RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g19 nha. 1 pp. 4-5
  • Kutsvaga Zvinokonzera Matambudziko Edu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutsvaga Zvinokonzera Matambudziko Edu
  • Mukai!—2019
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ZVINOITA HERE KUTI PANYIKA PAVE NERUGARE?
  • UCHENJERI HURI MUBHAIBHERI HUNOTICHENGETEDZA
  • Kutenda Nenguva Yako Yemberi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Uchenjeri Hwechokwadi Huri Kushevedzera
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • ‘Chokwadi Uchenjeri hwaMwari Hwakadzama!’
    Swedera Pedyo naJehovha
  • “Uchenjeri Hunobva Kumusoro” Huri Kushanda Muupenyu Hwako Here?
    Swedera Pedyo naJehovha
Ona Zvimwe
Mukai!—2019
g19 nha. 1 pp. 4-5
Vanachiremba vachikurukura

Mushonga unodiwa ndeuya unobvisa dambudziko racho, kwete unongonyaradza marwadzo

DAMBUDZIKO

Kutsvaga Zvinokonzera Matambudziko Edu

Unofunga kuti vanhu vanokwanisa kugadzirisa matambudziko ari kuita kuti tisava nerugare uye tityire ramangwana redu here? Kuti tinyatsokwanisa kuagadzirisa, tinofanira kutanga taziva kuti ari kukonzerwa nei.

Semuenzaniso, Tom akarwara achibva azofa. Chii chakaita kuti afe? Chiremba wepachipatara chaakafira akanyora kuti: “Paakatanga kurwara, hapana akaedza kutsvaga kuti chirwere chake chaikonzerwa nei.” Kunenge kuti vanachiremba vaimurapa vaingomupa mushonga wekunyaradza marwadzo.

Izvi ndizvo here zviri kuitwa nevanhu panyaya yekugadzirisa matambudziko ari munyika? Kuti hurumende dzigadzirise dambudziko rekuparwa kwemhosva, dzinodzika mitemo, dzinoisa makamera panzvimbo dzakasiyana-siyana uye dzinowedzera mapurisa. Kuita izvi kunobatsira hakwo asi hakugadzirisi zvinokonzera dambudziko racho. Kuti munhu azopara mhosva zvinenge zvatangira mupfungwa.

Daniel, uyo anogara mune imwe nyika iri kuSouth America ine urombo anoti: “Taimborarama upenyu hwakanaka. Taisambofunga kuti kungava nematsotsi anoba akapakata zvombo. Asi iye zvino zvinhu zvachinja. Kutambura kuri kuita vanhu kuri kunyatsobudisa zvavari chaizvo. Vane makaro uye havaremekedzi upenyu hwevamwe kana zvinhu zvevamwe.”

Mumwe murume watichati Elias, akatiza hondo kuMiddle East uye akazodzidza Bhaibheri. Akati: “Mhuri dzakawanda uye vezvitendero vaikurudzira varume vakawanda kuenda kuhondo kuti vazoremekedzwa. Vavengi vavairwisa ndizvowo zvavaiudzwa nevekwavo. Izvi zvakaita kuti ndione kuti hazvibatsiri kuvimba nevanhu vari kutonga.”

Bhaibheri rinoti:

  • “Zvinodiwa nomwoyo womunhu zvakaipa kubvira achiri muduku.”​—Genesisi 8:21.

  • “Mwoyo unonyengera kupfuura zvinhu zvose uye wakaipa kwazvo. Ndiani angauziva?”​—Jeremiya 17:9.

  • “Mumwoyo munobuda kufunga kwakaipa, umhondi, . . . ufeve, umbavha, uchapupu hwenhema.”​—Mateu 15:19.

Vanhu vakundikana kubvisa unhu hwakaipa huri muvanhu uhwo hunokonzera kuti varwadzise vamwe. Matambudziko ataurwa munyaya yapfuura anoratidza kuti unhu ihwohwo hwakaipa huri kutowedzera. (2 Timoti 3:1-5) Izvi zviri kuitika pasinei nekuti iye zvino kwava neruzivo rwakawanda uye nzira dzakawanda dzekukurukura nevamwe. Saka nei tisingakwanisi kuita kuti panyika pave nerugare? Kungava here kuti tiri kuedza kuita zvinhu zvatisingakwanisi? Zvinoita here kuti panyika pave nerugare?

ZVINOITA HERE KUTI PANYIKA PAVE NERUGARE?

Kunyange tikakwanisa kubvisa unhu hwakaipa hune vanhu, hatimbofi takagona kuita kuti nyika ive nerugare. Nemhaka yei? Nekuti sevanhu, pane zvimwe zvinhu zvatisingakwanisi.

Chokwadi ndechekuti: “Munhu . . . haakwanisi kudzora nhanho dzake.” (Jeremiya 10:23) Hatina kusikwa kuti tizvitonge. Munhu haana kusikwa kuti agare mumvura. Ndizvo zvazvakangoitawo panyaya yekuzvitonga; munhu haana kusikwa kuti atonge mumwe.

Vanhu vari kutuhwina

Munhu haana kusikwa kuti agare mumvura. Ndizvo zvazvakangoitawo panyaya yekuzvitonga; munhu haana kusikwa kuti atonge mumwe

Funga izvi: Vanhu vanoda here kuudzwa zvekuita neupenyu hwavo nevamwe vanhu? Vanoda here kuudzwa kuti chakanaka ndechipi panyaya dzakadai sekubvisa pamuviri, kutongera munhu rufu, kana kuti marerero avanofanira kuita vana vavo? Idzi ndidzo dzimwe nyaya dzinopesanisa vanhu. Kunyange zvazvo zvisiri nyore kuzvibvuma, zvinotaurwa neBhaibheri zvine musoro. Hatikwanisi kutonga vamwe vanhu uye hatina kodzero yacho. Saka tingawanepi rubatsiro?

Hakuna kumwe kwatingaenda kunze kwekuenda kune Musiki wedu nekuti ndiye akatisika. Vamwe vanofunga kuti haana hanya nesu, asi handizvo. Bhaibheri rinoratidza kuti ane hanya nesu. Patinonzwisisa zvarinotaura, tinowedzerawo kunzwisisa kuti tine zvatisingakwanisi kuita. Uye tinogona kunzwisisa kuti nei upenyu hwakazara nematambudziko. Ndosaka mumwe muzivi wechiGerman akati, “vanhu nehurumende dzavo havadzidzi kubva pane zvakaitika kare.”

UCHENJERI HURI MUBHAIBHERI HUNOTICHENGETEDZA

Jesu akati, “uchenjeri hunoratidzwa kuti hwakarurama nevana vahwo vose,” kana kuti nezvibereko zvahwo. (Ruka 7:35) Muenzaniso weuchenjeri ihwohwo, mashoko anowanikwa pana Pisarema 146:3 anoti: “Usavimba nevanokudzwa, kana nomwanakomana womunhu wepanyika, asingagoni kuponesa.” Zano iri rinotibatsira kuti tisabatwa kumeso nevimbiso dzenhema kana zvimwe zvinhu zvisingambofi zvakaitika. Kenneth, uyo anogara mune rimwe guta rekuNorth America rakazara neutsotsi anoti: “Vezvematongerwo enyika vanovimbisa kuti vachaita kuti zvinhu zvive nani, asi havazvikwanisi. Kukundikana kwavo kunoratidza kuti zvinotaurwa neBhaibheri ndezvechokwadi.”

Daniel, ambotaurwa nezvake anoti: “Zvandinoona zuva nezuva zvinondiratidza kuti vanhu havakwanisi kutonga zvakarurama. . . . Kuva nemari mubhengi kana kuti humwe upfumi hakurevi kuti uchava neramangwana rakanaka. Ndakaona vanhu vaimbova nezvinhu izvi vachitambura.”

Bhaibheri rinotidzivirira kuti tisanyengedzwa nevimbiso dzisingafi dzakaitika. Rinotipawo tariro sezvatichaona.

ZVEKUYEUKA

UCHENJERI HURI MUBHAIBHERI HUNOTIBATSIRA KUTI TINZWISISE KUTI NEI UPENYU HWAKAZARA NEMATAMBUDZIKO

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe