Vechiduku Vanobvunza Kuti
Nyaya yokukurukura nevanhu vakawanda paIndaneti yakamira sei?—Chikamu 1
“Ndine shamwari dziri kune dzimwe nyika, uye nzira yakanakisisa yekukurukura nadzo kuva pasocial network. Ndinofarira kutaura navo kunyange zvazvo vachigara kure chaizvo neni.”—Sue, 17.a
“Ndinofunga kuti kuva pasocial network kunokudyira nguva, uye munhu haanyatsobudisi unhu hwake hwechokwadi. Kuti ushamwari hunyatsopfumbira, vanhu vanofanira kukurukura chiso nechiso.”—Gregory, 19.
MAONERO ako akada kufanana neapi uchienzanisa nezviri pamusoro apa? Pasinei nokuti mhinduro yako ndeipi, chiripo ndechokuti nzira yokukurukura nevanhu vakawanda paIndaneti (social network) yava nemukurumbira zvakanyanya.b Chimbofunga izvi: Kubva pakagadzirwa maredhiyo zvakatora makore 38 kuti vanhu vanoishandisa vazosvika mamiriyoni 50, uye makore 13 kuti vanoshandisa TV vasvike nhamba iyi, uye makore 4 kuti vanoshandisa Indaneti vasvikewo nhamba iyi. Imwe ongororo yakaitwa yakaratidza kuti mumwedzi 12 chete, imwe nzvimbo yokukurukurirana nevanhu vakawanda paIndaneti inonzi Facebook yakashandiswa nemamiriyoni evanhu 200!
Ratidza kuti ichokwadi here kana kuti inhema:
Pavanhu vanoshandisa nzvimbo iyi yepaIndaneti yokukurukurirana nevamwe, vakawanda vacho ndevechiduku. ․․․․․ Chokwadi ․․․․․ Nhema
Mhinduro: Nhema. Pavanhu vatatu vanoshandisa social network vaviri vacho vanhu vezera remakore 25 zvichikwira. Muna 2009, vanhu vakawanda vakajoina social network ndevaiva nemakore 55 zvichikwira.
Asi mamiriyoni evechiduku ari kushandisa nzira iyi uye vazhinji vanotoifarira kudarika dzimwe nzira dzokukurukurirana. Mumwe musikana anonzi Jessica anoti, “Ndakavharisa akaundi yangu, asi ndakazoivhurazve ndaona kuti hapana aida zvokukurukura neni achishandisa runhare. Zvinoita sokuti vanhu vanokanganwa nezvako kana usiri pasocial network!”
Chii chinomboita kuti vanhu vade kuva pasocial network? Mhinduro yacho iri pachena: Vanhu vakasikwa vaine chido chokukurukura nevamwe. Kuda kukurukura nevamwe ndiko kunoita kuti vanhu vade kushandisa social network. Chimboona kuti nei vamwe vachizoguma vavhura akaundi.
1. Zviri nyore.
“Hazvisi nyore kuti ugare uchikurukura neshamwari dzako, asi kana dzose dziri pasocial network zvinobva zvava nyore!”—Leah, 20.
“Ndinongoisa zvandiri kuda papeji yangu yepaIndaneti uye shamwari dzangu dzose dzinobva dzatoona zvandaisa.”—Kristine, 20.
2. Kuda kufanana nevamwe.
“Vakawanda vanondikumbira kuti ndipinde pasocial network asi handina akaundi yacho saka handikwanisi.”—Natalie, 22.
“Vakawanda havanzwisisi kuti ndiri munhu akaita sei nokuti handidi kuva pasocial network.”—Eve, 18.
3. Zvinoitwa nevanoshambadzira.
“Pane kapfungwa kanosimudzirwa nevanoshambadzira kokuti kana usingakurukuri nevamwe uchishandisa zvigadzirwa zvemazuva ano, unoshaya shamwari. Kana usina shamwari hausi munhu. Kuti unzi uri munhu hunge uri pasocial network.”—Katrina, 18.
4. Chikoro.
“Vadzidzisi vangu vanoshandisa social network. Vamwe vanotumira mashoko vachitiudza nezvezvichaitwa kuchikoro. Kana kuti kana pane zvandisinganzwisisi pasvomhu, ndinongozvitumira papeji yomudzidzisi wangu uye anobva andibatsira paIndaneti ipapo.”—Marina, 17.
5. Basa.
“Vanhu vanenge vachitsvaga basa vanoshandisa social network kuti vataure nevamwe. Dzimwe nguva izvi zvinovabatsira kuwana basa.”—Amy, 20.
“Ndinoshandisa social network nokuti basa rangu nderokudhirowa. Saka vanhu vanenge vachida zvitsva zvandinenge ndadhirowa vanogona kuzviona paIndaneti.”—David, 21.
Unofanira kuva pasocial network here? Kana uchigara nevabereki vako, ivo ndivo vanofanira kusarudza.c (Zvirevo 6:20) Kana vabereki vako vasingadi kuti uve pasocial network, teerera zvavari kutaura kwete kuita nharo.—VaEfeso 6:1.
Asiwo vamwe vabereki vanobvumira vana vavo kushandisa nzvimbo iyi yokukurukurirana paIndaneti uye vozopota vachiona kuti vana vacho vari kuishandisa sei. Kana zviri izvo zviri kuitwa nevabereki vako, unofunga kuti vari kunyanya kupindira muupenyu hwako here? Aiwa! Social network hachisi chinhu chokutamba nacho, saka vabereki vako kutaura chokwadi vane hanya nokuda kuziva kuti uchaishandisa sei. Chokwadi chiripo ndechokuti, social network ine zvayakaipira kungofanana nematsvakiro atinoita zvimwe zvinhu paIndaneti. Kana vabereki vako vachikubvumidza kuishandisa, zvii zvaungaita kuti udzivise njodzi idzodzo?
Kuishandisa Zvakanaka
Kushandisa Indaneti kunogona kufananidzwa nekutyaira motokari. Unogona kunge wakaona kuti haasi munhu wose ane chitambi chokutyaira anotyaira zvakanaka. Vakawanda vakapinda munjodzi dzinotyisa nemhaka yokuti vaingotyaira zvachero zvisina hanya mukati.
Ndizvo zvakafananawo nevanhu vanoshandisa Indaneti. Vamwe vanoishandisa zvakanaka asi vamwe idambudziko chairo. Kana vabereki vako vakakubvumira kuva pasocial network, vanovimba kuti uchaishandisa zvakanaka. Kusvika pari zvino uri kushandisa Indaneti zvakanaka here? Wakaratidza here kuti ‘unochengetedza uchenjeri hunobatsira nemano okufunga’?—Zvirevo 3:21.
Munyaya ino tichakurukura zvinhu zviviri zvine chokuita nesocial network zvinoda kuti unyatsofunga nezvazvo. Chokutanga inguva yako uye chechipiri ndezvakavanzika zvako. Imwe nyaya yakanzi “Vechiduku Vanobvunza Kuti” iri mumagazini ino ichakurukura nezvemukurumbira wako uye ushamwari.
ZVAKAVANZIKA ZVAKO
Zvichida ndicho chinhu chokupedzisira kufunga nezvacho paunofunga nezvokushandisa social network. Asika tinganetsekerei hedu, handiti social network iripo kuti tikurukure nevanhu vakawanda? Hongu ndizvo hazvo, asi kana ukasatora matanho okuzvichengetedza unogona kupinda muna taisireva.
Somuenzaniso, ngatitii pazvinhu zvako zvaunazvo une dzamatsama remari. Waizofamba mumugwagwa uzere vanhu wakaiisa pachena here? Ikoko kunenge kuri kupusa, handiti unenge uchitozvitsvagira kubirwa! Munhu akachenjera anoisa mari yake paisingaonekwi.
Mashoko ane chekuita newe akafanana nemari. Uchifunga nezveizvi, tarisa zvakanyorwa pazasi apa womaka zvinhu zvausingasununguki kuudza munhu wausingazivi.
․․․․․ kero yokumba kwedu
․․․․․ kero yangu yetsambambozha (e-mail address)
․․․․․ kuchikoro kwandinodzidza
․․․․․ nguva yandinenge ndiri pamba
․․․․․ nguva apo panenge pasina munhu pamba
․․․․․ mifananidzo yangu
․․․․․ maonero andinoita dzimwe nyaya
․․․․․ zvandinofarira uye zvinondinakidza
Kunyange uri munhu wevanhu, zvichida unobvumawo kuti panewo zvimwe zvinhu pane zviri pamusoro apa zvawaisazoudza munhu wose wose. Asi nemhaka yokusaziva, vechiduku vakawanda, nevamwe vanhu vakuru, vanopa vanhu mashoko akadaro! Iwe ungazvidzivirira sei panyaya iyi?
Kana vabereki vako vakakubvumira kuti uve pasocial network, unofanira kunyatsoziva zvinhu zviri paIndaneti zvaunogona kushandisa kuti zvakavanzika (privacy) zvako zvisazozivikanwa nevamwe vanhu. Usafunga kuti Indaneti ichakuitira izvi. Chokwadi ndechokuti magadzirirwo akaitwa Indaneti anoita kuti vanhu vakawanda vakwanise kuona uye kuisa mashoko avo papeji yako kupfuura zvaungafungidzira. Ndokusaka mumwe musikana anonzi Allison akagadziridza zviri paakaundi yake kuitira kuti shamwari dzake dzepedyo chete dzione peji yake. Anoti, “Dzimwe shamwari dzangu dzine shamwari dzavowo dzandisingazivi, uye handidi kuti vanhu ivavo vaverenge nezvangu.”
Kunyange kana uchikurukurirana neshamwari dzako unofanira kungwarira. Corrine ane makore 21 anoti, “Unogona kupindwa muropa nekapfungwa kokuda kutumirwa mashoko neshamwari dzako, saka unoguma wava kuisawo mashoko akawandisa nezvako kupfuura aunofanira kuisa.”
Gara uchiyeuka kuti vepaIndaneti vangataura havo kuti zvimwe zvinhu zvakavanzika asi chokwadi ndechokuti hazvisi zvose zvavanogona kuita kuti zvisaonekwa nemunhu wose wose. Nei? “Dzimwe nzvimbo dzokubudisira mashoko paIndaneti dzine padzinochengetera mashoko kuitira kuti kana vozoada vanobva vaatora,” anodaro Gwenn Schurgin O’Keeffe mubhuku rake rinonzi CyberSafe, uye anoenderera mberi achiti: “Zvinhu zvatinoisa paIndaneti hazvitsakatiki. Tingatoti zvinogara zviripo nokuti kunyange tikazvidzima pane kwazvinenge zviri.”
NGUVA YAKO
Zvinhu zvako zvakavanzika handizvo chete zvatingafananidza nemari, asiwo nguva yako. Saka unofanira kushandisa nguva yako zvakanaka. (Muparidzi 3:1) Ichi ndicho chimwe chezvinhu zvakaoma panyaya yokushandisa Indaneti kusanganisira kana uri pasocial network.d
“Kakawanda ndaingoti, “Ndichangoshandisa Indaneti kwemaminitsi mashoma.’ Ndaizokaruka awa yatopera ndiripo.”—Amanda, 18.
“Ndakanga ndapindwa muropa. Pose pandaisvika kumba ndichibva kuchikoro, ndaipedza maawa akawanda ndichitarisa kuti vamwe vanhu vanenge vati chii papeji yangu uye ini ndichitarisawo pane avo.”—Cara, 16.
“Foni yangu ine Indaneti, saka ndaiivhura ndichienda kuchikoro, ndasvika kuchikoro uye ndava kudzokera kumba. Pandaingosvika kumba ndaibva ndangoenda pakombiyuta. Ndaiziva kuti ndakanga ndapindwa muropa, asi ndakanga ndisingadi kurega!”—Rianne, 17.
Kana vabereki vako vakakubvumira kuti uve pasocial network, funga kuti inguva yakareba sei ine musoro yauchatora uripo zuva roga roga. Wadaro chizvidzora. Kwemwedzi wose ramba uchitarisa kuti inguva yakareba sei yaunopedza uri paIndaneti woona kana usiri kupfuura muganhu. Yeuka kuti nguva yako inokosha semakoshero anoita mari. Saka usarega Indaneti ichikudyira nguva yako. Panotova nezvimwe zvinhu zvinokosha muupenyu kupfuura kupedza nguva uri paIndaneti!—VaEfeso 5:15, 16; VaFiripi 1:10.
Vamwe vechiduku vakatora matanho kuti vave nechokwadi chokuti vari kushandisa nguva yavo zvakanaka. Somuenzaniso, ona zvinotevera:
“Pandakavhara akaundi yangu ndakazoona kuti ndine nguva yakawanda. Ndakanzwa sendasunungurwa! Munguva ichangopfuura ndakavhurazve akaundi yangu asi ndakanga ndava kukwanisa kuzvidzora. Handivhuri Indaneti mazuva ose. Dzimwe nguva ndinotokanganwa nezvayo. Kana ndikaona ndava kuitazve dambudziko neIndaneti, ndinobva ndavhara akaundi yangu.”—Allison, 19.
“Ndinombopota ndichivhara akaundi yangu kwemwedzi yakati oo, ndozoivhurazve gare gare. Ndinoita izvi pose pandinoona kuti ndava kupedza nguva yakawandisa ndiri paIndaneti. Iye zvino ndava kunzwa kuti ndinokwanisa kurarama ndisina Indaneti. Ndinoishandisa kana pane zvinokosha zvandiri kuda kana ndapedza ndosiyanawo nayo.”—Anne, 22.
Zvinonyanya Kukosha
Pane chimwe chokwadi chaunofanira kufunga nezvacho panyaya yemasocial network. Kuti unzwisise chokwadi ichi isa ✔ pane zvaunofunga kuti ndizvo.
Social network pachayo . . .
(A) ․․․․․ ibhizimisi.
(B) ․․․․․ inzvimbo yokushamwaridzana nevamwe.
(C) ․․․․․ inzira yokuzvivaraidza nayo.
Mhinduro yechokwadi ndeipi? Ungave uchibvumirana nazvo kana kuti kwete, asi mhinduro ndiA. Social network ibhizimisi riri pachena. Chinangwa chayo ndechokuita mari, ichinyanya kubva pakushambadzira. Kune vanoshambadzira, nzvimbo iyi yepaIndaneti inowedzera kukosha nokuwedzerawo kunoita vanhu vanopinda paIndaneti vachitumirana mashoko ane chokuita nezviri kushambadzirwa. Saka nguva yakawanda yaunopedza uri paIndaneti kana inopedzwawo nevamwe inoita kuti vazhinji vakwanise kuona zviri kushambadzirwa.
Kuziva izvi kuchakubatsira kuona kuti vanoita bhizimisi resocial network hapana chavanoruza, asi kuti vanoshambadzira ndivo vachabatsirika zvakanyanya kana ukakurukurirana nevanhu vakawanda uye ukapedza nguva yakawanda uri paIndaneti. Saka kana uchishandisa social network, iva nechokwadi chokuti wachengetedza zvakavanzika zvako uye shandisa zvakanaka nguva yako.
MUNYAYA INOTEVERA INOTI “VECHIDUKU VANOBVUNZA KUTI” . . .
Kushandisa social network kune zvakunoita pamukurumbira wako uye pakushamwaridzana kwaunoita nevamwe. Ona kuti sei.
Dzimwe nyaya dzinoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti” dzinogona kuwanikwa panzvimbo yokubudisira mashoko inonzi www.watchtower.org/ype
[Mashoko Omuzasi]
a Mazita ari munyaya ino akachinjwa.
b Social network inzvimbo yepaIndaneti inoita kuti munhu anenge aine akaundi yacho akwanise kukurukurirana nechikwata chevanhu vaanenge asarudza.
c Mukai! haikurudziri kana kushora chero nzvimbo dzokukurukurirana paIndaneti. VaKristu vanofanira kuva nechokwadi chokuti kushandisa kwavanoita Indaneti hakupesani nezvinotaurwa neBhaibheri.—1 Timoti 1:5, 19.
d Kuti uwane mamwe mashoko, ona nyaya inoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti . . . Ndakapindwa Muropa Nezvinhu Zvemagetsi Zvinofambisa Mashoko Here?” iri muMukai! yaApril-June 2011. Nyatsocherechedza zviri pabhokisi riri papeji 28 rinoti, “Ndaiva Ndakapindwa Muropa neIndaneti.”
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 17]
Kubva pakagadzirwa maredhiyo zvakatora makore 38 kuti vanhu vanoishandisa vazosvika mamiriyoni 50
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 17]
Mugore rimwe chete, Facebook yakashandiswa nemamiriyoni evanhu 200
[Bhokisi riri papeji 19]
WADII KUBVUNZA VABEREKI VAKO?
Kurukura nevabereki vako zvinhu zvinowanikwa paIndaneti zvinobatsira pakuchengetedza zvakavanzika zvako (online-privacy). Zvinhu zvipi zvisingafaniri kuudzwa munhu wose wose, uye nei? Ndezvipi zvinogona kuparira ngozi kana zvikaiswa paIndaneti? Kumbirawo vabereki vako kuti vakupe mazano okuti zvii zvaungaita kuti usanyanya kukurukura nevanhu paIndaneti chete usingaonaniwo navo chiso nechiso. Pane zvavakuudza kuti unofanira kugadzirisa here, ndezvipi izvozvo?
[Mufananidzo uri papeji 18]
Zvaunoita uri paIndaneti hazvina kuvanzika sezvaunofunga
[Mufananidzo uri papeji 19]
Nguva inokosha sezvinongoita mari. Kana ukaipedzera pachinhu chimwe chete, unosara usisina yakakwana yokuita zvimwe zvinhu zvaunenge uchida