RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwyp nyaya 117
  • Kushandisa Social Media Kuri Kundikanganisa Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kushandisa Social Media Kuri Kundikanganisa Here?
  • Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Social media iri kundipedzera nguva here?
  • Social media iri kunditadzisa kurara here?
  • Social media iri kuita kuti ndisafare here?
  • Vana neSocial Media—Chikamu 1: Mwana Wangu Anofanira Kuenda paSocial Media Here?
    Mazano Ekubatsira Mhuri
  • Ndingaita Sei Kana Vabereki Vangu Vasingandibvumidze Kushandisa Social Media?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Nyika Yese Iri Kutyira Vechidiki Pakushandisa Kwavari Kuita Social Media
    Dzimwe Nyaya
  • Vana neSocial Media—Chikamu 2: Kudzidzisa Mwana Wenyu Ari Kuyaruka Kuti Ashandise Social Media Zvakanaka
    Mazano Ekubatsira Mhuri
Ona Zvimwe
Vechidiki Vanobvunza Kuti
ijwyp nyaya 117
Musikana akatarisa foni yake. Akapoteredzwa netumapikicha twakasiyana-siyana.

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Kushandisa Social Media Kuri Kundikanganisa Here?

Vabereki vako vanokubvumira here kuti ushandise social media? Kana zvakadaro, nyaya ino ichakubatsira pazvinhu zvitatu.

Zviri munyaya ino

  • Social media iri kundipedzera nguva here?

  • Social media iri kunditadzisa kurara here?

  • Social media iri kuita kuti ndisafare here?

  • Zvinotaurwa nevezera rako

Social media iri kundipedzera nguva here?

Kushandisa social media kwakafanana nekutasva bhiza rakasimba chaizvo, ukasagona kuridzora rinokudonhedza.

“Ndinenge ndaronga kuenda pasocial media kwemaminitsi mashoma, asi ndinotozoona ndaita maawa ndiripo! Social media inogona kukupinda muropa uye kukupedzera nguva.”—Joanna.

Waizviziva here? Social media inopinda muropa nekuti vakaigadzira ndizvo zvavanotoda kuti iite. Vanhu vakagadzira social media vanoziva kuti kana website ichipindwa nevanhu vakawanda uye vanhu vachipedza nguva yakawanda vari ipapo, vachawana mari yakawanda nekuti makambani achabhadhara mari yakawanda kuti ashambadzire zvinhu zvawo pawebsite iyoyo.

Zvibvunze kuti: ‘Ndinozongoona nguva yafamba ndiri pasocial media here? Ndinogona kushandisa imwe nguva iyoyo kuita zvinhu zvinokosha here?’

Zvaungaita. Gara wakaronga kuti uchaita nguva yakawanda sei uri pasocial media, wobva waita zvawakaronga.

Pikicha mbiri dziri kuratidza zvinhu zviviri zvinogona kuitwa nemukomana ari kuyaruka masikati. 1. Akarara pamubhedha, akapfeka maheadphone uye ari foni yake. 2. Ari kunakidzwa nekutamba basketball neshamwari dzake.

Gara wakaronga kuti uchaita nguva yakawanda sei uri pasocial media

“Ndakaita kuti foni yangu isavhure mamwe maapplication panongokwana nguva yandinenge ndakaronga kuashandisa. Pashure pekunge ndaita izvi kwekanguva, ndakaona kuti zvakandibatsira kuti ndisapedza nguva yakawanda ndiri pasocial media uye ndiwane nguva yekuita zvimwe zvinhu zvinokosha.”—Tina.

Zvinotaurwa neBhaibheri: ‘Shandisa nguva yako nekuchenjera.’—VaEfeso 5:16.

Social media iri kunditadzisa kurara here?

Nyanzvi dzakawanda dzinoti vechidiki vari kuyaruka vanofanira kurara kwemaawa 8 kana kupfuura, asi vakawanda vari kurara kwemaawa mashoma. Chimwe chinogona kunge chiri kukonzera izvi kushandisa social media panguva yavanenge vachifanira kunge vakarara.

“Ndisati ndaenda kunorara ndinotarisa foni yangu kuti ndione kana paine zvinhu zvinokosha, asi ndinozopedzisira ndaita maawa ndichitarisa zvinhu zvakaiswa nevamwe pasocial media. Ndiri kutorwisa kuti ndisiye katsika ikako kakaipa.”—Maria.

Waizviziva here? Kusawana nguva yakakwana yekurara kunogona kuita kuti uve nedambudziko rekuzvidya mwoyo uye uve nechirwere chedepression. Mumwe purofesa anoona nezvepfungwa anonzi Jean Twenge akataura kuti chimwe chezvikonzero zvakakura zvinoita kuti vanhu varware uye vasuruvare kusawana nguva yakakwana yekurara. Anotiwo kana ukaita “nguva yakareba” usingarari zvakakwana, “pfungwa dzako dzinogona kupedzisira dzisingachanyatsoshandi zvakanaka uye usingachafari.”a

Zvibvunze kuti: ‘Ndinorara kwemaawa mangani zuva rega rega?’ ‘Ndinoenda pasocial media panguva yandinenge ndava kufanira kugadzirira kurara here?’

Zvaungaita. Edza kuita kuti usava nefoni muimba yaunorara kana yava nguva yekurara. Kana zvichiita, usashandisa foni yako kana pasara maawa maviri kuti uende kunorara. Kana uchida aramu inokumutsa, funga nezvekushandisa isiri yepafoni kana yepatablet.

Pikicha mbiri dziri kuratidza zvinhu zviviri zvinogona kuitwa nemusikana ari kuyaruka mangwanani. 1. Akagara pamubhedha achitamburira kumuka. 2. Achinyemwerera akagara pamubhedha achizamura.

Mira kushandisa social media paunenge wava kuda kurara

“Dzimwe nguva ndinononoka kurara ndichishandisa foni, asi ndiri kuedza kusiya tsika iyi. Ndinoda kutanga kufunga semunhu mukuru uye kuva munhu akarongeka. Ndinoda kukurumidza kurara kuitira kuti ndizokwanisa kuita zvese zvandinenge ndichifanira kuita zuva rinotevera.”—Jeremy.

Zvinotaurwa neBhaibheri: ‘Iva nechokwadi chekuti ndezvipi zvinokosha kupfuura zvimwe.’—VaFiripi 1:10.

Social media iri kuita kuti ndisafare here?

Mune imwe ongororo yakaitwa, inenge hafu yevasikana vekusekondari vakabvunzwa vakati “vanogara vakasuwa kana kuti vasina tariro.” Social media ndiyo imwe inogona kunge iri kukonzera izvozvo. Dr. Leonard Sax vanoti: “Paunopedza nguva yakawanda uri pasocial media uchizvienzanisa nevamwe, kakawanda kacho unosara wakasuwa.”b

“Zvakajairika kuti vechidiki vazvienzanise nevamwe, uye social media inogona kuita kuti vatonyanya kuva netsika iyoyo. Unogona kutarisa mapikicha anotumirwa nevamwe pasocial media wotanga kuenzanisa upenyu hwako nehwavo, kana kuti unogona kutarisa zvinhu zvinonakidza zvinenge zvichiitwa neshamwari dzako wotanga kunzwa sekuti uri kusaririra.”—Phoebe.

Waizviziva here? Kunyange zvazvo uchikwanisa kutaura neshamwari dzako pasocial media, hazvifanani nekukurukura navo muchinyatsoonana. Dr. Nicholas Kardaras vanoti: “Patinokurukura nevamwe tichishandisa foni, hatiwani mufaro watinowana patinoita zvekukurukura navo tichinyatsoonana nemhaka yekuti takasikwa tiine chido chekukurukura nevamwe tichionana chiso nechiso.”c

Zvibvunze kuti: ‘Pandinotarisa zvinenge zvichiitwa neshamwari dzangu pasocial media ndinosara ndasurukirwa here?’ ‘Ndinonzwa sekuti upenyu hwangu hausi kunakidza here kana ndichihuenzanisa nezviri kuitwa neshamwari dzangu pamapikicha avanoisa pasocial media?’ ‘Ndinoora mwoyo here kana pakaita vanhu vashoma kana kuti pakashaya munhu anenge aratidza kuti afarira zvandaisa pasocial media?’

Zvaungaita. Edza kusashandisa social media kwemazuva, vhiki, kana kuti mwedzi. Wedzera nguva yaunoita uchitaura neshamwari dzako muchinyatsoonana kana kuti uchiita zvekuvafonera. Unogona kutotanga kuona kuti wava kufara uye hauchanetseki sezvawaiita pawaishandisa social media.

Pikicha mbiri dziri kuratidza zvinhu zviviri zvinogona kuitwa nemusikana ari kuyaruka. 1. Akasuruvara achitarisa mapikicha evamwe pafoni yake. 2. Ari kunakidzwa nekukurukura neshamwari dzake vachidya ice cream.

Unogona kuita nguva yakawanda uchionana neshamwari dzako here?

“Pandaishandisa social media, ndainyanya kuisa pfungwa dzangu pane zvaiitwa nevamwe. Pandakavhara maakaundi angu epasocial media, ndakanzwa kurerukirwa uye ndakanga ndava nenguva yakawanda yekuita zvinhu zvinokosha.”—Briana.

Zvinotaurwa neBhaibheri: “Munhu mumwe nemumwe ngaaongorore zvaanoita, uye achabva afara nazvo iye pachake, asingazvienzanisi nemumwe munhu.”—VaGaratiya 6:4.

a Kubva mubhuku rinonzi iGen.

b Kubva mubhuku rinonzi Why Gender Matters.

c Kubva mubhuku rinonzi Glow Kids.

Zvinotaurwa nevezera rako

Phoebe.

“Social media yaindipedzera nguva yakawanda chaizvo uye yaisaita kuti ndifare. Saka ndakarega kuishandisa. Ndakatozoona kuti ndaisatomboisuwa. Iye zvino ndava kunyatsofara, ndava kuisa pfungwa pazvinhu zvinokosha, uye ndava kukwanisa kuita zvinhu zvakasiyana-siyana.”—Phoebe.

Jacob.

“Ndinombopota ndichimbovhara akaundi yangu yepasocial media. Kuita izvi kunondibatsira kuti ndiyeuke kuti zvinhu zvinokosha ndezvipi uye ndoita nguva yakawanda ndichiita zvinhu izvozvo. Pane zvinhu zvinokosha zvakawanda zvekuita pane kungoswera ndichibaya-baya foni yangu.”—Jacob.

Sienna.

“Ndinogona kuzotangazve kushandisa social media, asi pari zvino ndakambomira. Ndiri kuda kuisa pfungwa dzangu paupenyu hwangu pane kunyanya kufunga zviri kuitika muupenyu hwevamwe vanhu. Social media inogona kuita kuti ukanganwe zvinangwa zvako kana kutokanganwa shamwari dzako chaidzo.”—Sienna.

Kudzokorora: Kushandisa social media kuri kundikanganisa here?

  • Iri kundipedzera nguva here? Gara wakaronga kuti uchaita nguva yakawanda sei uri pasocial media, wobva waita zvawakaronga.

  • Iri kunditadzisa kurara here? Usashandisa foni yako kana pasara maawa maviri kuti uende kunorara.

  • Iri kuita kuti ndisafare here? Chimbomira kushandisa social media woita nguva yakawanda uchionana neshamwari dzako.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe