Iwe Une Maruramiro Okusarudza
Mumwe mutoo wazvino uno wezvokurapa (unonzi kunzvera ngozi/betsero) uri kukuita kuve nyore zvikuru kuna vanachiremba navarwere kubatira pamwe mukudzivisa kurapa kunoshandisa ropa. Vanachiremba vanonzvera zvinhu zvakadai sengozi dzomumwe murimo kana kuti kuvhiya uye betsero dzingavapo. Varwerewo vanogona kugoverana mukunzvera kwakadaro.
Ngatishandisei muenzaniso mumwe uyo vanhu munzvimbo zhinji vanogona kuziva nezvawo—chirwere chisingarapiki chamatanzero. Kudai une ichi chinetso, sezvingabvira waizoenda kuna chiremba. Kutaura idi, ungabvunza vaviri, sezvo nyanzvi dzoutano dzichiwanzorumbidza kuwana mufungo wechipiri. Mumwe angarumbidza kuvhiya. Anotsanangura icho ikoko kunoreva: nguva refu yokugara muchipatara, ukuru hwokurwadziwa, uye ndyiko. Kana dziri ngozi, anotaura kuti kubuda ropa kwakakomba hakuwanzoitiki uye rufu runoparirwa nokuvhiya kwakadaro haruwanzoitiki zvikuru. Asi chiremba anopa mufungo wechipiri anokukurudzira kuedza kurapa nomushonga unorwisa utachiona hwechirwere. Anotsanangura rudzi rwomurimo, bviro yebudiriro, uye ndyiko. Kana iri ngozi, anotaura kuti varwere vashoma zvikuru vanova nokuita kwomuviri kwokusawirirana nomurimo wacho kunotyisidzira upenyu.
Chiremba mumwe nomumwe anokwanisa sezvingabvira akarangarira ngozi nebetsero, asi zvino iwe unofanira kunzvera ngozi uye betsero zvinobvira, pamwe chete nezvimwe zvinhu zvaunosanoziva. (Iwe unokwanisa zvikurusa kurangarira mativi akadai sesimba rako romufungo kana kuti romudzimu, migariro yezvemari yemhuri, muuyo pamhuri, uye tsika dzako umene.) Ipapo unoita chisarudzo. Zvimwe unopa bvumiro yakavakirwa pazivo nokuda kwokurapa kumwe asi unoramba kumwe kwacho.
Ikoku kwaizodarowo kana akanga ari mwana wako ane chirwere chisingarapiki chamatanzero. Ngozi, betsero, uye kurapa zvaizooneswa kwamuri, vabereki vane rudo vanotapurwa zvikurusa nomutoo wakananga uye vachava nomutoro wokugonana nemiuyo. Pashure pokurangarira mativi ose, unogona kuita chisarudzo chakavakirwa pazivo pane iyi nhau inobatanidza utano hwomwana wako uye kunyange upenyu hwake. Zvimwe mungabvumira kuvhiya, nengozi dzako. Vamwe vabereki vangasarudza mishonga inorwisa utachiona hwechirwere chacho, nengozi dzayo. Sezvo vanachiremba vachisiana mupangiro dzavo, naizvozvo varwere kana kuti vabereki vanosiana pamusoro pokuti ndechipi chavanorangarira kuva chiri chakanakisisa. Irworwo rutivi runonzwisiswa rwokuita zvisarudzo zvakavakirwa pazivo zve(ngozi/betsero).
Zvakadiniko nokushandiswa kweropa? Hakuna munhu anonzvera maidi chaizvoizvo anogona kuramba kuti kuisirwa ropa kunobatanidza ngozi huru. Dr. Charles Huggins, uyo ari mutarisiri webato rokuisira ropa paMassachusetts General Hospital huru, akajekesa ikoku zvikuru, achiti: “Ropa harina kutongova rakanaka zvikuru. Asi rinofanira kurangarirwa nomutoo usingadzivisiki serisina kunaka. Ndichinhu chine ngozi zvikurusa chatinoshandisa mune zvokurapa.”—The Boston Globe Magazine, February 4, 1990.
Nechikonzero chakanaka, vashandi vezvokurapa vakapangirwa, kuti: “Kuri madikanwa kunzverazve zvakare ngozi yewirirano yebetsero/ngozi nokuda kwokuisirwa ropa ndokutsvaka zvinotsiva.” (Kutsveyamisa mashoko ndokwedu.)—Perioperative Red Cell Transfusion, musangano weNational Institutes of Health, June 27-29, 1988.
Vanachiremba vangasabvumirana pamusoro pebetsero kana kuti ngozi mukushandisa ropa. Mumwe angaisira ropa kazhinji ndokuva anopwiswa kuti kwakafanirwa nengozi. Mumwe angarangarira kuti ngozi hadzina kufanira, nokuti akava nemiuyo yakanaka mukurapa kusingashandisi ropa. Zvisinei, pakupedzisira iwe, murwere kana kuti mubereki, unofanira kusarudza. Neiko iwe? Nemhaka yokuti muviri wako (kana kuti womwana wako), upenyu, tsika, uye ukama hunokosha zvikuru naMwari zvinobatanidzwa.
MARURAMIRO AKO ANOZIVIKANWA
Munzvimbo zhinji nhasi, murwere ane maruramiro asingaputsiki okusarudza kuti kurapai kwaachagamuchira. “Mutemo wokubvuma kwakavakirwa pazivo wakavakirwa pazvikonzero zviviri: chokutanga, kuti murwere ane maruramiro okugamuchira mashoko akakwana okuita chisarudzo chakavakirwa pazivo pamusoro pokurapa kunorumbidzwa; uye chechipiri, kuti murwere angasarudza kugamuchira kana kuti kuramba rumbidzo yachiremba. . . . Kutoti varwere vachirangarirwa savane maruramiro okuti aiwa, pamwe chete nokuti hungu, uye kunyange hungu ane migariro, hukuru hwechikonzero nokuda kwokubvuma kwakavakirwa pazivo hunova husina maturo.”—Informed Consent—Legal Theory and Clinical Practice, 1987.a
Vamwe varwere vakanangana nokudziviswa apo vakaedza kushandisa maruramiro avo. Kungave kwakabva kushamwari ine mirangariro yakasimba pamusoro pokuvhiiwa kwokubviswa matanzero kana kuti pamusoro pemishonga inorwisa utachiona hwechirwere chacho. Kana kuti chiremba angave akapwiswa nezvokururama kwepangiro yake. Mumwe mukuru mukuru wapachipatara angatove asina kubvumira, akavakira pafariro dzapamutemo kana kuti dzemari.
“Vanachiremba vakawanda vamapfupa vanosarudza kusavhiya varwere vari [Zvapupu],” anodaro Dr. Carl L. Nelson. “Tinodavira kuti murwere ane maruramiro okuramba rudzi rupi norupi rwomutoo wokurapa. Kana kuchibvira nomutoo wounyanzvi kuita kuvhiya kwakanaka pakunenge kuchisiya kurapa kwakati kuti, kwakadai sokuisira ropa, ipapo kunofanira kuvapo senhau yechisarudzo.”—The Journal of Bone and Joint Surgery, March 1986.
Murwere anorangarira haasati achizodzvinyirira chiremba kushandisa mutoo wokurapa uyo chiremba asina unyanzvi nawo. Sokucherekedza kwakaita Dr. Nelson, kunyange zvakadaro, vanachiremba vakawanda vakazvitsaurira vanogona kubvuma zvitendero zvomurwere. Mumwe mukuru mukuru weGermany akapangira, kuti: “Chiremba haangagoni kuramba kupa betsero . . . achirangarira kuti kuChapupu chaJehovha handi mimwe mitoo yose yokurapa inotsiva yaangashandisa. Achine musengwa wokubetsera kunyange apo mabanza akamuzarukira anotapudzwa.” (Der Frauenarzt, May-June 1983) Nomutoo wakafanana, zvipatara zviripo kwete kuti zvingoitawo bedzi mari asi kuti zviponese vanhu vose pasina rusaruro. Mufundisi weKaturike Richard J. Devine anoti: “Kunyange zvazvo chipatara chichifanira kuita imwe nhamburiko iri yose yezvokurapa kuti chichengete upenyu noutano zvomurwere, chinofanira kuva nechokwadi chokuti tarisiro yezvokurapa haisati ichiputsa hana [yake]. Kupfuurirazve, chinofanira kudzivisa zvimiro zvose zvokugombedzera, kubvira pakunyengera murwere kusvikira kukuwana mutemo wedare wokugombedzera kuisirwa ropa.”—Health Progress, June 1989.
PANZVIMBO PAMATARE
Vanhu vazhinji vanobvuma kuti dare harisi nzvimbo yenhau dzezvokurapa dzomunhu oga. Waizonzwa sei kudai waisarudza kurapa kwemishonga inorwisa utachiona hwechirwere asi mumwe munhu oenda kudare kuti agombedzere kuti uvhiiwe kubviswa matanzero. Chiremba angada kugovera icho iye anofunga kuti itarisiro yakanakisisa, asi iye haana musengwa wokutsvaka ruramisiro yapamutemo yokutsika maruramiro ako ehwaro. Uye sezvo Bhaibheri richiisa kurambidza ropa pamwero mumwe chetewo wetsika wakafanana nokudzivisa ufeve, kugombedzera ropa pamuKristu kwaizova kwakafanana nokugombedzera vatano—kubata chibharo.—Mabasa 15:28, 29.
Bva, Informed Consent for Blood Transfusion (1989) inoshuma kuti mamwe matare anonetseka zvikuru apo murwere anodisa kugamuchira ngozi yakati nokuda kwamaruramiro ake orudzidziso “zvokuti anoita zvirambidzo zvakati kuti zvapamutemo—nhau dzinotaurwa kuti dzive dzapamutemo, kana uchidziidza kudaro—kuti abvumire kuti kuisirwa ropa kuitwe.” Angaedza kukupembedza kupfurikidza nokutaura kuti nhumbu inobatanidzwa kana kuti kune vana vanoda kutsigirwa. “Idzedzo inhau dzinotaurwa kuti dzive dzapamutemo,” bhuku racho rinodaro. “Vanhu vakura vanokwanisa vanokodzerwa nokuramba kurapwa.”
Vamwe vanoomerera pakuisira ropa vanofuratira idi rokuti Zvapupu hazvirambi mitoo yose yokurapa. Zvinoramba mutoo mumwe bedzi wokurapa, uyo kunyange nyanzvi dzinotaura kuti wakazara nengozi. Kazhinji kazhinji chinetso chezvokurapa chinogona kubatwa nacho nenzira dzakasiana-siana. Imwe ine ngozi iyi, imwe ine iyo. Ko dare kana kuti chiremba angaziva nomutoo wokugamuchira mutoro kuti ingozi ipi iri “mufariro dzako dzakanakisisa” here? Iwe ndiwe unofanira kusarudza ikoko. Zvapupu zvaJehovha zvakatsiga mukuti hazvidi kuti mumwe munhuwo zvake azvisarudzire; mutoro wazvo womunhu oga pamberi paMwari.
Kana dare rikagombedzera kurapa kunosemesa pauri, ikoku kungatapura sei hana yako uye rutivi runokosha rwechido chako chokurarama? Dr. Konrad Drebinger akanyora, kuti: “Zvamazvirokwazvo kwaizova chimiro chisina kururama chegwinyiro rezvokurapa iro raizotungamirira munhu kukugombedzera murwere kugamuchira kurapa kunopiwa, achidzora hana yake, kuti amurape munyama asi achikuvadza ndangariro yake.”—Der Praktische Arzt, July 1978.
KUTARISIRA VANA KWORUDO
Mhaka dzedare pamusoro peropa zvikurukuru dzinobatanidza vana. Panhambo nenhambo, apo vabereki vane rudo vakakumbira noruremekedzo kuti kurapa kusina ropa kushandiswe, vamwe vashandi vezvokurapa vakatsvaka tsigiro yedare kuti vape ropa. Chokwadika, maKristu anobvumirana nemitemo kana kuti chiito chedare chokudzivisa kubatwa zvisina kufanira kana kuti kuregeredzwa kwavana. Zvichida wakarava nezvemhaka idzo mubereki akaitira utsinye mwana kana kuti akamurambira kutarisirwa kwose kwezvokurapa. Kunosuruvarisa sei! Nomutoo wakajeka, Hurumende inogona uye inofanira kupindira kuti itaviridzire mwana anoregeredzwa. Zvisinei, kuri nyore kuona kuti kwakasiana sei zvikuru apo mubereki anotarisira anokumbira mutoo wezvokurapa wakanaka zvikuru usingashandisi ropa.
Idzi mhaka dzedare dzinowanzorereudzira ngwariro pamwana ari muchipatara. Ko mudukuyo akasvikako sei, uye nei? Inenge nguva yose vabereki vanoitira hanya vakaunza mwana wavo kuti awane kutarisira kwakanaka. Kunyange sezvo Jesu aifarira vana, vabereki vechiKristu vanotarisira vana vavo. Bhaibheri rinotaura nezva‘amai vanorera vanochengeta vana vavo vamene.’ Zvapupu zvaJehovha zvine rudo rukuru rwakadaro nokuda kwavana vazvo.—1 VaTesaronika 2:7; Mateo 7:11; 19:13-15.
Nomutoo womuzvarirwo, vabereki vose vanoita zvisarudzo zvinotapura kotsekano noupenyu zvavana vavo: Mhuri ichashandisa gasi kana kuti parafini kubvirisa mwoto pamba here? Vachaenda nomwana parwendo rwedaro refu here? Angaenda kundoshambira here? Nhau dzakadaro dzinobatanidza ngozi, kunyange dzoupenyu norufu. Asi nzanga inoziva uchenjeri hwavabereki, naizvozvo vabereki vanopiwa maruramiro okutaura zvikuru muzvinenge zvisarudzo zvose zvinotapura vana vavo.
Muna 1979 Dare Rapamusoro reU.S. rakataura nomutoo wakajeka, kuti: “Mufungo womutemo wemhuri uri pamurangariro wokuti vabereki vane icho mwana anoshaiwa muukuru, ruzivo rwokuzviwanira, uye mano okusarudza anodikanwa nokuda kwokuita zvisarudzo zvakaoma zvoupenyu. . . . Nemhaka bedzi yokuti chisarudzo chomubereki [panhau yezvokurapa] chinobatanidza ngozi hakungoerekani kwachinja simba rokuita chisarudzo ichecho kubva kuvabereki richienda kumumiriri wakati kana kuti mukuru mukuru wehurumende.”—Parham v. J.R.
Gore rimwe chetero New York Court of Appeals yakatema, kuti: “Chinhu chinokosha zvikurusa mukusarudza kana mwana ari kunyimwa kutarisirwa kwezvokurapa kwakakwana . . . chiri kana vabereki vakagovera mutoo unogamuchirika womutoo wezvokurapa nokuda kwomwana wavo mukurangarirwa kwemigariro yose yakapoteredza. Uku kunzvera hakugoni kutemwa pakutaura kwokuti mubereki akaita chisarudzo ‘chakarurama’ here kana kuti ‘chisina kururama,’ nokuti mugariro wazvino uno womuitiro wokurapa, pasinei hapo nevandudziko dzako hurusa, hauwanzobvumira zvikuru mhedziso dzinotema chose chose dzakadaro. Uyewo dare harigoni kutora rutivi rwomubereki anomirira.”—In re Hofbauer.
Yeuka muenzaniso wavabereki vanosarudza pakati pokuvhiya nemishonga inorwisa utachiona hwechirwere. Kurapa kumwe nokumwe kungava nengozi dzakwo. Vabereki vane rudo vane mutoro wokunzvera ngozi dzacho, betsero, uye zvimwe zvinhu dzokonokei voita chisarudzo. Muna ikoku, Dr. Jon Samuels (Anesthesiology News, October 1989) akakarakadza kuhwirudzurwa kweGuides to the Judge in Medical Orders Affecting Children, yakava nouyu murangariro:
“Zivo yezvokurapa haina kuvandudzika nomutoo wakakwana kuti igonese chiremba kudeya kuziva nohuchokwadi hune mufungo kuti murwere wake achararama kana kuti achafa . . . Kana pane chisarudzo chemiitiro—somuenzaniso, kana chiremba achirumbidza muitiro une bviro ye 80 muzana yokubudirira asi uyo vabereki vasingatenderi, uye vabereki vasina chirambidzo chomuitiro unongova bedzi nebviro ye 40 muzana yokubudirira—chiremba anofanira kushandisa mutoo une ngozi zvikuru mune zvokurapa asi unogamuchirika kuvabereki.”
Nemhaka yengozi zhinji dzinouraya dzakaoneka mukushandisa ropa kwezvokurapa uye nemhaka yokuti kune dzimwe nzira dzokurapa dzinobudirira, kudzivisa ropa hakungatovi nengozi yakaderera zvikuru here?
Nomutoo womuzvarirwo, maKristu anonzvera zvinhu zvizhinji kana mwana wawo achida kuvhiiwa. Kuvhiya kuri kose, kunoshandisa ropa kana kuti kusingashandisa, kune ngozi. Ndichiremba upiko wokuvhiya anopa simbisiro? Vabereki vangaziva kuti vanachiremba vane unyanzvi vakambova nebudiriro yakaisvonaka pakuvhiya kusingashandisi ropa kwakaitwa pavana veZvapupu. Naizvozvo kunyange kana chiremba kana kuti mushandi wapachipatara ane chimwe chisarudzo, panzvimbo pokuparira rwisano yapamutemo inogombedzera neinopedza nguva, hakuna mufungo here kwavari kuti vashande navabereki vane rudo? Kana kuti vabereki vangachinjira mwana wavo kune chimwe chipatara uko vashandi vane ruzivo rwokuzviwanira mukubata nezvirwere zvakadaro uye vachidisa kuita kudaro. Kutaura idi, kurapa kusina ropa sezvingabvira zvikuru kuchava kutarisira kwakanaka, nokuti kunogona kubetsera mhuri “kuwana nharidzano dzapamutemo dzezvokurapa nedzisiri dzezvokurapa,” sezvataona pamavambo.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona nyaya yezvokurapa inoti, “Ropa: Chisarudzo Chaani Uye Ihana Yaani?” yakatsikirirwazve muWedzero, pamapeji 30-1.
[Bhokisi riri papeji 18]
KUSUNUNGURA ITIRO HANYA DZOMUTEMO
Iwe ungabvunza kuti, ‘Neiko vanachiremba vakati kuti nezvipatara vachikurumidza kuita kuti vawane murairo wedare wokuisira ropa?’ Mune dzimwe nzvimbo chikonzero chinozivikanwa rutyo rwokuva nemhaka.
Hakuna hwaro hwokuitira hanya kwakadaro apo Zvapupu zvaJehovha zvinosarudza mutoo wokurapa usina ropa. Mumwe chiremba wapaAlbert Einstein College of Medicine (U.S.A.) anonyora, kuti: “[Zvapupu] zvizhinjisa zvinosaina nokudisa fomu reAmerican Medical Association rinosunungura vanachiremba uye zvipatara pakuva nemhaka, uye zvizhinji zvinofamba zvine [kadhi] reMedical Alert. Fomu rinosainwa nomutoo wakakodzera uye rinonyorwa musi rinoti ‘Kuramba Kugamuchira Zvinhu Zvinogadzirwa Neropa’ ibvumirano yerangano uye rine musengwa wapamutemo.”—Anesthesiology News, October 1989.
Hungu, Zvapupu zvaJehovha nomutoo wokubatira pamwe zvinogovera vimbiso yapamutemo yokuti chiremba kana kuti chipatara havazonangani nokuva nemhaka mukugovera mutoo wokurapa usina ropa unokumbirwa. Sezvinorumbidzwa nenyanzvi dzezvokurapa, Chapupu chimwe nechimwe chinofamba chine kadhi reMedical Document. Irori rinomutsidzirwa gore negore uye rinosainwa nomunhu wacho nezvapupu, kazhinji kazhinji hama dzake dzapedyo.
Muna March 1990, Dare Rapamusoro reOntario, Canada, rakatsigira chisarudzo icho chakatsinhira nomutoo unotenderwa pamusoro porugwaro rwakadaro, richiti: “Kadhi iziviso yakanyorwa yechimiro chapamutemo icho nyakufamba ane kadhi angashandisa nomutoo wapamaruramiro mukuisa chirambidzo chinonyorwa parangano nachiremba.” MuMedicinsk Etik (1985), Purofesa Daniel Andersen akanyora, kuti: “Kana kune kutaura kwakanyorwa kune mufungo wakajeka kunobva kumurwere anotaura kuti iye ndimumwe weZvapupu zvaJehovha uye asati achida ropa mumigariro ipi neipi, ruremekedzo nokuda kwokuzvisarudzira kwomurwere runoda kuti ichi chishuvo chiremekedzwe, sokunge chataurwa chaizvo nomuromo.”
Zvapupu zvichasainawo mafomu okubvumira echipatara. Rimwe rinoshandiswa pachipatara chomuFreiburg, Germany, rine nzvimbo apo chiremba anogona kurondedzera mashoko aakapa murwere pamusoro pomutoo wokurapa nawo. Tevere, pamusoro pesiginicha yachiremba neyomurwere, iri fomu rinowedzera, kuti: “Somutezo womutumbi worudzidziso rweZvapupu zvaJehovha, ini ndinoramba chose chose kushandiswa kweropa romumwe munhu kana kuti zvinhu zvinoumba ropa mukati mokuvhiiwa kwangu. Ndinoziva kuti muitiro warongedzerwa uye unodikanwa neiyi nzira une ngozi huru zvikuru nokuda kwezvinetso zvokubuda ropa. Pashure pokuwana tsananguro yakakwana zvikurukuru pamusoro paikoko, ini ndinokumbira kuti kuvhiiwa kunodikanwa kuitwe pasina kushandisa ropa romumwe munhu kana kuti zvinhu zvinoumba ropa.”—Herz Kreislauf, August 1987.
Zvomenemene, mutoo wokurapa usina ropa ungava nengozi yakaderera zvikuru. Asi pfundo riri pano nderokuti varwere vari Zvapupu vanosunungura nomutoo womufaro itiro hanya dzipi nedzipi dzisingadikanwi kuti vashandi vezvokurapa vagone kuenderera mberi mukuita zvavane musengwa wokuita, vachibetsera vanhu kuti vanaye. Iyi batira pamwe inobetsera vose, sokuratidza kwakaita Dr. Angelos A. Kambouris mu“Kuvhiiwa Kukurusa Kwesusu kwakaitwa paZvapupu zvaJehovha”:
“Bvumirano yapamberi pokuvhiiwa inofanira kurangarirwa nachiremba wokuvhiya seiri madikanwa uye inofanira kunamatirwa kwairi pasinei hapo nezvinoitika zvingamuka mukati mokuvhiya napashure pacho. [Ikoku] kunoita kuti varwere vave nomurangariro wakananga chose chose pamutoo wavo wokurapwa, uye kunobvisa ngwariro yachiremba wokuvhiya pamirangariro yapamutemo neyouzivi ichiendeswa kune iyo yokuvhiya neyounyanzvi, nokudaro, kuchimubvumira kuti aite nomutoo unogutsa ndokubatira fariro dzakanakisisa dzomurwere wake.”—The American Surgeon, June 1987.
[Bhokisi riri papeji 19]
“Kunyanyoshandiswa kwounyanzvi hwezvokurapa chinhu chikuru muwedzero yendyiko dzokutarisirwa kwoutano kwazvino uno. . . . Kuisirwa ropa kunokosha zvikurusa nokuda kwendyiko yako nebviro yokuva ngozi huru. Naizvozvo, kuisirwa ropa kwakapatsanurwa neAmerican Joint Commission on Accreditation of Hospitals sokune ‘mwero wakakwirira, ngozi huru uye kwakarerekera kukuva nezvikanganiso.’”—“Transfusion,” July-August 1989.
[Bhokisi riri papeji 20]
United States: “Chinotsigira kudikanwa kwokubvuma kwomurwere ndiwo mufungo wetsika wamaruramiro okuzvisarudzira kwomunhu oga, kuti zvisarudzo pamusoro pezvichaitika zvomumwe amene zvinofanira kuitwa nomunhu anobatanidzwa. Chikonzero chapamutemo chokuda bvumiro ndechokuti chiito chezvokurapa chinoitwa pasina bvumiro yomurwere chinoparira kushandisa masimba egombedzero.”—“Informed Consent for Blood Transfusion,” 1989.
Germany: “Maruramiro omurwere okuzvisarudzira ane simba kupfuura nheyo yokupa betsero nokuchengetedza upenyu. Somuuyo: hapana kuisirwa ropa kunoitwa kunorwisana nechido chomurwere.”—“Herz Kreislauf,” August 1987.
Japan: “Hakuna chinhu ‘chakakwana’ mune zvokurapa. Vanachiremba vanodavira kuti mutoo wokurapawazvino uno wakanakisisa uyevanotevera muitiro wawo, asihavafaniri kugombedzeraudzame huri hwose hwawo sechinhu ‘chakakwana’ pavarwere. Varwerewo vanofanira kuva norusununguko rwokusarudza.”—“Minami NihonShimbun,” June 28, 1985.
[Bhokisi riri papeji 21]
“Ndakawana mhuri [dzeZvapupu zvaJehovha] kuva dzakasanobatana uye dzine rudo,” anoshuma kudaro Dr. Lawrence S. Frankel. “Vana vacho vanodzidziswa, vanoitira hanya, uye vanoremekedza. . . . Panotoratidzika kuva panobvira kuva newirirano yakasimba yezvinotaurwa navezvokurapa, zvingaratidza nhamburiko yokuratidzira kugamuchirwa kwokupindira kwavezvokurapa kusvikira kutambanuko iyo zvitendero zvavo zvinobvumidza.”—Department of Pediatrics, M. D. Anderson Hospital and Tumor Institute, Houston, U.S.A., 1985.
[Bhokisi riri papeji 22]
“Ndinotyira kuti hakuzi kwechienzi.” anotsinhira kudaro Dr. James L. Fletcher, Jr., “kuti kuzvikudza kwenyanzvi kutsive chisarudzo chine mufungo chezvokurapa. Kurapa kunorangarirwa so‘kwakanakisisa nhasi’ kunosimudzirwa nhasi kana kunoregwa mangwana. Ndoupi ane ngozi zvikuru ‘mubereki worudzidziso’ kana chiremba anozvikudza uyo anopwiswa kuti kurapa kwake kunokosha chose chose?”—“Pediatrics,” October 1988.