Mhuri yaJehovha Inofarikanya Chinzwano Chinokosha
“Tarirai, kunaka kwazvo nokufadza kwazvo kana hama dzichigara pamwe chete norugare.”—PISAREMA 133:1.
1. Ndeapi ari mamiriro ezvinhu emhuri dzakawanda nhasi?
MHURI iri munjodzi nhasi. Mumhuri dzakawanda, zvisungo zveroorano zviri munguva yakaoma. Chatanuro iri kuva inozivikanwa navose nenzira inowedzera, uye vana vakawanda vevaroorani vakachatanurana vari kuwana rusuruvaro rukuru. Mamiriyoni emhuri haasi kufara uye haana kubatana. Bva, pane mhuri imwe inoziva mufaro wechokwadi uye chinzwano chapachokwadi. Imhuri yechisiko chose yaJehovha Mwari. Mairi, zviuru zvengirozi dzisingaoneki zvinoita mabasa azvo akagoverwa mutsinhirano nokuda kwaMwari. (Pisarema 103:20, 21) Asi pane mhuri pasi pano inofarikanya chinzwano chakadaro here?
2, 3. (a) Ndivanaani zvino vari rutivi rwemhuri yechisiko chose yaMwari, uye chii chatingafananidza nacho Zvapupu zvaJehovha zvose nhasi? (b) Mibvunzoi yatichakurukura?
2 Muapostora Pauro akanyora, kuti: “Ndinofugama namabvi angu kuna Baba, avo, rudzi rwose kudenga napanyika runotumidzwa nezita ravo.” (VaEfeso 3:14, 15) Dzinza riri rose remhuri pasi pano rine zita raro nemhaka yaMwari nokuti iye ndiye Musiki. Kunyange zvazvo pasina mhuri dzavanhu mudenga, tichitaura nenzira yokufananidzira Mwari akaroora sangano rake rokudenga, uye Jesu achava nomwenga womudzimu unobatanidzwa naye mumatenga. (Isaya 54:5; Ruka 20:34, 35; 1 VaKorinte 15:50; 2 VaKorinte 11:2) Vakazodzwa vakatendeka vari pasi pano zvino rutivi rwemhuri yechisiko chose chaMwari, uye “mamwe makwai” aJesu, ane tariro dzapasi, ndiyo mitezo yawo inokarirwa. (Johane 10:16; VaRoma 8:14-17; Nharireyomurindi, January 15, 1996, peji 31) Zvisinei, Zvapupu zvaJehovha zvose nhasi zvinogona kufananidzwa nemhuri yenyika yose yakabatana.
3 Uri rutivi rwemhuri yakaisvonaka yamarudzi akawanda yavabatiri vaMwari here? Kana uri, unofarikanya chimwe chezvikomborero zvikurusa munhu upi noupi angagona kuva nazvo. Mamiriyoni achasimbisa kuti mhuri yaJehovha yenyika yose—sangano rake rinooneka—inzvimbo yakasvibira yorugare nechinzwano murenje renyika yegakava uye isina chinzwano. Chinzwano chemhuri yenyika yose yaJehovha chingarondedzerwa sei? Uye zvinhui zvinotsigira chinzwano chakadaro?
Kwakanaka Sei uye Kunofadza Sei!
4. Mumashoko ako umene, ungataura sei icho Pisarema 133 inotaura pamusoro pechinzwano chouhama?
4 Wezvamapisarema Dhavhidhi akaonga zvikuru chinzwano chouhama. Iye akatofuridzirwa kuimba pamusoro pacho! Mufungidzire aine rudimbwa rwake sezvo aiimba: “Tarirai, kunaka kwazvo nokufadza kwazvo kana hama dzichigara pamwe chete norugare. Zvakafanana namafuta anokosha ari pamusoro, anoyerera pandebvu, idzo ndebvu dzaAroni; anoburukira kusvikira pamipendero yenguo dzake; zvakafanana nedova reHermoni, rinoburukira pamakomo eZioni; nokuti ndipo Jehovha paakarayira kuropafadza kwake, ndihwo upenyu husingaperi.”—Pisarema 133:1-3.
5. Pahwaro hwePisarema 133:1, 2, kuenzanisai kunogona kuitwa pakati pavaIsraeri navabatiri vaMwari vomuzuva razvino?
5 Mashoko iwayo aishanda kuchinzwano chouhama chaifarikanywa navanhu vaMwari vakare, vaIsraeri. Apo vaiva muJerusarema nokuda kwemitambo yavo mitatu yegore negore, ivo vaigara pamwe chete muchinzwano. Kunyange zvazvo ivo vakabva mumadzinza akasiyana-siyana, ivo vakanga vari mhuri imwe. Kuva pamwe chete kwakava nepesvedzero yakanaka pavanhu vakaungana vose zvavo, semafuta okuzora anozorodza ane munhuhwi unofadza. Apo mafuta akadaro akadurururwa mumusoro waAroni, akayerera mundebvu dzake ndokudzika kuchipika chenguo yake. Nokuda kwavaIsraeri, kuva pamwe chete kwakanga kune pesvedzero yakanaka iyo yakatekeshera muvanhu vakanga vakaungana vose zvavo. Kusanzwisisana kwakapedzwa, uye chinzwano chakatsigirwa. Chinzwano chakafanana chiri mumhuri yaJehovha yomunyika yose nhasi. Kusonganirana kwenguva dzose kune tapuro yomudzimu yakanaka pamitezo yayo. Kusanzwisisana kupi nokupi kana kuti zvinetso zvinobviswa sezvo zano reShoko raMwari rinoshandiswa. (Mateo 5:23, 24; 18:15-17) Vanhu vaJehovha vanoonga zvikuru kukurudzirana uko kunobva muchinzwano chavo chouhama.
6, 7. Chinzwano chaIsraeri chakanga chakaita sei sedova reGomo reHermoni, uye chikomborero chaMwari chinogona kuwanwa kupi nhasi?
6 Kugara kwaIsraeri pamwe chete muchinzwano kwakanga kwakafananawo sei nedova reGomo reHermoni? Eya, sezvo urengarenga hwegomo iri huchipfuura mamita 2 800 pamusoro pegungwa, ihwo hwunofukidzwa nesinou rinenge gore rose. Pamusoro pegomo reHermoni pane sinou panoparira kupera kwemvura dzousiku uye nokudaro kunoparira dova zhinji iro rinochengetedza zvirimwa mukati memwaka murefu wakaoma. Mhepo inotonhora inobva pahwenze hweHermoni inogona kutakura mweya yakadaro kusvikira kumaodzanyemba senharaunda yeJerusarema inova dova. Naizvozvo wezvamapisarema nenzira yakarurama akataura nezve‘dova reHermoni richiburuka muGomo reZioni.’ Chiyeuchidzo chakaisvonaka zvakadini chepesvedzero inozorodza iyo inotsigira chinzwano chemhuri yaJehovha yavanamati!
7 Ungano yechiKristu isati yatangwa, Zioni, kana kuti Jerusarema, yakanga iri nzvimbo yokunamata kwechokwadi. Nokudaro, makanga muri imomo umo Mwari akarayira chikomborero chacho kuva. Sezvo Manyuko ezvikomborero zvose aigara nenzira yokufananidzira panzvimbo tsvene muJerusarema, zvikomborero zvaibva imomo. Nemhaka yokuti kunamata kwechokwadi hakuchatsamirizve panzvimbo imwe ipi neipi, zvisinei, chikomborero, rudo, uye chinzwano chavabatiri vaMwari chinogona kuwanwa mupasi rose. (Johane 13:34, 35) Ndezvipi zvimwe zvinhu zvinotsigira ichi chinzwano?
Zvinhu Zvinotsigira Chinzwano
8. Chii chatinodzidza pamusoro pechinzwano pana Johane 17:20, 21?
8 Chinzwano chavanamati vaJehovha chakavakirwa pakuwirirana neShoko rinonzwisiswa zvakarurama raMwari, kubatanidza dzidziso dzaJesu Kristu. Kupfurikidza nokutumira kwaJehovha Mwanakomana wake munyika kuzopupura zvokwadi uye kufa rufu rwechibayiro, nzira yakazarurwa yokuumba ungano yechiKristu yakabatana. (Johane 3:16; 18:37) Kuti pakanga pachifanira kuva nechinzwano chapachokwadi pakati pemitezo yayo kwakajekeswa apo Jesu akanyengetera, kuti: “Handinyengetereri ava bedzi, asi naivo vanotendawo kwandiri neshoko ravo, kuti vose vave vamwe; semi Baba muri mandiri, neni mamuri; kuti naivo vave matiri, kuti nyika itende kuti makandituma.” (Johane 17:20, 21) Vateveri vaJesu vakawana chinzwano chakafanana neicho chaivapo pakati paMwari noMwanakomana wake. Ikoku kwakaitika nemhaka yokuti ivo vakawirirana neShoko raMwari uye nedzidziso dzaJesu. Chimiro chendangariro chimwe chetecho chinhu chikuru muchinzwano chemhuri yomunyika yose yaJehovha nhasi.
9. Ibasai iro mudzimu mutsvene unoita muchinzwano chavanhu vaJehovha?
9 Chimwe chisakiso icho chinobatanidza vanhu vaJehovha ndechokuti tine mudzimu mutsvene waMwari, kana kuti simba rinobata basa. Iwo unotigonesa kunzwisisa zvokwadi inoziviswa yeShoko raJehovha uye nokudaro kumubatira takabatana. (Johane 16:12, 13) Mudzimu wacho unotibetsera kudzivisa mabasa enyama asingabatanidzi akadai serwisano, godo, kufufutirwa nehasha, uye gakava. Panzvimbo pezvo, mudzimu waMwari unobudisa matiri chibereko chinobatanidza chorudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, kunaka, kutenda, unyoro, uye kuzvidzora.—VaGaratia 5:19-23.
10. (a) Ifananoi inogona kuitwa pakati porudo ruri mumhuri yavanhu yakabatana norudo rwunooneka pakati paavo vakazvipira kuna Jehovha? (b) Mumwe mutezo Womutumbi Unodzora wakataura sei mirangariro yawo pamusoro pokusangana nehama dzawo dzomudzimu?
10 Mitezo yemhuri yakabatana inodanana uye inofara kuva pamwe chete. Nenzira yakaenzana, avo vari mumhuri yakabatana yavanamati vaJehovha vanomuda, Mwanakomana wake, uye vatendi biyavo. (Marko 12:30; Johane 21:15-17; 1 Johane 4:21) Sezvo mhuri ine rudo yokunyama ichifarikanya kudya zvokudya pamwe chete, avo vakazvipira kuna Mwari vanofadzwa nokuva pamisangano yechiKristu, magungano, uye kokorodzano kuti vabetserwe nesonganiro yakaisvonaka uye zvokudya zvomudzimu zvakaisvonaka. (Mateo 24:45-47; VaHebheru 10:24, 25) Mumwe mutezo woMutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha wakambotaura neiyi nzira: “Kwandiri, kusangana nehama ndomumwe wemifarwa mikurusa youpenyu uye manyuko ekurudziro. Ndinoda kuva pakati pevokutanga kusvika paHoro yoUmambo, uye kubva pakati pevokupedzisira, kana zvichibvira. Ndinonzwa mufaro womukati pakutaura navanhu vaMwari. Apo ndinenge ndiri pakati pavo ndinonzwa ndakasununguka nemhuri yangu.” Iwe unonzwa saizvozvo here?—Pisarema 27:4.
11. Mubasai umo Zvapupu zvaJehovha zvinowana mufarwa zvikurukuru, uye chii chinobva mukuita basa raMwari chinhu chikuru choupenyu hwedu?
11 Mhuri yakabatana inowana mufarwa mukuitira zvinhu pamwe chete. Nenzira yakafanana, avo vari mumhuri yavanamati vaJehovha vanowana mufaro mukuita vakabatana basa ravo rokuparidza Umambo nokuita vadzidzi. (Mateo 24:14; 28:19, 20) Kutora rutivi nguva dzose mariri kunotikwevera pedyo nezvimwe Zvapupu zvaJehovha. Kuita basa raMwari chinhu chikuru choupenyu hwedu uye kutsigira mibato yose yavanhu vake kunokurudzirawo mudzimu wemhuri pakati pedu.
Nhevedzano Yokutonga kwaMwari Inokosha
12. Ndeapi ari mavara emhuri inofara neyakabatana, uye igadziriroi yakatsigira chinzwano muungano dzechiKristu dzomuzana rokutanga ramakore?
12 Mhuri ine utungamiriri hwakasimba asi hworudo uye ine nhevedzano sezvingabvira inobatana uye inofara. (VaEfeso 5:22, 33; 6:1) Jehovha ndiMwari wenhevedzano ine rugare, uye vose avo vari mumhuri yake vanomurangarira so“Wokumusorosoro.” (Dhanieri 7:18, 22, 25, 27; 1 VaKorinte 14:33) Ivo vanozivawo kuti iye akagadza Mwanakomana wake, Jesu Kristu, mudyi wenhaka wezvinhu zvose uye akapa kwaari chiremera chose mudenga napasi pano. (Mateo 28:18; VaHebheru 1:1, 2) NaKristu soMusoro wayo, ungano yechiKristu isangano rine nhevedzano, rakabatana. (VaEfeso 5:23) Kutarisira mibato yeungano dzomuzana rokutanga ramakore, pakanga pane mutumbi unodzora waiumbwa nevaapostora navamwe “vakuru” vakakura mumudzimu. Ungano dzimwe nedzimwe dzakanga dzine vatariri vakagadzwa, kana kuti vakuru, uye vabatiri vanoshumira. (Mabasa 15:6; VaFiripi 1:1) Kuteerera avo vaitungamirira kwakatsigira chinzwano.—VaHebheru 13:17.
13. Jehovha anokweva sei vanhu, uye chii chinobva muna ikoku?
13 Asi murayiro wose iwoyu unokarakadza kuti chinzwano chavanamati vaJehovha chinogona kunzi chakaparirwa noutungamiriri hwakasimba, husina ushamwari here? Aiwa zvirokwazvo! Hapana kusava norudo pamusoro paMwari kana kuti sangano rake. Jehovha anokweva vanhu kupfurikidza nokuratidza rudo, uye gore rimwe nerimwe mazana ezviuru nenzira yokuzvidira uye nenzira yomufaro anova rutivi rwesangano raJehovha kupfurikidza nokubhapatidzwa muratidziro yetsauriro yavo yomwoyo wose kuna Mwari. Mudzimu wavo wakaita souya waJoshua, uyo akakurudzira vaIsraeri biyake, kuti: “Zvitsaurirei nhasi wamunoda kushumira, . . . asi kana ndirini naveimba yangu tichashumira Jehovha.”—Joshua 24:15.
14. Nei tichigona kutaura kuti sangano raJehovha rinotongwa naMwari?
14 Sorutivi rwemhuri yaJehovha, hatifari bedzi asiwo takachengeteka. Ikoku kwakadaro nemhaka yokuti sangano rake rinotongwa naMwari. Umambo hwaMwari kutonga kwaMwari (kubva muthe·osʹ rechiGiriki, mwari, uye kraʹtos, kutonga). Kutonga kwomutemo kunoitwa naMwari, kwakagadzwa uye kwakatangwa naye. “Rudzi rutsvene” rwakazodzwa rwaJehovha runozviisa pasi pokutonga kwake uye naizvozvo runotongwawo naMwari. (1 Petro 2:9) Nomutongi Mukuru, woUmwari, Jehovha, soMutongi wedu, Mupi Wemitemo, uye Mambo, tine chikonzero chiri chose chokunzwa takachengeteka. (Isaya 33:22) Bva, zvakadiniko kana gakava rakati rikamuka ndokutyisidzira mufaro wedu, chengeteko, uye chinzwano?
Mutumbi Unodzora Unoita Chiito
15, 16. Igakavai rakamuka muzana rokutanga ramakore, uye nei?
15 Kuchengeta chinzwano chemhuri, panhambo nenhambo gakava ringafanira kupedzwa. Ngatitii, ipapo, chinetso chomudzimu chaifanira kupedzwa kuchengeta chinzwano chemhuri yaMwari yavanamati muzana rokutanga ramakore C.E. Chii ipapoka chaifanira kuitwa? Mutumbi unodzora wakaita chiito, uchiita zvisarudzo panhau dzomudzimu. Tine chinyorwa chapaMagwaro chechiito chakadaro.
16 Munenge muna 49 C.E., mutumbi unodzora wakasangana muJerusarema kuti upedze chinetso chakakomba uye nenzira iyoyo uchengete chinzwano che“veimba yaMwari.” (VaEfeso 2:19) Makore 13 ikoku kusati kwaitika, muapostora Petro akanga aparidza kuna Kornerio, uye Vamarudzi vokutanga, kana kuti vanhu vamarudzi, vakava vatendi vakabhapatidzwa. (Mabasa, ganhuro 10) Mukati morwendo rwoufundisi rwokutanga rwaPauro, Vamarudzi vakawanda vakagamuchira chiKristu. (Mabasa 13:1–14:28) Kutaura idi, ungano yavaKristu Vamarudzi yakanga yatangwa muAntiokia, Siria. Vamwe vaJudha vechiKristu vakarangarira kuti vatendeuki Vamarudzi vanofanira kudzingiswa uye kuchengeta Mutemo waMosesi, asi vamwe havana kubvuma. (Mabasa 15:1-5) Iri gakava raigona kuva rakatungamirira kukusanzwana kwakakwana, kunyange kukuumbwa kweungano dzakaparadzana dzechiJudha nedzeVamarudzi. Mutumbi unodzora naizvozvo wakaita chiito chokukurumidza kuti uchengete chinzwano chechiKristu.
17. Muitiroi wokutonga kwaMwari unotsinhirana unorondedzerwa muna Mabasa ganhuro 15?
17 Maererano naMabasa 15:6-22, “vaapostora navakuru vakaungana kuti varangane pamusoro peshoko iri.” Vakanga varipowo vakanga vari vamwe, kubatanidza boka rakabva kuAntiokia. Petro akatanga kutsanangura kuti ‘kupfurikidza nomuromo wake vanhu vamarudzi vakanzwa mashoko akanaka uye vakatenda.’ Ipapo “vanhu vazhinji vose” vakateerera sezvo Bharnabhasi naPauro vakarondedzera “zviratidzo nezvishamiso, zvakaitwa naMwari navo pakati pavahedheni,” kana kuti Vamarudzi. Jakobho akatevera kukarakadza nzira iyo nhau yacho ingapedzwa nayo. Pashure pokunge mutumbi unodzora waita chisarudzo, tinoudzwa kuti: “Vaapostora, navakuru, nekereke yose, vakati zvakanaka kuti vasanangure varume pakati pavo, vavatumire Antiokia pamwe chete naPauro naBharnabhasi.” “Varume vakasarudzwa” (NW) ivavo—Judhasi naSirasi—vakaendesa tsamba inokurudzira kuvatendi biyavo.
18. Mutumbi unodzora wakaita chisarudzoi chaibatanidza Mutemo waMosesi, uye ichochi chakatapura sei vaKristu vechiJudha naVamarudzi?
18 Tsamba inozivisa chisarudzo chomutumbi unodzora yakavamba namashoko aya: “Vaapostora navakuru pahama, kuhama dzokuvahedheni paAntiokia, napaSiria, napaKirikia: Mufaro!” Vamwe vakapinda uyu musangano unokosha, asi sezviri pachena mutumbi unodzora wakanga une “vaapostora navakuru.” Mudzimu waMwari wakavatungamirira, nokuti tsamba yacho inoti: “Mweya Mutsvene nesu takati zvakanaka, kuti tirege kukutakudzai mutoro mukuru kune zvinhu izvi zvakafanira, zvinoti: Regai zvakabayirwa zvifananidzo, neropa, nezvakadzipwa, noupombwe.” (Mabasa 15:23-29) VaKristu vakanga vasingadikanirwi kudzingiswa uye kuchengeta Mutemo waMosesi. Ichi chisarudzo chakabetsera vaKristu vechiJudha uye Vamarudzi kuita chiito uye kutaura nechinzwano. Ungano dzakafara, uye chinzwano chinokosha chakapfuurira, kunyange sezvachinoita mumhuri yaMwari yapasi pose nhasi munhungamiro yomudzimu mutsvene yoMutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha.—Mabasa 15:30-35.
Batira Muchinzwano Chokutonga kwaMwari
19. Nei chinzwano chakabudirira mumhuri yavanamati vaJehovha?
19 Chinzwano chinobudirira apo mitezo yemhuri inobatira pamwe nomumwe nomumwe. Zvimwe chetezvo ndezvechokwadi mumhuri yavanamati vaJehovha. Vachiva vanotongwa naMwari, vakuru nevamwe vaiva muungano yezana rokutanga ramakore vakabatira Mwari mubatira pamwe yakazara nomutumbi unodzora uye vakagamuchira zvisarudzo zvawo. Nebetsero yomutumbi unodzora, vakuru ‘vakaparidza shoko’ uye mitezo yeunganowo dzose zvadzo yaka‘taura nebvumirano.’ (2 Timotio 4:1, 2; 1 VaKorinte 1:10) Naizvozvo zvokwadi dzimwe chetedzo dzapaMagwaro dzakapiwa muushumiri uye pamisangano yechiKristu, mungava muJerusarema, Antiokia, Roma, Korinte, kana kuti kupi nokupi zvako. Chinzwano chokutonga kwaMwari chakadaro chiripo nhasi.
20. Kuti tichengete chinzwano chedu chechiKristu, chii chatinofanira kuita?
20 Kuti tichengete chinzwano chedu, tose zvedu tiri rutivi rwemhuri yenyika yose yaJehovha tinofanira kuvavarira kuratidzira rudo rwokutonga kwaMwari. (1 Johane 4:16) Tinofanira kuzviisa pasi pokuda kwaMwari uye kuratidza ruremekedzo rukuru nokuda kwo‘muranda akatendeka’ uye Mutumbi Unodzora. Kufanana netsauriro yedu kuna Mwari, teerero yedu, chokwadika, ndeyokuzvidira uye yokufara. (1 Johane 5:3) Wezvamapisarema akabatanidza zvakanaka sei mufaro neteerero! Iye akaimba, kuti: “Hareruya! Wakaropafadzwa munhu unotya Jehovha, unofarira zvikuru mirayiro yake.”—Pisarema 112:1.
21. Tinogona sei kuzvibvumikisa timene kuva vanotongwa naMwari?
21 Jesu, Musoro weungano, ndewokutonga kwaMwari kuzere uye nguva dzose anoita kuda kwaBaba vake. (Johane 5:30) Naizvozvo, ngatiteverei Muenzaniso wedu kupfurikidza nokuita kuda kwaJehovha nenzira yokutonga kwaMwari uye takabatana mukubatira pamwe kwakazara nesangano Rake. Ipapo nomufaro womwoyo wose nokuonga, tinogona kudzokorora rwiyo rwowezvamapisarema: “Tarirai, kunaka kwazvo nokufadza kwazvo kana hama dzichigara pamwe chete norugare.”
Ungapindura Sei?
◻ Chinzwano chedu chechiKristu chinogona sei kuva nechokuita nePisarema 133?
◻ Ndezvipi zvimwe zvinhu zvinotsigira chinzwano?
◻ Nei nhevedzano yokutonga kwaMwari ichikosha kuchinzwano chavanhu vaMwari?
◻ Mutumbi unodzora womuzana rokutanga ramakore wakaita sei chiito kuti uchengete chinzwano?
◻ Kubatira muchinzwano chokutonga kwaMwari kunorevei kwauri?
[Mufananidzo uri papeji 13]
Mutumbi unodzora wakaita chiito kuti uchengete chinzwano