Kusurukirwa Munyika Ine Zvakawanda Zvinofambisa Mashoko
HAPANA kana kumbova nenguva yakafanana neino ine saruraude yezvinhu zvekutumira mashoko zvakadai sekufona uye kutumira tsamba nekombiyuta kana kuti mashoko neserura, nzvimbo dzokushamwaridzana dzepaindaneti, uye machat room. Asi munyika ino ine zvakawanda zvinofambisa mashoko, vanhu vakawanda, vakuru nevaduku, vakasurukirwa. Nei?
Mubhuku ravo rinonzi Loneliness—Human Nature and the Need for Social Connection, vatsvakurudzi vaviri, John T. Cacioppo naWilliam Patrick vanodonongodza nyaya yekusurukirwa. Vanotaura nezvekumwe kuongorora kunoratidza kuti, “Kushandisa Indaneti zvakanyanya panzvimbo pokukurukurirana pafoni kana kuti muri pamwe chete kunowedzerawo kusurukirwa uye kunoita kuti munhu ave zindoga.
Upenyu hwechipatapata hwemazuva ano hunoita kuti zviome kuwana nguva yokukurukurirana nevamwe. Kunyemwerera uye rudo zvinooneka kana vanhu vachitaurirana chiso nechiso, hazviwanzooneki kana vanhu vachiita zvokutaurirana pafoni kana kutumirana mashoko pakombiyuta.
Zvataurwa izvi, zvinowanzoitika kumabasa asiwo kunyange mumhuri. Mudzimba dzakawanda, vemumhuri vanouya vachienda pasina kana kutaura shoko rimwe nevamwe kunyange kudya pamwe chete. Vari kuyaruka vakawanda vane makombiyuta avo pachavo, uye zvinotoita sekuti vava kugara voga. Zvinoshamisa ndezvokuti, kunyange zvazvo paine zvakawanda zvokufambisa mashoko, vechiduku vakawanda vakasurukirwa.
Mazuva ano, kusurukirwa kunogona kuita kuti wanano ive zinyekenyeke. Kana vaviri vakaroorana vasingakurukurirani zvinogona kuita kuti mumwe nemumwe azviraramire, vachiita mazvake mazvake. Kunzwa sokuti uri woga iwe uchigara newawakaroorana naye kusurukirwa kunotambudza zvisingaiti.
Mubereki anenge achirera vana asina mumwe wake ndiye anonyanya kunzwa akasurukirwa. Michina yokufambisa mashoko inogona kuitawo kuti vabereki nevana vasakurukurirane zvoita kuti kusurukirwa kwacho kuwedzere. Uyezve vasina kuroora kana kuroorwa vakawanda vangashuva kuva nemunhu wokuroorana naye, asi izvi zvingasaitika.
Kusurukirwa rava dambudziko rakakura chaizvo rinogona kuita kuti vanhu vanwire kudhakwa, vadyise, vashandise zvisina kunaka zvinodhaka, vaite unzenza uye kunyange kutozviuraya. Saka zvinokosha kuziva zvinokonzera kusurukirwa. Kutora danho rokutanga iri kunogona kuita kuti ubudirire kutsungirira dambudziko racho.