Ganhuro 17
Kuyeuka Mukuvimbika Sangano raJehovha
NHASI zvakawanda zvinotaurwa pamsoro pokuvimbika kunyika yokwako. Asika vabati ushe navanhu venyika ino vanotaura zvakawanda zvakadini pamsoro pokuvimbika kuna Mwari, uyo ari Musiki wenyika inogarwa nomunhu? Munguva dzekare, Mambo Dhavhidhi weIsraeri akanga ari munamati akavimbika woMusiki, Jehovha Mwari. Achitaura kuno uyu Mwari akavimbika, Dhavhidhi akataura aya mashoko kwaari, anoti: “Imi muchaita nokuvimbika kuno mumwe munhu akavimbika.” (2 Samueri 22:26; Pisarema 18:25) Ko aya mashoko anoratidzira chimiro chako chendangariro kuna Mwari here?
2 Chimiro chendangariro chose zvacho chavanhu nhasi hachisati chiri chiye chokuitira hanya zvikuru pamsoro pokuvimbika kuna Mwari. Pasinei hapo naikoku, Jehovha akavimbika kumhuri yavanhu. Iye haana kuirasha. Mwanakomana wake akavimbika akati: “Mwari akada nyika zvikuru kwazvo zvokuti iye akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, kuti ani naani ano mutenda agorega kuva anoparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.” (Johane 3:16) Mwari haana kusiya nyika yavanhu kumuvengi wayo mukurusa, Satani, uyo akanyengedza vabereki vedu vokutanga kuti vasavimbike kuna Mwari. Mwari akaratidzirawo kuvimbika kwake kumhuri yavanhu muna 2370 P.N.V. kupfurikidza nokuchengeta Noa nemhuri yake nomuboporodzi renyika yose iro rakaparadza vamwe vose vasara vavanhu. (2 Petro 2:5) Nenzira iyeyo Musiki akapa kutanga kutsva kumhuri yavanhu.
3 Nhasi masimba masimba mupasi rose anokunda aya omunguva yaNoa anopfuura makore 4 000 akapfuura. (Genesi 6:11) Naizvozvo pane chikonzero chokuti Mwari mumwe cheteyo aparadze kuvapo kwetsika yezvinhu ino yenyika. Iye akaita donzo rokukuita, asi pakuita kudaro, iye haasati achizoparadza vanovimbika vake pasi pano. Panguva iyeyo iye achaita mukuwirirana nePisarema 37:28: “Jehovha ndiye mudi weruramisiro, uye iye haasati achizosiya vakavimbika vake.” Somuzuva raNoa, iye achapa mavambo akarurama kutsika itsva yezvinhu inoumbwa na“matenga matsva napasi idzva.” (2 Petro 3:13) Tuso yokuvimbika ihuru. Inopa upenyu!
4 Mukati mokutonga kwaMambo Dhavhidhi, rudzi rwaIsraeri rwakabvumikisa kuva rwakavimbika kuna Jehovha. Dhavhidhi akagadza mutoo nokuda kworudzi rwose. Rudzi irworwo rwakanga rwuri sangano rinooneka raJehovha. Ivo vaiva vanhu vakarongwa vakanga vari vake amene chaivoivo. Mukusapanikira ndizvo zvinorehwa nechiyeuchidzo chaMwari, sechakarongwa muna Amosi 3:1, 2: “Inzwai iri shoko iro Jehovha akataura pamsoro penyu, O vanakomana vaIsraeri, pamsoro pemhuri yose yandakabudisa munyika yeEgipita, ndichiti, ‘Ndimi bedzi vanhu vandakaziva pakati pemhuri dzose dzapasi.’”—Enzanisa 1 Madzimambo 8:41-43.
5 Mukuwirirana neiri idi renhau yeBhaibheri, uyu Mwari mumwe cheteyo, Jehovha, ana vanhu vakarongwa, sangano rinooneka, pasi pano nhasi. Iro isangano riri rake amene chaizvoizvo. Zvisinei, nhamburiko dzakaitwa dzokupinza zvikanganiso musangano raMwari kunyange pamavambo aro mukati mamazuva avaapostora vaJesu Kristu, avo vakanga vari vadziviriri vakashinga vokuperera veungano yechiKristu. (1 VaKorinte 15:12; 2 Timotio 2:16-18) Pashure porufu rwomuapostora Johane, sezvinooneka isati iri nguva refu pashure pa 98 N.V., kutsauka kwakadeya kuziviswa kwakatanga.—Mabasa 20:30; 2 Petro 2:1, 3; 1 Timotio 4:1.
6 Uku kutsauka pakutenda kwakadzora kwaanopfuura mazana amakore ane 17, kusvikira kuhafu yapashure yezana ramakore rechi 19. Panguva iyeyo chiKristudhomu chakanga chakamukana kuva mazana amapoka orudzidziso. Kuzivikanwa kwavanhu vechokwadi vaMwari kwakadzikatidzwa. ChiKristudhomu chakanga chiri nyongano yamasangano orudzidziso, makuru namaduku, achitaura nezvemvengemvenge yemitauro yorudzidziso isati yakavakirwa zvakatsiga pamutauro worudzidziso rwaMagwaro akafuridzirwa. Masangano akadaro orudzidziso akanga apinzwa zvomenemene muutapwa noumambo hwakanga hwakakura zvikuru kupinda Umambo hweBhabhironi huya hwakaparadza Jerusarema. Asika Bhabhironi rekare rakanga rakadini, uye chii chinofanira kuva chave chiri chimiro chendangariro chavaJudha vakatapwa?
Nhapwa Dziri muBhabhironi Dzakayeuka Zioni Mukuvimbika
7 Bhabhironi rekare rakanga riri nyika yavamwari venhema, vane zvidhori zvakanga zvakawanda. (Dhanieri 5:4) Tinogona kufungidzira muuyo uyo uku kunamatwa kwavamwari vazhinji venhema kwakava nawo pamwoyo yavaJudha vakatendeka vakanga vanamata Mwari mumwe bedzi wechokwadi vasina rudzi rupi norupi rwomufananidzo. Munzvimbo mokuona tembere yaJehovha murutsvindo rwayo rwose muJerusarema, vaiona tembere dzaava vamwari venhema nezvidhori zvavo munyikayo yose yeBhabhironi.a Haiwa, vanamati vaMwari mumwe nowechokwadi bedzi vanofanira kuve vakatambura kunzwa kwokusemburwa naikoku kwose!
8 Mukuwirirana nechiporofita chaJeremia, vaizotofanira kushivirira ikoku kwamakore 70 kudzorerwa kusati kwasvika. (2 Makoronike 36:18-21; Jeremia 25:11, 12) Mugariro wokuputsika mwoyo wenhapwa dzechiJudha dzaida Jehovha nedzaishuva kumunamata patembere yakatsaurirwa kwaari paguta rake rakasarudzwa unotirondedzererwa muna Pisarema 137:1-4: “Panzizi dzeBhabhironi—takagara ipapo. Isu takachemawo patakayeuka Zioni. Isu takaturika mbira dzedu pamikonachando iri mukati maro. Nokuti ipapo avo vakatitapa vakatikumbira mashoko orwiyo naavo vanotiseka—nokuda kwokufara: ‘Tiimbirei rumwe rwenziyo dzeZioni.’ Ko isu tingagona sei kuimba rwiyo rwaJehovha panyika yokumwe?”
9 “Rwiyo rwaJehovha” rwunofanira kuva rwiyo rwavanhu vakasununguka vanomunamata patembere yake tsvene. Kuna vaBhabhironi ivavo, kuimbwa kwo“rwiyo rwaJehovha” kwaizoitwa navaJudha ivava munyika youtapwa hwavo kwaizova nhambo yokuti vatapi vaseke zita raJehovha sezita raMwari akaderera kuna vamwari veBhabhironi. Zita rake dzvene rakanga ratozvidzwa zvikurusa kupfurikidza nokuregedza kwake vanhu vake vachibviswa munyika yokwavo yavakapiwa naMwari ndokuendeswa kunyika ina vamwari vazhinjisa. Asika nguva yokuti vaBhabhironi ivavo vamuseke uye vazvidze vanhu vezita rake yaizongova bedzi nhambo yakaganhurirwa—makore ane 70. Ipapo pasi navamwari venhema veBhabhironi uye pamberi naMwari wechokwadi, Jehovha!
Kunamatira Kwomwoyo Kusangano raJehovha
10 Nhasi kune sangano rorudzidziso rinonzi Bhabhironi Guru iro risina kuganhurirwa kunyika yeBhabhironi yapakuvamba asi iyo yenyika yose. Ko chimiro chomwoyo wavaJudha muBhabhironi rekare chakagadza muenzaniso wakarurama nokuda kwavanhu vaJehovha vomuzana ramakore rino rechi 20 avo vakagombedzerwa kupinzwa muutapwa kuBhabhironi Guru sechirango chinobva kuna Mwari waIsraeri wekare here?
11 Kunyange zvazvo ivo vaigona kugarisika muBhabhironi rekare ndokuzviitira ivo vamene musha, sezvo utapwa hwaizova hwenguva refu yechizvarwa, ko ivo vakarega nyika yokwavo ichibva muyeuko here? Wezvamapisarema akatapwa anokurondedzera nomutoo wakaisvonaka apo iye anotaura kunzwa kwenhapwa biyake, achiti: “Kana ndikakukanganwa, O Jerusarema, ruoko rwangu rworudyi ngarukanganwe. Rurumi rwangu ngarunamatire kumatadza angu, kudai ndaisazokuyeuka, kudai ndisaizoita kuti Jerusarema rikwire pamsoro pechisakiso changu chikuru chokufara.”—Pisarema 137:5, 6.
12 Ko chimiro ichocho chomwoyo chavaIsraeri vakatapwa chakaratidzirei? Ichi: kuvimbika kusangano rinooneka raJehovha renguva iyeyo apo iye aiona nyika iyo Mwari akanga apa vanhu Vake vakasarudzwa iri dongo kwamakore 70. Hungu, sangano rinooneka raJehovha rakapfuurira kuvapo mumwoyo yavaIsraeri ivavo.
13 Kuvimbika kwakadaro kusangano rekare rinooneka raMwari kwakatuswa zvakafanira. Ikoku kwakaitika apo Bhabhironi, ubati ushe hwenyika hwechitatu hwenhau yeBhaibheri, hwakakurirwa, uye Medhia nePersia, ubati ushe hwechina hwenyika, hwakaita kuda kwaMwari waIsraeri. Seiko? Kupfurikidza nokudzorera vaJudha vakatapwa kunyika yesangano rinooneka raJehovha, vaine miraidzo yokuvaka patsva tembere yaMwari wavo somusimboti weguta redzimbahwe, Jerusarema. (2 Makoronike 36:22, 23) Tembere yokunamatwa kwechokwadi haina kungovakwa patsva bedzi asi guta rina masvingo reJerusarema rakavakwawo patsva, kuti rive guta iro Jehovha aizotonga ari saMambo pavanhu vake.
14 Anopfuura mazana matanhatu amakore gare gare, Mesia akapikirwa akati kuna vaJudha biyake: “Musatongopika, kunyange nedenga, nokuti ndicho chigaro choumambo chaMwari; kana kuti napasi, nokuti ndiro chitsiko chetsoka dzake; kana kuti neJerusarema, nokuti iro iguta raMambo Mukuru.” (Mateo 5:34, 35) Apo Mesia akanga ari pasi pano, tembere yakavakwa patsva yaJehovha yaiva muJerusarema, uye, mukutaura kwokufananidzira, Jehovha Mwari akatonga muUtsvene tsvene hwetembere iyeyo. Naizvozvo ari muJerusarema seguta redzimbahwe ravanhu vake, Jehovha akatonga pasangano rake rinooneka.
Jehovha Anoramba Akavimbika Kusangano Rake
15 Eya, zvino, Jesu akarasa sangano rinooneka raMwari here apo iye akafumura vatungamiriri vasina kutendeka vorudzidziso vaIsraeri ndokuvaramba? Hungu, nokuti iye akati: “Jerusarema, Jerusarema, muurayi wavaporofita nomutaki namabwe waavo vakatumwa kwauri,—ndaiwanzoda sei kuunganidza pamwe chete vana vako, sokuunganidza pamwe chete kunoita mhambo hukwana dzayo pasi pamapapiro ayo! Asi imi vanhu hamuna kukuda. Tarirai! Maramwirwa imba yenyu.” (Mateo 23:37, 38) Apo Jesu akaramba Jerusarema na“vana” varo, ko iye kupfurikidza naikoko akasiya Baba vake vokudenga vasina sangano pasi pano here? Nyangwe! Nokuti Jesu iye amene akanga ari nheyo yesangano idzva rinooneka iro Musiki wechisiko chapose pose akanga achivaka.
16 Kurambwa kwaIsraeri wokunyama kwakaratidzirwa chaizvoizvo apo, parufu rwaJesu padanda rokutambudzikira, chifukidziro chikobvu chaiparadzanisa Nzvimbo tsvene tsvene neTsvene mutembere yeJerusarema chakabvaruka napakati “kubvira kumusoro kusvikira pasi.” Panguva imwe cheteyo, “pasi rakazunguzika, uye mabwe akatsemuka.” Aya akanga ari mabasa anoshamisa aMwari uyo aichimbotonga imomo nenzira yokufananidzira, kuratidzira kuramba kwake rudzi rwaIsraeri norudzidziso rwarwo.—Mateo 27:51.
17 Mitezo inokarirwa yesangano idzva rinooneka iro Jehovha aizoumba muchinguvana yakasiiwamo muumambo hweJerusarema. Jesu akavaisa mukutarisira kwaMwari, uyo akanga achisiya guta rapasi nokuda kwechimwe chinhu chikurusa. (Johane 17:9-15) Nenzira iyeyo Jehovha akaramba akavimbika kusangano rake, achiratidzira kurangarira chaikoiko nokuda kwamadzibaba avo akatendeka, Abrahama, Isaka, naJakobho, navanakomana 12 vaJakobho. (Dhanieri 12:1) Ganhuro rinotevera richapfuurira nekurukurirano yedu yokuvimbika, yakavakirwa paPisarema 137.
[Mashoko Omuzasi]
a Runyoro rwecuneiform rweBhabhironi rekare rwunoshuma, kuti: “Pamwe chete muBhabhironi muna matembere ane 53 avamwari vakuru vakuru, dzimba dzokunamatira dzine 55 dzaMarduk, dzimba dzokunamatira dzine 300 dzavamwari vapasi, dzine 600 nokuda kwavamwari vokudenga, maatari ane 180 nokuda kwamwarikadzi Ishatar, ane 180 nokuda kwamwari Nergal naAdad namamwe maatari ane 12 nokuda kwavamwari vakasiana-siana.”
[Mibvunzo Yechidzidzo]
1. Tinofanira kufunga nezvokuvimbika kuna ani, uye Mambo Dhavhidhi akatii muna ikoku?
2. Tinoziva seiko kuti Jehovha akaramba akavimbika kumhuri yavanhu?
3. (a) Chii chingagona kutaurwa pamsoro pamasimba masimba nhasi, uye Mwari akaita donzo rokuitei pamsoro pakwo? (b) Chii chiri tuso yokuvimbika kuna Jehovha?
4. Tinoziva seiko kuti rudzi rwaIsraeri rwakanga rwuri sangano rinooneka raJehovha renguva iyeyo?
5. (a) Mukati mamazuva avaapostora vaJesu Kristu, ko nhamburiko dzakaitwa here dzokupinza zvikanganiso musangano rechiKristu? (b) Chii chakadeya kuziviswa kuitika pashure porufu rwavaapostora?
6. (a) Ko kutsauka pakutenda kwakadzora kwenguva refu yakadini, uye nomuuyoi? (b) Ko masangano orudzidziso echiKristudhomu akapinda muutapwai, uye mibvunzoi inomuka?
7. (a) Mukutaura nomutoo worudzidziso, nyika yeBhabhironi rekare yakanga yakadini? (b) Ikoku kunofanira kuve kwakava netapuroi panhapwa dzechiJudha?
8. (a) Ko vaJudha vaizofanira kushivirira utapwa hwavo kwourefu hwakadini hwenguva, uye vaJudha vakavimbika vaizova nokupangai? (b) Ko Pisarema 137:1-4 inorondedzera sei mugariro wokuputsika mwoyo wenhapwa dzakavimbika dzechiJudha?
9. Ko vaBhabhironi vaizorangarira sei kuimbwa kwo“rwiyo rwaJehovha,” asi chii chaizoitika pakupera kwamakore 70?
10. Mubvunzoi unomuka pamusoro pavanhu vaJehovha vezana rino ramakore rechi 20 avo vakapinzwa muutapwa kuBhabhironi Guru?
11. (a) Ko vaJudha vakavimbika vakarega havo nyika yokwavo ichikanganwika muyeuko here? (b) Ko wezvamapisarema akatapwa akaratidzira sei kunzwa kwenhapwa biyake?
12. Ko chimiro chomwoyo chowezvamapisarema akatapwa chakaratidzirei?
13. Ko kuvimbika kusangano rinooneka raJehovha kwakatuswa sei?
14. (a) Mazana amakore gare gare, ko Mesia akatii pamsoro pesangano rinooneka raJehovha? (b) Ko Jehovha akatonga ari muJerusarema munzirai?
15. Ko Jesu akanga achiramba rutivi runooneka rwesangano raJehovha here apo iye akafumura vatungamiriri vasina kutendeka vorudzidziso vaIsraeri? Tsanangura.
16. Panguva yorufu rwaJesu padanda rokutambudzira, ko kurambwa kwaIsraeri wokunyama kwakaratidzirwa sei?
17. Ko Jesu naJehovha vakaratidzira sei kuvimbika kumitezo inokarirwa yesangano idzva rinooneka raMwari?