Kurarama Nemari Shoma
KURARAMA nemari shoma kunoda kuti munhu aronge zvakanaka. Jesu akaratidza kukosha kwokuita izvozvo. Akabvunza kuti: “Ndiani wenyu anoti kana achida kuvaka shongwe asingatangi agara pasi, overenga zvinodiwa, kuti aone kana aine zvakakwana zvokuipedza nazvo?” (Ruka 14:28, 29) Uchishandisa pfungwa iyoyo, unogona ‘kuverenga zvinodiwa’ zvinoita kuti urarame nemari yaunenge unayo kana ukaronga bhajeti. Ungazviita sei? Edza izvi:
Kana uchinge watambira, isa mari yako muzvikamu zvakasiyana-siyana, zvikamu zvemari yezvinhu zvaunoda kuita mwedzi iwoyo nezvezvaunozoda kuita munguva yemberi. (Ona bhokisi riri papeji 8.) Kana ukaronga zvakanaka kushandisa kwauchaita mari yako, unogona kuona kuti uri kuishandisira pazvinhu zvipi uye kuti uri kushandisa yakawanda sei pazvinhu zvisingakoshi. Izvozvowo zvichakubatsira kuona kuti ndezvipi zvaungarega kuti uchengetedze mari.
Kuti uve nebhajeti inoshanda zvakanaka, edza mazano anotevera.
Tenga Neungwaru
Raúl paakarasikirwa nebasa, mudzimai wake Bertha akachinja matengero aaiita. Anoti, “Ndakatsvaga makuponi okutenga zvinhu zvaiva nemitengo yakanga yakarohwa nechando, uyewo zvitoro zvegirosari zvaitengesa zvinhu zviviri nemari yechinhu chimwe chete.” Pasi apa pane mamwe mazano:
● Ronga zvauchadya vhiki yose zvichienderana nekuti zvinhu zvipi zviri kutengeswa nemutengo wakaderera.
● Pane kutenga zvokudya zvakatobikwa nechekare, tenga zvinhu zvinoshandiswa pakubika zvokudya izvozvo, wozvibikira woga.
● Tenga zvinhu zvakawanda pazvinenge zvakaderedzwa mutengo.
● Tenga zvakawanda, asi ngwarira kuti kana zvikawandisa zvinogona kuzoora.
● Chengetedza mari nokutenga zvipfeko zvakanaka zvakamboshandiswa.
● Enda kunzvimbo dzine mitengo yakaderera kana uchiona kuti hazvikudyiri mari yakawanda kuendako.
● Usangotenga-tenga.a
Nyora Pasi
Fred anoti, “Taitofanira kuva nebhajeti, saka ndakanyora pasi zvinhu zvataida kukurumidza kubhadhara uye mari yataifanira kuva nayo yemwedzi wose.” Mudzimai wake, Adele anowedzera kuti: “Pandaienda kumusika ndaiziva kuti ndaifanira kushandisa marii. Dzimwe nguva pandaida kutenga zvinhu zvevana kana kuti zvinhu zvokushandisa kumba, ndaitarisa bhajeti yedu ndoti, ‘handina mari inokwana, saka tinotofanira kumirira kusvika mwedzi unouya.’ Kunyora pasi kwakatibatsira chaizvo!”
Funga Usati Watenga
Iva netsika yokuzvibvunza kuti: ‘Chinhu ichi ndiri kunyatsochida here? Chinhu chitsaru chandinacho chasakara chaizvo here kana kuti ndiri kungoda chitsva?’ Kana usingazonyanyi kushandisa chinhu chacho unogona kuita zvokuchihaya here? Kana kuri kuti unofunga kuti uchachishandisa kakawanda, kutenga chinhu chakamboshandiswa asi chichiri kunzwa kungaita here?
Kunyange zvazvo zvimwe zvinhu zviri pamusoro apa zvingaita sezvisingakoshi, zvinogona kubatsira. Pfungwa iri pano ndeyokuti, kana ukava netsika yokusatambisa mari pazvinhu zvidiki, uchakwanisawo kuita saizvozvo pazvinhu zvikuru.
Funga Dzimwe Nzira Dzokuita Nadzo Zvinhu
Kuti usashandisa mari yakawanda pazvinhu zvisinganyanyi kukosha, shandisa pfungwa. Somuenzaniso, Adele anotsanangura kuti “Taiva nemotokari mbiri asi takabva tangotengesa imwe yacho, tikatanga kushandisa imwe chete. Kuti tisatambisa mafuta, takaedza kufambira zvinhu zvakawanda panguva imwe chete. Takatsunga kushandisa mari pazvinhu zvaikosha chete.” Dzimwe nzira dzaungafunga dzokuita nadzo zvinhu dziri pasi apa:
● Iva negadheni rako pachako.
● Tevedzera mirayiridzo yevagadziri yokutarisira zvinhu zvako kuti zvigare nguva yakareba.
● Chinja mbatya dzakanaka paunongosvika kumba, iyoyo itsika inoita kuti dzirambe dzichiratidzika seitsva kwenguva yakareba.
Usava Zindoga!
Vakawanda vanorasikirwa nemabasa vanorega kuwadzana nevamwe vova vanazindoga. Asi Fred haana kuita izvozvo. Akatsigirwa nemhuri yake, kusanganisira vana vake vabva zera vairatidza kunzwisisa. Akati, “Takadzidza kushandisa zvaivapo pamwe chete, uye izvi zvakaita kuti tibatane chaizvo. Tose tainzwa sokuti ‘Tiri kutambura pamwe chete.’”
Fred akasimbiswawo nevaKristu vaainamata navo pavaionana paImba yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha. Anoti, “Pashure pemisangano yedu yechiKristu, ndainzwa ndakurudzirwa. Munhu wose aiva nemutsa uye aifungawo zvainge zvakandinakira. Takaziva kuti taisava toga pamusana perubatsiro rwavo uye kutinyaradza kwavaiita.”—Johani 13:35.
Kubatsira Kunoita Kutenda
Kurasikirwa nebasa kwakaita kuti vakawanda vagumbukire vavaishandira vachiti vakanga vavabatisa pasi. Raúl, ambotaurwa nezvake, akaodzwa mwoyo paakarasikirwa nebasa kaviri, paaiva kunyika yokwavo kuPeru uyewo paaiva kuNew York City. Paakagumurwa kechipiri, Raúl akati, “Mazuva ano, chokwadi munyika hapana chaunogona kuvimba nacho.” Kwemwedzi yakawanda, haana kubudirira kuwana basa. Chii chakamubatsira kutsungirira? Raúl akati “Ndakanga ndava neushamwari hwepedyo naMwari uye ndakadzidza kuti ndiye chete wandaigona kuvimba naye.”
Raúl mumwe weZvapupu zvaJehovha, saka kudzidza Bhaibheri kwakamubatsira kuti ave nekutenda kwakasimba muna Baba vokudenga vane hanya, vanovimbisa kuti, “Handingambokuregerei kana kumbokusiyai.” (VaHebheru 13:5) Zvakanga zvisiri nyore. Anoti, “Taigara tichinyengeterera zvinokosha zvataida, uye takadzidza kufara nezvataipiwa naMwari.” Mudzimai waRaúl anonzi Bertha anowedzera kuti, “Ndaizvidya mwoyo chaizvo dzimwe nguva ndichinetseka pamusoro pokuti Raúl aizowana basa here. Asi takaona kuti Jehovha akapindura minyengetero yedu nekutipa zvataida zuva roga roga. Tingatoti, kunyange zvazvo taisava nezvakawanda sezvataimbova nazvo, upenyu hwedu hwanga hwava nyore chaizvo.”
Sezvo Fred ari mumwe weZvapupu zvaJehovha, kudzidza Bhaibheri kwakamubatsira chaizvo kugadzirisa dambudziko rake. Anoti, “Dzimwe nguva, tinofunga kuti basa redu, chinzvimbo, kana kuti mari yatinayo kubhengi ndizvo zvichatidzivirira. Asi ndakadzidza kuti Jehovha Mwari chete ndiye anogona kutidzivirira uye kuti kuva neushamwari naye ndiko chete kunoita kuti tidzivirirwe zvechokwadi.”b
[Mashoko Omuzasi]
a Kumwe kutsvakurudza kwakaratidza kuti 60% yezvinhu zvose zvakatengwa, vanhu vacho vakanga vasina kuzvironga.
b Kana uchida mamwe mashoko ane chokuita nekuti ungashandisa mari sei zvakanaka, ona magazini yeNharireyomurindi yaAugust 1, 2009, mapeji 10-12.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 9]
“Taigara tichinyengeterera zvinokosha zvataida, uye takadzidza kufara nezvataipiwa naMwari”
[Bhokisi/Chati iri papeji 8]
Ungaronga Sei Bhajeti?
(1) Nyora pasi mari yezvinhu zvinokosha zvemwedzi nemwedzi. Chengeta pepa remari yose yawakashandisa mwedzi wose pachikafu, pakubhadhara imba, magetsi nemvura, zvine chokuita nemotokari, uye zvimwewo. Asi kana ari mabhiri anobhadharwa kamwe pagore ona kuti imari yakawanda zvakadini inofanira kubhadharwa mwedzi mumwe nemumwe.
(2) Ronga mari dzacho maererano nezvinoda kubhadharwa. Izvi zvinosanganisira chikafu, imba, motokari, mari yebhazi, uye zvimwewo.
(3) Ona kuti imari yakawanda zvakadini yawakachengeta yaunofanira kushandisa pazvinhu izvi mwedzi woga woga. Asi kana ari mabhiri anobhadharwa pagore, unofanira kuona kuti imarii inofanira kuchengetwa mwedzi woga woga.
(4) Nyora pasi mari yose inowanikwa nevemumhuri yako. Bvisa mari yezvinhu zvakadai semitero. Ienzanise nemari yezvinhu zvinoda kubhadharwa.
(5) Chengeta mari inodiwa kubhadhara chinhu chimwe nechimwe mwedzi woga woga. Kana uchishandisa mari, nzira iri nyore ndeyokunyora hamvuropu yechinhu chimwe nechimwe woisa mari yacho imomo. Wadaro, nguva nenguva isa mari muhamvuropu yakakodzera yokushandisa pazvinhu zvacho.
Chinhu chokungwarira: Kana uchizotenga nechikwereti, ratidza kuti uri kuziva zvauri kuita! Mabhajeti evanhu vakawanda akakanganiswa nemhaka yemuedzo wokutenga nechikwereti.
[Chati]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
Mari Yose Yamunowana Pamwedzi
YOSE YAUNOTAMBIRA $․․․․․ IMWEWO YAMUNOWANA $․․․․․
YOSE YEVAUNOGARA NAVO $․․․․․ MARI YACHO YOSE
$․․․․․
Yawakabhajeta Yawakazoshandisa
Pamwedzi Pamwedzi
$․․․․․ Imba $․․․․․
$․․․․․ Inishuwarenzi/Mitero $․․․․․
$․․․․․ Magetsi nemvura $․․․․․
$․․․․․ Motokari $․․․․․
$․․․․․ Zvinovaraidza/Kushanya $․․․․․
$․․․․․ Foni $․․․․․
$․․․․․ Chikafu $․․․․․
$․․․․․ Zvimwe $․․․․․
YOSE YAWAKABHAJETA YOSE YAKASHANDISWA
$․․․․․ $․․․․․
Enzanisa Yamunowana Nezvinoda Kubhadharwa
YOSE YAMUNOWANA PAMWEDZI $․․․․․
BVISA− INOSARA
ZVINODA KUBHADHARWA PAMWEDZI $․․․․․ $․․․․․