Ganhuro 18
Kuvimbika Kusangano Rinooneka raMwari Nhasi
MUPISAREMA 16:10 kwakanyorwa, kuti: “Imi hamusati muchizosiya mweya wangu muSheori. Hamusati muchizobvumira wakavimbika wenyu kuona gomba.” Uye muPisarema 50:5 kwakanyorwa, kuti: “Unganidzirai kwandiri vanovimbika vangu, avo vakaita sungano yangu pachibairo.” Ko avo vakaita sungano yaJehovha ndivo vanogovera “chibairo” here? Aiwa, ava vakavimbika havasati vachiita “chibairo” chomunhu mumwe nomumwe chavo vamene, vachipa miviri yavo yokunyama nokuda kwokuita chibvumirano naMwari.
2 Ko zvino, sungano yacho inoitwa sei? Kupfurikidza ne“chibairo” cho“wakavimbika” uyo ane mweya usina kusiiwa muSheori asi uyo wakamutswa muna vakafa. Muapostora Petro akashandisira mashoko ePisarema 16:10 kuna Jesu Kristu ndokupfuurira kuti: “Iye [Dhavhidhi] akaona pachine nguva mberi ndokutaura pamsoro porumuko rwaKristu, kuti iye haana kusiiwa muHadhesi kana kuti nyama yake haina kuona kuora. Uyu Jesu akamutswa naMwari.”—Mabasa 2:25, 27, 31, 32.
3 Uyu Jesu akamutswa ndiye Murevereri wesungano itsva, uye sungano itsva inoitwa kuti ishande pahwaro hwechibairo chake. (VaHebheru 9:15, 17) Naizvozvo ndivanaani avo vanofanira kuunganidzwa mukuwirirana nomurairo uri muPisarema 50:5? Ivo vadzidzi vaJesu vari musungano itsva kupfurikidza nechibairo chake. Nomutoo wokuonga Jehovha nokuda kweichi chibairo chisingaenzanisirwi, ivo vanofanira kukuchidzirwa kubvumikisa kuva vanovimbika kwaari.
4 Apo Umambo hwaJehovha hwakagadzwa mumatenga muna 1914, marudzi akashatirwa mukushora Umambo ihwohwo kupfurikidza nokupinda muhondo yenyika yokutanga, uye Mwari akabvumidza ikoku. (Pisarema 2:1, 2) Satani Dhiabhorosi akatamburira kushandisa hondo iyeyo yenyika kuparadza rutivi runooneka rwesangano raJehovha. Iye akabudirira mukuita kuti purezidhendi weWatch Tower Bible and Tract Society apfigirwe mutorongo romubatanidzwa muAtlanta, Georgia. Vamwe vamiriri vanomwe veSosaiti vakapfigirwa mutorongo pamwe chete naye.
5 Nokuda kwechitambudzo, dzimbahwe reSosaiti muBrooklyn, New York, rakatamisirwa kuchivako chinorendwa muPittsburgh, Pennsylvania. Ikoku kwakaitirwa kupfuurira kubudisa magazini yeNharireyomurindi yechiNgezi. Kupiwa mbiri kwokudenga kwavakatendeka kwakanga kuchikarirwa muchinguvana. Asi avo vavakasarira vakanga vakakombamira kukuchema sezvavairangarira mugariro wokudzvinyirirwa, wokukuvadzwa kwesangano raJehovha.—Pisarema 137:1.
Kuvimbika Mukati Menguva Yokupfigirwa Mutorongo
6 Achiratidzira kuvimbika kusangano raJehovha mukati menguva yake yokupfigirwa mutorongo, purezidhendi weWatch Tower Society, J. F. Rutherford, pana December 25, 1918, akanyorera tsamba chaiyo J. A. Bohnet, mubatiri biyake anovimbwa naye waJehovha. Yakanyorerwa kwaari pahofisi yeSosaiti muPittsburgh. Rutherford akanyora zvinotevera:
7 “Nemhaka yokuti ndakaramba kubvumirana pane zvisinokufanira neBhabhironi, asi ndakaedza mukutendeka kubatira Ishe wangu, ndiri mutorongo, kwandinoonga nokuda kwako. . . . Ndingada zvikuru tendero Yake nenyemwerero ndokuva mutorongo, pane kubvumirana pane zvisinokufanira kana kuti kukurirwa neChikara ndokuva akasununguka uye kuva nerumbidzo dzenyika yose. Ndichinoitika chakakomborerwa, chakaisvonaka kutambura nokuda kwebasa rokutendeka kuna She. MuUmambo tichakoshesa nyemwerero yaBaba kupfuura zvinhu zvose. Iyoyi inofanira kuva hurusa mundangariro yomwana ari wose waMwari. Tinopanga mubatanidzwa uchatiita Vamwe ikoko. Ndinofara, asi ndinoshuva kukuonai imi mose zvakare. Kokorodzano nomusangano wegore negore zvoswedera pedyo. Mudzimu waKristu ngauzadze mwoyo womupindi ari wose . . .
8 “Kuchine zvakawanda zvokuita. Kuchava nyasha huru kutora rutivi. Avo bedzi vanomuda Iye zvikuru vakatendeka uye nenzira iyeyo vachava vanokudzwa. . . . Zuva irero rinofadza risati rasvika panofanira kuva nokupupurira kwembavarira. . . . Mitoo nenzira zvekare hazvisati zvichizosvitsa zvinodikanwa, asi Ishe achagovera munzira Yake amene yakanaka. . . . Ndinofara nokuti chinoitika ichi chetorongo chakachengeterwesu panzvimbo paHama Russell. Handisati ndakambovenga zvikuru kwazvo nakare kose kusarurama ndokuda kururama nokushuva kubetsera vamwe. . . . Kukurira kweZioni kwavapedyo.”
Sangano raMwari“Chisakiso Chikuru Chokufara” Chavo
9 Kunyange zvazvo vabatiri vaJehovha vakaratidzirwa munyika savasina kuvimbika, vanyengeri, uye vasingavimbiki kunyika yokwavo, ivo havana kuramba sangano raJehovha. Vakaramba kubvumirana pane zvisina kufanira mukudzvinyirira ikoko. Vaizosva havo varashikirwa nokushandisa ruoko rwavo rworudyi kana kuti kuva chimumumu pano kukanganwa sangano raJehovha ndokusachariregazve richiva “chisakiso chikuru chokufara” chavo.—Pisarema 137:5, 6.
10 Vavengi vaJehovha noupfini vakafarira chiito chakaitirwa vamiriri vapasi vesangano rake rapose pose. Asi vabatiri vaJehovha vakanyengeterera zuva rake ramatsive kuti riuye nokuda kweichi chituko chose chakatutirwa pasangano rake. Vakashandisa mashoko ayo wezvamapisarema akataura pakureva nezveEdhomi rekare: “Yeukai, haiwa Jehovha, pamsoro pavanakomana vaEdhomi zuva reJerusarema, avo vakanga vachiti: ‘Riparadzei! Riparadzei kusvikira panheyo dziri pakati paro!’” (Pisarema 137:7; VaGaratia 4:26) A, aiwa, Jehovha anoda sangano rake rakafanana nomudzimai zvikuru kwazvo zvokusagona kukanganwa icho avo vari rutivi rwesangano raDhiabhorosi vanotaura nokuita mukurwisana navakavimbika vesangano rake rapasi.
11 Kuzvitarisiko zvose zvokunze panguva iyeyo, vanzwiri urombo vakadaro vezvamatongerwe enyika veBhabhironi Guru vakaparadza sangano rinooneka raJehovha “kusvikira kunheyo dziri pakati paro.” Havana kutongokarira kuriona richisimuka muhuruva kusvikira kusangano renyika yose rariri nhasi.
Mufaro Womutsivi Wake
12 Jehovha akashandisa Koreshi mubati ushe wePersia kusunungura vanhu vake muubati ushe hwenyika hwekare Bhabhironi. Asi mupfungwa izere zvikurusa, Koreshi akanga asati ari akarehwa mumashoko okupfiga ePisarema 137, ayo anonongedzera kuBhabhironi Guru, umambo hwenyika hworudzidziso rwenhema: “Haiwa, mwanasikana weBhabhironi, avo vachaparadzwa, anofara achava uyo anokutusa nokubata kwako umene kwawakatibata nako. Anofara achava iye anobata zvakasimba nokuputsanyira vana vako padombo.”—Pisarema 137:8, 9.
13 Ndianiko achava ano“fara” iyeyo? Ko uyo ano“fara” anomirira “nyanga dzine gumi” dzokufananidzira dziri pamsoro pe“chikara,” icho tsika yorudzidziso rwekare iri chifeve yakatasva pamusana pacho noukomba kwenguva refu zvikuru here? Aiwa, nemhaka yokuti vaparadzi vezvamatongerwe enyika voumambo hwenyika hworudzidziso rwenhema havasati vachihuparadza kukura nzira nokuda kwokunamatwa kwakachena kwaMwari wechokwadi. Havasati vachikuita nokuda kwembiri yaMwari weBhaibheri. Ko zvino vakadarovo vanogona sei zvomenemene kuva uyo ano“fara” anodudzwa nowezvamapisarema?
14 Vabati ushe vezvamatongerwe enyika venyika ino havasati vachiita iri basa rokuramba rudzidziso nokuda kwokuda vanamati vaJehovha. Kunokona neiko? Nemhaka yokuti Zvapupu zvaJehovha hazvisati zvichapinganidza kuita kwavo nyika isino umwari chose chose. Naizvozvo vabati ushe vezvamatongerwe enyika vanongova havo zvishandiswo zvinoshandiswa naMwari weZvapupu kuita donzo rake amene.—Zvakazarurwa 17:17.
15 Nokudaro, kunyange zvazvo ava vabati ushe vezvamatongerwe enyika vangashandiswa nomutoo wakananga mukuparadza umambo hwenyika hworudzidziso rwenhema, zvomenemene ndiJehovha Mwari ari kuvakuchidzira. Seiko? Iye anoshandisa Mwanakomana wake akapiwa simba weimba yoUmambo, Koreshi Mukuru Zvikuru, Jesu Kristu. Nokudaro, Jesu Kristu ari musimba roUmambo ndiye uyo ano“fara” akadeya kutaurwa nowezvamapisarema!
16 Kunyange Jehovha achizotaviridzira vakavimbika vake, iye, mupfungwa yokufananidzira, achabata zvakasimba munhu ari wose wa“vana” vorudzidziso vetsika yakafanana nechifeve yedzidziso yenhema ndokuvaputsanyira pane icho chinobuda se“dombo”—Umambo husingakurirwi hwaJehovha Mwari hunodzorwa naJesu Kristu.
17 Apo iye akanga ari pasi pano, Jesu Kristu akazodzwa nomudzimu mutsvene woMutsigiri wake woumwari kusati kuri bedzi ku“zivisa gore renyasha dzaJehovha” asi kuzivisawo “zuva ramatsive raMwari wedu.” (Isaya 61:1, 2; Ruka 4:16-21) Munguva yedu, mukati ma“mazuva okupedzisira” etsika ino yezvinhu, Jehovha ari kuita kuti vabatiri vake vanotendeka vazivise “zuva ramatsive raMwari wedu” mupasi rose rinogarwa nokuda kwenyevero kumarudzi ose. Muno uku kuzivisa vakasarira vakakumbanirwa ne“boka guru” rinowedzera ravadzidzi vakafanana namakwai vaJesu Kristu, savakadeya kuonwa muna Zvakazarurwa 7:9-17.
18 Ivava vose, vakasarira ne“boka guru,” vakateerera murairo wengirozi waZvakazarurwa 18:4. Ivo vakabuda muBhabhironi Guru. Neiko chiito chakadaro chiri chokukurumidzira? Nemhaka yokuti ivo vanofanira kubuda muBhabhironi Guru “vana” varo vorudzidziso vasati vaputsanywa ndokuparadzanywa kupfurikidza ne“chikara” ne“nyanga dzine gumi” dzacho pamberi chaipo peArmagedhoni. Ava vakavimbika vachava nomufaro waKoreshi Mukuru Zvikuru, Jesu Kristu. Ivo vachakumbanira matenga mukuti: “Rumbidzai Jah, imi vanhu! Ruponeso nembiri nesimba ndezvaMwari wedu, nokuti kutonga kwake ndokwechokwadi uye kwakarurama. Nokuti iye akaita rutongeso pahure guru rakashatsa pasi noufeve hwaro.”—Zvakazarurwa 19:1, 2; enzanisa Jeremia 51:8-11.
19 Chifo cha 1919 Jehovha akaita “chinhu chikuru” nokuda kwavanhu vake. (Pisarema 126:1-3) Nokuda kwouku kukudziridzwa kwesimba rake rokusunungura, kuratidzira kuti iye ndiye “Mwari akatendeka,” vakasarira vakasunungurwa vachiri kufara pamwoyo. (Dheuteronomio 7:9) Vari kufara zvikuru kwazvo, asi kune mufaro mukuru zvikuru wakavamirira. Ikoku kuchavapo apo ivo vanogona kukumbanirana mumufaro waKoreshi Mukuru Zvikuru, Mambo anotonga, Jesu Kristu, panguva apo iye anoputsanya “vana” vose vesangano irero raDhiabhorosi.
20 Mamirioni avaichimbova “nhapwa” dzeBhabhironi Guru akatobetserwa kubuda musangano irero rakashurikidzwa rorudzidziso pamberi pokuparadzwa kwaro kwamasimba masimba. Muuyo wave uri “boka guru” ra“mamwe makwai.” Mupasi rose, ivo zvino vane chiverengero chinopfuura 3 000 000, pasina ganhuriro yechiverengero chichiri kuda kununurwa mukuparadzwa kwoumambo hwenyika hworudzidziso rwenhema. Mukuvimbika kusangano raJehovha, ivo vano mufaro wavakasarira kupfurikidza nokuvakumbanira mukuzivisa zuva raJehovha ramatsive paBhabhironi Guru rorudzidziso.
21 Ipapoka, ngaparege kuva nokubvumirana pane zvisina kufanira noumambo ihwohwo hwenyika hworudzidziso rwenhema. Ngaparege kuva nokuhwirira kwariri mumazuva ano okuderera kwaro. Ngatipfuurirei kubetsera nhapwa zhinji dzeBhabhironi Guru sedzingabvira kubuda mutsika iyeyo yakashurikidzwa Koreshi Mukuru Zvikuru asati avamba rukundo rwake rwunofadza.
[Mibvunzo Yechidzidzo]
1, 2. Ko rugwaro rwuri paPisarema 50:5 runofanira kunzwisiswa sei?
3. Ndivanaani avo vanounganidzwa mukuwirirana nomurairo uri muPisarema 50:5, uye neiko vachifanira kukuchidzirwa kubvumikisa kuva vakatendeka kuna Mwari?
4, 5. (a) Ko Satani Dhiabhorosi akava nokubudirirai mukati mehondo yenyika yokutanga munhamburiko dzake dzokuparadza sangano rinooneka raJehovha? (b) Ko dzimbahwe reSosaiti rakatamisirwa kupi, uye nei? (c) Murutodzano rwomuzuva razvino uno nePisarema 137:1, chii chakanga chiri mugariro wokufunga, kana kuti chimiro chendangariro, chavakasarira vakavimbika apo vairangarira mugariro wokukuvadzwa wesangano raJehovha?
6-8. Mukati mokupfigirwa kwake mutorongo, ko purezidhendi weSosaiti, J. F. Rutherford, akaratidzira sei kuvimbika kusangano raJehovha?
9. Ko vamiriri vakapfigirwa mutorongo veSosaiti vakaratidzira chimiroi chendangariro chowezvamapisarema?
10, 11. (a) Ko vakasarira vakavimbika vakanyengetererei, uye ivo vakashandisa mashokoi owezvamapisarema pamsoro peEdhomi? (b) Ko vavengi vesangano rinooneka raJehovha vave vachiedza kukwanisa kuitei, uye vavengi vakadaro havana kutongokarirei?
12. (a) Ndianiko akabvumikisa kuva musununguri wavanhu vari nhapwa vaJehovha muBhabhironi rekare, uye Pisarema 137:8, 9 rinonongedzera kwaari mupfungwa yakazara here? (b) Ko idzi ndima dzakadeya kuzivisei pamsoro pomutsivi wesangano rapasi raMwari?
13, 14. Neiko uyo ano“fara” wePisarema 137:8, 9 asinganongedzeri kuvabati ushe vezvamatongerwe enyika vanoparadza Bhabhironi Guru?
15. Ndiani zvomenemene anokuchidzira vabati ushe vezvamatongerwe enyika, uye kupfurikidza navanaani?
16. Ko Jehovha anoparadza sei “vana” veBhabhironi?
17. (a) Mukuwirirana naIsaya 61:1, 2, Jesu aizoparidzirei pashure pokuva anozodzwa nomudzimu waMwari? (b) Ko kuparidzira kuri kuitwa sei nhasi?
18. Ko vakavimbika vaJehovha vachagoverana mumufaroi?
19. Ko vakasarira vanovimbika zvino vanofarikanya mufarwai, uye mufarwai mukuru zvikuru unovamirira?
20. Ndivanaanizve vari kuva nomufaro wavakasarira vakazodzwa, uye nei?
21. Chii chinofanira kuva chimiro chedu chendangariro kuBhabhironi Guru nenhapwa dzaro?