RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g 5/14 pp. 3-4
  • Zvaungaita Kana Watsiurwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvaungaita Kana Watsiurwa
  • Mukai!—2014
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • DAMBUDZIKO
  • Jehovha Anotirayira Nekuti Anotida
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2019
  • Kushingirira
    Mukai!—2019
  • 6 Kuranga
    Mukai!—2018
  • Kudzidzisa Vana Kuzvininipisa
    Mukai!—2017
Ona Zvimwe
Mukai!—2014
g 5/14 pp. 3-4
Mukomana ari kutsiurwa nomunhu mukuru

MAZANO OKUBATSIRA MHURI | VECHIDUKU

Zvaungaita Kana Watsiurwa

DAMBUDZIKO

“Kana mumwe munhu achikutsiura, anenge ari kukuudza kuti pane chimwe chinhu chauri kuita zvisizvo. Uye handisati ndambonzwa anoti, ‘Ndinofarira zvokutsiurwa.’”—Amy, 17.a

Vanotungamirira kufamba kwendege vari kupa mirayiridzo kuti ndege dzisabonderana

Munhu anoramba kutsiurwa akafanana nomutyairi wendege anoramba kuteerera zvaari kuudzwa nevanotungamirira kufamba kwendege vari pasi. Anogona kupinda mutsaona yakaipisisa.

Zvinokuomera here kubvuma kutsiurwa nevabereki vako, vadzidzisi, kana kuti vamwe vanhu vakuru? Kana zvichikuomera, nyaya ino ichakubatsira kukunda dambudziko racho.

ZVAUNOFANIRA KUZIVA

Munhu wose anototi atsiurwe.

“Tose tinokanganisa kazhinji.”—Jakobho 3:2.

“Hapana chinombonyadzisa nokutsiurwa paunenge wakanganisa.”—Jessica.

Kutsiurwa hakurevi kuti haubatsiri.

“Jehovhab anotsiura waanoda, sokutsiura kunoita baba mwanakomana wavanofarira.”—Zvirevo 3:12.

“Vanhu pavanonditsiura, ndinonyanya kufunga nezvokunetseka kwavange vachiita kuti vanganditsiura sei uye kundida kwavanondiita kwaita kuti vanditsiure.”—Tamara.

Kutsiurwa kunoita kuti uwedzere kuva munhu akanaka.

‘Teerera kurangwa uve akachenjera.’—Zvirevo 8:33.

“Kuti ukure uri munhu kwaye, unotofanira kutsiurwa. Paunotsiurwa unoona maonerwo aunoitwa nevamwe uye unobatsirwa kuti usiyane netsika dzakaipa dzaunenge usingatozivi kuti wava nadzo.”—Deanne.

ZVAUNGAITA

Ona zvinhu sezvazviri. Zviri nyore kugumbuka paunotsiurwa. Asi edza kusafunga nezvemanzwiro auri kuita. Imboedza kufungidzira uri iwe uri kutsiura mumwe munhu, zvimwe munun’una wako anenge akanganisa sezvawaita. Unofunga kuti kumutsiura kwakanakirei? Iye zvino chiedza kuzviona uri iwe watsiurwa.—Zvinotaurwa neBhaibheri: Muparidzi 7:9.

“Dzimwe nguva unogumbuka chaizvo nokutsiurwa kwaunenge waitwa zvokuti unokanganwa kuti munhu akutsiura anga achingoedza kukubatsira kuti uite zvakanaka, kwete kuti akurwadzise.”—Theresa.

Zvininipise. Usarambe kutsiurwa pamusana pokudada. Uyewo paunotsiurwa usabva wanyanya kuzviona sousingabatsiri. Kuzvininipisa kuchakubatsira kuramba uine mafungiro ari pakati nepakati. Yeuka izvi: Kutsiurwa kunonyanya kurwadza ndiko kunonyanya kukubatsira. Kana ukaramba kutsiurwa, pasinei nekuti uri kupa chikonzero chipi, unenge wazvitadzisa kuwana chimwe chinhu chaizokubatsira muupenyu.—Zvinotaurwa neBhaibheri: Zvirevo 16:18.

Kutsiurwa kunonyanya kurwadza ndiko kunonyanya kukubatsira

“Kubvuma kutsiurwa kunobatsira kuti uzova murume kana kuti mudzimai kwaye. Asi kana tikaramba kutsiurwa ndisu tinozochema mangwana.”—Lena.

Tenda. Tenda munhu akutsiura, kunyange kana kutsiura kwacho kwakaoma kutambira. Chokwadi chiripo ndechokuti, munhu wacho anoda nemwoyo wose kuti zvinhu zvikufambire zvakanaka.—Zvinotaurwa neBhaibheri: Pisarema 141:5.

“Unenge wagona kana ukati ‘Maita basa,’ kunyanya kana kutsiurwa kwacho kuchizokubatsira. Kunyange kana ukatadza kuona chikonzero chawatsiurirwa nyatsotenda nemwoyo wose zvaitwa nemunhu wacho.”—Carla.

a Mamwe mazita ari munyaya ino akachinjwa.

b Jehovha ndiro zita raMwari sokutaura kunoita Bhaibheri.

MAGWARO ANOKOSHA

  • “Usakurumidza kugumbuka.”—Muparidzi 7:9.

  • “Kudada kunotangira kuparara.”—Zvirevo 16:18.

  • ‘Kana munhu akarurama akanditsiura waizova mutsa worudo.’—Pisarema 141:5.

Justin

“Kuudzwa zvawakanganisa kunorwadza, saka ndinoedza kuramba ndichiyeuka kuti andiudza wacho anoda chaizvo kuti ndiite zvinhu zvakanaka. Ndinoedza kumuona seshamwari inoda kuti ndiite zvinhu zvakanaka.”​—JUSTIN

Charlette

“Ndinoziva kuti ndinokanganisa, saka kana vanhu vakandiudza zvandakanganisa handigumbuki. Izvi zvinoita kuti ndizive zvandinofanira kugadzirisa.”​—CHARLETTE

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe