RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • hb pp. 22-26
  • Ropa Rinoponesa Upenyu Chaizvoizvo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ropa Rinoponesa Upenyu Chaizvoizvo
  • Ropa Rinogona Sei Kuponesa Upenyu Hwako?
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ROPA BEDZI IRO RINOPONESA UPENYU
  • FARIKANYA UPENYU HUNOPONESWA NEROPA
  • Kuponesa Upenyu Neropa—Seiko?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Koshesa Chipo Chako Choupenyu Zvakakodzera
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Ropa—Rinokosha Nokuda Kwoupenyu
    Ropa Rinogona Sei Kuponesa Upenyu Hwako?
  • Ropa
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
Ona Zvimwe
Ropa Rinogona Sei Kuponesa Upenyu Hwako?
hb pp. 22-26

Ropa Rinoponesa Upenyu Chaizvoizvo

Mapfundo akati kuti ajeka kubva mumashoko apfuura. Kunyange zvazvo vanhu vazhinji vachikurangarira sokunoponesa upenyu, kuisirwa ropa kwakazara nengozi. Gore rimwe nerimwe zviuru zvinofa somuuyo wokuisirwa ropa; vamwe vazhinji vanorwara zvikuru uye vanonangana nemiuyo yenguva refu. Naizvozvo, kunyange mumurangariro wokunyama, mune uchenjeri iye zvino mukutetekera murairo weBhaibheri woku‘rega ropa.’—Mabasa 15:28, 29.

Varwere vanotaviridzirwa pangozi zhinji kana vakakumbira kutarisirwa kwezvokurapa kusina ropa. Vanachiremba vane unyanzvi avo vakagamuchira denho yokushandisa ikoku paZvapupu zvaJehovha vakasimudzira mupimo womuitiro uri wakanaka nounobudirira, sezvinobvumikiswa mumishumo yezvokurapa mizhinji. Vanachiremba vanogovera kutarisira kwakanaka kusina ropa havasiri kubvumiranisa zvisina kufanira nheyo dzinokosheswa dzezvokurapa. Panzvimbo pezvo, vanoratidzira ruremekedzo nokuda kwamaruramiro omurwere okuziva ngozi nebetsero kuti agone kuita chisarudzo chakavakirwa pazivo pamusoro pechichaitwa kumuviri wake noupenyu.

Hatisiri kuva vasingazivi mune iyi nhau, nokuti tinoziva kuti handi vose vachabvumirana nouyu murangariro. Vanhu vanosiana pamusoro pehana, tsika, uye murangariro wezvokurapa. Nokudaro, vamwe, kubatanidza vanachiremba vakati, vangakuwana kwakaoma kugamuchira chisarudzo chomurwere chokurega ropa. Mumwe chiremba wokuvhiya weNew York akanyora, kuti: “Handisati ndichizokanganwa makore 15 akapfuura, sachiremba muduku achiri kudzidzira apo ini ndakamira parutivi pohuvato hweChapupu chaJehovha icho chakabuda ropa kusvikira chafa nokuda kwechironda chapaura huduku. Zvishuvo zvomurwere zvakaremekedzwa uye hapana kuisirwa ropa kwakapiwa, asi ndichiri kugona kuyeuka vhiringidziko huru yandakanzwa sachiremba.”

Pasina panikiro iye aidavira kuti ropa raizodai rakava rinoponesa upenyu. Gore pashure pokunge anyora izvozvo, zvisinei, The British Journal of Surgery (October 1986) rakashuma kuti pamberi pokutanga kwokuisira ropa, kubuda ropa kwomususu kwakanga kune “mwero wokufa we 2,5 muzana chete.” Kubvira apo kuisira ropa kwakava muitiro, ‘kunzvera kukurusa kunoshuma kufa kune 10 muzana.’ Neiko kune mwero wokufa wakakwirira nekane kana? Vanzveri vakakarakadza, kuti: “Kuisirwa ropa kwapakuvamba kunoratidzika kuva kunochinja kuita kwomuviri kwokugwambisa ropa riri kubuda nenzira iyeyo kuchikuchidzira kubudazve ropa.” Apo Chapupu chaiva nechironda chinobuda ropa chakaramba ropa, chisarudzo chacho zvamazvirokwazvo chingave chakakwidziridza kariro dzacho dzokupona.

Uyu chiremba wokuvhiya mumwe cheteyo akawedzera, kuti: “Kupfuura kwenguva uye kurapa varwere vazhinji kune kombamiro yokuchinja murangariro womunhu, uye nhasi ndinowana chivimbo pakati pomurwere nachiremba wake, uye musengwa wokuremekedza zvishuvo zvomurwere uchikosha zvikuru kupfuura unyanzvi hutsva hwezvokurapa hwakatipoteredza. . . . Kunofadza kuti vhiringidziko zvino yakadziurira nzvimbo pfungwa yokutya nokuremekedza kutenda chaiko kwakatsiga kwomurwere.” Chiremba wacho akagumisa, kuti: ‘Kunondiyeuchidza kuti ndinofanira nguva dzose kuremekedza zvishuvo zvomunhu oga nezvorudzidziso zvomurwere pasinei hapo nokunzwa kwangu kana miuyo.’

Ungatoziva chimwe chinhu icho vanachiremba vazhinji vanosvika pakunzwisisa no“kufamba kwenguva uye kurapa varwere vakawanda.” Kunyange nokutarisira kwokurapa kwakanakisisa muzvipatara zvakaisvonakisisa, panhambo yakati vanhu vanofa. Vachiisirwa ropa kana kuti vasingaisirwi ropa, vanofa. Isu tose tiri kukwegura, uye mugumo woupenyu uri kusvika. Ikoko hakusati kuri kudeya kutemerwa mugumo. Ndokwechokwadi. Kufa iidi roupenyu.

Ufakazi hunoratidza kuti vanhu vanozvidza mutemo waMwari pamusoro peropa vanowanzowana kuvadziko yapakarepo kana kuti yapashure; vamwe vanotofa nokuda kweropa. Avo vanopona havana kuwana upenyu husingagumi. Naizvoizvo kuisirwa ropa hakuponesi upenyu nokusingaperi.

Vanhu vazhinjisa avo, nokuda kwezvikonzero zvorudzidziso uye/kana kuti zvokurapa, vanoramba ropa asi vanogamuchira mutoo unotsiva wokurapa vanoita zvakanaka zvikuru. Nenzira iyeyo vangatambanudza upenyu hwavo kwamakore. Asi kwete nokusingagumi.

Kuti vanhu vose havana kukwana uye pashoma napashoma vanofa kunotisvitsa kuzvokwadi huru yeicho Bhaibheri rinotaura pamusoro peropa. Kana tikanzwisisa ndokuonga iyi zvokwadi, tichaona kuti ropa rinogona sei kuponesa upenyu chaizvoizvo—upenyu hwedu—nokusingaperi.

ROPA BEDZI IRO RINOPONESA UPENYU

Sezvadudzwa pakuvamba, Mwari akaudza rudzi rwose rwomunhu kuti havafaniri kudya ropa. Nemhaka yeiko? Nemhaka yokuti ropa rinomirira upenyu. (Genesi 9:3-6) Akapfuurira kutsanangura ikoku mubumbiro roMutemo rakapiwa kuna Israeri. Panguva apo bumbiro roMutemo rakasimbiswa, ropa remhuka dzinobairwa rakashandiswa paartari. (Eksodho 24:3-8) Mitemo yaiva mubumbiro irero yakataura idi rokuti vanhu vose havana kukwana; vanotadza, sokutaura kunoita Bhaibheri. Mwari akaudza vaIsraeri kuti kupfurikidza nezvibairo zvemhuka zvinopirwa kwaari, vaigona kubvuma dikanwo yokuita kuti zvivi zvavo zvifukidzwe. (Revhitiko 4:4-7, 13-18, 22-30) Sezvinobvumwa, ndizvo izvo Mwari akavakumbira shure panguva iyeyo, kwete zvaanokumbira vanamati vechokwadi nhasi. Bva zvine revo huru kwatiri nhasi.

Mwari amene akatsanangura nheyo inotsigira zvibairo izvozvo, achiti: “Mweya [kana kuti, upenyu] wenyama uri muropa, uye ini ndimene ndakariisa paartari nokuda kwenyu kuti muite yananisiro nokuda kwemweya yenyu, nokuti ndiro ropa rinoyananisira kupfurikidza nomweya uri mariri. Ndicho chikonzero nei ini ndakataura kuvanakomana vaIsraeri, kuti: ‘Hakuna mweya wenyu unofanira kudya ropa.’”—Revhitiko 17:11, 12.

Pamutambo wekare wainzi Zuva Reyananisiro, muprista mukuru waIsraeri aipinza ropa remhuka dzinobairwa murutivi runoyera zvikurusa rwetembere, nzvimbo huru yokunamatwa kwaMwari. Kuita izvozvo kwakanga kuri nzira yokufananidzira yokukumbira Mwari kufukidza zvivi zvavanhu. (Revhitiko 16:3-6, 11-16) Zvibairo izvozvo hazvina kubvisa zvomenemene chivi chose, naizvozvo zvaitofanira kudzokororwa gore rimwe nerimwe. Kunyange zvakadaro, uku kushandiswa kweropa kwakagadza muenzaniso une revo.

Dzidziso huru iri muBhaibheri ndeyokuti pakupedzisira Mwari aizogovera chibairo chimwe chakakwana chaigona kuyananisira zvizere zvivi zvavatendi vose. Ichochi chinonzi rudzikinuro, uye chinonangidzira ngwariro pachibairo chaMesia akadeya kutaurwa, kana kuti Kristu.

Bhaibheri rinoenzanisa basa raMesia nechakaitwa paZuva Reyananisiro: “Apo Kristu akasvika somuprista mukuru wezvinhu zvakanaka zvakaitika, kupfurikidza ne[tembere] huru zvikuru uye yakakwana zvikuru isina kuitwa namaoko, . . . iye akapinda, aiwa, kwete neropa rembudzi nerenzombe duku, asi neropa rake amene, kamwe chete nokuda kwenguva yose munzvimbo tsvene [denga] ndokuwana rununuro rusingaperi nokuda kwedu. Hungu, zvinenge zvinhu zvose zvinocheneswa neropa mukuwirirana noMutemo, uye kutoti ropa rikateurwa hakuna kanganwiro inoitika.”—VaHebheru 9:11, 12, 22.

Nokudaro kunova kwakajeka kuti tinoda kuva nomurangariro waMwari weropa. Mukuwirirana namaruramiro ake soMusiki, iye akasarudza kuri kushandiswa kwaro kwapoga. VaIsraeri vekare vangave vakawana betsero dzoutano kupfurikidza nokusadya ropa remhuka kana kuti ravanhu, asi iroro rakanga risati riri pfundo rinokosha zvikurusa. (Isaya 48:17) Vaifanira kudzivisa kutsigira upenyu hwavo neropa, kwete zvikurukuru nemhaka yokuti kuita neimwe nzira kwakanga kusina utano, asi nemhaka yokuti kwakanga kusati kuri kutsvene kuna Mwari. Ivo vaifanira kurega ropa, kwete nemhaka yokuti rakanga rakashatiswa, asi nemhaka yokuti rakanga richikosha mukuwana kanganwiro.

Muapostora Pauro akatsanangura pamusoro porudzikinuro, kuti: “Kupfurikidza naye [Kristu] tine kusunungurwa norudzikinuro kupfurikidza neropa raiyeyo, hungu, kanganwirwo yokudarika kwedu, mukuwirirana noukuru hwetsitsi dzake dzisakafanirwa.” (VaEfeso 1:7) Shoko rapakuvamba rechiGiriki rinowanwa ipapo rinoshandurwa nomutoo wakafanira kuti “ropa,” asi chiverengero chakati kuti cheshanduro dzeBhaibheri chinokanganisa mukutsiva shoko racho no“rufu.” Nokudaro, varavi vangapotsa simbiso pamurangariro woMusiki wedu pamusoro peropa noukoshi hwechibairo hwaakabatanidza naro.

Musoro weBhaibheri unosimbisa idi rokuti Kristu akafa sechibairo chakakwana chorudzikinuro asi haana kuramba akafa. Achitevera muenzaniso uyo Mwari akagadza paZuva Reyananisiro, Jesu akamutswa kuti agoenda kudenga kundo“oneka pamberi paMwari nokuda kwedu.” Iye akapa ikoko ukoshi hweropa rake rechibairo. (VaHebheru 9:24) Bhaibheri rinosimbisa kuti isu tinofanira kudzivisa nzira ipi neipi iyo ingaguma noku‘tsika Mwanakomana waMwari uye kurangarira ropa rake seroukoshiwo zvahwo.’ Nokudarozvo bedzi tinogona kuchengeta ukama hwakanaka norugare naMwari.—VaHebheru 10:29; VaKorose 1:20.

FARIKANYA UPENYU HUNOPONESWA NEROPA

Apo tinonzwisisa icho Mwari anotaura pamusoro peropa, tinova noruremekedzo rukurusa nokuda kwoukoshi hwaro hunoponesa upenyu. Magwaro anorondedzera Kristu souyo ano‘tida uye akatisunungura muzvivi zvedu kupfurikidza neropa rake amene.’ (Zvakazarurwa 1:5; Johane 3:16) Hungu, kupfurikidza neropa raJesu, tinogona kuwana kanganwiro izere neisingaperi yezvivi zvedu. Muapostora Pauro akanyora, kuti: “Sezvo takanzi takarurama zvino kupfurikidza neropa rake, isu tichaponeswa kupfurikidza naye mukutsamwa.” Ndiwo maponeserwe anogona kuitwa upenyu husingaperi kupfurikidza neropa.—VaRoma 5:9; VaHebheru 9:14.

Jehovha Mwari kare kare akapa vimbiso yokuti kupfurikidza naKristu ‘mhuri dzose dzapasi dzinogona kuzvikomborera dzimene.’ (Genesi 22:18) Chikomborero ichecho chinobatanidza kudzorera pasi kuparadhiso. Panguva iyeyo rudzi rwomunhu runotenda harusati ruchazotambudzwa nechirwere, kukwegura, kana kuti kunyange rufu; irwo ruchafarikanya zvikomborero zvinopfuura zvikuru yamuro yechinguvana yatinogona kugoverwa zvino navashandi vezvokurapa. Tine ichi chipikirwa chinoshamisa, chokuti: “Iye achapukuta musodzi uri wose pameso avo, uye rufu haruchazovipozve, uyewo kuchema kana kuti kurira kana kuti kurwadziwa hazvichazovipozve. Zvinhu zvekare zvapfuura.”—Zvakazarurwa 21:4.

Ipapoka, kuchenjera zvakadini kuti tirangarire zvakakomba zvinodikanwa zvose zvaMwari! Ikoko kunobatanidza kuteerera mirairo yake pamusoro peropa, kusarishandisa zvisina kufanira kunyange mumigariro yezvokurapa. Nenzira iyeyo hatizorarami bedzi kwechinguvana. Panzvimbo pako, ticharatidzira kurangarira kwedu kukuru upenyu, kubatanidza kariro yedu yomunguva yemberi youpenyu husingaperi mukukwana kwohunhu.

[Bhokisi riri papeji 25]

Vanhu vaMwari vairamba kutsigira upenyu hwavo neropa, kwete nemhaka yokuti kuita kudaro kwakanga kusina utano, asi nemhaka yokuti kwakanga kusati kuri kutsvene, kwete nemhaka yokuti ropa rakanga rakashatiswa, asi nemhaka yokuti rakanga richikosha.

[Mufananidzo uri papeji 24]

“Kupfurikidza naye [Jesu] tine kusunungurwa norudzikinuro kupfurikidza neropa raiyeyo, hungu, kanganwirwo yokudarika kwedu.”—VaEfeso 1:7

[Mufananidzo uri papeji 26]

Kuponesa upenyu kupfurikidza neropa raJesu kunozarura nzira kupenyu husingagumi, hune utano muparadhiso yapasi

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe