ZVAUNGAITA KANA MITENGO ICHIKWIRA
Iva Netariro
Munyika menyu, mari yauri kuwana iri kuenderana here nekukwira kuri kuita mitengo yezvinhu? Uri kunetseka here kuti uchararama sei uye kuti uchachengeta sei mhuri yako? Kana zviri izvo zviri kuitika kwauri, zvimwe unogona kunge uchityira ramangwana rako. Asi kunyange zvakaoma kudaro, kuva netariro kunogona kukubatsira.
NEI ZVICHIKOSHA?
Vanhu vane tariro vanoshuvira kuti zvinhu zvichanaka, asi havagumiri ipapo. Vanoedza kuita zvese zvavanogona kuti zvinhu zviti chinjei. Semuenzaniso, imwe ongororo inoratidza kuti vanhu vane tariro vanokwanisa . . .
kuwedzera kuva vanhu vanoshingirira zvinhu pazvinenge zvakaoma
kuchinja upenyu hwavo kuti huenderane nezvinenge zvavapo
kuita zvisarudzo zvinozovabatsira kuti vave neutano hwakanaka
ZVII ZVAUNGAITA?
Chekutanga, ona kuti Bhaibheri ringakubatsira sei iye zvino. Bhaibheri rine mazano anogona kukubatsira kuziva kuti ungararama sei nekukwira kunenge kuchiita mitengo. Mazano aya anogona kukubatsira kuti usarasa tariro uye kuti uzive kuti une zvimwe zvinhu zvaunogona kuita iye zvino uyewo pauchazosangana nemamwe matambudziko.
Chechipiri, ona kuti Bhaibheri rinoti kudii nezveramangwana. Paunoona kushanda kunoita mazano ari muBhaibheri, unobva wava nechido chekuziva zvarinotaura nezveramangwana. Semuenzaniso, uchadzidza kuti Mwari anoda kuti uve ‘neramangwana rakanaka netariro,’ uye ane zvaakaita kuti tive nechokwadi chekuti tariro iyoyo ichazadziswa. (Jeremiya 29:11) Akaita kuti pave neUmambo hwake.
CHII CHINONZI UMAMBO HWAMWARI UYE HUCHAITEI?
Umambo hwaMwari ihurumende ichatonga pasi rese. (Dhanieri 2:44; Mateu 6:10) Ichange ichitonga iri kudenga, uye ichabvisa kutambura kwese uye urombo, yoita kuti panyika pese pave nerugare, vanhu vachifara sezviri kuratidzwa nemavhesi anotevera.
Kune vanhu vakawanda vanotenda muvimbiso idzi uye vane chokwadi chekuti Mwari ‘haagoni kureva nhema.’ (Tito 1:2) Saka unogona kuverenga Bhaibheri kuti uzvionere wega zviri kutaurwa izvi. Tariro yaunowana muBhaibheri inogona kukubatsira kuti utsungirire matambudziko iye zvino, uye kuti uve nechokwadi chekuti zvinhu zvichanaka mune ramangwana.