ZVAUNGAITA KANA MITENGO ICHIKWIRA
Bvuma Kuti Ndizvo Zvatovapo
Kana mitengo yezvinhu ichiwedzera zvishoma nezvishoma tinogona kusatombozviona, kunyanya kana mari yatinowana ichiwedzerawo. Asi kana mitengo ikakwira zvakanyanya uye mari yatinowana yorega kuwedzera, tinotanga kuzvidya mwoyo uye kuvhiringidzika, kunyanya kana tiine mhuri yatinochengeta.
Hatigoni kuita kuti mitengo yezvinhu isakwira. Asi kana tikabvuma kuti ndizvo zvatovapo, zvinogona kutibatsira.
NEI ZVICHIKOSHA?
Kakawanda kacho, vaya vanobvuma kuti ndizvo zvatovapo panokwira mitengo . . .
vanokwanisa kuramba vakadzikama. Kana takadzikama, tinonyatsofunga uye tinoita zvisarudzo zvakanaka.
havaiti zvinhu zvinoratidza kusachenjera. Semuenzaniso, hakusi kuchenjera kurega kubhadhara zvinhu zvinofanira kubhadharwa kana kushandisa mari pazvinhu zvisingakoshi.
havanetsani nevanhu vemumhuri panyaya dzemari.
vanoziva zvekuita kana mitengo yakwira, izvo zvinogona kusanganisira kuisa zvinokosha pekutanga uye kurega kutenga-tenga.
ZVII ZVAUNGAITA?
Ita zvinoenderana nezvavapo. Panguva inenge ichikwira mitengo zvakanyanya, kana zvichiita, deredza mashandisiro aunoita mari. Vamwe vanhu vanoda kurarama kaupenyu kavasingagoni. Izvi zvakafanana nekuedza kushambira uchienda kuri kubva mvura ine simba chaizvo. Hapana kwaunosvika, unoneta. Kana uine mhuri, unenge uchida kuonawo kuti mhuri yako yawana zvainoda pakurarama uye ndizvo zvaunenge uchifanira kutoita. Asi yeuka kuti mhuri yako inoda kuratidzwa rudo, uye kuwanirwa nguva kupfuura zvimwe zvinhu zvese.
Kuedza kurarama kaupenyu kekushamisira kwakafanana nekuedza kushambira uchienda kuri kubva mvura ine simba