RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g19 nha. 1 pp. 6-7
  • Kudzidzisa Vanhu Tsika Dzakanaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kudzidzisa Vanhu Tsika Dzakanaka
  • Mukai!—2019
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • NDEIPI DZIDZO INOBATSIRA KUPFUURA YEKUCHIKORO?
  • Rudo (Agape)—Charwusiri Uye Charwuri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Rudo
    Mukai!—2018
  • Kukudziridza Kwatingaita Rudo Rwechokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • “Rambai Muchifamba Murudo”
    Swedera Pedyo naJehovha
Ona Zvimwe
Mukai!—2019
g19 nha. 1 pp. 6-7
Mwana ari kubatsira vabereki vake kusuka ndiro

Vabereki vanodzidzisa vana vavo kuva nerudo kuburikidza nemuenzaniso wavo

ZVINGAITWA KUTI DAMBUDZIKO RACHO RIGADZIRISWE

Kudzidzisa Vanhu Tsika Dzakanaka

Vamwe vakomana pavakaenda kunoshanyira imwe nzvimbo vaine vamwe vavanodzidza navo, vakapomerwa mhosva yekushungurudza pabonde mumwe mukomana wavaidzidza naye. Vana ava vese vaidzidza pane chimwe chikoro chakakurumbira chaizvo muCanada. Pashure pekunge nyaya iyi yaitika, mutori wenhau anonzi Leonard Stern akanyora mupepanhau rinonzi Ottawa Citizen kuti: “Kugona chikoro, uye kuva neupfumi hakusi iko kunoita kuti vana vasaita zvinhu zvakaipa.”

Stern akatiwo: “Taizotarisira kuti vabereki vanyanye kukoshesa kudzidzisa vana vavo tsika. Asi vakawanda chavari kunyanya kukoshesa ndechekuti mwana apase chikoro owana basa rinozomupa mari yakawanda.”

Chokwadi ndechekuti dzidzo inokosha. Asi kunyange kana munhu akawana dzidzo yakanaka, dzidzo iyoyo haimubatsiri kubvisa pfungwa dzakaipa. Saka tingawanepi dzidzo inotibatsira kuziva kuti tsika dzakanaka ndedzipi?

NDEIPI DZIDZO INOBATSIRA KUPFUURA YEKUCHIKORO?

Bhaibheri rakaita segirazi. Rinotibatsira kuona maitiro asina kunaka atiinawo. (Jakobho 1:23-25) Asi haringogumiri ipapo. Rinotibatsira kuti tichinje tova neunhu hunoita kuti pave nerugare nekubatana. Unhu uhwu hunosanganisira tsitsi, mwoyo murefu, kuzvidzora uye rudo. Rudo runotonzi “chisungo chakakwana chokubatana.” (VaKorose 3:14) Nei rudo ruchikosha kudaro. Ona zvinotaurwa neBhaibheri.

  • “Rudo rune mwoyo murefu uye rune mutsa. Rudo haruna godo, haruzvikudzi, haruzvitutumadzi, haruzvibati zvisina kufanira, haruzvitsvakiri zvarwo, harutsamwi. Haruchengeti [chigumbu]. Harufariri zvisina kururama, asi runofara nechokwadi. Runoshivirira zvinhu zvose, . . . runotsungirira zvinhu zvose. Rudo harumboperi.”​—1 VaKorinde 13:4-8.

  • “Rudo haruitiri muvakidzani zvakaipa.”​—VaRoma 13:10.

  • “Kupfuura zvinhu zvose, dananai kwazvo, nokuti rudo runofukidza zvivi zvizhinji.”​—1 Petro 4:8.

Paunenge uine vanhu vanokuda, unonyatsonzwa mwoyo wakagadzikana, usina chekutya uye wakapombonoka. Imhaka yekuti vanhu ivavo vanoda kuti zvinhu zvikufambire zvakanaka uye havamboiti zvinhu zvinokurwadzisa nemaune.

Rudo runoitawo kuti vanhu varege zvinhu zvavanoda, kunyange kuchinja mararamiro avo vachiitira vamwe. Mumwe murume watichati George, paakava nemuzukuru aida chaizvo kutamba naye. Asi dambudziko raivapo nderekuti George aisvuta fodya zvakanyanya uye mukwasha wake, aisada kuti asvute paine mwana wake. George akaita sei? Kunyange zvazvo ainge ava nemakore 50 achisvuta, akarega achiitira muzukuru wake. Izvi zvinoratidza kuti rudo rune simba.

Bhaibheri rinotibatsira kuti tive neunhu hwakanaka hwakadai serunako, mutsa uye rudo

Kuti tive nerudo, tinotoita zvekudzidza. Vabereki ndivo vane basa guru pakudzidzisa vana vavo kuti vave nerudo. Vanovapa zvekudya, vanovadzivirira, vanovarapisa uye vanovanyaradza kana vakasangana nezvinhu zvinovashungurudza. Vabereki vakanaka vanotaura nevana vavo uye vanovadzidzisa. Vanoranga vana vavo, izvo zvinosanganisira kuvadzidzisa kuti zvakanaka ndezvipi uye zvakaipa ndezvipi. Uyewo vanoratidza muenzaniso wakanaka zvekuti vana vavo vanonzwa vachida kuvatevedzera.

Zvinosuwisa kuti vamwe vabereki vanokundikana kuita basa ravo. Izvi zvinoreva here kuti vana vavo havatombokwanisi kuva vanhu vakanaka? Aiwa. Variko vamwe vakakurira mumhuri dzakanga dzisina vabereki vaiita zvichangobva kutaurwa, asi vakachinja upenyu hwavo vakava vanhu vane rudo uye vanogona kuvimbwa navo. Sezvatichaona munyaya inotevera, vanhu ivavo vanosanganisira vamwe vaionekwa sevanhu vasingambofi vakachinja.

ZVEKUYEUKA

BHAIBHERI RINE DZIDZO YAKASIYANA NEYEKUCHIKORO PAKUTI RINOBATSIRA KUTI MUNHU AZIVE KUTI ZVAKANAKA NDEZVIPI UYE ZVAKAIPA NDEZVIPI

HAASI MUNHU WESE ACHACHINJA

Bhaibheri rinotaura kuti vamwe vanhu vacharamba kuchinja unhu hwavo. Dhanieri 12:10 inoti vakaipa vacharamba ‘vachiita zvakaipa.’ Izvi zvinoreva here kuti panyika hapazombofi pakava nerugare? Kudai ramangwana redu raiva mumaoko evanhu, taisazova netariro. Asi sezvatichaona, tinogona kuva nechokwadi chekuti ramangwana redu rakajeka.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe