RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g 5/14 p. 5
  • Chandinoraramira Chii?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chandinoraramira Chii?
  • Mukai!—2014
  • Mashoko Akafanana
  • Dambudziko Riri Pasi Pose
    Mukai!—2001
  • Kuzviuraya—Dambudziko Rakapararira Revaduku
    Mukai!—1998
  • Chinoita Kuti Vanhu Varase Tariro Muupenyu
    Mukai!—2001
  • Kuzviuraya—Dambudziko Revakawanda Risiri Pachena
    Mukai!—2000
Ona Zvimwe
Mukai!—2014
g 5/14 p. 5
Murume apererwa uye ari kufunga zvokuzviuraya

NYAYA IRI PAKAVHA

Chandinoraramira Chii?

KANA ukasangana naDiana,a uchaona kuti musikana ane pfungwa dzakapinza, ane ushamwari uye akasununguka. Asi pasinei nounhu hwake hwakanaka kudaro, ane dambudziko rinomushayisa mufaro zvokuti anozviona semunhu asingabatsiri chinhu. Izvi zvinogona kutora mazuva, mavhiki, kana mwedzi yakati wandei achinzwa saizvozvo. “Mazuva ose ndinogara ndichifunga kuti dai ndafa hangu,” anodaro. “Ndinoona sokuti kufa kuri nani.”

“Dzimwe ongororo dzakaratidza kuti pamunhu mumwe chete anozviuraya, kune vamwe 200 vanoedza kuzviuraya uye vamwe 400 vanofunga zvekuzviuraya.”—THE GAZETTE, MONTREAL, CANADA.

Diana anoti haazombofi akazviuraya. Asi dzimwe nguva anoona sokuti hapana chikonzero chokurarama. “Ndinoshuva kuti dai ndafa hangu netsaona,” anodaro. “Rufu harundityisi, ishamwari yangu.”

Zviri kuitika kuna Diana zviri kuitikawo kune vanhu vakawanda, zvokuti vamwe vavo vakambofunga kana kuti vakamboedza kuzviuraya. Vanamazvikokota panyaya yokuti sei vanhu vachida kuzviuraya, vanotaura kuti vanhu vakawanda vanoedza kuzviuraya vanenge vasingadi kufa; chavanoda kupedza matambudziko avanawo. Ivo vanoona sokuti hapana chikonzero chokuti varambe vachirarama, saka vanobva vaona sokuti kufa kuri nani.

Chandinoraramira chii? Funga zvikonzero zvitatu nei uchifanira kurarama.

NHEMA: Kutaura nyaya dzokuzviuraya kana kuti shoko rokuti kuzviuraya kunoita kuti vanhu vade kuzviedza.

CHOKWADI: Kutaura nezvenyaya iyoyo pane vamwe kazhinji kacho kunoita kuti munhu ari kufunga kuzviuraya afunge kaviri.

a Mazita akachinjwa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe