RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g19 nha. 1 p. 3
  • Zvinhu Zviri Kuita Kuti Titye

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvinhu Zviri Kuita Kuti Titye
  • Mukai!—2019
  • Mashoko Akafanana
  • Umambo hwaMwari Huchaitei Nematambudziko Ezveupfumi?
    Dzimwe Nyaya
  • Kuchengetedza Zvakatipoteredza—Tave Tichibudirira Zvakadini?
    Mukai!—2003
  • Zvii Zvinofanira Kugadziriswa?
    Mukai!—2012
  • Nhamba Dzese dza2018
    Mushumo Wegore Rebasa ra2018 weZvapupu zvaJehovha Pasi Rese
Ona Zvimwe
Mukai!—2019
g19 nha. 1 p. 3

DAMBUDZIKO

Zvinhu Zviri Kuita Kuti Titye

“Mazuva ano zvinhu zviri kuwedzera kuvandudzika panyaya dzekugadzirwa kwemichina, zvesainzi uye zveupfumi. Asi kunyange zvakadaro, zvinhu zviri kuratidza kuti nyika yakananga kumawere.”​—The Global Risks Report 2018, World Economic Forum.

NEI VANHU VAKAWANDA VANE RUZIVO VACHINETSEKA NEZVERAMANGWANA? ONA MAMWE EMATAMBUDZIKO ATIINAWO.

  • Kombiyuta yakakiyiwa

    MHOSVA DZINOPARWA PACHISHANDISWA INDANETI: “Kuenda paindaneti kwava kuramba kuchiwedzera kutyisa. Pakazara vanhu vanoshinha nevana, vanoshungurudza vamwe, vanonyora zvinhu zvinoita kuti vamwe vagumbuke uye vanobira vamwe,” rinodaro pepanhau rinonzi The Australian. “Rimwe dambudziko riri kuwedzera nderematsotsi ari kushandisa mazita evanhu nenhamba dzavo dzezvitupa pakupara mhosva . . . Indaneti inopa vanhu mukana wekuitira vamwe utsinye.”

  • Vanhu vese ava vakuda mari

    KUSAENZANISWA KWEUPFUMI: Maererano neongororo yakaitwa nesangano rinonzi Oxfam International, panyika pane vanhu 8 vanonzi ndidzo shoroma kupfuura vamwe vese uye upfumi hwavo vari 8 hwakaenzana nehwevarombo vanosvika 3,6 bhiriyoni. Oxfam yakaenderera mberi ichiti, “Kuoma kwezvinhu panyaya dzeupfumi kunoita kuti vapfumi vawedzere kupfuma uye varombo vawedzere kuva varombo.” Vamwe vanotyira kuti izvi zvinogona kuita kuti vanhu vapedzisire vava kurwisana.

  • Mabhomba

    HONDO UYE KUTAMBUDZWA: Muna 2018, chikamu chesangano reUnited Nations chinoona nezvevapoteri chakati: “Mazuva ano, nhamba yevanhu vari kutiza vachisiya misha yavo iri kuwedzera. . . . Pamasekonzi maviri ega ega, munhu mumwe chete anosiya musha wake.” Vanopfuura 68 miriyoni vakasiya misha yavo nemhaka yehondo kana kutambudzwa.

  • Utsi huri kubuda muindastiri

    ZVINHU ZVINOPARADZA NHARAUNDA: The Global Risks Report 2018, yakati: “Mamwe marudzi emhuka nemiti ari kukurumidza kuparara . . . uye kusvibiswa kuri kuitwa mhepo nemvura kuri kuwedzera kuisa upenyu hwevanhu pangozi.” Mune dzimwe nyika, zvipukanana zviri kuramba zvichiita zvishoma. Sezvo zvipukanana zvichibatsira kuti maruva abereke, nyanzvi dzesainzi dziri kuyambira vanhu kuti “nharaunda yedu inogona kuparadzwa.”

Pane zvinokwanisa kuitwa here kuti tigadzirise matambudziko aya? Vamwe vanofunga kuti tinogona kugadzirisa zvinhu kana vanhu vakadzidziswa. Asi ruzivo rwakadii runodiwa? Nyaya dzinotevera dzichapindura mibvunzo iyi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe