‘Usazvidya Mwoyo Nezveramangwana’
Renée akanzwa sokuti akanga asisazvikwanisi. Kwemakore anopfuura matatu, murume wake, Matthew akanga asati ambowana basa raaigona kuvimba naro. Renée anoti, “Ndakanga ndichizvidya mwoyo zvokuti huya uone! Kusaziva kuti zvii zvaizoitika kwaindiodza mwoyo chaizvo!” Matthew akamboedza kudzikamisa mudzimai wake nokumutsanangurira kuti vaiwana zvinhu zvinokosha zvavaida. Renée akapindura kuti, “Asika hausi kushanda! Tinoda mari!”
KURASIKIRWA nebasa kunotokonzera kuzvidya mwoyo. Munhu anenge asingashandi anonetseka kuti, ‘Ndicharamba ndiri rovha kusvikira rini? Zvino tichawana sei zvatinoda?’
Kunyange zvazvo vakawanda vachiwanzonetseka saizvozvo, Jesu Kristu akapa zano rine musoro rinogona kuita kuti munhu asanyanya kuzvidya mwoyo. Akati: “Chiregai henyu kudembatemba nezvamangwana . . . Zuva rega rega rine nhamo dzaro dzakarikwanira.”—Mateu 6:34, Bhaibheri Rinoera.
Ziva Kuti Uri Kumbotyei
Jesu akanga asiri kuti tinofanira kuita sokuti dambudziko redu haripo. Asi, kuzvidya mwoyo nezvingangoitika mangwana kuchangowedzera kushushikana kwatinoita nenhamo dzanhasi. Chokwadi, hapana zvatinogona kuita pane zvichaitika mune remangwana, zvingava zvakanaka kana kuti zvakaipa. Asi tinogona kugadzirisa dambudziko ratinenge tinaro panguva iyoyo.
Zviri nyore kuzvitaura pane kuzviita here? Ndizvozvo! Rebekah, ane murume akarasikirwa nebasa raakanga ashanda kwemakore 12, akati: “Paunenge uchishushikana chaizvo, zvakaoma kuti ufunge zvakanaka. Asi taitofanira kuzviita. Saka ndakaedza kuramba ndakadzikama. Zvinhu zvandainyanya kutya pazvisina kumbobvira zvaitika, ndakaona kuti hazvina kunaka kuzvidya mwoyo. Patakangova nehanya nezvaivapo panguva iyoyo uye matambudziko acho, hatina kuzombozvidya mwoyo.”
Zvibvunze kuti: ‘Chii chandinonyanya kutya? Chinhu chandinotya ichi chichaitika here kana kuti hachizoitiki? Ndinopedza simba rakawanda zvakadini ndichizvidya mwoyo nezvinhu izvi zvingaitika kana kusaitika?’
Kudzidza Kugutsikana Nezvaunazvo
Maonero edu anogona kukanganisa manzwiro atinoita. Saka, Bhaibheri rinokurudzira kuti tive nemafungiro aya: “Kana tiine zvokudya nezvokupfeka nepokugara, tichagutsikana nezvinhu izvi.” (1 Timoti 6:8) Kugutsikana kunoreva kusazvinetsa nezvinhu zvisinganyanyi kukosha kwava kurarama nezvatinonyatsoda zuva rega rega. Kuvavarira kugutsa chido chokuva nezvakawanda kuchangokutadzisa kurarama upenyu husina twakawandawanda.—Mako 4:19.
Renée akakwanisa kugutsikana pashure pokunge anyatsoongorora mamiriro ake ezvinhu. Akati: “Hatina kumbobvira tashaya magetsi kana kuti pokugara. Dambudziko rakanga riri pakuti takanga tisina kumborarama upenyu hwakadai, uye chido changu chisina musoro chokuti tirambe tichirarama sezvataimboita chakatoita kuti ndinyanye kuzvidya mwoyo.”
Pasina nguva, Renée akazoona kuti maonero ake, kwete mamiriro ake ezvinhu, ndiwo aiita kuti zviite sokuti zvinhu zvakanga zvanyanya kuoma. Akati, “Ndaitofanira kuona zvinhu sezvazvaiva, kwete kuti zviite sezvandaida. Pandakangotanga kugutsikana nezvataipiwa naMwari zuva rega rega, ndakaona kuti ndakanga ndava kufara chaizvo.”
Zvibvunze kuti: ‘Ndawana here zvandinoda zvezuva ranhasi? Kana zvakadaro, ndingafunga nezvezuva ranhasi chete here, ndiine chivimbo chokuti ndichawana zvandinoda mangwana?’
Kuva nemaonero akanaka ndiro danho rokutanga rokuti ukunde dambudziko rokurarama nezvinhu zvishoma.a Asi matanho api anoshanda aungatora paunenge uine mari shoma nokuti hausi kuenda kubasa?
[Mashoko Omuzasi]
a Kuti uwane mamwe mashoko panyaya yokutsvaka uye kuchengeta basa, ona Mukai! yaOctober 2005, mapeji 3-11 [Awake! July 8, 2005, mapeji 3-11].
[Bhokisi riri papeji 5]
Kushingirira Kune Mubayiro!
Pashure pokutsvaka basa kwevhiki dzakawanda asi asingariwani, Fred akafunga kuti pakanga pasisina kana mukana wokuriwana. Akati, “Zvakanga zvakaita sokumirira pachiteshi chebhazi kuti mumwe munhu auye kuzokutora asi orega kuuya.” Fred akasarudza kuita zvose zvaaikwanisa kuti awane basa. Akatumira tsamba dzokutsvaga basa kumakambani akawanda kunyange aya aiita seasingadi basa raaigona. Aienda kwose kwaaishevedzwa uye ainyatsogadzirira kubvunzurudzwa kwaaizoitwa aine chivimbo chokuti, “zvirongwa zvomunhu anoshingaira zvinobatsira.” (Zvirevo 21:5) Fred akati, “Pane imwe kambani ndakabvunzurudzwa kaviri nemamaneja maviri ayo akandinaya nemibvunzo.” Asi kushingirira kwaFred kwakamuunzira mubayiro. Anoti, “Ndakabva ndapinzwa basa!”
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 6]
Chinhu Chinonyanya Kukosha Kupfuura Mari
Chii chinonyanya kukosha, tsika dzako kana kuti mari yaunowana? Funga nezvezvirevo zveBhaibheri zviviri.
“Murombo anofamba mukururama kwake ari nani kupfuura munhu asina kururama munzira dzake, kunyange zvake akapfuma.”—Zvirevo 28:6.
“Zviri nani kuva nezvokudya zvomuriwo paine rudo pane kuva nenzombe yakakodzwa asi paine ruvengo.”—Zvirevo 15:17.
Zviri pachena kuti tsika dzakanaka nekukosha kwemunhu hazvidzikisirwi pasi nekushaya kwake mari. Saka, murume waRenée, paakarasikirwa nebasa, iye akaudza vana vake kuti: “Vanababa vakawanda vakasiya mhuri dzavo. Asi baba venyu vachiripo pano. Munoziva kukudai kwavanoita uye kukubatsirai kwavakaita mumatambudziko enyu ose. Muna baba vakazonaka!”