RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g25 nha. 1 pp. 6-9
  • Shandisa Mari Yako Zvakanaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Shandisa Mari Yako Zvakanaka
  • Mukai!—2025
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • NEI ZVICHIKOSHA?
  • ZVII ZVAUNGAITA?
  • Zvaungaita Kuti Urarame Kana Uine Mari Shoma
    Dzimwe Nyaya
  • 2 | Chengetedza Zvinhu Zvako
    Mukai!—2022
  • Nzira Yokuramba Nayo Usina Chikwereti
    Mukai!—1997
  • Mutoo Wokuva Mutengi Anobudirira
    Mukai!—1988
Ona Zvimwe
Mukai!—2025
g25 nha. 1 pp. 6-9
Mapikicha: 1. Murume nemudzimai vakagara vachikurukura mashandisiro avachaita mari, mwanasikana wavo ari kumashure kwavo mukicheni. 2. Foni yakavhurwa calculator iri pamusoro pematsamba ezvinhu zvinoda kubhadharwa nemarisiti.

ZVAUNGAITA KANA MITENGO ICHIKWIRA

Shandisa Mari Yako Zvakanaka

Tese tinoomerwa panokwira mitengo. Asi haufaniri kubva waona sekuti hapasisina zvekuita. Zviripo zvaunogona kuita kuitira kuti usanyanya kuomerwa.

NEI ZVICHIKOSHA?

Kana usingaedzi kushandisa mari yako zvakanaka, zvinhu zvinogona kukuomera, zvoita kuti uwedzere kunetseka uye kuzvidya mwoyo. Kunyange uine mari shoma, pane zvaunogona kuita kuti zvinhu zvisanyanya kukuomera.

ZVII ZVAUNGAITA?

Ita zvinhu zvinoenderana nehomwe yako. Izvi zvinoita kuti usazonyanya kunetseka, uye uchange wakagadzirira kana pakangoerekana paitika chimwe chinhu chichada kuti ushandise mari.

Kuti ukwanise kurarama zvinoenderana nehomwe yako, nyora pasi mari yaunowana, uye yauchashandisa. Paunenge uchiongorora zvawanyora, iva nechokwadi chekuti uchashandisa mari pazvinhu zvinonyanya kukosha, uye chiedza kutevedzera zvawanyora. Asi kana mari yaunowana kana kuti mitengo ikachinja, chinjawo zvawakanyora kuti zvienderane nezvinenge zvavapo. Yeukawo kuti kana uri muwanano, mumwe wako anofanira kunge achiziva zvauri kusarudza kuita.

Edza izvi: Tenga zvinhu nemari yauinayo, pane kutenga nechikwereti. Vamwe vakaona kuti kana vakashandisa mari sezvizvi, havazobudi mubhajeti kana kupinda muzvikwereti. Uyewo kana uine akaundi kubhengi, zvakanaka kupota uchitarisa kuti wakashandisa marii pamwedzi. Hauzonyanyi kunetseka kana ukaziva kuti une marii.

Dzimwe nguva zvakaoma kurarama nemari shoma, asi kana uchinyora pasi mashandisiro aunoiita, zvinogona kubatsira. Uyewo hauzonyanyi kuzvidya mwoyo nenyaya dzemari.

“Ndiani wenyu asingatangi agara pasi kana achida kuvaka shongwe, kuti averenge zvaachashandisa, kuti aone kana aine zvinokwana kuzoipedza?”—Ruka 14:28.


Chengetedza basa rako. Ndezvipi zvaungaita kuti uchengetedze basa rako? Zvimwe zvacho ndeizvi: Svika pabasa nenguva. Farira basa rako. Vamwe vaunoshanda navo ngavaone kuti uri munhu anoda kuvabatsira uye shanda nesimba. Remekedza vamwe. Tevedzera mirayiridzo, uye edza kuvandudza maitiro ako ebasa.


Usapambadza mari. Zvibvunze kuti, ‘Ndinoshandisa mari yakawanda pazvinhu zvisingakoshi uye zvinondikanganisa here?’ Semuenzaniso, vanhu vakawanda vanopambadza mari yavanenge vashandira nekuita zvemadrugs, kubheja, kuputa, kana kunwisa doro. Maitiro akadaro anogonawo kukanganisa utano hwavo uye anoita kuti varasikirwe nemabasa avo.

“Anofara munhu anowana uchenjeri . . . Kuhuwana kuri nani pane kuwana sirivha.”—Zvirevo 3:​13, 14.


Isa imwe mari padivi kuitira zvinhu zvinongoerekana zvamuka. Mari iyoyo inogona kukubatsira kuti urambe wakadzikama kana zvikangoitika kuti paita urwere. Inoshandawo kana ukapererwa nebasa, kana kuti pazvimwewo zvinhu zvinogona kungoerekana zvamuka.

‘Tese tinosangana nezvinhu zvatisingatarisiri panguva yatisingafungiri.’—Muparidzi 9:11.

Zvaungaita Kuti Uchengetedze Mari

Gaba regirazi rakazara makoini.

Gara uchibika zvekudya kumba pane kutenga zvakabikwa kare.

Kugara uchitenga zvekudya zvakabikwa kare kunogona kuita kuti ushandise mari yakawanda. Kunyange zvazvo zvichida kushanda nesimba uye zvichitora nguva kubika wega, kuita izvozvo kunochengetedza mari. Unenge wava kukwanisa kubika zvekudya zvine utano zvaunoda.

Tanga wanyatsofunga kana uine zvauri kuda kutenga.

  • Nyora pasi zvauri kuda kutenga kuitira kuti usazotenga zvimwe zvaunenge usina kuronga.

  • Kana mari yako ichikwana, unogona kutenga zvinhu muuwandu kuitira kuti zvisanyanya kukudhurira. Asi kana watenga, iva nechokwadi chekuti zviya zvinoora wazviisa pakanaka kuti zvisakurumidza kushata.

  • Zvakanakawo kusarudza zvinhu zvisinganyanyi kudhura asi zviri zvinhu zvinogara.

  • Kana kwaunogara uchikwanisa kutenga zvinhu uchishandisa indaneti, unogona kumbozviedza here? Kuita izvi kunogona kukubatsira kuti utenge zvinhu nemitengo iri nani, usazotenga zvimwe zvinhu zvawanga usina kuronga kutenga, uye zvichakubatsira kuona mashandisiro auri kuita mari yako.

  • Edza kutenga zvinhu panguva yazvinenge zvadzikiswa mitengo. Enzanisa mitengo yezvinhu uye kana zvauri kuda kutenga zviri zvemagetsi, tarisawo kuti zvinodya magetsi akawanda sei.

Tanga wafunga usati watenga chinhu chinotsiva chawagara uinacho.

Vanhu vanogadzira mafoni uye vanogadzira zvimwewo vanoramba vachibudisa zvimwe zvitsva kuti varambe vachiita mari. Saka usati wachinja chinhu chauinacho, chimbotanga wazvibvunza kuti: ‘Kutenga chimwe chichangoburwa kuchanyatsondibatsira here? Ndiri kufanira kutochinja iye zvino here? Uye kana ndichifanira kuchinja, ndiri kufanira kutenga chichangoburwa chacho here?’

Gadzirisa zvinhu zvinenge zvisisiri kushanda zvakanaka uye tenga zvinhu zvakamboshandiswa.

Gara uchiona kuti zvinhu zvako zviri kushanda zvakanaka here. Kana ukadaro zvichagara kwenguva yakareba. Kana zvisingazokudhuriri unogona kuzvigadzirisa pazvinenge zvafa. Unogonawo kutenga zvinhu zvakamboshandiswa.

Itawo uchirima zvirimwa zvako.

Kana zvichiita unogona kuvawo nekagadheni kaunorima zvirimwa zvako. Izvi zvichakubatsira kuti uve nezvimwe zvinhu zvausingazotengi. Unogonawo kutopa vamwe zvaunenge warima, kuchinjanisa uchipiwa zvimwe, kana kuzvitengesa.

“Zvirongwa zvemunhu anoshanda nesimba zvinoita kuti abudirire.”—Zvirevo 21:5.

Makadhi ekubhengi anoshandiswa kutenga zvinhu nechikwereti.

“Tinogara tichitarisa kuti mitengo yezvinhu zvatinowanzotenga iri papi, uye tinongwarira mashandisiro atinoita makadhi edu ekubhengi atinoshandisa kutenga zvinhu nechikwereti.”—Miles, England.

Kabhuku, peni nemakiyi emota.

“Tisati taenda kunotenga, ini nemhuri yangu tinotanga tanyora pasi zvinhu zvatiri kuda.”—Jeremy, U.S.A.

Bhuku rekunyora zvauchaita necalculator.

“Tinogara tichiongorora kuti zvinhu zvatiri kuda kutenga zvinoenderana nemari yatiri kuwana here, uye tinoisa imwe mari padivi kuitira zvinhu zvinogona kungoerekana zvamuka.”—Yael, Israel.

Chipanera nescrewdriver.

“Takadzidzisa vana vedu kugadzirisa zvinhu zvinenge zvafa pane kutenga zvitsva. Takavadzidzisawo kugadzira mota yedu nezvimwe zvinhu zvemumba. Ini nemudzimai wangu tinoedzawo kusatenga zvinhu zvinenge zvichangoburwa.”—Jeffrey, U.S.A.

“Handichashandisi mari yakawanda nekuti ndine gadheni rangu uye ndinochengeta huku. Ndiri kutokwanisa kupawo vamwe zvandinenge ndarima.”—Hono, Myanmar.

Murume ari kutora zvinhu zvakasiyana-siyana zvaakarima mugadheni.
    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe