RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g09 October pp. 18-21
  • Ndingararama Sei Nokurwadziwa Kwokufirwa Nomubereki?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndingararama Sei Nokurwadziwa Kwokufirwa Nomubereki?
  • Mukai!—2009
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ‘Ndiwo Manzwiro Anoita Vamwe Here?’
  • Kutsungirira Kwaungaita
  • Kurwadziwa Kuchazombopera Here?
  • Kushungurudzika Kwandinoita Ndiko Kunoitawo Vamwe Here?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
  • Ndinogona Sei Kukurira Rufu Rwababa?
    Mukai!—1994
  • Ndokwomuzvarirwo Here Kuchema Nenzira Yandinoita Nayo?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Ndinogona Sei Kugara Nenhamo Yangu?
    Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa
Ona Zvimwe
Mukai!—2009
g09 October pp. 18-21

Vechiduku Vanobvunza Kuti

Ndingararama Sei Nokurwadziwa Kwokufirwa Nomubereki?

“Amai pavakashaya, ndakashaya kuti ndoitei uye ndakanzwa ndisina chinangwa. Ndivo vaiita kuti mhuri yedu irambe yakabatana.”—Karyn.a

KUFIRWA nomubereki kungangova chimwe chezvinhu zvinorwadza chaizvo muupenyu. Haungofaniri kutsungirira kurwadziwa kwacho chete, asi unosara wava kutarisana neramangwana ringangove rakasiyana chaizvo nezvawaitarisira.

Zvichida waitarisira kuti amai vako kana kuti baba vako vaunoda vaizovapo musi wawaizopedza chikoro kana kuti vaizofara newe pamuchato wako. Zvino tarisiro idzodzo dzaparara, zvichikusiya wakasuruvara, wakavhiringidzika, kana kuti wakatotsamwa. Ungararama sei nemanzwiro iwayo akawanda anovapo pamusana pokufirwa nomubereki?

‘Ndiwo Manzwiro Anoita Vamwe Here?’

Paunozonyatsofungisisa kuti chokwadi amai kana kuti baba vashaya, ungarwisana nemanzwiro akasiyana-siyana ausina kumbova nawo kare. Brian uyo aiva nemakore 13 pakafa baba vake nechirwere chemwoyo, anoti, “Manheru atakazviziva, takangombundirana tichingochema.” Natalie uyo aiva nemakore gumi pakafa baba vake nekenza, anoyeuka kuti: “Ndakapererwa zvokuti hapana kana manzwiro andakava nawo.”

Rufu runorwadza munhu mumwe nomumwe zvakasiyana. Zvechokwadi, Bhaibheri rinoti “mumwe nomumwe” ane “dambudziko rake nokurwadziwa kwake.” (2 Makoronike 6:29) Uchifunga izvozvo, chimbowana kanguva kekufunga kuti rufu rwomubereki wako rwakakurwadza sei? Pasi apa nyora (1) manzwiro awakaita pawakaziva nezvorufu rwomubereki wako uye (2) manzwiro auri kuita iye zvino.b

(1) ․․․․․

(2) ․․․․․

Zvichida mhinduro dzako dzinoratidza kuti manzwiro ako, ari kuti dzikamei. Izvozvo zvinoitika muupenyu. Hazvirevi kuti wakanganwa mubereki wako. Ungawanawo kuti manzwiro ako angori zvaaiva kana kuti atowedzera. Zvichida kurwadziwa kwako kunoita semafungu anomboti dzimwe nguva dzikamei ozongoerekana ati “kapa kumahombekombe.” Izviwo zvinoitika muupenyu—kunyange zvikaitika papera makore mubereki wako afa. Nyaya ndeyokuti, Ungatsungirira sei kurwadziwa kwako—zvisinei nokuti kwakaita sei?

Kutsungirira Kwaungaita

Usadzivisa kusvimha misodzi! Kuchema kunobatsira kudzikisa kurwadziwa kwokusuruvara. Asi unganzwa sezvakaita Alicia uyo aiva nemakore 19 pakashaya amai vake. Anoti, “Ndaifunga kuti kana ndikaratidza kunyanya kurwadziwa, vamwe vangaona sokuti handina kutenda kwakasimba.” Asi chimbofunga izvi: Jesu Kristu aiva munhu akakwana aitenda zvakasimba muna Mwari. Asi “akasvimha misodzi” pamusana porufu rweshamwari yake yaaida, Razaro. (Johani 11:35) Saka usatya kusvimha misodzi. Hazvirevi kuti hauna kutenda kwakasimba! Alicia anoti: “Ndakazochema zvokuchema zviye. Ndaichema zuva roga roga.”c

Taura Manzwiro Aunoita Okuva Nemhosva. Karyn, uyo akafirwa namai vake aine makore 13 anoti, “Ndaigara ndichienda muimba yepamusoro kunotsvoda amai ndichivaudza kuti varare zvakanaka. Pane pandisina kuzviita. Mangwanani akatevera, Amai vakashaya. Ndinoziva kuti handifaniri kunzwa saizvozvo, asi ndinonzwa ndine mhosva pamusana pokusavaona manheru iwayo okupedzisira uye pamusana pezvimwe zvakazoitika mangwanani akatevera. Baba vakanga vafamba nebasa uye vaida kuti ini nasisi vangu titarisire Amai. Asi takanonoka kurara. Pandakazopinda muimba yokurara, Amai vakanga vasisafemi. Ndakatambudzika chaizvo, nokuti vaiva nani Baba pavakaenda!”

SaKaryn, zvimwe unonzwa une mhosva pamusana pezvinhu zvausina kuita. Ungazvitambudza nokuti “kudai ndakanga ndaita zvokuti nezvokuti.” ‘Kudai ndakanga ndakurudzira Baba kuti vaone chiremba.’ ‘Kudai ndakanga ndakurumidza kunotarira kuti Amai vari sei.’ Kana pfungwa dzakadaro dzichikutambudza, yeuka izvi: Zvinoitika muupenyu kuti udembe uchiti kudai ndakanga ndaita zvokuti nezvokuti. Chokwadi ndechokuti ungadai wakaita izvozvo kudai wakanga waziva zvaizoitika. Asi hauna kuzviziva. Saka haufaniri hako kunzwa une mhosva. Hausiwe wakaita kuti mubereki wako afe!d

Taura manzwiro aunoita. Zvirevo 12:25 inoti: “Mashoko omutsa achaita kuti ufare.” (Today’s English Version) Kuvharira manzwiro ako mukati kungaita kuti zvikuomere kutsungirira kurwadziwa kwako. Asi kukurukura manzwiro ako nemumwe munhu waunovimba naye kuchaita kuti uwane “mashoko omutsa” anokurudzira paunenge uchinyanya kuada. Saka, wadii kuedza zano rimwe chete kana anopfuura pane anotevera?

Taura nemubereki wako asara. Kunyange iyi iri nguva yakaoma kumubereki wako asara, hapana mubvunzo kuti achiri kuda kukubatsira paunenge uchida kubatsirwa. Saka ita kuti mubereki wako asara azive manzwiro aunoita. Zviri pachena kuti kukurukura kwakadaro kuchaita kuti kurwadziwa kwaunoita kuti dzikirei uye kuchaita kuti uve pedyo naye.

Kuti zvikuitire nyore kutanga kukurukura, edza izvi: Nyora zvinhu zviviri kana zvitatu zvawaizoda kuziva nezvomubereki wako akashaya, zvadaro kumbira kuti ukurukure nemubereki wako asara chimwe chezvinhu izvi.e

․․․․․

Taura neshamwari dzepedyo. Bhaibheri rinotaura kuti shamwari dzechokwadi dzi“inoberekerwa kubatsira pakunenge kuine kutambudzika.” (Zvirevo 17:17) Alicia anoti, “Munhu wausingafungiri ndiye angangokubatsira. Saka usatya kutaura nezvazvo.” Ichokwadi kuti kukurukurirana kwadaro kungava kwakati omei, sezvo iwe neshamwari yako mungatamburira kuwana mashoko akakodzera okutaura. Asi, nokufamba kwenguva, kutaura nevamwe nezvokurwadziwa kwako kuchakubatsira. David, uyo aiva nemakore mapfumbamwe baba vake pavakafa nechirwere chemwoyo, anoyeuka kuti: “Ndakaramba ndakavharira manzwiro angu mukati. Kudai ndakanga ndataura nezvazvo, zvingadai zvakandibatsira kuva noutano hwakanaka. Ndingadai ndakatsungirira zviri nani.”

Taura naMwari. Zvichida uchanzwa zvitori nani pashure pokunge ‘wadurura mwoyo wako’ kuna Jehovha Mwari uchinyengetera. (Pisarema 62:8) Izvi hazvingoitirwi kuti unzwe zviri nani. Paunenge uchinyengetera, unenge uchiteterera “Mwari wokunyaradza kwose, anotinyaradza pakutambudzika kwedu kwose.”—2 VaKorinde 1:3, 4.

Imwe nzira iyo Mwari anonyaradza nayo kushandisa kwaanoita mudzimu wake mutsvene. Unogona kukupa “simba rinopfuura renguva dzose,” kuti utsungirire kurwadziwa kwaunoita. (2 VaKorinde 4:7) Mwari anopawo “kunyaradza kunobva muMagwaro.” (VaRoma 15:4) Saka kumbira Mwari mudzimu wake mutsvene, uye wana nguva yokuverenga mashoko anokurudzira ari muShoko rake, Bhaibheri. (2 VaTesaronika 2:16, 17) Zvingava zvakanaka kuti uchengete magwaro anonyanya kukukurudzira pari nyore kuawana.f

Kurwadziwa Kuchazombopera Here?

Kuchema kufirwa hakungoperi nezuva rimwe. Brianne uyo akafirwa naamai aine makore 16 anoti, “Hakusi chinhu chaunongosarudza kuti ‘handichadi kuti chiitike.’ Mamwe mazuva ndinongochema kusvika ndarara. Dzimwe nguva ndinoedza kusaisa pfungwa dzangu pakufirwa kwandakaita, asi pazvipikirwa zvaJehovha zvaakandichengetera kuti ndizonakidzwa nazvo pamwe naamai vangu muparadhiso.”

Bhaibheri rinovimbisa kuti muparadhiso yataurwa naBrianne, “rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve.” (Zvakazarurwa 21:3, 4) Ungaonawo kuti kufungisisa zvipikirwa zvakadaro kuchakubatsira kutsungirira kufirwa nomubereki kwawakaita.

Dzimwe nyaya dzinoti, “Vechiduku Vanobvunza Kuti” dzinogona kuwanikwa paIndaneti www.watchtower.org/ype

[Mashoko Omuzasi]

a Mazita ari munyaya ino akachinjwa.

b Kana zvakakuomera kupindura mibvunzo iyi iye zvino, ungaedza kuzozviita pava paye.

c Usafunga kuti unotofanira kuchema kuti uratidze kurwadziwa kwako. Vanhu vanoratidza kurwadziwa nenzira dzakasiyana-siyana. Chinokosha ndeichi: Ukanzwa misodzi yoti yenga yenga, ziva kuti ingava “nguva yokusvimha misodzi.”—Muparidzi 3:4.

d Kana pfungwa dzakadaro dzikaramba dzichikutambudza, taura manzwiro ako nemubereki asara kana kuti nemumwe munhu mukuru. Nokufamba kwenguva, zvinhu zvichakudzikamira.

e Kana wakarerwa nemubereki mumwe kana kuti nokuda kwezvimwewo zvikonzero usingagare uchionana nemubereki wako asara, ungataura nomumwe munhu akura.

f Vamwe vakanyaradzwa nemagwaro anotevera: Pisarema 34:18; 102:17; 147:3; Isaya 25:8; Johani 5:28, 29.

ZVOKUFUNGA NEZVAZVO

◼ Uchashandisa mazano api ari munyaya ino? ․․․․․

◼ Nyora pasi apa magwaro mashomanana achakunyaradza paunenge wava kuita sokuti wava kukurirwa nokurwadziwa. ․․․․․

[Bhokisi riri papeji 19]

ZVAKANAKA KUCHEMA . . . VAMWE VAKAMBOCHEMAWO!

Abrahamu—Genesisi 23:2.

Josefa—Genesisi 50:1.

Dhavhidhi—2 Samueri 1:11, 12; 18:33.

Mariya hanzvadzi yaRazaro—Johani 11:32, 33.

Jesu—Johani 11:35.

Mariya Magadharini—Johani 20:11.

[Bhokisi riri papeji 21]

MASHOKO KUMUBEREKI ASARA

Kuchema mudiwa wako kunorwadza chaizvo. Asi kwauya panguva iyo mwana wako ari kuyaruka anoda rubatsiro rwako. Ungamubatsira sei kutsungirira kurwadziwa kwake, asi usingakanganwi kwako?

Usavanza manzwiro aunoita. Mwana wako akadzidza zvinhu zvakawanda zvinokosha nokuona zvaunoita. Achadzidzawo kutsungirira kwaangaita kurwadziwa nokuona zvaunoita. Saka, usafunga kuti unofanira kuratidza mwana kuti wakasimba nokumuvanzira kurwadziwa kwose kwauri kuita. Izvi zvingangomudzidzisawo kuita saizvozvo. Pane kudaro, paunotaura nezvokurwadziwa kwako, anodzidza kuti zviri nani kutaura manzwiro ake pane kuavanza uye kuti hazvina kuipa kusuruvara, kuvhiringidzika, kana kuti kunyange kushatirwa.

Kurudzira mwana wako ari kuyaruka kutaura. Usingamumanikidzi, mukurudzire kutaura zviri mumwoyo make. Kana zvichiita sokuti haasi kuda, zvingava zvakanaka kuti mukurukure mose nyaya ino. Uyewo, taura nezvezvinhu zvinofadza zvakawanda zvaunoyeuka nezvemumwe wako akashaya. Bvuma kuti zvichange zvakakuomera kutsungirira. Kana mwana wako akanzwa uchitaura manzwiro aunoita zvichamubatsira kudzidza kuita saizvozvo.

Ziva zvaunokwanisa kuita nezvausingakwanisi. Zvinonzwisisika kuti unoda kutsigira nguva dzose mwana wako ari kuyaruka panguva ino yakaoma. Asi yeuka kuti, wakavhiringidzwa zvikuru nokufirwa nomumwe wako wawaida. Saka, dzimwe nguva unganzwa pfungwa nemuviri zvakati netei. (Zvirevo 24:10) Naizvozvo, ungafanira kukumbira rubatsiro rwevamwe vomumhuri vakura neshamwari kuti vakutsigire. Kukumbira kubatsirwa kunoratidza kukura. Zvirevo 11:2 inoti: “Vane mwero ndivo vane uchenjeri.”

Kutsigirwa kwakanyanya kunaka kunobva kuna Jehovha Mwari pachake, uyo anovimbisa vanamati vake kuti: “Ini, Jehovha Mwari wako, ndakabata ruoko rwako rworudyi, Ndini ndiri kuti kwauri, ‘Usatya. Ini ndichakubatsira.’”—Isa. 41:13.

[Mufananidzo uri papeji 19]

Kurwadziwa kungaita semafungu anongoerekana ati kapa kumahombekombe

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe