RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g10 October p. 3
  • “Basa Rapera”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Basa Rapera”
  • Mukai!—2010
  • Mashoko Akafanana
  • ‘Usazvidya Mwoyo Nezveramangwana’
    Mukai!—2010
  • Denda Rourovha
    Mukai!—1996
  • “Rinondibatsira Kutaura Nevanhu Zvavanonzwisisa”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Ndiani Watinofanira Kutaura Naye?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
Ona Zvimwe
Mukai!—2010
g10 October p. 3

“Basa Rapera”

VAKURU vebasa vakanga vava kutomudaidza nezita rokuti Fred, Shasha!a Pfungwa itsva dzaaiunza dzakanga dzaita kuti kambani yacho isarasikirwe nemari yakawanda mumakore matanhatu aaishanda ipapo. Saka paakashevedzwa kuhofisi yamaneja, Fred aitarisira kuwedzerwa mari kana kukwidziridzwa pabasa. Asi maneja wacho akabva angomuti, “Basa rapera.”

Fred akaoma mate mukanwa nazvo. Akati, “Ndaitambira mari yakawanda ndichinakidzwa nebasa rangu, asi zvinhu zvakangoerekana zvaita manyama amire nerongo.” Fred paakazoudza mudzimai wake Adele, zvakanga zvaitika, naiyewo akaoma mate mukanwa. Anoti, “Ndakapindwa nechando. Ndakati, ‘Zvino tichaita sei?’”

Zvakaitika kuna Fred zvakaitikawo kune vamwe vanhu vakawanda chaizvo, sezviri kuratidzwa nechati iri pasi apa. Asi nhamba dzoga hadziratidzi zvakakwana kushungurudzwa kunokonzerwa nourovha. Funga nezvaRaúl, akatama achibva kuPeru uyo akadzingwa basa pashure pokushanda kwemakore 18 pane imwe hotera huru muNew York City. Raúl akatsvaka basa, asi hapana chaakabura. Raúl akati, “Kwemakore anoda kusvika 30, ndakanga ndariritira mhuri yangu. Asi zvino ndakanzwa sokuti ndakanga ndakundikana kuita somurume.”

Zvakaitika kuna Raúl zvinoratidza chokwadi chinonyatsozivikanwa nevakapererwa nebasa chokuti kurasikirwa nebasa hakungoiti kuti pave nedambudziko remari chete. Kakawanda kunoita kuti uzvidye mwoyo chaizvo. Renée ane murume anonzi Matthew, uyo akanga asingashandi kwemakore anopfuura matatu akati, “Ndakatanga kunzwa sokuti handikoshi. Kana usina zvaunazvo, vanhu vanokuona semunhu wenhando, uye pasina nguva ndiwo maonero aunenge wava kuzviitawo.”

Uyezve kuwedzera pakushushikana kunenge kuchiita munhu anenge arasikirwa nebasa, anovawo nedambudziko rokurarama nemari shoma. Fred akati, “Pataiva nemari, hatina kumbobvira tafunga nezvekurarama upenyu husina twakawandawanda. Asi pataifanira kubhadhara zvinhu zvaida mari yakawanda, isu tisisashandi, pakanga pasisina zvokuita kunze kwokurarama nezvishoma.”

Paunenge uchitsvaka basa, unofanira kutsungirira kuzvidya mwoyo kunokonzerwa nokuva rovha. Ungatofanirawo kurarama nezvishoma. Kutanga, ngatikurukurei matanho maviri anoshanda aungatora kuti ukunde matambudziko okushushikana.

[Mashoko Omuzasi]

a Mamwe mazita ari munyaya dzino akachinjwa.

[Girafu riri papeji 3]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

Nhamba Yevanhu Vakanga Vasingaendi Kubasa Mugore Ra2008 Munyika Nhatu Chete

Japan 2 650 000

Spain 2 590 000

United States 8 924 000

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe