsika
Kazhinji kazhinji migariro yokurarama munyika uko vafundisi vakatumwa yakanga isina kubudirira mune zvokunyama seiyo yaiva munzvimbo umo vakanga vabva. Apo Robert Kirk akasvika nendege muBurma (zvino yava Myanmar) pakuvamba muna 1947, migumisiro yehondo yakanga ichiri kuoneka, uye misha mishomanene yakanga ine magetsi. Munyika dzakawanda, vafundisi vakawana kuti kugeza mbatya nokuchisa kwaiitwa imwe neimwe nepuranga rokuwachira kana kuti pamatombo kurwizi panzvimbo pomuchina wamagetsi wokugezesa mbatya. Asi vakanga vauya kuzodzidzisa vanhu zvokwadi yeBhaibheri, naizvozvo vakachinjira kumigariro yomunzvimbomo ndokubatikana muushumiri.
Mumazuva apakuvamba, kazhinji kazhinji kwaiitika kuti kwakanga kusina munhu aimirira kuti agamuchire vafundisi. Kwakanga kuri kwavari kuwana nzvimbo yokugara. Apo Charles Eisenhower, pamwe chete navamwe 11, vakasvika muCuba muna 1943, vakarara pauriri usiku hwokutanga. Zuva rakatevera racho vakatenga mibhedha uye vakagadzira mokuisa zvipfeko nemokuchengetera zvokubikisa zvakagadzirwa namabhokisi amaapuro. Richishandisa mipiro ipi kana ipi yavaigamuchira mukugovera mabhuku, pamwe chete nemari shoma yaigoverwa neWatch Tower Society nokuda kwamapiyona chaiwo, boka rimwe nerimwe ravafundisi raitarira kuna Jehovha kuti akomborere nhamburiko dzavo dzokubhadhara rendi, dzokuwana zvokudya, uye dzokubhadhara dzimwe ndyiko dzaiva madikanwa.
Kugadzirirwa kwezvokudya pane dzimwe nguva kwaida chinjo mukufunga. Uko kwakanga kusina firiji, nzendo dzezuva nezuva dzokumusika dzakanga dziri madikanwa. Munyika dzakawanda kubika kwaiitwa pamwoto wemarasha kana kuti wehuni panzvimbo pechitofu chegasi kana kuti chamagetsi. George naWilla Mae Watkins, vakagoverwa kuLiberia, vakawana kuti chitofu chavo chakanga chisina chimwe chinhu chinopfuura matombo matatu aishandiswa kutsigira ketero yesimbi.
Zvakadiniko nemvura? Achitarira pamusha wake mutsva muIndia, Ruth McKay akati: ‘Heuno musha usina kufanana noupi noupi wandati ndamboona. Kicheni haina singi, pombi yemvura chete iri mukona remadziro ine kongiri yakakwirira kuti idzivise mvura kuyerera pose pose pauriri. Haisi mvura inoyerera kwamaawa 24, asi mvura inofanira kuchengetwa nokuda kwenguva apo inovharwa.’
Nemhaka yokuti vakanga vasina kurovedzana nemigariro yomunzvimbomo, vamwe vafundisi vakatambudzwa nechirwere mukati memwedzi yapakuvamba mumugove wavo. Russell Yeatts akava nenhambo imwe yamanyoka pashure peimwe apo akasvika muCuraçao muna 1946. Asi imwe hama yomunzvimbomo yakanga yapa munyengetero wakadaro womwoyo wose wokuonga kuna Jehovha nokuda kwavafundisi zvokuti vaisatongogona kufunga nezvokuenda. Pakusvika muUpper Volta (zvino Burkina Faso), Brian naElke Wise vakazviwana vamene vari mumamirire okunze akaipa anokuvadza utano hwomunhu. Vaifanira kudzidza kugonana netembiricha yemasikati ye43° C. Mukati megore ravo rokutanga, kupisa kukuru pamwe chete nemarariya zvakaparira Elke kurwara kwevhiki dzakati panguva. Gore rakatevera racho, Brian akarara kwemwedzi mishanu nechirwere chakakomba chokuzvimba kwechiropa. Asi vakakurumidza kuwana kuti vaiva nefundo dzeBhaibheri dzakawanda dzakanaka dzavaisagona kutarisira—uye dzimwe dzavaisagona kupa ngwariro yakazara. Kuda vanhu ivavo kwakavabetsera kutsunga; ndizvo zvakaitawo idi rokuti vakarangarira mugove wavo seropafadzo uye serovedzo yakanaka nokuda kwechipi kana chipi icho Jehovha akanga akavachengetera munguva yemberi.
Sezvo makore aipfuura, vakawanda vavafundisi vaigamuchirwa kumigove yavo naavo vakanga vavatangira kuenda kana kuti neZvapupu zvomunzvimbomo. Vamwe vakagoverwa kunyika uko maguta makuru akanga ari azvino uno zvikuru. Kutanga muna 1946, Watch Tower Society yakaedzawo kugovera musha wakafanira nefanicha inokosha yeboka rimwe nerimwe ravafundisi pamwe chete nemari yezvokudya, nokudaro ichivabvisira iyi itiro hanya nokuvagonesa kunangidzira yakawanda yengwariro yavo kubasa rokuparidza.
Munzvimbo dzakati, kufamba kwakanga kuri chinoitika chaiedza tsungiriro yavo. Pashure pokunge kwanaya, inopfuura hanzvadzi imwe mufundisi muPapua New Guinea yakazviwana imene yakatakura migove mubhegi rinoberekwa ichifamba musango munzira inotsvedza iyo yakanga ine madhaka kwazvo zvokuti pane dzimwe nguva yaibvisa shangu dzayo. MuSouth America, vafundisi vakawanda vakava nokukwira mabhazi kunotyisa mumigwagwa mitete pamusoro muAndes Mountains. Ndichinoitika chisingakurumidzi kukanganwika apo bhazi renyu, riri kumucheto kwomugwagwa, rinopfuudzana neimwe motokari huru inoenda kwakasiyana pakona pasina simbi inodzivirira uye unonzwa bhazi richitanga kutenuka pamateru!
Kumukira kwezvamatongerwe enyika kwairatidzika kuva rutivi rwenguva dzose rwoupenyu munzvimbo dzakati, asi vafundisi Zvapupu vairangarira kutaura kwaJesu kwokuti vadzidzi vake vai“sazova rutivi rwenyika”; naizvozvo vakanga vasingatori rutivi murwisano dzakadaro. (Joh. 15:19, NW) Vakadzidza kudzvinyirira kudisa kuziva kupi nokupi uko kwaizovaratidzira kungozi isiri madikanwa. Kazhinji kazhinji, chinhu chakanakisisa chakanga chiri kusangova mumigwagwa kutozosvikira mamirire ezvinhu adzikama. Vafundisi vapfumbamwe muVietnam vakanga vachigara pakati chaipo peSaigon (zvino Ho Chi Minh City) apo hondo yakapoteredza guta iroro. Vaigona kuona mabhomba achidonhedzwa, mwoto muguta rose, uye zviuru zvavanhu zvichitiza nokuda kwoupenyu hwazvo. Asi vachinzwisisa kuti Jehovha akanga avatuma kuzopa zivo inopa upenyu kuvanhu vane nzara yezvokwadi, vaitarira kwaari nokuda kwedziviriro.
Kunyange apo kwaiva norugare rwakati, kwakanga kwakaoma kuti vafundisi vapfuudzire ushumiri hwavo mune zvimwe zvikamu zvamaguta eAsia. Kungooneka chete kwomuenzi mumigwagwa mitete yechikamu chavarombo cheLahore, Pakistan, kwakanga kwakakwana kukwezva boka ravana vasina kugezeswa, vane vhudzi risina kukamwa vemazera ose. Vachidanidzira uye vachisundidzirana, vaitevera mufundisi paimba neimba, kazhinji kazhinji vachimhanyira mumisha vari mumashure momuparidzi. Nokukurumidza mugwagwa wose wakanga waudzwa mutengo wamagazini uye kuti muenzi akanga ‘achiita vaKristu.’ Mumamirire ezvinhu akadaro, kwakanga kuri madikanwa nguva dzose kubva munharaunda macho. Kubva kwacho nguva dzose kwaiitwa apo vana vakanga vachidanidzira, vachiombera maoko, uye, padzimwe nguva, kukandwa kwamatombo.
Tsika dzomunzvimbomo nguva dzose dzaida chinjo dzakati dzavafundisi. MuJapan vakadzidza kusiya shangu dzavo pasuo pakupinda mumba. Uye vaifanira kurovedzana, kana kwaibvira, nokugara pauriri pamberi petafura yakaderera pafundo dzeBhaibheri. Muna mamwe mativi eAfrica, vakadzidza kuti kushandisa ruoko rworuboshwe kupa chimwe chinhu kune mumwe munhu kwairangarirwa sokutsvinya. Uye vakawana kuti murutivi irworwo rwenyika, dzakanga dziri tsika dzakashata kuedza kutsanangura chikonzero cheshanyo yavo vasati vapinda mukurukurirano duku yakati—vachibvunzana utano nokupindura mibvunzo pamusoro pokuti munhu wacho ari kubva kupi, ane vana vangani, uye zvichingodaro. MuBrazil vafundisi vakawana kuti panzvimbo pokugogodza pamasuo, kazhinji kazhinji vaifanira kuombera pagedhi repamberi kuti vadane saimba.
Zvisinei, muLebanon vafundisi vakanangana netsika dzorumwe rudzi. Hama shomanene dzaiunza vadzimai vadzo navanasikana kumisangano. Vakadzi vaipinda nguva dzose vaigara kumashure, vasingatongogari pakati pavarume. Vafundisi, vasingazivi tsika yacho, vakaparira vhiringidzo huru pamusangano wavo wokutanga. Varoorani vakagara nechokumberi, uye vasikana vafundisi vasina kuroorwa vakagara papi kana papi pakanga pane chigaro chisina munhu. Asi pashure pomusangano kurukurirano yenheyo dzechiKristu yakabetsera kubvisa kusanzwisisa. (Enzanisa naDheuteronomio 31:12; VaGaratia 3:28.) Rusaruro rwakaguma. Vadzimai vakawanda navanasikana vaipinda misangano. Vakakumbanirawo hanzvadzi vafundisi muushumiri hwapaimba neimba.
Denho Yomutauro Mutsva
Boka duku ravafundisi iro rakasvika muMartinique muna 1949 rakanga rine zivo shomanene zvikuru yechiFrench, asi vaiziva kuti vanhu vaida shoko roUmambo. Nokutenda chaikoiko vakatanga pasuo nesuo, vachiedza kurava magwaro mashomanene muBhaibheri kana kuti chikamu muchinyorwa chavakanga vachigovera. Neshiviriro chiFrench chavo chakava chakanaka zvishoma nezvishoma.
Kunyange zvazvo chakanga chiri chishuvo chavo kubetsera Zvapupu zvomunzvimbomo navamwe vanhu vanofarira, vafundisi vamene ndivo kazhinji kazhinji vaida betsero kutanga—nomutauro. Avo vakatumwa kuTogo vakawana kuti girama yechiEwe, rurimi rukuru rwomunzvimbomo, yakanga yakasiyana zvikuru nemitauro yeEurope, uyewo kuti kunzwika kwokukwira nokuderera kwenzwi umo shoko rinotaurwa kungachinja revo. Nokudaro, shoko rine mabhii maviri rokuti to, apo rinotaurwa rakakwidzwa, rinogona kureva nzeve, gomo, tezvara, kana kuti rudzi; rakaderera, rinoreva nyati. Vafundisi vaitanga kuita basa muVietnam vakanangana nomutauro waishandisa misiyano mitanhatu yokunzwika kwenzwi pashoko ripi neripi rakati, kunzwika kwenzwi kumwe nokumwe kuchiguma nerevo yakasiyana.
Edna Waterfall, akagoverwa kuPeru, haana kukurumidza kukanganwa imba yokutanga apo akaedza kupupura muchiSpanish. Nedikita kuchitonhora nemhaka yokutya, akandandamira achipa mharidzo yake yakadzidzirwa nomusoro, akagovera mabhuku, uye akaronga fundo yeBhaibheri nomumwe mukadzi akwegura. Ipapo mukadzi wacho akati muchiNgezi chakanaka: “Zvakanaka, ikoko kwose kwakaisvonaka zvikuru. Ndichafunda nemi uye tichakuita kwose muchiSpanish kukubetserai kudzidza chiSpanish.” Akatyamadzwa, Edna akapindura, kuti: “Munoziva chiNgezi? Uye munondirega ndichiita ikoko kwose muchiSpanish changu chakashata?” “Kwanga kwakakunakirai,” mukadzi wacho akapindura kudaro. Uye, zvirokwazvo, kwakanga kwakadaro! Sezvo Edna akakurumidza kusvika pakunzwisisa, kutaura chaizvoizvo mutauro rutivi runokosha rwokuudzidza.
MuItaly, panguva apo George Fredianelli akaedza kutaura mumutauro wacho, akawana kuti ayo aifunga kuti akanga ari mashoko echiItalian (asi akanga ari mashoko echiNgezi akanyorwa muchiItalian) akanga asiri kunzwisiswa. Kugonana nechinetso chacho, akasarudza kunyora hurukuro dzake dzeungano zvakazara ndokudzipa namanyoro. Asi vakawanda muvateereri vake vairara. Naizvozvo akarasa manyoro acho, aitaura asina kugadzirira, uye aikumbira vateereri kumubetsera apo aiomerwa. Ikoku kwaivachengeta vakamuka, uye kwakamubetsera kufambira mberi.
Kupa vafundisi mavambo nomutauro wavo mutsva, kosi yefundo yeGilead yekirasi dzapakuvamba yaibatanidza mitauro yakadai sechiSpanish, chiFrench, chiItalian, chiPutukezi, chiJapanese, chiArabic, uye chiUrdu. Mumakore akapfuura, mitauro inopfuura 30 yakadzidziswa. Asi sezvo vakapedza kudzidza vekirasi yakati vasina vose kuenda kunzvimbo uko mutauro mumwe chetewo waitaurwa, idzi kirasi dzomutauro gare gare dzakatsiviwa negadziriro dzenhambo huru yefundo yomutauro yaitarisirwa pakusvika mumigove yavo. Kwomwedzi wokutanga, vauyi vatsva vakazvibatikanisa vamene chose chose mukufunda mutauro kwamaawa 11 pazuva; uye mwedzi wakatevera wacho, hafu yenguva yavo yaipedzerwa mukufunda mutauro pamusha, uye imwe hafu yakapiwa kukushandisa zivo iyoyo muushumiri hwomumunda.
Kwakacherekedzwa, zvisinei, kuti kushandiswa chaikoiko kwomutauro muushumiri hwomumunda kwakanga kuri chinokosha chikuru kufambiro mberi; naizvozvo gadziridzo yakaitwa. Mukati memwedzi mitatu yokutanga vari mumugove wavo, vafundisi vatsva vakanga vasingazivi mutauro womunzvimbomo vaipedza maawa mana pazuva vane mudzidzisi akakwaniriswa, uye kuvambira pakutanga chaipo, kupfurikidza nokupupura kuvanhu vomunzvimbomo pamusoro poUmambo hwaMwari, vaishandisa zvavakanga vachidzidza.
Mapoka akawanda avafundisi aishanda sezvikwata kuti anatse kunzwisisa kwavo mutauro wacho. Vaikurukura mashoko matsva mashomanene, kana kuti akawanda se20, zuva rimwe nerimwe pachisvusvuro uye ipapo vaiedza kushandisa iwaya muushumiri hwavo hwomumunda.
Kudzidza mutauro womunzvimbomo kwave kuri chinhu chinokosha mukuwana kwavo chivimbo chavanhu. Mune dzimwe nzvimbo, mune mwero wokusavimba vokumwe. Hugh naCarol Cormican vakabatira vari voga kana kuti savaroorani munyika shanu dzeAfrica. Vanosanoziva zvikuru kusavimbana kunowanzovapo pakati pavagari veAfrica navagari veEurope. Asi vanoti: “Kutaura nomutauro womunzvimbomo kunokurumidza kudzinga uku kunzwa. Uyezve, vamwe vasingadi kuteerera mashoko akanaka kuvagari venyika biyavo vachatiteerera nokudisa, kutora mabhuku, uye kufunda, nemhaka yokuti takaita nhamburiko yokutaura kwavari nomutauro wavo vamene.” Kuti vagoita ikoko, Hama Cormican vakadzidza mitauro mishanu, kunze kwechiNgezi, uye Hanzvadzi Cormican vakadzidza mitanhatu.
Chokwadika, kunogona kuva nezvinetso pakuedza kudzidza mutauro mutsva. MuPuerto Rico imwe hama yakanga ichikarakadza kuridzira vanasaimba shoko reBhaibheri rakarekodwa yaivhara giramufomu rayo ndokuenda kusuo rinotevera apo munhu aipindura kuti, “¡Como no!” Kwairi, ikoko kwainzwika sa“Aiwa,” uye kwakatora nguva yakati isati yaziva kuti kutaura kwacho kunoreva kuti “Kuregerereiko!” Pano rumwe rutivi, vafundisi pane dzimwe nguva vaisanzwisisa apo saimba aiti akanga asingafariri, naizvozvo vakaramba vachipupurira. Vanasaimba vashomanene vanonzwira tsitsi vakabetserwa somugumisiro.
Pakanga panewo mamirire ezvinhu anosetsa. Leslie Franks, muSingapore, akaziva kuti aifanira kungwarira kusataura pamusoro pekokonati (kelapa) apo aireva musoro (kepala), uye uswa (rumput) apo aireva vhudzi (rambut). Mumwe mufundisi muSamoa, nemhaka yokusadudza zvakanaka mashoko, akabvunza mumwe mugari akaberekerwamo kuti, “Ndebvu dzako dzakadini?” (iye akanga asina), apo kwairangarirwa kwakanga kuri kubvunza kworupfave pamusoro pomudzimai womurume wacho. MuEcuador, apo mumwe muchairi webhazi akavamba kufambisa bhazi kamwe kamwe, Zola Hoffman, uyo akanga akamira mubhazi macho, akarasa dzikamo ndokudonhera pazvidya zvomumwe murume. Akwenudzwa, akaedza kukumbira ruregerero. Asi chakabuda chakanga chiri, “Con su permiso” (Nemvumo yenyu). Apo murume wacho akapindura zvakanaka kuti, “Garai zvenyu, Ngosikadzi,” vamwe vakwiri vakaseka zvikuru.
Kunyange zvakadaro, migumisiro yakanaka muushumiri yakanga ichiuya nemhaka yokuti vafundisi vakaedza. Lois Dyer, uyo akasvika muJapan muna 1950, anoyeuka zano rakapiwa naHama Knorr, rokuti: “Ita zvakanakisisa zvaunogona, uye, kunyange zvazvo uchiita zvikanganiso, ita chimwe chinhu!” Akadaro, uye ndizvo zvakaitawo vamwe vakawanda. Mukati mamakore 42 akatevera, vafundisi vakatumwa kuJapan vakaona nhamba yavazivisi voUmambo imomo ichiwedzera kubva pavashomanene chete kusvikira kuvanopfuura 170 000, uye kukura kwakaramba kuchipfuurira. Ituso huru yakadini nemhaka yokuti, pashure pokunge vatarira kuna Jehovha nokuda kwenhungamiro, vakanga vachidisa kuedza!
Kuzarura Minda Mitsva, Kunatsa Mimwe
Munyika dzakawanda nemapoka ezvitsuwa, vakanga vari vafundisi vakarovedzwa paGilead avo vakavamba basa rokuparidza Umambo kana kuti zvimwe vakaripa simba raidikanwa pashure pokunge kupupura kwakaganhurirwa kwaitwa navamwe. Sezviri pachena vaiva vokutanga veZvapupu zvaJehovha kuparidza mashoko akanaka muSomalia, Sudan, Laos, uye mapoka ezvitsuwa akawanda munyika yose.
Kumwe kuparidza kwapakuvamba zvikuru kwakanga kwaitwa munzvimbo dzakadai seBolivia, Dominican Republic, Ecuador, El Salvador, Honduras, Nicaragua, Ethiopia, Gambia, Liberia, Cambodia, Hong Kong, Japan, uye Vietnam. Asi kwakanga kusina mumwe weZvapupu zvaJehovha akanga achishuma mubato muidzi nyika apo vafundisi vokutanga vakapedza kudzidza veChikoro cheGilead vakasvika. Uko kwaibvira, vafundisi vakatanga kufukidzwa kune nhevedzano kwenyika yacho, vachipa ngwariro kutanga pamaguta makuru. Havana kungogovera mabhuku ndokupfuurira, sezvakanga zvaita macolporteur omunguva yakapfuura. Vakadzokerera vanofarira nenzira yokushivirira, vakavaitisa fundo dzeBhaibheri, uye vakavarovedza muushumiri hwomumunda.
Dzimwe nyika dzakanga dzine vanenge vazivisi voUmambo gumi bedzi (uye, muzviitiko zvakawanda, vashomanene zvikuru) vafundisi vakapedza kudzidza veChikoro cheGilead vasati vasvika. Dzinobatanidzwa pakati paidzodzi dzakanga dziri Colombia, Guatemala, Haiti, Puerto Rico, Venezuela, Burundi, Ivory Coast (zvino Côte d’Ivoire), Kenya, Mauritius, Senegal, South-West Africa (zvino Namibia), Ceylon (zvino Sri Lanka), China, uye Singapore, pamwe chete nemapoka akawanda ezvitsuwa. Vafundisi vakagadza muenzaniso wokushingaira muushumiri, vakabetsera Zvapupu zvomunzvimbomo kunatsa mano azvo, vakaronga ungano, uye vakabatsira hama kukwanirisa kutungamirira. Muzviitiko zvakawanda vakazarurawo basa rokuparidza munzvimbo dzakanga dzisina kubatwa.
Neiyi betsero nhamba yeZvapupu yakavamba kukura. Mudzakawanda zvikurusa dzeidzi nyika, zvino mava nezviuru zveZvapupu zvinoshingaira zvaJehovha. Mune dzimwe dzadzo, mune makumi ezviuru, kana kuti kunyange zvinopfuura chiuru chezana, chavarumbidzi vaJehovha.
Vamwe Vanhu Vakanga Vachidisa Kunzwa
Mune dzimwe nharaunda vafundisi vakawana vanhu vakawanda vakanga vachidisa kudzidza. Apo Ted naDoris Klein, vakapedza kudzidza vekirasi yokutanga yeGilead, vakasvika muVirgin Islands muna 1947, makanga mune vanhu vakawanda kwazvo vaida kufunda Bhaibheri zvokuti kazhinji kazhinji havana kugumisa zuva ravo rebasa kutozosvikira pakati pousiku. Nokuda kwehurukuro yavose yokutanga iyo Hama Klein vakapa muMarket Square yeCharlotte Amalie, kwakanga kune vane chiuru vakapinda.
Joseph McGrath naCyril Charles vakatumwa kundima yeAmis muTaiwan muna 1949. Vakazviwana vamene vachigara mudzimba dzine matenga akapfirirwa nouswa napasi pane tsvina. Asi vakanga varipo kubetsera vanhu. Vamwe vavanhu vorudzi rwechiAmis vakanga vawana mabhuku eWatch Tower, vakanga vafadzwa nezvavakarava, uye vakanga vagoverana mashoko akanaka navamwe. Zvino vafundisi vakanga varimo kuti vabetsere kukura mumudzimu. Vakaudzwa kuti vanhu 600 vakanga vachifarira zvokwadi, asi hwerengedzo yavane 1 600 yakapinda misangano yavaiita sezvavaifamba pamusha nomusha. Ava vanhu vanozvininipisa vakanga vachidisa kudzidza, asi vakanga vasina zivo yakarurama yezvinhu zvakawanda. Nokushivirira hama dzakavamba kuvadzidzisa, dzichiva nenhau imwe panguva, kazhinji kazhinji dzichipa maawa masere kana kuti anopfuura kukurukurirano yemibvunzo nemhinduro yenhau pamusha mumwe nomumwe. Rovedzo yakagoverwawo 140 avo vakataura chishuvo chokugoverana mukupupura paimba neimba. Ichocho chakanga chiri chinoitika chinofadza zvakadini nokuda kwavafundisi! Asi zvakawanda zvakanga zvichiri kuda kuitwa kana kwaizova noukuru hwakasimba hwomudzimu.
Anenge makore 12 gare gare, Harvey naKathleen Logan, vafundisi vakarovedzwa paGilead avo vakanga vave vachibatira muJapan, vakagoverwa kuti vape rumwe rubatsiro kuhama dzechiAmis. Hama Logan vakapedzera nguva yakawanda vachivabetsera kunzwisisa dzidziso huru yeBhaibheri nenheyo pamwe chete nezvinhu zvesangano. Hanzvadzi Logan vakashanda nehanzvadzi dzechiAmis mubasa romumunda zuva rimwe nerimwe, pashure pako vakaedza kufunda zvokwadi huru dzeBhaibheri navo. Ipapo, muna 1963, Watch Tower Society yakaronga kuti nhume dzakabva kunyika 28 dziungane neZvapupu zvomunzvimbomo imomo mumusha weShou Feng, pamusoro pekokorodzano yokupote nyika yose. Kwose ikoku kwakavamba kuvanzarika hwaro hwakasimba hwokumwe kukura.
Muna 1948, vafundisi vaviri, Harry Arnott naIan Fergusson, vakasvika muNorthern Rhodesia (zvino Zambia). Imomo makanga muchitova neungano 252 dzeZvapupu zvakaberekerwamo zvechitema panguva iyoyo, asi zvino ngwariro yakapiwawo kuvaRungu avo vakanga vatamiramo maererano nemabasa okuchera mukore. Kugamuchira kwacho kwakanga kuchifadza. Mabhuku akawanda akagoverwa; avo vaiitiswa fundo dzeBhaibheri vakafambira mberi nokukurumidza. Gore iroro rakaona wedzero ye61 muzana munhamba yeZvapupu zvinoshingaira muushumiri hwomumunda.
Munzvimbo dzakawanda kwakanga kuri kwenguva dzose kuti vafundisi vave nendaza dzokumirira dzavanhu vaida fundo dzeBhaibheri. Pane dzimwe nguva hama dzokunyama, vavakidzani, uye dzimwe shamwari vaivapowo apo fundo dzaiitiswa. Kunyange vanhu vasati vakwanisa kuva nefundo yavo vamene yomunhu oga yeBhaibheri, vangava vachipinda misangano nguva dzose paHoro yoUmambo.
Zvisinei, mudzimwe nyika, kunyange zvazvo nhamburiko huru yakaitwa navafundisi, kucheka kwakanga kwakaganhurirwa zvikuru. Pakuvamba sa1953, vafundisi veWatch Tower vakatumwa kuEast Pakistan (zvino Bangladesh), uko nhamba yevagari vemo, iyo zvino inopfuura 115 000 000, iri zvikurukuru vaMuslim navaHindu. Nhamburiko huru yakaitwa kubetsera vanhu. Bva, pakasvika 1992, makanga mune vanamati vaJehovha 42 bedzi munyika iyoyo. Zvisinei, mumeso avafundisi vanobatira munzvimbo dzakadaro, mumwe nomumwe anogamuchira kunamata kwechokwadi anokosha zvikuru—nemhaka yokuti vashomanene kwazvo.
Betsero Yorudo kuZvapupu Biyavo
Basa guru ravafundisi nderokuparidza evhangeri, kuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Asi sezvavakapinda somunhu oga muuyu mubato, vakakwanisawo kugovera betsero huru kuZvapupu zvomunzvimbomo. Vafundisi vakavakokera muushumiri hwomumunda uye vakagoverana navo zvikarakadzo pamusoro penzira yokubata nayo nemamirire ezvinhu akaoma. Kupfurikidza nokucherekedza vafundisi, Zvapupu zvomunzvimbomo kazhinji kazhinji zvakadzidza nzira yokupfuuridzira nayo ushumiri hwazvo nomutoo wakarongeka zvikuru uye nzira yokuva nayo vadzidzisi vanobudirira zvikuru. Uyewo, vafundisi vakabetserwa neZvapupu zvomunzvimbomo kuchinjira kutsika dzomunzvimbomo.
Pakusvika kwake muPortugal muna 1948, John Cooke akaita nhano dzokuronga basa rapaimba neimba rine nhevedzano. Kunyange zvazvo zvakanga zvichidisa, zvakawanda zveZvapupu zvomunzvimbomo zvaida rovedzo. Iye gare gare akati: “Handisati ndichizotongokanganwa kumwe kwokubuda kwangu kwokutanga kumene muushumiri nehanzvadzi muAlmada. Hungu, vatanhatu vadzo vakaenda kuimba imwe cheteyo pamwe chete. Unogona kufungidzira zvako boka ravakadzi vatanhatu rakamira rakatenderedza suo apo mumwe wavo aipa mharidzo! Asi zvishoma nezvishoma zvinhu zvakavamba kuchinja ndokutanga kufambira mberi.”
Muenzaniso woushingi wavafundisi wakabetsera Zvapupu zvomuLeeward Islands kuva zvakashinga, zvisingatyiswi navashori avo vakaedza kuvhiringidza basa. Kutenda kwakaratidzwa nomumwe mufundisi kwakabetsera hama dzomuSpain kutanga muushumiri hwapaimba neimba, pasinei zvapo noudzvinyiriri hwechiFascist chechiKaturike umo vaigara panguva yacho. Vafundisi vaibatira muJapan pashure peHondo Yenyika II vakagadza muenzaniso mukungwarira pakutaura—vasingadzokorori kukundikana kworudzidziso rworudzi, pashure pokunge mambo weJapan aramba umwari hwake, asi panzvimbo pezvo achipa ufakazi hunonyengetedza hwokudavira muMusiki.
Zvapupu zvomunzvimbomo zvaicherekedza vafundisi uye zvaitapurwa zvikuru munzira umo vafundisi vangave vasina kuziva panguva iyoyo. MuTrinidad, zviitiko zvakaratidza kuzvininipisa kwavafundisi, kudisa kwavo kushivirira mamirire ezvinhu akaoma, uye basa ravo rakaoma mubasa raJehovha pasinei zvapo nokupisa zvichiri kutaurwa pamusoro pazvo makore akawanda gare gare. Zvapupu zvomuKorea zvakaororwa zvikuru nomudzimu wokuzvibayira wavafundisi avo kwamakore gumi vasina kusiya nyika yacho kuti vashanyire mhuri dzavo nemhaka yokuti hurumende yaisapa mvumo dzokupindazve kwezviitiko zvishomanene zvemamiriro ezvinhu anoda betsero yokukurumidza yo“mutsa.”
Mukati napashure pokudzidza kwavo kwokutanga paGilead, vakawanda zvikurusa vavafundisi vakava nechiono chakajeka chokushanda kwedzimbahwe resangano rinooneka raJehovha. Kazhinji kazhinji vaiva nemukana wakati wokusonganirana nemitezo yoMutumbi Unodzora. Gare gare, vari mumigove yavo youfundisi, vakakwanisa kupa kuZvapupu zvomunzvimbomo navanhu vachangobva kufarira mishumo yezvavakaona pamusoro penzira iyo sangano rinoshanda nayo pamwe chete nenzwisiso iyo ivo vamene vakava nayo yaro. Ukuru hwenzwisiso yavakapa pamusoro pokushanda kwoubati ushe hwaMwari kwesangano kazhinji kazhinji kwakanga kuri chinhu chinokosha mukukura kwakawanwa.
Mudzakawanda dzenzvimbo uko vafundisi vakatumwa, makanga musina misangano yeungano apo vakasvika. Naizvozvo vakaita gadziriro dzaidikanwa, vakaitisa misangano, uye vakaitisa akawanda zvikurusa amativi emisangano kusvikira vamwe vakwanirisa kugoverana muidzi ropafadzo. Nguva dzose vakanga vachirovedza dzimwe hama kuti dzigogona kukwanirisa kutora mutoro. (2 Tim. 2:2) Nzvimbo yokutanga yemisangano nguva dzose yakanga iri musha wavafundisi. Gare gare, gadziriro dzakaitwa nokuda kweHoro dzoUmambo.
Uko ungano dzakanga dzichitovako, vafundisi vakabetsera kuita kuti misangano ive inofadza zvikuru neinorayiridza. Tsinhiro dzavo dzakasanogadzirirwa dzaiongwa uye nokukurumidza dzakagadza muenzaniso uyo vamwe vakaedza kutevedzera. Vachishandisa rovedzo yavo yepaGilead, hama dzakagadza muenzaniso wakaisvonaka mukutaura pachena nokudzidzisa, uye vakapedza nomufaro nguva vane hama dzomunzvimbomo kuti vadzibetsere kudzidza unyanzvi hwacho. Munyika umo vanhu vakanga vachiita madiro mumagamuchidzanwa uye vasingaitiri hanya zvikuru kuchengeta nguva, vafundisi vakavabetserawo nenzira yokushivirira kunzwisisa ukoshi hwokutanga misangano nenguva uye vakakurudzira munhu ari wose kuvapo nenguva.
Mamirire ezvinhu ayo vakawana mune dzimwe nzvimbo akaratidzira kuti betsero yaidikanwa kuti vagovaka kunzwisisa ukoshi hwokuomerera kumipimo yakarurama yaJehovha. MuBotswana, somuenzaniso, vakawana kuti dzimwe dzehanzvadzi dzakanga dzichiri kuisa tambo kana kuti zvuma pavana vadzo sedziviriro pakuvadziko, dzisinganzwisisi zvizere kuti iyi tsika yakanga yakasimba mukutenda mashura nouroyi. MuPortugal vakawana mamirire ezvinhu akanga achiparira kusanzwana. Neshiviriro, betsero yorudo, uye kusimba apo kwakanga kuri madikanwa, utano hwomudzimu hwakanatswa hwakava pachena.
Vafundisi vakagoverwa kunzvimbo dzoutarisiri muFinland vakapa nguva yakawanda nenhamburiko kukurovedza hama dzomunzvimbomo kurangarira zvinetso nebetsero yenheyo dzeBhaibheri nokudaro ndokusvika kumhedziso inobvumirana nokufunga kwaMwari amene. MuArgentina vakabetserawo hama kudzidza ukoshi hworudungwe, machengeterwe ezvinyorwa, ukoshi hwemafaera. MuGermany vakabetsera hama dzakavimbika dzomunzvimbomo idzo mune mamwe mativi dzakanga dzakaoma zvikuru mumirangariro yadzo, somugumisiro wokurwira kwadzo kupukunyuka mumisasa yevasungwa, kutevedzera zvizere zvikuru nzira dzounyoro dzaJesu Kristu sezvavaifudza boka raMwari.—Mat. 11:28-30; Mabasa 20:28.
Basa ravamwe vafundisi rakabatanidza kubata navakuru vakuru vehurumende, kupindura mibvunzo yavo, uye kukumbira kuzivikanwa kwapamutemo kwebasa reZvapupu zvaJehovha. Somuenzaniso, kwenhambo yemakore anodokusvika mana, Hama Joly, avo vakagoverwa kuCameroon nomudzimai wavo, vakaita vaitazve nhamburiko dzokuwana kuzivikanwa kwapamutemo. Vakataura kuvakuru vakuru veFrance neAfrica kazhinji kazhinji. Pakupedzisira, pashure pechinjo yehurumende, kuzivikanwa kwapamutemo kwakapiwa. Pakasvika nguva ino Zvapupu zvakanga zvave zvichishingaira muCameroon kwamakore 27 uye zvakanga zvichitopfuura 6 000.
Kunangana Nedenho Dzebasa Rokufambira
Vamwe vavafundisi vakagoverwa kubatira savatariri vanofambira. MuAustralia makanga mune kudikanwa chaiko, umo dzimwe dzenhamburiko dzehama dzakanga dzabviswa nenzira yokusachenjera pafariro dzoUmambo kuenda kuzvinorondwa zvenyika mukati meHondo Yenyika II. Pashure penguva yakati, ikoku kwakaruramiswa, uye mukati meshanyo yakaitwa naHama Knorr muna 1947, simbiso yakapiwa kuukoshi hwokuchengeta basa rokuparidza Umambo riri pamberi. Pashure paikoko, mbavarira, muenzaniso wakaisvonaka, uye mitoo yokudzidzisa nayo zvavakapedza kudzidza veGilead avo vaibatira savatariri vedunhu nevoruwa zvakabetserazve kusakurira mugariro womudzimu wapachokwadi pakati peZvapupu imomo.
Kugoverana mubasa rakadaro rokufambira kazhinji kazhinji kwakada kudisa kushandisa nhamburiko huru ndokutarisana nengozi. Wallace Liverance akawana kuti nzira bedzi yokusvika nayo mhuri yavaparidzi vaiva voga muVolcán, Bolivia, kwakanga kuri kufamba rwendo rwokuenda nokudzoka rwemakiromita 90 kuyambuka nharaunda ine matombo, isingabereki zvibereko muzuva rinopisa zvikuru paurefu hweanenge makiromita 3 400, apo akanga akatakura sleeping bag yake, zvokudya, uye mvura, pamwe chete namabhuku. Kuti abatire ungano dzomuPhilippines, Neal Callaway nguva dzose aikwira mabhazi okumaruwa akazarisa umo nzvimbo yaigoveranwa kwete bedzi navanhu asiwo nemhuka nezvinorimwa. Richard Cotterill akavamba basa rake somutariri anofambira muIndia panguva apo zviuru zvavanhu zvakanga zvichiurawa nemhaka yoruvengo rworudzidziso. Apo akarongwa kundobatira hama munharaunda yaiva nechimurenga, mabharani wokubhukisa chitima akaedza kumudzivisa. Rwakabvumikisa kuva rwendo rwunotyisa zvikuru nokuda kwevakawanda zvikurusa vavakwiri, asi Hama Cotterill vakanga vachida hama dzavo zvikuru, pasinei zvapo nekwadzaigara kana kuti mutauroi wadzaitaura. Nechivimbo muna Jehovha, ivo vakarangarira, kuti: “Kana Ishe achida, ndichaedza kusvikako.”—Jak. 4:15.
Kukurudzira Vamwe Kugoverana Mubasa Renguva Yakazara
Somugumisiro womudzimu wokushingaira wakaratidzirwa navafundisi, vakawanda avo vakadzidzisa vakatevedzera muenzaniso wavo kupfurikidza nokupinda mubasa renguva yakazara. MuJapan, umo vafundisi 168 vakabatira, makanga mune mapiyona 75 956 muna 1992; inopfuura 40 muzana yavaparidzi muJapan yakanga iri muboka rakati rebasa renguva yakazara. MuRepublic of Korea, reshiyo yacho yakanga yakafanana.
Munyika umo reshiyo yeZvapupu kunhamba yavagari vemo yakanaka zvikuru, vashumiri vakawanda venguva yakazara vakakokerwa kundowana rovedzo paChikoro cheGilead uye ipapo vakatumwa kundobatira kune dzimwe nzvimbo. Nhamba huru dzavafundisi dzakabva kuUnited States neCanada; vanenge 400 vakabva kuBritain; vanopfuura 240 vakabva kuGermany; vanopfuura 150 vakabva kuAustralia; vanopfuura 100 vakabva kuSweden; mukuwedzera kunhamba dzakati dzakabva kuDenmark, Finland, Hawaii, Netherlands, New Zealand, uye dzimwe. Dzimwe nyika idzo dzimene dzakabetserwa navafundisi gare gare dzakagoverawo vafundisi vanokarirwa nokuda kwebasa mune dzimwe nyika.
Kugovera Zvinodikanwa Musangano Rinokura
Sezvo sangano rakura, vafundisi vamene vakatora mamwe mabasa. Nhamba yakati yavo yakabatira savakuru kana kuti vabatiri vanoshumira muungano dzavakabetsera kukura. Munyika dzakawanda vakanga vari vatariri vedunhu navoruwa vokutanga. Sezvo kumwe kukura kwakaita kuti kuve kunobetsera kuti Sosaiti itange hofisi itsva dzebazu, nhamba yakati yavafundisi yakaronzwa basa pamusoro pokushanda kwebazu. Mune zvimwe zviitiko avo vakasvika pakusanoziva mutauro vakakumbirwa kubetsera kushandura nokurava kwokunzvera manyoro asati adhindwa emabhuku eBhaibheri.
Vakanzwa vatuswa zvikuru, zvisinei, apo avo vakanga vafunda navo Shoko raMwari, kana kuti hama dzavakanga vabetsera kukura kwadzo mumudzimu, vakava vakakwaniriswa kuita mabasa akadaro. Nokudaro vamwe varoorani muPeru vakafadzwa kuona vamwe vavakanga vafunda navo vachibatira samapiyona chaiwo, vachibetsera kusimbisa ungano itsva ndokutanga ndima itsva. Mufundo yakaitiswa nomumwe mufundisi imwe mhuri muSri Lanka makabva mumwe wemitezo yeDare reBazu renyika iyoyo. Vamwe vakawanda vavafundisi vakava nemifaro yakafanana.
Vakatarisanawo nechishoro.
Mukutarisana Nechishoro
Jesu akaudza vateveri vake kuti vaizotambudzwa, kunyange sezvaakanga aitwa. (Joh. 15:20) Sezvo vafundisi kazhinji kazhinji vaibva kunyika dzokumwe, kazhinji kazhinji apo chitambudzo chikuru chaitanga munyika, ikoku kwaireva kudzingwa.
Muna 1967, Sona Haidostian navabereki vake vakasungwa muAleppo, Syria. Vakachengetwa mutorongo kwemwedzi mishanu uye ipapo vakadzingwa munyika yacho vasina zvinhu zvavo. Margarita Königer, akabva kuGermany, akagoverwa kuMadagascar; asi kudzingwa, kumwe pashure pokumwe, kwakatungamirira kumigove mitsva, muKenya, Dahomey (Benin), uye Upper Volta (Burkina Faso). Domenick Piccone nomudzimai wake, Elsa, vakadzingwa muSpain muna 1957 nemhaka yokuparidza kwavo, ipapo muPortugal muna 1962, uye muMorocco muna 1969. Zvisinei, munyika imwe neimwe vachitsvaka kudzivisa mirayiro yokudzingwa, zvakanaka zvakaitwa. Uchapupu hwakapiwa kuvakuru vakuru. MuMorocco, somuenzaniso, vakava nemukana wokupupura kuvakuru vakuru muSécurité Nationale, mutongi weDare Rapamusoro, mukuru wamapurisa weTangier, uye vakuru vakuru veUnited States muTangier neRabat.
Kudzingwa kwavafundisi hakuna kuguma nokugumisa basa reZvapupu zvaJehovha, sokukarira kwaiita vamwe vakuru vakuru. Mbeu dzezvokwadi dzakatodyarwa kazhinji kazhinji dzinopfuurira kukura. Somuenzaniso, vafundisi vana vakapfuudzira ushumiri hwavo kwemwedzi mishomanene bedzi muBurundi hurumende isati yavamanikidzira kubva muna 1964. Asi mumwe wavo akaramba achinyorerana tsamba nomumwe munhu aifarira, uyo akanyora achitaura kuti akanga achifunda Bhaibheri navanhu 26. Chimwe Chapupu chokuTanzania icho chakanga chatamira kuBurundi nguva pfupi yakanga yapfuura chakarambawo chakabatikana nokuparidza. Zvishoma nezvishoma nhamba dzavo dzakawedzera kutozosvikira mazana ava kugoverana shoko roUmambo navamwezve.
Kune dzimwe nzvimbowo, vasati vadzinga, vakuru vakuru vakatendeukira kumasimba masimba kuedza kuita kuti munhu ari wose atere kuzvido zvavo. PaGbarnga, Liberia, muna 1963, varwi vakakomba varume, vakadzi, uye vana 400 avo vakanga vachipinda kokorodzano yechiKristu imomo. Varwi vacho vakavaendesa kukomboni yemauto, vakavatyisidzira, vakavarova, uye vakarayira kuti munhu ari wose—pasinei zvapo norudzi kana kuti chitendero chorudzidziso—akwazise mureza weLiberia. Pakati paavo vaiva muboka racho paiva naMilton Henschel, akabva kuUnited States. Pakanga panewo vafundisi, kubatanidza John Charuk akabva kuCanada. Mumwe wavakapedza kudzidza paGilead akabvumirana pane zvisina kufanira, sezvaakanga aita panhambo yapakuvamba (kunyange zvazvo asina kuita kuti ikoko kuzivikanwe), uye ikoku pasina panikiro kwakaparira kubvumirana pane zvisina kufanira kwavamwe vaiva pagungano iroro. Kwakava pachena kuti ndivanaani vaitya Mwari zvirokwazvo uye vakabatwa nokutya munhu. (Zvir. 29:25) Pashure paikoku, hurumende yakarayira vafundisi vose vaiva Zvapupu vakabva kunyika dzokumwe kubuda munyika macho, kunyange zvazvo gare gare gore rimwe chete iroro murayiro mukuru wakabva kuna purezidhendi wakavabvumidza kudzoka.
Kazhinji kazhinji, chiito chinoitirwa vafundisi navakuru vakuru vehurumende chave chiri somugumisiro wedzvinyiriro yavafundisi vechiKristudhomu. Pane dzimwe nguva dzvinyiriro iyoyo yakaitwa nomutoo wapachivande. Padzimwe nguva, munhu ari wose aiziva ainyandura chishoro. George Koivisto haasati achizotongokanganwa mangwanani ake okutanga mubasa romumunda muMedellín, Colombia. Kamwe kamwe mhomho yaidanidzira yavana vechikoro yakaoneka, ichikanda matombo namavhinga. Saimba, uyo akanga asina kutongomuona kare, akamusaidzira mukati ndokupfiga zvidzitiro zvemapuranga, nguva yose achikumbira ruregerero nokuda kwomufambiro wenyongori yaiva kunze. Apo mapurisa akasvika, vamwe vakapa mhaka mudzidzisi wechikoro nokuda kwokubudisa vadzidzi. Asi rimwe inzwi rakadanidzira, kuti: “Hakuna kudaro! Anga ari muprista! Iye azivisa negudzanzwi kuti vadzidzi vabude vando‘tema nematomo vaPurotesitendi.’”
Ushingi hwoumwari pamwe chete nokuda makwai zvaidikanwa. Elfriede Löhr naIlse Unterdörfer vakagoverwa kumupata weGastein muAustria. Munguva pfupi, mabhuku akawanda eBhaibheri akagoverwa kuvanhu vakanga vane nzara yezvokudya zvomudzimu. Asi ipapo vafundisi vakaita chiito. Vakakurudzira vana vechikoro kudanidzira kuvafundisi mumigwagwa nokumhanya pamberi pavo kundonyevera vanasaimba kuti vasateerere. Vanhu vakatya. Asi netsungiriro yorudo, fundo shomanene dzakanaka dzakatangwa. Apo hurukuro yavose yeBhaibheri yairongwa, muprista akamira nenzira yokudenha pamberi chaipo penzvimbo yemisangano. Asi apo vafundisi vakapinda mumugwagwa kundogamuchira vanhu, muprista akanyangarika. Akadaidza mupurisa ipapo ndokudzoka, achikarira kudzongonyedza musangano wacho. Asi nhamburiko dzake dzakakundikana. Pashure penguva yakati ungano yakaisvonaka yakaumbwa imomo.
Mumataundi ari pedyo neIbarra, Ecuador, Unn Raunholm naJulia Parsons vakatarisana vatarisanazve nemhomho yakakurudzirwa nomuprista. Nemhaka yokuti muprista aiparira bope nguva iri yose vafundisi vaioneka muSan Antonio, hanzvadzi dzaisarudza kupa ngwariro pane rimwe taundi, rinonzi Atuntaqui. Asi rimwe zuva mutongi mukuru womunzvimbomo akakurudzira nemanyemwe Hanzvadzi Raunholm kubuda mutaundi nokukurumidza. “Muprista ari kuronga kuratidzira mukurwisana nemi, uye handina varume vakakwana kuti vakudzivirirei,” akazivisa kudaro. Anoyeuka zvakajeka, kuti: “Boka racho rakanga riri kutitevera! Mureza weVatican wezvichena nezveyero waivheyeswa pamberi peboka apo muprista aidanidzira kutaura kwakafanana nouku ‘Pamberi neChechi yeKaturike!’ ‘Pasi nemaPurotesitendi!’ ‘Pamberi neumhandara hweMhandara!’ ‘Pamberi nokureurura!’ Nguva imwe neimwe, boka raidzokorora kutaura kwacho shoko neshoko pashure pomuprista.” Ipapo chaipo vamwe varume vaviri vakakokera Zvapupu muImba Yavashandi vomunzvimbomo nokuda kwekotsekano. Imomo vafundisi vakapupura nenzira yokushingaira kuvanhu vaidisa kuziva avo vakauya kuzoona chakanga chichiitika. Vakagovera bhuku riri rose ravakanga vanaro.
Kosi Dzakarongedzerwa Kugovera Zvinodikanwa Chaizvo
Mukati memakore kubvira apo vafundisi vokutanga vakatumwa vachibva kuChikoro cheGilead, sangano reZvapupu zvaJehovha rakakura pamwero unokatyamadza. Muna 1943, apo chikoro chacho chakazarurwa, makanga mune Zvapupu 129 070 bedzi munyika 54 (asi nyika 103 maererano nenzira iyo mapu yakakamurwa nayo mukuvamba kwema1990). Pakasvika 1992, kwakanga kune Zvapupu 4 472 787 munyika 229 namapoka ezvitsuwa munyika yose. Sezvo uku kukura kwakaitika, zvinodikanwa zvesangano zvakachinja. Hofisi dzebazu idzo pane imwe nguva dzakatarisira Zvapupu zvisingasviki zana zvakaungana muungano shomanene zvino dziri kutarisira mubato wamakumi ezviuru eZvapupu, uye akawanda eaya mapazu akakuwana kuri madikanwa kudhinda mabhuku munzvimbomo kuti agoshongedzera avo vanogoverana mubasa rokuparidza evhangeri.
Kugovera zvinodikanwa zvinochinja, makore 18 pashure pokuzarurwa kweChikoro cheGilead, kosi yemwedzi gumi yerovedzo padzimbahwe renyika reSosaiti yakagoverwa zvikurukuru nokuda kwehama dzakanga dzichitakura mitoro inorema yebasa muhofisi dzebazu dzeWatch Tower Society. Vamwe vavo vakanga vambopinda kosi yavafundisi yemwedzi mishanu paGilead; vamwe vakanga vasina. Vose zvavo vaigona kubetserwa nerovedzo chaiyo yebasa ravo. Kurukurirano pamusoro penzira yokubata nayo mamirire ezvinhu akasiyana-siyana ndokugovera zvinodikanwa zvesangano mutsinhirano nenheyo dzeBhaibheri yakava nomugumisiro unobatanidza. Kosi yavo yakasimbisa fundo yokunzvera yendima nendima yeBhaibheri rose. Yakagoverawo kuhwirudzurwa kwenhau yorudzidziso; rovedzo muudzame hunobatanidzwa mukutarisira hofisi yebazu, Musha weBheteri, uye mokudhinda; uye mirayiridzo pakutarisira ushumiri hwomumunda, kuronga ungano itsva, uye kuzarura minda mitsva. Idzi kosi (kubatanidza yokupedzisira iyo yakaderedzwa kusvikira kumwedzi misere) dzakaitirwa padzimbahwe renyika, muBrooklyn, New York, kuvambira muna 1961 kusvikira muna 1965. Vakawanda vevakapedza kudzidza vakadzorerwa kunyika uko vakanga vave vachibatira; vamwe vakagoverwa kudzimwe nyika uko vaigona kupa betsero inokosha kubasa racho.
Kuvambira pana February 1, 1976, gadziriro itsva yakaitwa kuti ishande muhofisi dzebazu dzeSosaiti kugadzirira nokuda kwokumwe kukura kwaikarirwa mutsinhirano nouporofita hweBhaibheri. (Isa. 60:8, 22) Panzvimbo pokuita kuti mutariri webazu mumwe chete, pamwe chete nomubatsiri wake, vatarisire bazu rimwe nerimwe, Mutumbi Unodzora wakagadza hama nhatu kana kuti dzinopfuura dzakakwaniriswa kuti dzibatire muDare reBazu rimwe nerimwe. Mapazu makuru zvikuru angava nevakawanda sevanomwe mudare. Kugovera rovedzo nokuda kweidzi hama dzose, kosi chaiyo yevhiki shanu yeGilead muBrooklyn, New York, yakarongwa. Kirasi gumi nena dzakaumbwa nemitezo yeDare reBazu yakabva kumativi ose enyika yakapiwa iyi rovedzo chaiyo padzimbahwe renyika kuvambira pakupera kwa1977 kusvikira kuna 1980. Wakanga uri mukana wakaisvonaka wokubatanidza nokunatsa kushanda.
Chikoro cheGilead chakapfuurira kurovedza avo vakanga vane makore oruzivo rwokuzviwanira muushumiri hwenguva yakazara uye vakanga vachidisa uye vachikwanisa kutumwa kunyika dzokumwe, asi vakawanda vaigona kushandiswa. Kukurumidzisa rovedzo yacho, zvikoro zvakaitwa kuti zvishande mudzimwe nyika sewedzero yeGilead zvokuti vadzidzi vaisafanira kudzidza chiNgezi vasati vakwanirisa kupinda. Muna 1980-81, Gilead Cultural School yeMexico yakagovera rovedzo yavadzidzi vanotaura chiSpanish avo vakabetsera kugovera chaidikanwa chapakarepo chavashandi vakakwaniriswa muCentral neSouth America. Muna 1981-82, 1984, uye zvakare muna 1992, kirasi dzeGilead Extension School dzakaitiswawo muGermany. Vachibva imomo vakapedza kudzidza vakatumwa kuAfrica, Eastern Europe, South America, uye marudzi ezvitsuwa akasiyana-siyana. Dzimwe kirasi dzakaitwa muIndia muna 1983.
Sezvo Zvapupu zvinoshingaira zvomunzvimbomo zvakakumbanirana navafundisi mukukudza uchapupu hwoUmambo, nhamba yeZvapupu zvaJehovha yakawedzera nokukurumidza, uye ikoku kwakatungamirira kukuumbwa kweungano dzakawanda. Pakati pa1980 na1987, nhamba yeungano munyika yose yakawedzera ne27 muzana, kusvikira kuhwerengedzo ye54 911. Mune dzimwe nharaunda, kunyange zvazvo vakawanda vakanga vachipinda misangano nokugoverana muushumiri hwomumunda, vakawanda zvikurusa vehama vakanga vari vatsva zvikuru. Pakanga pane kudikanwa kwokukurumidza kwavarume vechiKristu vane ruzivo rwokuzviwanira kuti vabatire savafudzi vomudzimu navadzidzisi, pamwe chete nokutungamirira mubasa rokuparidza evhangeri. Kubetsera kugovera ichi chinodikanwa, muna 1987 Mutumbi Unodzora wakashandisa Chikoro Chokurovedza Vashumiri sorutivi rwepurogiramu yeChikoro cheGilead chedzidzo yeBhaibheri. Kosi yevhiki sere inobatanidza kufundwa kukuru kweBhaibheri pamwe chete nengwariro yomunhu oga kukukura mumudzimu kwomudzidzi mumwe nomumwe. Nhau dzesangano nedzokutonga, pamwe chete nemabasa avakuru navabatiri vanoshumira, zvinorangarirwa, uye rovedzo chaiyo inogoverwa mukutaura pachena. Pasina kudzongonyedza kirasi dzenguva dzose dzokurovedza vafundisi, ichi chikoro chakashandisa dzimwe nzvimbo, chichiungana munyika dzakasiyana-siyana. Vakapedza kudzidza zvino vari kugovera zvinodikanwa zvinokosha munyika dzakawanda.
Nokudaro rovedzo yakakudzwa yakagoverwa neWatchtower Bible School of Gilead yakavambirana nezvinodikanwa zvinochinja zvesangano ramarudzi akawanda rinokura nokukurumidza.
“Ndiri Pano Ini, Nditumei”
Mudzimu wakaratidzwa navafundisi wakafanana nouyo womuporofita Isaya. Apo Jehovha akamusvinudzira kumukana webasa chairo, akapindura, kuti: “Ndiri pano ini, nditumei.” (Isa. 6:8) Uyu mudzimu wokudisa kwomudzimu wakasunda zviuru zvavarume vaduku navakadzi kusiya shure mhoteredzo dzakarovedzeka nehama dzokunyama kundobatira nokuda kwokufambisirwa mberi kwokuda kwaMwari kupi kana kupi kwavanodikanwa.
Mamirire ezvinhu emhuri akaunza chinjo kuupenyu hwavafundisi vakawanda. Vakati vakava navana pashure pokuva vafundisi vakakwanisa kugara munyika dzavakagoverwa kwadziri, vachiita basa rokunyika raidikanwa uye vachishanda neungano. Vamwe, pashure pamakore ebasa, vaifanira kudzokera kunyika yokumusha kwavo kuti vagotarisira vabereki vanokwegura, kana kuti nokuda kwezvimwe zvikonzero. Asi vakakurangarira kuva ropafadzo kugoverana mubasa roufundisi chero bedzi vaigona.
Vamwe vakakwanisa kuita basa roufundisi basa roupenyu hwavo. Kukuita, vose vaifanira kubata nemamirire ezvinhu anodenha. Olaf Olson, uyo akafarikanya basa renguva refu roufundisi muColombia, akabvuma, kuti: “Gore rokutanga rakanga riri rakaoma zvikurusa.” Ikoko kwakanga kuri zvikurukuru nemhaka yokusakwanisa kutaura iye amene zvakakwana mumutauro wake mutsva. Iye akawedzera, kuti: “Kudai ndakanga ndaramba ndichifunga pamusoro penyika yandakanga ndasiya, ndingadai ndisina kuva anofara, asi ndakasarudza kugara mose muri muviri mumuviri nomundangariro muColombia, kushamwaridzana nehama nehanzvadzi muzvokwadi imomo, kuchengeta upenyu hwangu hwakazadzwa noushumiri, uye mugove wangu wakakurumidza kuva musha kwandiri.”
Kutsungirira kwavo vari mumigove yavo kwakanga kusiri nemhaka yokuti vakawana zvavo mhoteredzo dzavo dzomuviri kuva dzakanaka. Norman Barber, uyo akabatira muBurma (zvino Myanmar) uye India, kuvambira muna 1947 kutozosvikira parufu rwake muna 1986, akataura iye amene neiyi nzira: “Kana munhu achifarira kushandiswa naJehovha, ipapo imwe nzvimbo yakanaka seimwe. . . . Kutaura nenzira yakajeka, mamirire okunze enzvimbo yapasi inopisa haasati ari pfungwa yangu yemamirire okunze akanaka okurarama maari. Uyewo nzira iyo vanhu vomunzvimbo yapasi inopisa vanogara nayo haisati iri nzira iyo ini somunhu oga ndaizosarudza kugara. Asi kune zvinhu zvinokosha zvikuru zvokurangarira zvinopfuura nhau dzakadaro dzoukoshi huduku. Kukwanisa kupa yamuro kuvanhu vari varombo chaizvoizvo mumudzimu iropafadzo inopfuura masimba omunhu okutaura.”
Vamwe vakawanda vanogoverana murangariro iwoyo, uye uyu mudzimu wokurega zvimwe zvinhu wakabetsera zvikuru kukuzadzikwa kwouporofita hwaJesu hwokuti aya mashoko akanaka oUmambo achaparidzwa mupasi rose rinogarwa, nokuda kwouchapupu kumarudzi ose, mugumo usati wasvika.—Mat. 24:14.
[Mashoko Omuzasi]
a Nharireyomurindi, yechiNgezi, February 15, 1943, map. 60-4.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 523]
Simbiso paukoshi hwokuvimba zvakakwana naJehovha noruvimbiko kwaari
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 534]
Kusetsa kwakanaka kwakabetsera!
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 539]
Shiviriro, betsero yorudo, uye kusimba apo kunenge kuri madikanwa
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 546]
‘Kupa yamuro kuvanhu vari varombo chaizvoizvo mumudzimu iropafadzo inopfuura masimba omunhu okutaura’
[Bhokisi riri papeji 533]
Kirasi dzeGilead
1943-60: Chikoro paSouth Lansing, New York. Mukirasi 35, vadzidzi 3 639 vakabva munyika 95 vakapedza kudzidza, vakawanda zvikurusa vachigoverwa kubasa roufundisi. Vatariri vedunhu navoruwa vaibatira muUnited States vakabatanidzwawo mukirasi dzacho.
1961-65: Chikoro muBrooklyn, New York. Mukirasi 5, vadzidzi 514 vakapedza kudzidza uye vakatumwa kunyika uko Watch Tower Society yakanga ine hofisi dzebazu; vakawanda zvikurusa vevakapedza kudzidza vakaronzwa migove yokutarisira. Ina dzeidzi kirasi dzakanga dzine kosi dzemwedzi gumi; imwe, kosi yemwedzi sere.
1965-88: Chikoro muBrooklyn, New York. Mukirasi 45, imwe neimwe nekosi yevhiki 20, vamwe vadzidzi 2 198 vakarovedzwa, vakawanda zvikurusa vaivava nokuda kwebasa roufundisi.
1977-80: Chikoro muBrooklyn, New York. Kosi yeGilead yevhiki shanu yemitezo yeDare reBazu. Kirasi gumi nena dzakaitwa.
1980-81: Gilead Cultural School yeMexico; kosi yevhiki 10; kirasi nhatu; vakapedza kudzidza 72 vanotaura chiSpanish vakagadzirirwa nokuda kwebasa muLatin America.
1981-82, 1984, 1992: Gilead Extension School muGermany; kosi yevhiki 10; kirasi ina; vadzidzi 98 vanotaura chiGerman vakabva kunyika dzeEurope.
1983-84: Kirasi muIndia; kosi yevhiki 10, yakaitiswa muchiNgezi; mapoka 2; vadzidzi 46.
1987- : Chikoro Chokurovedza Vashumiri, chine kosi yevhiki sere, chakaitwa munzvimbo huru mumativi akasiyana-siyana enyika. Pakasvika 1992, vakapedza kudzidza vakanga vachitobatira munyika dzinopfuura 35 kunze kwenyika dzokwavakabva.
1988- : Chikoro paWallkill, New York. Kosi yevhiki makumi maviri mukugadzirira nokuda kwebasa roufundisi iri kuitiswa zvino imomo. Kuri kurongwa kuti chikoro chacho chitamisirwe kuWatchtower Educational Center paPatterson, New York, apo iyoyi inopedzwa.
[Bhokisi riri papeji 538]
Mutumbi Wavadzidzi Vamarudzi Akawanda
Vadzidzi avo vakapinda Chikoro cheGilead vakamirira marudzi akawanda uye vakauya kuchikoro chacho vachibva kunyika dzinopfuura 110.
Boka rokutanga ramarudzi akawanda rakanga riri kirasi yechitanhatu, muna 1945-46.
Kumbiriso yakaitwa kuhurumende yeUnited States yokuti vadzidzi vokumwe vabvumirwe mugadziriro yamavhiza avadzidzi asiri okutamira munyika. Mukupindura, Hofisi Yedzidzo yeUnited States yakabvuma Chikoro cheGilead sechinopa dzidzo yakaenzana neyemakoreji anodzidzisa mabasa nemasangano edzidzo. Nokudaro, kubvira muna 1953, vamiriri veUnited States munyika yose vakava neWatchtower Bible School of Gilead pandaza dzavo dzemasangano anotenderwa edzidzo. Kuvambira pana April 30, 1954, ichi chikoro chakaoneka muchinyorwa chine musoro unoti “Educational Institutions Approved by the Attorney General.”
[Mifananidzo iri papeji 522]
Vadzidzi vekirasi yokutanga yeChikoro cheGilead
[Mufananidzo uri papeji 524]
Albert Schroeder achikurukura mativi etabhernakeri navadzidzi veGilead
[Mufananidzo uri papeji 525]
Maxwell Friend achirayiridza muhoro yeChikoro cheGilead
[Mufananidzo uri papeji 526]
Nhambo dzokupiwa magwaro okupedza kufunda paGilead dzakanga dziri mapfundo makuru omudzimu
. . . vamwe pakokorodzano huru (New York, 1950)
. . . vamwe vari panzvimbo yechikoro (apo N. H. Knorr anoratidzwa achitaura pamberi peraibhurari yechikoro, muna 1956)
[Mifananidzo iri papeji 527]
Nzvimbo yeChikoro cheGilead paSouth Lansing, New York, sezvayaioneka mukati mema1950
[Mufananidzo uri papeji 528]
Hermon Woodard (ari kuruboshwe) naJohn Errichetti (kurudyi) vachibatira muAlaska
[Mufananidzo uri papeji 529]
John Cutforth achishandisa yamuro dzinooneka kudzidzisa muPapua New Guinea
[Mufananidzo uri papeji 530]
Vafundisi muIreland, nomutariri woruwa, muna 1950
[Mufananidzo uri papeji 530]
Vakapedza kudzidza vanoenda kumigove youfundisi kuMabvazuva muna 1947
[Mufananidzo uri papeji 530]
Vamwe vafundisi navashandi biyavo muJapan muna 1969
[Mufananidzo uri papeji 530]
Vafundisi muBrazil muna 1956
. . . muUruguay muna 1954
. . . muItaly muna 1950
[Mufananidzo uri papeji 530]
Vafundisi vana vokutanga vakarovedzwa paGilead vakatumirwa kuJamaica
[Mufananidzo uri papeji 530]
Musha wokutanga wavafundisi muSalisbury (zvino Harare, Zimbabwe), muna 1950
[Mufananidzo uri papeji 530]
Malcolm Vigo (Gilead, 1956-57) nomudzimai wake Linda Louise; pamwe chete vakabatira muMalawi, Kenya, uye Nigeria
[Mufananidzo uri papeji 530]
Robert Tracy (kuruboshwe) naJesse Cantwell (kurudyi) navadzimai vavo—vafundisi vaiva mubasa rokufambira muColombia muna 1960
[Mufananidzo uri papeji 532]
Kirasi yomutauro mumusha wavafundisi muCôte d’Ivoire
[Mufananidzo uri papeji 535]
Ted naDoris Klein, avo vakawana vanhu vakawanda vachidisa kunzwa zvokwadi yeBhaibheri muVirgin Islands yeUnited States muna 1947
[Mufananidzo uri papeji 536]
Harvey Logan (pakati pamberi) neZvapupu zvechiAmis vari pamberi peHoro yoUmambo, muma1960
[Mufananidzo uri papeji 540]
Victor White, mutariri woruwa akarovedzwa paGilead, achitaura muPhilippines muna 1949
[Mufananidzo uri papeji 542]
Margarita Königer, muBurkina Faso, achiitisa fundo yeBhaibheri yapamusha
[Mufananidzo uri papeji 543]
Unn Raunholm, mufundisi kubvira muna 1958, aifanira kutarisana nenyongori dzaitungamirirwa navaprista muEcuador
[Mifananidzo iri papeji 545]
Chikoro Chokurovedza Vashumiri
Kirasi yokutanga, Coraopolis, Pa., U.S.A., muna 1987 (pamusoro)
Kirasi yechitatu muBritain, muManchester, muna 1991 (kurudyi)