ZVAUNGAITA KANA MITENGO ICHIKWIRA
Gutsikana Nezvauinazvo
Vanhu vanogutsikana vanobvuma zvinenge zviripo. Panochinja zvinhu muupenyu hwavo, vanochinjawo mararamiro avo kuti aenderane nezvinenge zvavapo.
NEI ZVICHIKOSHA?
Mumwe mukadzi anoongorora nezvemafungiro evanhu anonzi Jessica Koehler akaona kuti vanhu vanogutsikana kakawanda kacho vanoramba vaine tariro yekuti zvinhu zvichanaka. Akaonawo kuti havawanzochiva zvinhu zvevanhu. Saka hazvishamisi kuti vanhu vanogutsikana vanowanzofara uye havanyanyi kuzvidya mwoyo. Kutori nevamwe vanhu vanofara chaizvo asi ivo vasina zvinhu zvakawanda zvekurarama nazvo. Izvi ndezvechokwadi kunyanya kuvanhu vaya vanokoshesa zvinhu zvisingagoni kutengwa nemari, zvakadai sekufara kwavanoita pavanenge vari pamwe chete nemhuri dzavo neshamwari.
ZVII ZVAUNGAITA?
Usazvienzanisa nevamwe. Kana ukaenzanisa upenyu hwako nehwevaya vane zvinhu zvakawanda zvinodhura, unogona kutanga kusagutsikana kunyange kutochiva upenyu hwavo. Unogona kufunga kuti vaya vane zvinhu zvakawanda zvinodhura vakapfuma asi vamwe vacho vanogona kunge vatori muzvikwereti zvakakura chaizvo. Nicole uyo anogara kuSenegal anoti: “Handidi zvinhu zvakawanda kuti ndifare. Kana ndichigutsikana, ndinogona kufara kunyange kana vamwe vanhu vaine zvinhu zvakawanda kundipfuura.”
Edza izvi: Siyana nekutarisa zvinhu zvinobudiswa paindaneti zvinenge zvichiratidza mari dzine vamwe vanhu uye zvinhu zvinodhura zvavainazvo.
Iva munhu anoonga. Vanhu vanoonga kakawanda kacho vanogutsikana uye havawanzofunga kuti vanofanira kuramba vachiwana zvimwe zvinhu. Roberton wekuHaiti anoti: “Ndinowana nguva yekufunga nezvezvinhu zvakanaka zvandakaitirwa nevamwe vanhu uye zvavakaitirawo mhuri yangu uye ndinobva ndaudza vanhu ivavo kuti ndinovatenda chaizvo nezvavakandiitira. Ndinodzidzisawo mwanakomana wangu ane makore 8 kuti ave munhu anoonga zvese zvaanenge aitirwa.”
Edza izvi: Zuva nezuva nyora pasi zvinhu zvaunoda kutenda nezvazvo. Zvimwe zvacho zvinosanganisira kuva neutano hwakanaka, kuva nemhuri yakabatana, shamwari dzechokwadi, uye kunyange kuyevedza kunoita zuva parinenge richinyura.
Dzimwe nguva hazvisi nyore kuti tigutsikane. Asi kana tikashanda nesimba kuti tive vanhu vanogutsikana tichawana mufaro, uyo usingagoni kutengwa nemari.