Ungawana Mhinduro Kupi?
CHIMWE chinangwa chezvitendero ndechokudzidzisa vanhu chinangwa choupenyu. Asi vanhu vakawanda vakaona kuti zvinodzidziswa nechitendero chavo hazvina kugutsa chido chavo chokunamata. Denise, akarerwa ari muKaturike anoyeuka kuti: “Katekisimo yokuBaltimore ine mubvunzo wokuti, ‘Mwari akatisikirei?’ nemhinduro yokuti, ‘Mwari akatisika kuti tiratidze kunaka kwake uye kuti tifare nokusingaperi pamwe naye kudenga.’
Denise akaenderera mberi achiti, “Izvozvo hazvina kundipa chikonzero chakajeka nei ndiri panyika. Kana ndichingomirira kuenda kudenga, ndinofanira kunge ndichiitei iye zvino?” Vanhu vakawanda vane mafungiro akaita seaDenise. Kumwe kutsvakurudza kwakaitwa kwakaratidza kuti vanhu vakabvunzwa vanokwana zvikamu zviviri pazvitatu zvoga zvoga vanofunga kuti machechi akawanda nemasinagogi haasi kubatsira vanhu kuziva chinangwa choupenyu.
Izvi zvinoita kuti vakawanda vatsvake mhinduro kumwe—kusayenzi kana kuti kuuzivi hunonzi kuva nounhu hwakanaka, pfungwa yokuti upenyu netsika hazvina basa, pfungwa yokuti zvinhu zvakasikwa hazvina basa, uye kuti munhu ngaazvisarudzire. Nei vanhu vachiramba vachitsvaka, kunyange zvazvo vashomanana vachiita sevanosvika pakugutsikana?
Vanoberekwa Vachida Kunamata
Purofesa Kevin S. Seybold anoti ichi “chido chiri muvanhu vose chokunamata chimwe chinhu.” Mumakore achangopfuura, vezvesayenzi vakawanda vakasvika pakuti chokwadi vanhu vanoberekwa vaine chido chokutsvaka chinangwa choupenyu chinokosha. Vamwe vanotofunga kuti maumbirwo akaita vanhu uye maitiro avo zvinoratidza kuti vakasikwa vaine chido chokuva noukama nomumwe ane masimba kuvapfuura.
Kunyange zvazvo vanhu vanonzi vakadzidza vachikakavadzana panyaya yechido chokunamata, vanhu vakawanda havadi havo kuita zvokuudzwa nevanhu ava kuti vatende kuti vane chido chacho. Chido chedu chokunamata ndicho chinomutsa mupfungwa dzedu mibvunzo inonzi nevamwe ndiyo inokosha yakadai seyokuti: Nei tiri panyika? Tinofanira kuitei noupenyu hwedu? Tinozvidavirira here kuMusiki ane masimba ose?
Kana ukatsvaka nguva yokuti unyatsoongorora zvinhu zvakasikwa zvakatipoteredza, uchawana dzimwe mhinduro dzemibvunzo iyi. Somuenzaniso, funga nezvezvinhu zvakasikwa zvinoti ukazvifunga zvinotemesa musoro, kubvira patupuka twune sero rimwe kusvika kumakwara enzou ari kure kure. Hazvitiratidzi here kuti pane Mugadziri, kana kuti Musiki akangwara? Bhaibheri rinoti: “Nokuti izvo zvaari zvisingaoneki, iro simba rake risingagumi nokuva kwake Mwari, zvinonyatsooneka kubvira pakasikwa nyika, nokuti zvinonzwisiswa panoonekwa zvinhu zvakaitwa, zvokuti havana chokuzvipembedza nacho.”—VaRoma 1:20.
Gutsa Chido Chako Chokunamata
Richitaura nezvokusika vanhu kwakaita Mwari, Bhaibheri rinoti: “Akaisa mupfungwa dzavo pfungwa yokurarama nokusingaperi.” (Muparidzi 3:11, Byington) Tinoberekwa tiine chido chokurarama, kwete chokufa. Tinoda kuziva chinangwa choupenyu, tinoda mhinduro dzemibvunzo.
Chokwadi, kunzi tinzi tiri vanhu tinofanira kutsvaka mhinduro dzemibvunzo. Mumwe munyori weThe Wall Street Journal, aona kubudirira kwevanhu mune zvesayenzi uye kugadzira zvinhu, akanyora kuti: “Tichiri nemibvunzo yokuti tinombova vanaani, nei tiri panyika, uye tiri kumboendepi?” Tichava vakangwara kana tikaziva kwakanyanya kunaka kwokutsvaka mhinduro. Bhaibheri rinotaura kuti ndokupi ikoko, richiti: “[Mwari] akatisika, kwete isu pachedu.”—Pisarema 100:3.
Kuti tigutse chido chedu chokunamata, hazvina musoro here kuti titsvake kubatsirwa naIye akasika zvinhu zvinoshamisa? Jesu Kristu akakurudzira kuti tiite izvozvo. Aiziva kuti Musiki wedu, iye chete anopa upenyu, ndiye anogona kugutsa chido chedu chokunamata.—Pisarema 36:5, 9; Mateu 5:3, 6.
Kutaura zvazviri, kuwana mhinduro yechokwadi yomubvunzo wokuti Nei tiri panyika? kunokosha kana tichizogutsa chido chedu chokunamata. Tapota funga nezvemaonero anofadza anoita Musiki wedu nyaya iyi.