RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g11 January pp. 6-9
  • Vanhu Vaunogona Kuvimba Navo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vanhu Vaunogona Kuvimba Navo
  • Mukai!—2011
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kubatsira Kunoita Tsika Dzakanaka
  • Kuvimbika Pasinei Nourombo
  • Mwari Watinofanira Kuvimba Naye
  • Iva Akatendeseka Pazvinhu Zvese
    Ramba Uri Murudo rwaMwari
  • Ratidza Kuti Uri Munhu Anogona Kuvimbwa Naye
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • Iva Akatendeseka Muzvinhu Zvose
    “Rambai Muri Murudo rwaMwari”
  • Kutendeseka Kunorevei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
Ona Zvimwe
Mukai!—2011
g11 January pp. 6-9

Vanhu Vaunogona Kuvimba Navo

Santiago, mutyairi wetekisi kuArgentina aisafanira hake kunetseka kuti azive zvokuita. Mumwe munhu paakasiya bhegi mutekisi yake, Santiago akangoriendesa kumuridzi waro. Zvakaitwa naSantiago zvingaita sezvisingashamisi, asi chinoshamisa ndechokuti bhegi racho raiva nemari inopfuura madhora 32 000 okuAmerica!

UNGAFUNGIDZIRA here nyika yakazara nevanhu vakavimbika? Upenyu hwaizova hwakanaka chaizvo! Ungadai uchikwanisa kusiyira mumwe munhu mwana wako pasina kana chokutyira. Ungadai usingadi makiyi kuti upinde mumba mako kana kukiya madhoo. Uku kungori kurota here?

Kubatsira Kunoita Tsika Dzakanaka

Muapostora wechiKristu Pauro akataura nezvake uye vamwe vaKristu achiti: “Tinoda kuva vakatendeseka muzvinhu zvose.” (VaHebheru 13:18) Zvapupu zvaJehovha zvinoedza kuita kudaro. Chinangwa chazvo ndechokurarama maererano neunhu hunotsanangurwa muBhaibheri pana Isaya 33:15 panoti: “Kune munhu ari kufamba mukururama kunoramba kuripo uye ari kutaura zvakarurama, ari kuramba pfuma isina kururama inobva pakubiridzira, ari kuzunza maoko ake kuti arege kubata pfumbamuromo.” Vamwe vakaratidza sei unhu hwokuvimbika hwakadaro?

● ‘Taura Zvakarurama.’ Mumwe weZvapupu zvaJehovha anonzi Domingo, anoshanda mumunda wekokonati muPhilippines. Anoti, “Vanhu vakawanda havana kuvimbika kune vavanoshandira. Somuenzaniso, kana vaunganidza kokonati, havaudzi wavanoshandira nhamba chaiyo yemasaga avanenge vaunganidza. Nokuita kudaro, vanogona kutengesa mamwe masaga nerweseri.”

Domingo nemhuri yake vakapotsa vadzingwa pane mumwe munda nokuti wavanoshandira aidawo kuti vataure nhamba yokunyepa yegoho ravaiwana kuitira kuti abatsirike, asi ivo vakanga vasingadi kunyepa. Zvisinei, Domingo anoti: “Takaudza watinoshandira kuti taisazonyepa kunyange zvazvo zvaireva kuti taizodzingwa. Pakupedzisira, watinoshandira akataura kuti Zvapupu zvaJehovha vanhu vakanaka vanogona kuvimbwa navo uye akatipa mumwe munda wokurima.”

● ‘Ramba Pfuma Isina Kururama.’ Pierre, mukuru pane imwe hofisi yemitero iri muCameroon ave achiwana mikana yakawanda yokuita mari yaasina kushandira. Paakatanga kupiwa basa rokubhadhara vanhu vaishanda zvetembarari, akaona kuti pane chitsotsi chaitambwa. Pierre anotsanangura kuti, “Vanhu vakanga vamira kushanda uye vakafa vaibhadharwa. Panzvimbo pokufunga kuti ndaigona kutora mari yacho, ndakanyatsochengeta mapepa akanyorwa mari dzaibhadharwa nemari yacho zviri musefa.”

Zvakaguma nei? Pierre anoti, “Pashure pemakore maviri, pakaitwa ongororo yekuona kushandiswa kwaiitwa mari. Ndakafara kubudisa mapepa akanyorwa zvakarurama uye kubudisa mari yacho yakanga yawanda chaizvo panguva iyoyo. Vaongorori vacho vakandirumbidza pamusana pokuvimbika kwangu.”

● Ramba ‘pfumbamuromo.’ Panguva yose yaange achiita basa rake rougweta muRio de Janeiro kuBrazil, vanhu vakawanda vave vachiedza kupa Ricardo pfumbamuromo. Anoyeuka kuti, “Pane imwe nguva, rimwe gweta rakaedza kundipa chiokomuhomwe. Rakatumira redhiyo yemaCD kumba kwangu ndisingazvizivi. Panguva iyoyo, redhiyo dzemaCD dzakanga dzichangoburwa uye dzaisakwanisa kuwanikwa nemunhu wese wese.”

Ricardo akaitei? Anoti: “Ini nemudzimai wangu takasarudza kusatombovhura pasuru yacho. Ndakaenda kuhofisi yegweta racho risingambozvitarisiri ndokuisa pasuru yacho padhesiki rake. Waiva mukana wakanaka wokutsanangura chikonzero changu chokudzosera pasuru yacho. Mabharani wake akaomeswa mate mukanwa nezvandakaita.”

Kunyange zvazvo Zvapupu zvaJehovha zvisiri izvo zvoga zvinoedza kuita zvakanaka, zvinozivikanwa sevanhu vakavimbika. Izvi ndizvo zvakaita kuti imwe kambani ine zvitoro zvokutengesa mbatya munzvimbo dzakasiyana-siyana muPoland ide kupa mabasa kuZvapupu zvaJehovha chete. Mumwe maneja wekambani yacho akati: “Vanhu vakavimbika vari kwose kwose, asi Zvapupu zvaJehovha zvine tsika uye zvinodzitevedzera.”

Kuvimbika Pasinei Nourombo

Vanhu vakawanda vanofunga kuti kana munhu ari murombo hapana chakaipa nokuita chitsotsi. Somuenzaniso, imwe nyaya yakabuda panhau dzepaCNN inotaura nezvemukomana wokuNigeria ane makore 14 anoswera achibiridzira vanhu paIndaneti. Anozvipembedza achiti, “Munoda kuti ndiite sei? Ndinoriritira mhuri yangu—hanzvadzi yangu, amai vangu, [baba] vangu. Vanhu vanoda kutarisirwa ava.”

Chokwadi, Bhaibheri harivimbisi vaya vanoramba vakavimbika kuti vachapfuma, asi rinovimbisa kuti vachawana zvinodiwa kuti munhu ararame. Isaya 33:16 inoti: “Achapiwa zvokudya zvake; mvura yake haizoperi.”

Zvisinei, vamwe vangabvunza kuti: ‘Kuvimbika kungabatsira sei vaya vari mumamiriro ezvinhu akaoma? Ko vaya vanotambura zuva nezuva kuti vangowana chekudya?’

Funga nezvaBerthe, chirikadzi yokuCameroon anotengesa zvokudya zvinogadzirwa nemufarinya zvinonzi miando patafura yake duku. Anoti, “Kazhinji pakiti racho rinenge rine tumiando 20. Vamwe vatengesi vanowanzoisa 17 kana 18 chete mumapakiti akawanda, asi ini ndinosarudza hangu kuti ndisabiridzira vamwe ndichiitira kuti ndiwane mari.”

Bhizimisi raBerthe riri kubudirira here? Kwete nguva dzose. Anoti: “Kazhinji ndinopedza zuva rose pasina kana chandambotengesa. Asi pandinokumbira vamwe vandinotengesa navo pamusika kuti vandikweretesewo zvokudya ndovaudza kuti handina chandambotengesa, vanondipa nokuti vanoziva kuti ndinozovabhadhara pandinenge ndangowanira mari. Vava kuvimba neni pamusana pezvandinoita.”

Mwari Watinofanira Kuvimba Naye

Kuvimba kwatinoita nemumwe munhu kunowedzera patinoona kuti anoita zvaanenge ataura. Joshua, mutungamiri wevaIsraeri vekare akataura nezvaMwari achiti: “Hapana kana chipikirwa chimwe chete chakakundikana pazvipikirwa zvose zvakanaka zvakanga zvaitwa naJehovha . . . Zvose zvakaitika.” (Joshua 21:45) Isuwo tine zvikonzero zvakanaka zvokuvimba naMwari here?

Zvinovimbiswa naMwari zvinotoitika chete zvokuti anofananidza mashoko ake nemvura inonaya. (Isaya 55:10, 11) Chokwadi, chii chingatadzisa mvura kunaya, yonyorovesa ivhu uye yoita kuti zvinomera zvikure? Hapana! Saizvozvowo, hapana chinotadzisa zvakavimbiswa naMwari kuti zviitike.

Chimwe chezvakavimbiswa izvozvo chakanyorwa pana 2 Petro 3:13 inoti: “Kune matenga matsva nenyika itsva zvatakamirira maererano nezvaakapikira, uye kururama kuchagara mazviri.” Mwari ane chinangwa chokubvisa panyika vose vanodzvinyirira vamwe. Ungada kudzidza zvakawanda here nezvokuti Mwari achazadzisa sei chinangwa chake? Taura neZvapupu zvaJehovha zviri munzvimbo yaunogara, kana kuti nyorera kukero yakakodzera pane dziri papeji 5 yemagazini ino.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 8]

KUVIMBIKA KWAKAMUBHADHARA

Mumwe weZvapupu zvaJehovha muPhilippines anonzi Lucio aigona kunge akaba. Akawana mari inosvika madhora okuAmerica 27 500 muchikabati chekare chaiva muhofisi yaakanga anzi achenese. Hofisi pamwe chete nemari yacho, zvaiva zvemukuru wake wekubasa akanga aenda kune imwe nzvimbo achifambira zvebhizimisi. Lucio anoti, “Aka kaiva kokutanga kuona dhora!”

Mukuru wepabasa pake paakadzoka, Lucio akamutambidza mari yacho. Zvakaguma nei? Lucio anoti, “Ndakabva ndapiwa zvimwe zvokutarisira. Wandinoshandira akatondipa kamuri rokuti mhuri yangu yose igare. Kunyange zvazvo upenyu hwakaoma muPhilippines yose, ndinonyatsodavira kuti Jehovha Mwari anotitarisira nokuti tinonyatsotevedzera mitemo yake.”

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 9]

ZVIKERO ZVAKARURAMA

Tafura yaMoïse inonyatsozivikanwa mumusika uri kuDouala muCameroon kwaanotengesera hove. Anoti, “Ndakapa kachitoro kangu zita rokuti Zvikero nokuti zvikero zvangu hazvisi zvokubiridzira kungofanana nezvimwewo zvishoma zviri mumusika wose, asi zvakawanda zvacho ndezvokubiridzira. Ndinoziva kuti vanhu vanogara vachida kuona kuti zvikero zvangu zvakarurama here. Kana vakati vari kuda kirogiramu yehove, ndinovapa. Vanowanzoita kuti hove dzacho dziyerwe zvakare kumwe. Pavanodaro, vanoona kuti dzinenge dzichitopfuura kirogiramu! Vanobva vaziva kuti handina kumboedza kuvanyengedza! Vanhu vakawanda vanondiudza kuti, ‘Tinouya kwauri nokuti wakavimbika.’”

[Mufananidzo uri papeji 7]

“Takaudza watinoshandira kuti taisazonyepa kunyange zvazvo zvaireva kuti taizodzingwa.”—Domingo, Philippines.

[Mufananidzo uri papeji 7]

“Vaongorori vacho vakandirumbidza pamusana pokuvimbika kwangu.”—Pierre, Cameroon.

[Mufananidzo uri papeji 7]

“Rimwe gweta rakaedza kundipa chiokomuhomwe. . . . Ini nemudzimai wangu takasarudza kusatombovhura pasuru yacho.”—Ricardo, Brazil.

[Mufananidzo uri papeji 7]

Berthe anowanzoswera asina kana chaambotengesa. Asi vamwe vanotengesa naye pamusika vanomukweretesa zvokudya nokuti vanoziva kuti anobhadhara paanenge angowanira mari.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe