Rudo Runokunda Kufungira Vamwe Zvisizvo
“Vanhu vechitendero chitsva vakavapo kekutanga muupenyu: vakanga vasiri boka raiona urudzi sechitendero, asi boka raizvipira, rakanga risingasaruri vamwe pamusana pezvavari, rudzi rwavo uye nyika yavo: vaiva varume nevakadzi vaiungana pamwe chete sevanhu, pamberi pamwari wavo.”—Bhuku rinonzi A History of Christianity, rakanyorwa naPaul Johnson.
CHIKRISTU chechokwadi zvachakapararira muUmambo hweRoma hwose, vanhu vakaona chimwe chinhu chaishamisa—boka revanhu vaibva munyika yose vainamata pamwe chete avo vakanga vadzidza kugara pamwe chete vaine rugare rwechokwadi uye vakabatana. Chaiita kuti “boka revanhu” vacho rive norugare rwaiva rudo rwechokwadi, rwaibva pamitemo yaidzidziswa naMwari, kwete pamafungiro avo.
Jesu akadzidzisa mitemo iyoyo achiita zvokuitaura uye kuita maererano nayo. Iye pachake aivengwa chaizvo uye aifungirwa zvisizvo. (1 Petro 2:21-23) Chimwe chaiita kuti avengwe ndechokuti aibva kuGarireya, uye vanhu vakawanda vokuGarireya vaiva varimi nevabati vehove, avo vaizvidzwa nevatungamiriri vechitendero chechiJudha vaiva kuJerusarema. (Johani 7:45-52) Uyewo, Jesu aiva mudzidzisi akanaka chaizvo zvokuti aidiwa uye airemekedzwa nevanhuwo zvavo. Vatungamiriri vechitendero vakamuitira shanje chaizvo pamusana peizvi zvokuti vakaparadzira nhema nezvake uye vakatoronga kumuuraya!—Mako 15:9, 10; Johani 9:16, 22; 11:45-53.
Asi Jesu haana ku“dzorera chakaipa nechakaipa.” (VaRoma 12:17) Somuenzaniso, vamwe vevaFarisi, nhengo dzeboka rechiJudha raishora Jesu, pavakaenda kunomubvunza mibvunzo yaibva pamwoyo, iye akavapindura nomutsa. (Johani 3:1-21) Akatodya nevaFarisi, kusanganisira mumwe akanga ambomufungira zvisizvo. Akanga amufungira zvisizvo sei? Mumazuva iwayo, kwaiva netsika yokugeza tsoka dzomueni; asi muFarisi akatadza kugeza tsoka dzaJesu. Jesu akagumbuka nazvo here? Kwete. Akatoshandisa manheru acho kudzidzisa chidzidzo chakanaka chaizvo chokunzwira vamwe tsitsi uye kuvakanganwira.—Ruka 7:36-50; 11:37.
Jesu Aida Vanhu Vaizvidzwa
Mumwe wemifananidzo yaJesu inonyanya kuzivikanwa ndeuya womuSamariya akanaka, unotaura nezvemuSamariya akashandisa zvinhu zvake kubatsira muJudha akanga arohwa uye abirwa. (Ruka 10:30-37) Nei zvakaitwa nomuSamariya iyeye zvakanga zvakanaka chaizvo? Muupenyu, vaJudha nevaSamariya vaizvidzana. Shoko rokuti “muSamariya” raitowanzoshandiswa nevaJudha seshoko rokuzvidza, iro rakatoshandisirwa Jesu pachake. (Johani 8:48) Nemamiriro ezvinhu akadaro, hapana mumwe muenzaniso wakasimba uyo Jesu angadai akashandisa kuratidza kuda muvakidzani pasina rusaruro.
Jesu akatsigira zvaaitaura nezvaaiita, achiporesa muSamariya aiva nemaperembudzi. (Ruka 17:11-19) Uyezve, akadzidzisa vamwe vaSamariya vaionga, akatokurukura kwenguva refu nomukadzi muSamariya. Ichi chiitiko chaishamisa chaizvo. (Johani 4:7-30, 39-42) Nei? Vanarabhi vechiJudha vaiomerera pamutemo vaisataura nemukadzi chero upi zvake pachena, kunyange hama yepedyo, zvino ndoda mukadzi muSamariya!
Zvisinei, Mwari anoona sei munhu anofungira vamwe zvisizvo asi ari kurwisa kuti akubvise mumwoyo make. Zvakare, Bhaibheri rinotipa mashoko anonyaradza panyaya yacho.
Mwari Anotishivirira
Pakutanga, vaKristu vakawanda vechiJudha vomuzana remakore rokutanga, vaikanganiswa nokufungira vemamwe marudzi zvisizvo. Kufungira zvisizvo ikoko kwakanga kwagara kuripo kwenguva refu. Zvino vakawanda vemamwe marudzi ivavo vakanga vava kuva vatendi. Jehovha Mwari akaitei kuti agadzirise dambudziko iri raigona kukonzera kusawirirana? Akadzidzisa ungano yechiKristu achishivirira. (Mabasa 15:1-5) Kushivirira ikoko kwakabatsira, nokuti sezvataurwa kwatangira nyaya ino, ‘vakanga vasingasaruri vamwe pamusana pezvavari, rudzi rwavo uye nyika yavo.’ Somugumisiro, “ungano dzakaramba dzichisimbiswa pakutenda uye dzichiwedzera vanhu vazhinji zuva nezuva.”—Mabasa 16:5.
Chidzidzo chacho ndechipi? Usakanda mapfumo pasi, asi ramba uchivimba naMwari, uyo anopa vaya ‘vanoramba vachikumbira vaine kutenda’ uchenjeri nesimba. (Jakobho 1:5, 6) Unoyeuka here Jennifer, Timothy, John, naOlga vataurwa munyaya yokutanga pane dziri kutaura nezvekusarura? Jennifer paakanga ava kuchikoro chesekondari, akanga asimba pakunamata uye akanga adzidza kusava nebasa nemashoko okunyomba orusaruraganda uye zvaitaurwa nezvokupfupika kwake. Pashure penguva pfupi, mumwe musikana paakanyombwa nevomukirasi make, Jennifer akamudzivirira, akamunyaradza.
Chii chakabatsira Timothy kuramba achizvidzora vadzidzi vepachikoro chake pavakamunyomba nemashoko orusaruraganda? Anoti: “Ndaityira kuti zita raJehovha Mwari ringashorwa. Uyewo ndakaramba ndichiyeuka kuti tinofanira ‘kuramba tichikunda zvakaipa nezvakanaka,’ tosaita kuti zvakaipa zvitikunde.”—VaRoma 12:21.
John akazorega kufungira zvisizvo mumwe wake waaidzidza naye wedzinza reHausa. Anoyeuka kuti, “Pandaiyaruka, ndakasangana nevamwe vadzidzi vedzinza reHausa vakazova shamwari dzangu. Ndakashanda nemumwe mudzidzi wedzinza reHausa pane chimwe chirongwa chokuchikoro uye takashanda zvakanaka chaizvo. Iye zvino ndinoedza kuona vanhu sezvavari, kwete kuti ndevedzinza ripi.”
Olga nemumwe wake waaiita naye basa roumishinari havana kubvunda nokutya pavakatambudzwa nevashori vavo vaivavenga, asi vakaramba vakashinga, vaine chivimbo chokuti vamwe vanhu vaizoonga shoko reBhaibheri. Vazhinji vakadaro. Olga anoti, “Kwapera makore 50, mumwe murume akauya akandipa kabhegi kekubereka kakanaka chaizvo. Kaiva nematombo akanga akanyorwa unhu hwechiKristu, hwakadai sorunako, mutsa, rudo, uye rugare. Akabva andiudza kuti aiva mumwe wevakomana vakanga vandikandira matombo uye kuti zvino akanga ava hama yangu yechiKristu. Iye nemudzimai wake vakabva vandipa maruva machena anokwana 24 kuwedzera kukabhegi kaiva nematombo.”
Pakunenge Kusisina Kufungira Vamwe Zvisizvo Norusaruro!
Munguva pfupi, kufungira vamwe zvisizvo norusaruro zvichange zvisisipo. Zvichaitika sei? Kutanga, nyika ichange ine Mutongi mumwe chete, Jesu Kristu, uyo akaratidza kuti “haazotongi nokungoona chete nemaziso ake.” (Isaya 11:1-5) Uyezve, vanhu vanenge vachitongwa naJesu vari panyika vacharatidza zvakakwana mafungiro ake, nokuti vose vanenge vadzidziswa naye uye naBaba vake, Jehovha Mwari.—Isaya 11:9.
Kudzidziswa ikoko naJesu uye naMwari kuri kutoitwa iye zvino, kuchiita kuti vanhu vaMwari vagadzirire kurarama mumamiriro ezvinhu matsva. Saka tinokukurudzira kuti ubatsirwe neurongwa hwausingabhadhari hwokudzidziswa Bhaibheri uri woga.a Chokwadi, Mwari haasaruri; anoda kuti vanhu vemarudzi ose “vaponeswe uye vasvike pakuva nezivo yakarurama pamusoro pechokwadi.”—1 Timoti 2:3, 4.
[Mashoko Omuzasi]
a Kana ungada kudzidziswa Bhaibheri usingabhadhari, panguva nenzvimbo zvakakunakira, onana neungano yeZvapupu zvaJehovha yekwaunogara kana kuti fonera rimwe remapazi akanyorwa papeji 5. Kana kuti tumira chikumbiro chako kuZvapupu zvaJehovha paIndaneti pawww.watchtower.org.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 16]
Munguva pfupi, kufungira vamwe zvisizvo norusaruro zvichange zvisisaonesi vanhu ndondo
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 17]
ZVINODIWA NAMWARI ZVOKUTEVEDZERA MUUPENYU
◼ “Musadzorera chakaipa nechakaipa kuna ani naani zvake. . . . Ramba uchikunda zvakaipa nezvakanaka.” (VaRoma 12:17-21) Tinodzidzei parugwaro urwu? Tinodzidza kuti vamwe pavanotiitira zvakaipa isu tinofanira kuvaitira zvakanaka. Jesu Kristu akati, “Vakandivenga pasina chikonzero.” Asi, iye haana kuvavengawo.—Johani 15:25.
◼ “Ngatiregei kuzvikudza, . . . tichiitirana shanje.” (VaGaratiya 5:26) Shanje norudado rusina kukodzera zvinokuvadza pakunamata, zvichiguma nokuvengana uye kufungira vamwe zvisizvo.—Mako 7:20-23.
◼ “Naizvozvo, zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo saizvozvo.” (Mateu 7:12) Zvibvunze kuti, ‘Ndinoda kubatwa sei?’ Itirawo vamwe saizvozvo, pasinei nezera ravo, ruvara rweganda, mutauro, kana kuti tsika.
◼ “Zaruriranai mwoyo yenyu sezvo Kristu akakuzarurirai mwoyo wake.” (VaRoma 15:7, Phillips) Unoedza kuziva vanhu vane tsika uye mamiriro ezvinhu akasiyana neako here, kunyanya kana vari vaya vaunonamata navo?—2 VaKorinde 6:11.
◼ “Kunyange kana baba vangu naamai vangu vaizondisiya, Jehovha aizonditora.” (Pisarema 27:10) Zvisinei nokuti vamwe vangakubata sei, Mwari haazombokusiyi kana ukaramba wakavimbika kwaari.
[Mufananidzo uri papeji 15]
MuSamariya akanaka anobatsira muJudha akanga abirwa