RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g11 January pp. 10-11
  • Mwari Ari Kuregererei Kuparadza Dhiyabhorosi?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwari Ari Kuregererei Kuparadza Dhiyabhorosi?
  • Mukai!—2011
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kutonga Nyaya Yacho Nenzira Yakanaka
  • Kwenguva Yakareba Sei?
  • “Rwisanai naDhiyabhorosi” Sezvakaita Jesu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Rwisanai Nasatani, uye Iye Achakutizai!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Dhiyabhorosi—Haasi Chinhu Chokufungidzirawo Zvacho
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
Ona Zvimwe
Mukai!—2011
g11 January pp. 10-11

Zvinotaura Bhaibheri

Mwari Ari Kuregererei Kuparadza Dhiyabhorosi?

DAI waikwanisa kubatsira mumwe munhu anenge achitambura, waizomubatsira here? Vanhu vanoita basa rokununura vanenge vawirwa nenjodzi vanowanzoita chipatapata kuti vabatsire uye vaponese vanhu vavanenge vasingatombozivi. Saka mumwe munhu angabvunza kuti, ‘Nei Mwari asiri kukurumidza kuparadza Dhiyabhorosi, honzeri yokutambura kwose kwevanhu?’

Kuti uwane mhinduro yemubvunzo iwoyo, chimbofungidzira nyaya yanetsa iri mudare remhosva. Ichiedza zvose zvainogona kuti isabatwe nemhosva, mhondi iri kutongwa inopomera mutongi kuti haasi kugona kutarisira zvakanaka dare rake, uye inotomupomera kuti akatenga vari kubatsirana naye kuongorora nyaya iyi. Saka zvapupu zvakawanda zvinobvumirwa kupa umboo.

Mutongi wacho anoziva kuti zvichaitika pakutamba nyaya yacho zvichakonzera bongozozo, uye anoda kuti nyaya yacho ipere pasina kuita zvokunonozeka. Asi anoziva kuti kuti ape mutongo unoita kuti nyaya dzakadai dzisazonetsa zvakare mune remangwana, mativi acho ose ari maviri anofanira kupiwa nguva yakakwana yokutaura nyaya dzawo.

Kuti pave nomutongo unozoshandiswa kana nyaya dzakadaro dzikamuka zvakare munguva yemberi, divi rimwe nerimwe rinofanira kupiwa nguva yakakwana yokuzvitsigira

Muenzaniso uyu unowirirana sei nekushorwa kwakaitwa Jehovha “Wokumusorosoro kumusoro kwenyika yose” naDhiyabhorosi anonziwo “Dhiragoni,” “Nyoka” uye “Satani.” (Pisarema 83:18; Zvakazarurwa 12:9) Chaizvoizvo Dhiyabhorosi ambori ani? Uye akapomera Jehovha Mwari kuti kudini? Uyezve, Mwari achamuparadza rini?

Kutonga Nyaya Yacho Nenzira Yakanaka

Munhu akazova Dhiyabhorosi akatanga ari chisikwa chomudzimu chakakwana, imwe yengirozi dzaMwari. (Jobho 1:6, 7) Akazviita Dhiyabhorosi paakava nechido chakanyanya choudyire chokuda kunamatwa nevanhu. Saka akashora kodzero yaMwari yokutonga, kunyange kutopa pfungwa yokuti Mwari haafaniri kuteererwa. Akapomera vanhu kuti vanongoshumira Mwari chete kana vachinge vatengwa nezvikomborero zvaanovapa. Satani akatiwo kana vanhu vakatambura, vose ‘vaizotuka’ musiki wavo.​—Jobho 1:8-11; 2:4, 5.

Kuti Mwari agadzirise kupomera kwaSatani, yakanga isingori nyaya yokushandisa simba. Chokwadi ndechokuti, kuparadza Dhiyabhorosi mubindu reEdheni kungadai kwakaita kuti vamwe vafunge kuti Dhiyabhorosi akanga asina mhosva. Saka Mwari semutongi mukuru, akatanga kutamba nyaya iyi kuti aigadzirise nenzira yaizogutsa vose vaiona.

Maererano nemitemo yake uye kutonga kwake kwakarurama, Jehovha Mwari akaratidza kuti divi rimwe nerimwe raizofanira kuva nezvapupu zvaizopa umboo hunogutsa hunoritsigira. Nguva yakabvumirwa naJehovha yakapa vana vaAdhamu mukana wokurarama uye wokupa umboo hunotsigira Mwari nokusarudza kuramba vakavimbika kwaari nemhaka yokuti vanomuda pasinei nokuti vari kutambura.

Kwenguva Yakareba Sei?

Jehovha Mwari anonyatsoziva kuti paanenge achitamba nyaya iyi, vanhu vacharamba vachitambura. Asi akatsunga kuti agadzirise nyaya yacho nokukurumidza. Bhaibheri rinomutsanangura sa“Baba vengoni huru kwazvo uye Mwari wokunyaradza kwose.” (2 VaKorinde 1:3) Zviri pachena kuti “Mwari wokunyaradza kwose” haazobvumiri Dhiyabhorosi kuramba achirarama, kunyange kubvumira kuti vanhu varambe vachitambura nemhaka yezvaakaita. Asiwo, Mwari haasi kuzoparadza Dhiyabhorosi, nyaya ine chokuita neuchangamire hwake isati yatambwa zvakakwana.

Kana nyaya idzi dzichinge dzagadziriswa, zvichange zvanyatsojeka kuti Jehovha ndiye ane kodzero yokutonga. Mabatirwo achaitwa nyaya yaSatani ndiwo achazogara achishandiswa nokusingaperi. Kana kuri kuti nyaya dzakadaro dzikazomuka zvakare, Jehovha haasi kuzobvumira nguva sezvaakaita kuna Satani.

Panguva yake yakakodzera, Jehovha Mwari achashandisa Mwanakomana wake akamutswa kuti aparadze Dhiyabhorosi obvisa mabasa ake ose. Bhaibheri rinotaura nezvenguva, Kristu “paanogamuchidza umambo kuna Mwari wake uye Baba, paanenge aparadza hurumende dzose nechiremera chose nesimba. Nokuti anofanira kutonga samambo kusvikira Mwari aisa vavengi vose pasi petsoka dzake. Muvengi wokupedzisira achaparadzwa ndirwo rufu.”​—1 VaKorinde 15:24-26.

Zvinofadza kuti Bhaibheri rinovimbisa kuti nyika yose ichange yava Paradhiso. Vanhu vachararama muparadhiso vaine rugare sezvaidiwa naMwari pakutanga! “Vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika, uye vachafara kwazvo norugare rukuru.” Chokwadi, “vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagara mairi nokusingaperi.”​—Pisarema 37:11, 29.

Chimbofunga nezvetariro huru yevashumiri vaMwari inotsanangurwa muBhaibheri: “Tarirai! Tende raMwari riri pakati pevanhu, iye achagara navo, uye ivo vachava vanhu vake. Mwari pachake achava navo. Achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.”​—Zvakazarurwa 21:3, 4.

WAKAMBOFUNGA NEZVEIZVI HERE?

  • Dhiyabhorosi akapomera sei Mwari uye vanhu zvenhema?—Jobho 1:8-11.

  • Unhu hupi hwaMwari hunotipa chivimbo chokuti panguva yakakodzera achaparadza Dhiyabhorosi?—2 VaKorinde 1:3.

  • Bhaibheri rinotipa tariro yei?—Zvakazarurwa 21:3, 4.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe