Zvinotaura Bhaibheri
Mwari Anotsigira Hondo Dzemazuva Ano Here?
MAMBO DHAVHIDHI wevaIsraeri vekare paaitaura nezvebasa rake somurwi akati: “[Mwari] anodzidzisa maoko angu hondo, maoko angu akunga uta hwemhangura.”—Pisarema 18:34.
Muapostora Pauro paaitaura nezvevaKristu akanyora kuti: “Kunyange tichifamba munyama, hatirwi maererano nezvatiri panyama. Nokuti zvombo zvehondo yedu hazvisi zvenyama.”—2 VaKorinde 10:3, 4.
Magwaro aya anopikisana here? Pane zvikonzero zvine musoro here zvakaita kuti Mwari atendere vaIsraeri vekare kuti vaende kuhondo asi asingatenderi vaKristu kurwa? Maonero aMwari panyaya yehondo achinja here? Mhinduro dzacho dzinozova pachena kana tikaongorora misiyano mitatu pakati pevaIsraeri neungano yevaKristu vechokwadi.
Misiyano Mitatu
1. Rudzi rwevaIsraeri rwekare rwakanga rwakatopihwa nyika naMwari uye vaiva vakapoteredzwa nemarudzi aigara achida zvokuvarwisa. Saka Mwari akavaudza kuti vachengetedze nyika yavo uye aitovatsigira kuti vakunde vavengi vavo. (Vatongi 11:32, 33) Asi vaKristu havana yavanonzi iyi ndiyo nyika yavo nokuti vanowanikwa pasi rose. Saka kana vateveri vaKristu vemune imwe nyika vakaita hondo neimwe nyika zviri pachena kuti vanenge vava kurwisana nevamwe vavanonamata navo avo vavakanzi vavade kunyange kutovafira.—Mateu 5:44; Johani 15:12, 13.
2. VaIsraeri vekare vakanga vana mambo aiva nechigaro chaiva kuJerusarema. Asi vaKristu vechokwadi vanotongwa naJesu Kristu uyo ane simba uye ane chigaro chiri kudenga. (Dhanieri 7:13, 14) Jesu pachake akati: “Umambo hwangu hahusi hwenyika ino. Kudai umambo hwangu hwaiva hwenyika ino, vashumiri vangu vangadai varwa kuti ndirege kuiswa kuvaJudha. Asi, sezvazviri, umambo hwangu hahubvi panyika ino.” (Johani 18:36) Saka panyika hapana kana umambo hwezvematongerwo enyika kana kuti utongi hungati hunotevera Kristu. Kuziva izvi kunoita kuti “vashumiri” kana kuti vateveri vaJesu vaite sei? Ngationei pamusiyano wechitatu.
3. Kufanana nezvaingoitawo mamwe marudzi, vaIsraeri vekare vaiwanzotuma nhume idzo dzinonzi vamiririri mazuva ano. (2 Madzimambo 18:13-15; Ruka 19:12-14) Ndizvowo zvakaitwa naKristu asi pane misiyano miviri. Chokutanga ndechokuti vateveri vake vose vanoita basa rokuva vamiririri. Ndokusaka muapostora Pauro akanyora achimiririra vamwe vaKristu vaainamata navo achiti: “Naizvozvo tiri vamiririri vaKristu.” (2 VaKorinde 5:20; Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi) Sevamiririri vaida zverunyararo, havana kuita zvehondo. Chechipiri, vateveri vaJesu vanotaura nemunhu wose anoda kuteerera shoko ravo. Jesu akati: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa munyika yose inogarwa kuti ave uchapupu kumarudzi ose.” (Mateu 24:14) Akatiwo: “Naizvozvo endai munoita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi, . . . muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurayirai.”—Mateu 28:19, 20.
Asi zvinosuwisa kuti vashumiri vaKristu havawanzobatwa zvakanaka. Nemhaka yechikonzero ichi Pauro akanyorera muevhangeri Timoti kuti: ‘Tsungirira somurwi akanaka waKristu Jesu.’ (2 Timoti 2:3; Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi) Zviri pachena kuti zvombo zvaTimoti zvaiva zvomudzimu uye zvaisanganisira Shoko raMwari rakanyorwa, irowo rinonzi “bakatwa romudzimu.”—VaEfeso 6:11-17.
Sei Mwari Akasiya Rudzi rwevaIsraeri Akatanga Kushanda Neungano yechiKristu?
Rudzi rwevaIsraeri rwakambova neukama hwakanaka naMwari kwemakore anenge 1 500. Ukama uhwu hwaibva pasungano yakanga yaitwa. (Eksodho 19:5) Pasungano iyoyo Mosesi ndiye akanga ari murevereri uye paivawo neMitemo ine Gumi nemimwewo mitemo izvo zvaiita kuti parambe pane kunamata kwakachena uye tsika dzakachena. (Eksodho 19:3, 7, 9; 20:1-17) Zvinosuwisa kuti rudzi rwose rwevaIsraeri haruna kuramba rwakatendeka kuna Mwari zvokuti rwakatosvika pakuuraya vaprofita vake.—2 Makoronike 36:15, 16; Ruka 11:47, 48.
Pakupedzisira Jehovha akatuma Mwanakomana wake Jesu Kristu uyo akazvarwa semuJudha. Panzvimbo pokumubvuma saMesiya rudzi rwevaJudha rwose rwakamuramba. Izvi zvakaita kuti Mwari acheke ukama nerudzi rwevaIsraeri uye rusvingo rwokufananidzira rwaiparadzanisa vaJudha nevakanga vasiri vaJudha rwakabva rwapwanywa.a (VaEfeso 2:13-18; VaKorose 2:14) Panguva iyoyo Mwari akabva aumba ungano yechiKristu ndokugadza Jesu seMutungamiriri. Uyezve zana remakore rokutanga risati rapera, ungano yakanga yava kusanganisira vanhu vemarudzi akasiyana-siyana. ‘Murudzi rwose munhu anotya Mwari uye anoita zvakarurama anogamuchirwa naye,’ akadaro muapostora wechiJudha Petro.—Mabasa 10:35.
Zvapupu zvaJehovha zvinoedza kutevedzera zvaiitwa nevaKristu vokutanga. Ndokusaka zvichizivikanwa nebasa rokuparidza uye kusatsigira zvematongerwo enyika kana kurwisana. (Mateu 26:52; Mabasa 5:42) Havabvumiri chimwe chinhu chichivavhiringidza pakuzivisa mashoko akanaka eUmambo hwaMwari, hurumende ichakwanisa kubvisa uipi uye kuunza runyararo panyika. Muapostora Pauro paaifunga nezvetariro iyi yakanakisisa akanyora kuti: “Sevamiririri vaKristu tinokumbira kuti: ‘Yananiswai naMwari.’” (2 VaKorinde 5:20) Mashoko aya anoita kuti tione kuti nguva yapera nokuti tava pedyo nokuguma ‘kwemazuva okupedzisira’ enyika ino yakaipa.—2 Timoti 3:1-5.
[Mashoko Omuzasi]
a Shoko rokuti “muJudha” pakutanga raireva muIsraeri wedzinza raJudha. Asi pava paya rakanga rava kushandiswa kureva vaHebheru vose.—Ezra 4:12.
WAKAMBOFUNGA NEZVEIZVI HERE?
● VaKristu vanofanira kuratidzana unhu hupi?—Johani 13:34, 35.
● Ndechipi “chombo” chikuru chevaKristu?—VaEfeso 6:17.
● Vamiririri vaKristu vanozivisa mashoko api anokosha?—Mateu 24:14; 2 VaKorinde 5:20.
[Mufananidzo uri papeji 15]
Zvapupu zvaJehovha ihama dziri munyika yose uye havapindi muhondo dzenyika