RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g10 October p. 16
  • Bapiro Remukonikoni

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bapiro Remukonikoni
  • Mukai!—2010
  • Mashoko Akafanana
  • Mapapiro Ezizi
    Zvakangoitika Zvega Here?
  • Zvinhu Zvakasikwa Zvinoratidza Kuti Mwari Ariko
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
Mukai!—2010
g10 October p. 16

NdiMwari Akasika Here?

Bapiro Remukonikoni

● Mimwe mikonikoni inokwanisa kubhururuka kwemasekondi 30 isingapapamisi mapapiro uye isingakwidzi kana kudzika. Izvozvo inozviita sei? Ine mapapiro akasiyana nokure neendege dzakagadzirwa nevanhu!

Funga nezveizvi: Bapiro detedete remukonikoni rine mamino uye pamusoro paro hapana kuenzana, pamwe pakakwirira pamwe pakadzikira izvo zvinoita kuti risabhenda-bhenda. Masayendisiti akaona kuti zvakaita bapiro remukonikoni zvinoupawo simba rinoita kuti ukwidze mudenga paunenge uchibhururuka asi usingapapamisi mapapiro. Imwe magazini inonzi New Scientist inoti, ‘Izvi zvinoitika nokuti mhepo inotenderera mumamino acho yoita kuti pave nesimba rinobatsira mukonikoni wacho kukwidza mudenga.’

Pashure pokuongorora bapiro remukonikoni, injiniya wemichina inobhururuka muchadenga anonzi Abel Vargas nevamwe vake vakati, ‘ruzivo runowanikwa pakudzidza nezvemapapiro ezvinhu zvakasikwa runokosha chaizvo pakugadzira mapapiro etumichina twokushandisa muchadenga.” Tumichina twakadaro tunokwana muruoko, uye tunenge tuine kamera nezvimwe zvokushandisa, tunogona kushandiswa nenzira dzinobatsira dzakawanda, dzakadai sokuwana mashoko munzvimbo dzinenge dzaitika njodzi uye kuona kuti mhepo iri kusvibiswa zvakadini.

Unofungei? Bapiro detedete remukonikoni rine mamino rakangoerekana ravapo here? Kana kuti rakaita zvokusikwa?

[Mufananidzo uri papeji 16]

Kamuchina kanobhururuka muchadenga kakafanana nemukonikoni kanorema magiramu 0,12, kakafara masendimita matanhatu, uye kane mapapiro matetetete esilicon anopapama kana kachinge kangoiswa pamagetsi

[Kwazvakatorwa]

© Philippe Psaila/Photo Researchers, Inc.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe