Tarirai Vakavimbika!
“Ndianiko ungarega kutya nokukudza zita renyu, Ishe? Nokuti imi moga [makavimbika, NW].”—ZVAKAZARURWA 15:4.
1. Chipupuriroi icho J. F. Rutherford akapa pamusoro pekuvimbika kweakamutangira wake, C. T. Russell?
JOSEPH F. RUTHERFORD, uyo akatsiva C. T. Russell sapurezidhendi weWatch Tower Society muna 1917, akavamba tsinhiro dzake pachirangaridzo chorufu rwaRussell kupfurikidza nokuti: “Charles Taze Russell akanga akavimbika kuna Mwari, akavimbika kuna Kristu Jesu, akavimbika kuchinangwa choumambo hwaMesiya. Akanga akavimbika zvikurusa—hungu, akavimbika kunyange kusvikira kurufu.” Zvirokwazvo, irworwo rwakanga rwuri rukudzo rwakaisvonaka rwokuitira mubatiri akatendeka waJehovha Mwari. Hakuna rukudzo rukuru zvikuru rwatingagona kupa kune mumwe munhu upi neupi runopfuura kuti akakunda denho yokuvimbika, kuti akanga akavimbika—kuvimbika zvikurusa.
2, 3. (a) Nei kuvimbika kuchipa denho? (b) Ndivanaani vanorwisanawo navaKristu vechokwadi munhamburiko dzavo dzokuva vakavimbika?
2 Kuvimbika kunopa denho. Nei? Nemhaka yokuti kuvimbika kunobonderana neudyire. Vakatanhamara pakati peavo vasina kuvimbika kuna Mwari vafundisi vechiKristudhomu. Ipapowo hakuna kutongova nekupararira kwakadaro kwokusavimbika somuukama hweroorano nhasi. Upombwe hunozivikanwa navose. Kusavimbika kwakapararirawo mune zvebhizimisi. Pamusoro paikoku, tinoudzwa, kuti: “Mamaneja mazhinji navanamazvikokota . . . vanodavira kuti vakapusa bedzi navari nyore kunyengera vakavimbika kumakambani avo nhasi.” Vanhu vaka“nyanyovimbika” vanozvidzwa. “Kuvimbika kwako bedzi uye kwokutanga kunofanira kuva kwauri umene” ndiyo nzira iyo mumwe purezidhendi weimwe femu inoshandira dzimwe kambani akakutaura nayo. Kutaura nezvekuvimbika kwauri umene kushatisa revo yeshoko racho. Kunotiyeuchidza nezvezvakataurwa pana Mika 7:2 (NW), kuti: “Akavimbika aparara pasi.”
3 Pamwero une revo huru zvikuru, Satani namadhemoni ake vanotirwisa, vakatsunga kutiita kuti tive vasina kuvimbika kuna Mwari. Ndicho chikonzero nei vaKristu vachiudzwa pana VaEfeso 6:12, kuti: “Nokuti hatirwi nenyama neropa, asi navabati, navane simba, namadzishe enyika erima rino, nemweya yakaipa yedenga.” Hungu, tinofanira kuteerera nyevero yokuti: “Svinurai, murinde; muvengi wenyu Dhiyabhorosi, unofamba-famba seshumba inorira, ichitsvaka waingaparadza.”—1 Petro 5:8.
4. Zvimiroi zvendangariro zvinoita kuti kuva akavimbika kuve kwakaoma kwazvo?
4 Zvinoitawo kuti kuvimbika kuve kwakaoma zvimiro zvendangariro zvoudyire zvatakagara nhaka kuvabereki vedu, sezvinodudzwa pana Genesi 8:21, kuti: “Kufunga kwomwoyo womunhu kwakaipa”—uye ane udyire—“kubva pauduku hwake.” Tose zvedu tine chinetso icho muapostora Pauro akareurura kuti aiva nacho: “Zvakanaka, zvandinoda, handizviiti; asi zvakaipa, zvandisingadi, ndizvo zvandinoita.”—VaRoma 7:19.
Kuvimbika Chimwe Chinhu Chinokosha
5, 6. Chii chinogona kutaurwa pamusoro pechiri kuvimbika, uye kwakarondedzerwa sei?
5 “Kuvimbika” ishoko rinokosha zvikuru. Nokudaro Insight on the Scriptures inoti: “Kunoratidzika kuva kusina mashoko echiNgezi anotaura chaizvoizvo revo yakazara yamashoko echiHebheru nechiGiriki, asi ‘kuvimbika,’ kubatanidza, sezvarinoita, mufungo wokuzvipira uye kutendeka, apo rinoshandiswa riine chokuita naMwari nebasa rake, rinobatira kupa revo iri pedyo.”a Pamusoro pe“kuvimbika” Nharireyomurindi yakamboti: “Kutendeka, basa, rudo, musengwa, kuzvipira. Mashoko aya ane chii chakafanana? Iwo mativi akasiyana ekuvimbika.” Hungu, kune kunaka kwakawanda kwazvo kuri chaizvoizvo mativi akasiyana ekuvimbika. Kunokosha zvirokwazvo kuti kuvimbika nekururama zvinobatanidzwa muMagwaro kazhinji kazhinji sei.
6 Rondedzero dzinotevera dzinobetserawo: ‘Kuvimbika kungaratidzira kutendeka nekuzvipira kunopfuurira, kunovimbika, kwakachengeteka pakuchinja kana kuti pamuedzo.’ ‘Kuvimbika kunoreva kutendeka kushoko romunhu raakavimbisa kana kuti kuzvipira kunopfuurira kusangano kana kuti kunheyo izvo munhu anozvinzwa amene achisungirwa mutsika; shoko racho harikarakadzi kunamatira bedzi asi kudzivisa kuva anonyengerwa uye kunyengetedzwa kubva pakunamatira ikoko.’ Nokudaro, vanhu vanopfuurira vakatendeka pasinei zvapo nemiedzo, chishoro, uye chitambudzo vanofanirwa nokudanwa kuti “vakavimbika.”
7. Musiyanoi unogona kuitwa pakati pekuvimbika nekutendeka?
7 Muna ikoku, zvisinei, kungava kwakanaka kuenzanisira musiyano unogona kuitwa pakati pekuvimbika nekutendeka. Kumadokero kweUnited States, kune tsime remvura inopisa iro rinotubuka inodokuva awa iri yose. Ndekwenguva dzose zvokuti kwakadanwa kuti Old Faithful. Bhaibheri rinotaura nezvezvinhu zvisina upenyu zvakadai semwedzi sewakatendeka, nokuti unovimbika. Pisarema 89:37 rinotaura nezvemwedzi se“chapupu chakatendeka chiri kudenga.” Mashoko aMwari anotaurwa kuva akatendeka. Zvakazarurwa 21:5 inoti: “Agere pachigaro choushe akati: Tarirai, ndinovandudza zvose. Akati: Nyora, nokuti mashoko awa [akatendeka, NW], ndaazvokwadi.” Zvose izvozvi zvakatendeka, zvakavimbika, asi hazvikwanisi kuva nebatano ipi neipi kana kuti kuva namavara etsika, zvakadai sekuvimbika.
Jehovha, Akavimbika Zvakatanhamara
8. Chipupuriroi chapaMagwaro chinozivisa muenzaniso wakaisvonakisisa wekuvimbika?
8 Pasina panikiro ipi neipi, Jehovha Mwari ndiye muenzaniso wakaisvonakisisa wekuvimbika. Jehovha ave akavimbika kudzinza romunhu, kunyange kugovera Mwanakomana wake kuitira kuti vanhu vagowana upenyu husingaperi. (Johane 3:16) Pana Jeremia 3:12, tinorava, kuti: “Dzokai, imi Israeri vokudzokera shure—ndizvo zvinotaura Jehovha; handingakutaririyi ndakatsamwa, nokuti [ndakavimbika, NW].” Mashoko akanyorwa pana Zvakazarurwa 16:5 anopupurirazve kuvimbika kwaJehovha: “Imi, Maka[vimbika, NW], muripo, makanga muripo, Mutsvene.” Ipapo zvakare, paPisarema 145:17, tinoudzwa, kuti: “Jehovha wakarurama panzira dzake dzose, [akavimbika, NW] pazvose zvaanoita.” Kutaura idi, Jehovha akatanhamara kwazvo mukuvimbika kwake zvokuti Zvakazarurwa 15:4 inoti: “Ndianiko ungarega kutya nokukudza zita renyu, Ishe? Nokuti imi moga [makavimbika, NW].” Jehovha Mwari akavimbika kusvikira kumwero mukurusa.
9, 10. Chinyorwai chekuvimbika icho Jehovha akaita mukubata kwake nerudzi rwaIsraeri?
9 Nhau yerudzi rwaIsraeri zvikurukuru ine chipupuriro chikuru chekuvimbika kwaJehovha kuvanhu vake. Mumazuva aVatongi, Israeri akabva abvazve pakunamata kwechokwadi, asi Jehovha akazvidemba azvidembazve ndokuvaponesa. (Vatongi 2:15-22) Mumazana amakore mashanu ose ayo Israeri akanga aine madzimambo, Jehovha akaratidza kuvimbika kwake kurudzi irworwo.
10 Kuvimbika kwaJehovha kwakamuparira kushivirira vanhu vake, sezvakanyorwa pana 2 Makoronike 36:15, 16: “Jehovha Mwari wamadzibaba avo akatuma mashoko kwavari nenhume dzake, achifumira mangwanani achituma; nokuti akanga ane tsitsi navanhu vake uye nenzvimbo yake; asi vakaseka nhume dzaMwari, vakazvidza mashoko ake, vakadadira vaporofita vake, kusvikira Jehovha atsamwira vanhu vake, kusvikira vasichagoni kurapwa.”
11. Ivimbisoi kana kuti nyaradzo iyo kuvimbika kwaJehovha kunotipa?
11 Nemhaka yokuti Jehovha akavimbika zvikurusa, muapostora Pauro aigona kunyora, sezvakanyorwa pana VaRoma 8:38, 39, kuti: “Ndinoziva kwazvo kuti kunyange rufu, kana upenyu, kana vatumwa, kana vakuru, kana zvazvino, kana zvinouya, kana masimba, kana kwakakwirira, kana kwakadzika, kana chinhu chimwe chakasikwa, hazvingagoni kutiparadzanisa norudo rwaMwari, ruri muna Kristu Jesu, Ishe wedu.” Hungu, Jehovha anotivimbisa, kuti: “Handingatongokuregeri, handingatongokusiyi.” (VaHebheru 13:5) Zvirokwazvo, inyaradzo kuziva kuti Jehovha Mwari akavimbika nguva dzose!
Jesu Kristu, Mwanakomana Akavimbika
12, 13. Chipupuriroi chatinacho pamusoro pekuvimbika kweMwanakomana waMwari?
12 Anotevedzera Jehovha zvakakwana mukunangana nedenho yokuvimbika akanga ari uye ndiJesu Kristu. Muapostora Petro aigona kusanonokora mashoko Pisarema 16:10 ndokurishandisa kuna Jesu Kristu pana Mabasa 2:27: “Hamungasiyi mweya wangu muHadhesi; hamungaisi [akavimbika, NW] wenyu kuti aone kuora.” Jesu Kristu nenzira yakafanira anodanwa kuti “akavimbika.” Munzira iri yose, akavimbika kuna Baba vake uye kuUmambo hwaMwari hwakapikirwa. Satani pakutanga akaedza kuputsa kuperera kwaJesu kupfurikidza nokushandisa miedzo, zvinofadza zvoudyire. Achikundikana muna ikoko, Dhiyabhorosi akatendeukira kuchitambudzo, pakupedzisira achiparira rufu rwaJesu padanda rokuurayira. Jesu haana kutongozununguka kana toreva nezvekuvimbika kwake kuna Baba vake vokudenga, Jehovha Mwari.—Mateo 4:1-11.
13 Jesu Kristu ave akavimbika kuvateveri vake maererano nechipikirwa chakanyorwa pana Mateo 28:20, chokuti: “Tarirai, ndinemi mazuva ose, kusvikira pakuguma kwenyika.” Mukuzadzikwa kwechipikirwa ichocho, ave achitungamirira nokuvimbika ungano yake kubvira paPentekosta 33 C.E. kusvikira kunguva ino.
Vanhu Vasina Kukwana Vakanga Vakavimbika
14. Jobho akagadza muenzanisoi wekuvimbika?
14 Zvino, zvakadiniko navanhu vasina kukwana? Vanogona kuvimbika kuna Mwari here? Tine chakaitika chakatanhamara chaJobho. Satani akaita kuti nhau yacho ive yakajeka muchakaitika chake. Jobho akanga akavimbika kuna Jehovha Mwari here, kana kuti akanga achimubatira bedzi nemhaka yeudyire? Satani akaganza kuti aigona kubvisa Jobho pana Jehovha kupfurikidza nokuita chinetso nokuda kwaJobho. Apo Jobho akanga arasikirwa nezvinhu zvake zvose, vana vake vose, uye kunyange utano hwake, mudzimai wake akamukurudzira, kuti: “Shora Mwari, ufe hako.” Asi Jobho akanga akavimbika, nokuti akati kwaari: “Iwe unotaura sezvinotaura mumwe wavakadzi mapenzi. Tingagamuchira zvakanaka bedzi paruoko rwaMwari, tikasagamuchira zvakaipawo here? Pazvinhu izvi zvose Jobho haana kutadza nomuromo wake.” (Jobho 2:9, 10) Kutaura idi, kune vaizova vanyaradzi vake, Jobho akati: “Kunyange zvazvo iye [Mwari] akandiuraya, bva ndichavimba naye.” (Jobho 13:15, New International Version) Hakushamisi kuti Jobho akawana tendero yaJehovha! Nokudaro, Jehovha akaudza Erifazi muTemani, kuti: “Ndakutsamwira kwazvo iwe neshamwari dzako mbiri, nokuti imi hamuna kutaura zvakarurama pamusoro pangu, sezvakaita muranda wangu Jobho.”—Jobho 42:7, 10-16; Jakobho 5:11.
15. Chipupuriroi chapaMagwaro chatinacho pamusoro pekuvimbika kwavabatiri vazhinji vaJehovha Mwari?
15 Varume vose navakadzi vokutenda vanorondedzerwa muna VaHebheru ganhuro 11 vanogona kutaurwa nezvavo savakavimbika. Vakanga vasina kungotendeka bedzi asi vakanga vakavimbikawo pasinei zvapo nedzvinyiriro. Nokudaro, tinorava nezvaavo “nokutenda . . . vakadzivira miromo yeshumba. Vakadzima simba romwoto, vakatiza minondo inopinza . . . vamwe vakaidzwa, vachisekwa, vachirohwa zvikuru, uyezve vachisungwa, vachiiswa mutorongo; vakatakwa namabwe, vakatemwa-temwa nejeko, vakaidzwa, vakaurawa nomunondo; vakafamba vakafuka matehwe amakwai, nenguvo dzembudzi; vasina chinhu, vachitambudzika, vachiitirwa zvakaipa.”—VaHebheru 11:33-37.
16. Muapostora Pauro akagovera muenzanisoi wokuvimbika?
16 Magwaro echiGiriki echiKristu anogoverawo muenzaniso unoshamisa womuapostora Pauro. Aigona kutaura zvakanaka kuvaKristu veTesaronika pamusoro peushumiri hwake, kuti: “Imi muri Zvapupu, naMwariwo, kuti taifamba no[kuvimbika, NW] nokururama, tisina chatingapomerwa kwamuri, imi vanotenda.” (1 VaTesaronika 2:10) Tine humwe ufakazi hwokuvimbika kwaPauro mumashoko ake akanyorwa pana 2 VaKorinte 6:4, 5, apo tinorava, kuti: “Pazvinhu zvose tinozviratidza savashumiri vaMwari, pakutsungirira kukuru, panhamo, pakushaiwa, pamadambudziko, pakurohwa, pakusungwa, pakunyonganiswa, pamabasa, pakusavata, pakuzvinyima zvokudya.” Kwose ikoku kunopupurira kuva kwomuapostora Pauro nekuzviremekedza nemhaka yokuti akanga akavimbika.
Vakavimbika Munguva Dzazvino Uno
17. Mashokoi aJ. F. Rutherford akaratidza kutsunga kwake kuva akavimbika?
17 Tichiuya kunguva dzazvino uno, tine muenzaniso wakaisvonaka watorangarirwa musumo yedu. Cherekedza zvinotaurwa mubhuku rinonzi Chengeteko Yenyika Yose Mukudzora kwo“Muchinda woRugare,” papeji 146 pasi pomusoro muduku unoti “Kuvimbika Mukati Menguva Yokupfigirwa Mutorongo.” Ipapo panonzi: “Achiratidzira kuvimbika kusangano raJehovha mukati menguva yake yokupfigirwa mutorongo, purezidhendi weWatch Tower Society, Joseph F. Rutherford, pana December 25, 1918, akanyora zvinotevera: ‘Nemhaka yokuti ndakaramba kubvumirana pane zvisinokufanira neBhabhironi, asi ndakaedza mukutendeka kubatira Ishe wangu, ndiri mutorongo, kwandinoonga nokuda kwako. . . . Ndingada zvikuru tendero Yake nenyemwerero ndokuva mutorongo, pane kubvumirana pane zvisinokufanira kana kuti kukurirwa neChikara ndokuva akasununguka uye kuva nerumbidzo yenyika yose.’”b
18, 19. Mienzanisoi yakaisvonaka yekuvimbika munguva dzazvino uno yatinayo?
18 Tine mienzaniso yakaisvonaka yekuvimbika muvamwe vaKristu vakawanda vakatsungirira chitambudzo. Pakati pavanhu vakadaro vakavimbika pane Zvapupu zvechiGermany zvaJehovha mukati mehurumende yeNazi, sezvinoratidzirwa muvhidhiyo Purple Triangles, yakaparadzirwa zvakafara mumutauro wechiNgezi. Zvinocherekedzwawo Zvapupu zveAfrica zvizhinji zvakavimbika, zvakadai sezvezvo zviri muMalawi. Imomo, mumwe murindiri wetorongo akapupurira kuvimbika kweZvapupu, achiti: “Hazvisati zvichizotongobvumirana pane zvisina kufanira. Zvinotowedzera chete.”
19 Munhu haagone kurava maYearbook of Jehovah’s Witnesses enguva pfupi yapfuura asingaororwi nekuvimbika kwakaratidzirwa nevaKristu vechokwadi, vakadai seavo vari muGreece, Mozambique, uye Poland. Vazhinji vavo vakatambura kutambudzwa kunorwadza; vamwe vakapondwa. Peji 177 ye1992 Yearbook inoratidzira mifananidzo yevarume vapfumbamwe vechiKristu muEthiopia avo vakanangana nedenho yokuvimbika kusvikira kupfundo rokupondwa. SeZvapupu zvaJehovha, hatifari here kuva nemienzaniso mizhinji kwazvo yakaisvonaka yokutinyandurira kuti tinangane nedenho yokuvimbika?
20. Chii chinoitika kana tikaramba takavimbika?
20 Kupfurikidza nokudzivisa nokuvimbika miedzo nedzvinyiriro, tinotanga kuzviremekedza. Naizvozvo, ipapo, tinoda kuwanikwa kurutivi rwaani rwenhau yokuvimbika? Kupfurikidza nokukunda denho yokuvimbika, tinotora rutivi rwaJehovha Mwari rwenhau yacho ndokubvumikisa Satani Dhiyabhorosi kuva murevi wenhema akashata, akaipa! Isu nenzira iyoyo tinowana tendero yoMuiti wedu, Jehovha Mwari, uye tuso youpenyu husingaperi mumufaro. (Pisarema 37:29; 144:15b) Chakunoda kuti tikunde denho yokuvimbika chichatevera kurangarirwa.
[Mashoko Omuzasi]
a Enisaikoropedhia yeBhaibheri ine mavhoriyamu maviri yakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
b Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
Ungapindura Sei?
◻ Nei kuva akavimbika kuchipa denho?
◻ Nei kuchigona kutaurwa kuti “kuvimbika” ishoko rinokosha zvikuru?
◻ Mienzanisoi yapaMagwaro yatinayo yavanhu vasina kukwana vakanga vakavimbika?
◻ Mienzanisoi yakaisvonaka yomuzuva razvino uno yekuvimbika yatinayo?
[Mufananidzo uri papeji 11]
Charles Taze Russell
[Mufananidzo uri papeji 12]
Jesu zvirokwazvo akanga ari “akavimbika” waJehovha
[Mufananidzo uri papeji 13]
Jobho, kunyange akanga asina kukwana, akava akavimbika kuna Mwari
[Mufananidzo uri papeji 14]
Pauro akagadza muenzaniso wakaisvonaka wekuvimbika kuna Jehovha