Ndanonokerwa Kuti Ndivaudze Kuti, “Tavazve Pamwe Chete!”
YAKATAURWA NAABIGAIL AUSTIN
Ndaiva nemakore mapfumbamwe. Rakanga riri gore ra1995, muna April. Zuva iroro mamiriro ekunze akanga akanaka chaizvo, uye tiri boka reungano yeZvapupu zvaJehovha yekwataigara, takasarudza kunopedza zuva rose tiri mumaruwa ekuEngland. Takaenda nemotokari tiri muzvikwata zvakasiyana-siyana. Chikwata chedu chaiti ini, sisi vangu Sarah, shamwari yedu Deborah nevabereki vangu. Imwe motokari yakangoerekana yauya ichibhururuka, iri kudivi remugwagwa risiri iro, ikabonderana neyedu. Ndini chete ndakapona.
NDAKAZOPEPUKA ndiri muchipatara patopera mavhiki maviri. Dehenya rangu rakanga rapwanyika, uye vanachiremba vakanga vaisa simbi dzakawanda kuti ribatane. Asi, ndakakurumidza kupora. Hama dzangu dzakazondiudza zvakanga zvaitika, asi handina kumbozvibvuma. Ndakaramba ndichifunga kuti vabereki vangu nasisi vangu vakanga vandishanyira muchipatara pandaiva ndakarara uye kuti ndakanga ndisina kuvaona. Pandakazodzokera kumba ndipo pandakazozvibvuma. Ndakavhiringidzika zvisingamboiti.
Chii chakandibatsira kutsungirira njodzi yakaipisisa iyi?
Zvandakaitirwa Kuti Ndive Akatendeka
Ndini ndaiva gotwe mumhuri yedu yevana vashanu. Panguva yakaitika njodzi yacho, Sarah aiva nemakore 22, Shane 20, Jessica 17, uye Luke 15. Takanga tiine vabereki vakazonaka uye vane hanya. Baba vangu Steve, vakanga vari mukuru muungano yeZvapupu zvaJehovha inonzi West Yorkshire iri kuShipley uye vaifarirwa nemunhu wose nokuti vaiteerera uye vaibatsira vamwe. Amai vangu Carol, vaifarirwawo chaizvo, vaitarisira vakwegura vaiva muungano sevabereki vavo. Vairongera isu vechiduku mapati uye vaitibatsira kutsvaga shamwari dzakanaka. Vanhu vose vakanga vakasununguka kutishanyira. Vabereki vedu vakatidzidzisawo kuva nehanya uye kuva nemutsa nevavakidzani vedu.
Musi weChitatu woga woga, taidzidza Bhaibheri pamwe chete semhuri. Dzimwe nguva taiita mitambo tichiedzesera zviri muBhaibheri uye taipfeka sezvaiita vanhu vepanguva iyoyo. Mhamha naDhedhi vakatanga kutidzidzisa kubva tichiri vaduku chaizvo kugadzirira kwataifanira kuita misangano yeungano uye kutaura kwataifanira kuita nevanhu mumisha yavo nezvemashoko anobva muBhaibheri. Kunyange zvazvo vabereki vedu vaiva nezvakawanda zvokuita pamusana pekuti vairera vana vashanu, vaipedza nguva yakawanda vanesu uye vakatibatsira kuti tisimbe pakunamata.
Sarah, Shane, naJessica pavakapedza chikoro, vakava mapiyona, vashumiri vechiKristu venguva yakazara, sezvakanga zvaitwawo neshamwari yedu Deborah. Ini naSarah taiva bhandi nebhurugwa. Aiita sekuti aiva amai kwandiri, uye pazororo rechikoro, taipedza nguva yakawanda pamwe chete tichibatsira vamwe kudzidza nezveBhaibheri. Ndainakidzwa chaizvo mazuva iwayo. Ndaiona kufara kwaiita mapiyona ose uye ndainakidzwa kuva pamwe navo. Ndaivavarira kuzopayona pamwe naSarah pashure pekunge ndapedza chikoro.
Kakawanda pamazororo, mhuri yedu nevamwe vemuungano taipedza nguva yakawanda pamwe chete. Vakuru nevadiki vakasimbisa ushamwari hwavo uye kudanana kwavaiita. Handina kutomboziva kuti shamwari dzakanaka idzi dzaizondibatsira uye kundinyaradza chaizvo mumazuva aizotevera.
Zvakaitika Pashure Petsaona
Pandakabuda muchipatara ndakadzokera kumba kwedu. Shane naJessica vaisaenda kubasa mazuva ose uye vaiva vashumiri venguva yakazara. Vaishanda zvakaoma kuti vawane mari yokutiriritira tose.
Zvapupu zvakawanda zvemuungano yekwataigara zvakatibatsirawo. Zvakatibatsira pane zvakawanda chaizvo! Zvaitipa zvokudya, kutichenesera pamba, kutiwachira, kutitengera zvataida, kusvikira patakanga tave kukwanisa kuzvimiririra. Takavatenda kasingaperi. Mafashafasha ezvipo uye makadhi okutinyaradza zvakabva kwose kwose, kure nepedyo zvichiratidza kukura kwakaita rudo rwevanhu vari musangano raJehovha.
Pashure perinenge gore rimwe chete, hanzvadzi dzangu uye sisi vangu vakasarudza kuti ndive mumhuri yakagadzikana ina baba naamai. Mhuri dzine mutsa dzemuungano dzakanga dzati dzaigona kubatsira, saka mhuri yedu yakagara pasi ichifunga nezvekuti Mhamha naDhedhi vaizoti ndezvipi zvakandinakira muupenyu uye mune ramangwana rangu panyaya yezvokunamata. Mhuri imwe chete ndiyo yakanyanya kufarirwa. Billy, mukuru muungano nemudzimai wake, Dawn, vakanga vari shamwari dzepamwoyo dzemhuri yedu, uye vaiva nemwanasikana aive nemakore mashanu anonzi Lois. Vakandigamuchira nemaoko maviri mumusha mavo uye kubvira panguva iyoyo vave vachinditarisira nerudo semwana wavo chaiye. Lois haana kumbobvira ava negodo kuti vabereki vake vainditarisirawo uye kutaura kuno tinowirirana zvokuti huya uone semukoma nemunin’ina.
Kutsungirira Kwandakaita Njodzi Yacho
Pakutanga, ndakanetseka kuti nei njodzi iyi yakaipisisa yakanga yawira mhuri yedu, kunyanya pandakafunga nezvekuti vabereki vangu, uyewo Sarah naDeborah vaida chaizvo Jehovha uye vamwe vanhu. Asi ndakabva ndayeuka nhoroondo yeBhaibheri yaJobho, uyo akaramba akatendeka kuna Mwari pasinei nokufirwa nevana. (Jobho 1:19, 22) Ndakafunga kuti, ‘Chokwadi, Satani ndiye akaunza kutambura nerufu munyika, uye aizofara kudai njodzi iyi yakaita kuti tirege kushumira Mwari.’ (Genesisi 3:1-6; Zvakazarurwa 12:9) Ndakayeukawo kuti Jehovha akatipa tariro yakazonaka yerumuko. (Johani 5:28, 29) Tichaonazve mhuri yedu naDeborah, muparadhiso pasi pano. Kutaura zvazviri, kuda kwandaiita Jehovha kwakatosimba.
Pandinosangana nevanhu vakawirwawo nenjodzi, zvinondisiririsa chaizvo kana vasati vanzwa nezvevimbiso yakazonaka yerumuko. Zvinondiita kuti ndide kuvaparidzira nezvetariro yacho, nokuti ndine chokwadi chekuti ndiJehovha nesangano rake chete vakaita kuti tikwanise kupfuura nemunguva iyi yakaoma tichiziva hedu kuti zviuya zviri mberi.
Zvichida zvakaitika kwatiri zvakabatsirawo pane zvimwe, zvakaita kuti vamwe vabereki vazvibvunze kuti, ‘Takadzidzisa vana vedu zvakakwana nezvaJehovha here zvokuti kana chimwe chinhu chikaitika kwatiri, vanoramba vachimushumira vari voga?’
Ndakaedza kurarama upenyu hwangu sokunge kuti Mhamha naDhedhi vachiri vapenyu. Ndinoziva kuti vaizoda kuti ndishande zvakaoma pakubatsira vamwe, sezvavakanga vaitawo. Ndange ndichipayona kubvira pandakapedza chikoro, uye Lois ari kushumira pamwe chete neni sapiyona. Hanzvadzi dzangu dzakaroora uye sisi vangu vakaroorwa uye vose vari kushumira Jehovha muungano dzavo vachifara.
Ndiri kutarisira chaizvo kuva munyika itsva yaMwari uye kuona vanhu vachimutswa! Uye panenge pasisina kurwadziwa kana rufu. (Zvakazarurwa 21:3, 4) Kuziva kuti tose tichazova pamwe chete zvekare kunondibatsira kuti ndirambe ndichitsungirira. Ndatononokerwa kuti ndimbundire, Mhamha, Dhedhi, Sarah naDeborah uye kuvaudza kuti, “Tavazve pamwe chete!”
[Mufananidzo uri papeji 18]
Abigail (wechipiri kubva kuruboshwe) nemhuri iri kumuchengeta