RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g09 January pp. 6-9
  • Chikonzero Chokuva Panyika

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chikonzero Chokuva Panyika
  • Mukai!—2009
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvakasikirwa Nyika naMwari
  • Mwari Achazadzika Chinangwa Chake—Sei?
  • Kuva Noupenyu Hune Chinangwa
  • Donzo Chairoiro Roupenyu
    Mukai!—1992
  • Zvii Zvakaitwa naMwari?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2019
  • Unogona Kurarama Nekusingaperi Panyika
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2018
  • “Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva”
    “Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva”
Ona Zvimwe
Mukai!—2009
g09 January pp. 6-9

Chikonzero Chokuva Panyika

BHAIBHERI rinoratidza kuti Musiki wedu, Jehovha Mwari, haamboiti zvisina chinangwa. Somuenzaniso, funga nezvokusika kwaakaita kutenderera kunoita mvura panyika. Kutenderera ikoko kunoita kuti panyika pave noupenyu. Bhaibheri rinotaura izvozvo richidetemba, asi zvakarurama richiti: “Nzizi dzose dzinoyerera dzichienda kugungwa, asi gungwa harimbozari. Kunobva nzizi, ndiko kwadzinodzokerazve.”—Muparidzi 1:7, New International Version.

Bhaibheri rinoti zvipikirwa zvaMwari zvakavimbika sokutenderera kunoita mvura kwatsanangurwa pamusoro apa. Sokuziva kwatinoita iye zvino, kupisa kwezuva kunoita kuti mvura isimuke mumakungwa, munyanza, mumadhamu, yozonaya panyika. Jehovha anotaura nezvokutenderera kwemvura uku otsanangura kuti: “Ndizvo zvichaita shoko rangu rinobuda mumuromo mangu. Harizodzoki kwandiri risina zvaraita, asi richaita zvandinofarira, uye richabudirira pane zvandinoritumira.”—Isaya 55:10, 11.

Mvura yakachena inodzoka panyika ichibva mumakore kuti izotsigira upenyu. Saizvozvowo, ‘shoko rinobuda mumuromo maMwari’ rinokwanisa kugutsa chido chedu chokunamata. Zvakaita sezvakatsanangurwa naJesu Kristu pachake, kuti: “Munhu haangararami nechingwa chete, asi nemashoko ose anobuda mumuromo maJehovha.”—Mateu 4:4.

Kudzidza nezvaMwari kunoita kuti tikwanise kuita kuti upenyu hwedu huenderane nechinangwa chake. Asi tisati taita izvozvo, tinofanira kunzwisisa chinangwa chaMwari. Somuenzaniso, Mwari akasikirei nyika? Zvaakasikira nyika zvinei nesu? Ngationei.

Zvakasikirwa Nyika naMwari

Mwari akaisa murume nomukadzi vokutanga, Adhamu naEvha, muparadhiso muEdheni, nokuti aida kuti vave nezvakanaka zvoga zvoga. Akabva avarayira kuti vave nevana, achiti: “Berekai muwande, muzadze nyika, muikurire, muve nesimba pahove dzegungwa nepazvisikwa zvinobhururuka zvokumatenga nepazvisikwa zvose zvipenyu zvinofamba panyika.”—Genesisi 1:26-28; 2:8, 9, 15.

Kubva pamirayiro iyi tingagumisa kuti chii? Hazvisi pachena here kuti Mwari aida kuti nyika yose igadzirwe kuva musha wevanhu weparadhiso? Shoko rake rinoti: “Kana ari matenga, matenga ndeaJehovha, asi nyika akaipa vanakomana vevanhu.”—Pisarema 115:16.

Asi kuti vanhu vabatsirwe nechinangwa chaMwari, kuti vanakidzwe nokusingaperi vari panyika, vaifanira kukudza Jehovha nokumuteerera. Asi Adhamu akaita izvozvo here? Aiwa, akatadza nokusateerera Mwari. Zvikaguma nei? Vana vose vaAdhamu, kusanganisira tose zvedu nhasi, takapiwa chivi norufu, sezvinotaura Bhaibheri, kuti: “Chivi zvachakapinda munyika nomunhu mumwe chete uye rufu zvarwakapinda nechivi, saizvozvowo rufu rwakapararira kuvanhu vose nokuti vose vakanga vatadza.”—VaRoma 5:12.

Saka vanhu vose vanofa uye nyika haisati yagadzirwa kuti yose ive paradhiso. Zvino tingati here Mwari zvaaida kuti nyika ive zvakachinja?

Aiwa, yeuka kuti Mwari akati: ‘Shoko rangu rinobuda mumuromo mangu harizodzoki kwandiri risina zvaraita, asi richabudirira pane zvandinoritumira.’ Uyezve, Mwari akapikira kuti: “Ndichaita zvinhu zvose zvandinofarira.” (Isaya 45:18; 46:10; 55:11) Zvinofarirwa naMwari, zvaanoda, ndezvokuti nyika yose ive paradhiso ine vanhu vanomushumira vachifara nokusingaperi, sezvaaida pakutanga chaipo.—Pisarema 37:29; Isaya 35:5, 6; 65:21-24; Zvakazarurwa 21:3, 4.

Mwari Achazadzika Chinangwa Chake—Sei?

Jehovha akaratidza uchenjeri norudo zvisina zvinozvipfuura. Akaita izvi nokuita kuti vanhu vasunungurwe muchivi chavakapiwa nemigumisiro yacho, kusakwana uye rufu. Izvozvo akazviita nokuita kuti paberekwe mwanakomana aisazova nechivi chakapiwa vamwe vose nomunhu wokutanga, Adhamu. Zvakaitwa izvi zvinonzi rudzikinuro. Mwari akapa rudzikinuro kuti vanhu vanorarama maererano nezvaanoda vawane upenyu husingaperi. (Mateu 20:28; VaEfeso 1:7; 1 Timoti 2:5, 6) Rudzikinuro rwakapiwa sei?

Ngirozi yaMwari inonzi Gabrieri yakazivisa imwe mhandara yainzi Mariya kuti yaizobereka mwana zvinoshamisa. Yakatsanangura kubereka kwaaizoita mwana wacho kunyange zvazvo Mariya akanga a“siri kurara nomurume.” Chishamiso chakaitwa naMwari chaiva chokutamisa upenyu hwoMwanakomana wake wedangwe kubva kudenga kwaaiva kuenda muzai raiva muchibereko chaMariya. Saka akava nepamuviri pachishandiswa mudzimu mutsvene waMwari.—Ruka 1:26-35.

Jesu akazoberekwa papera mwedzi mipfumbamwe somunhu akakwana, akanga akangoita somunhu wokutanga, Adhamu. Akura, akazobayira upenyu hwake hwakakwana paakafa. Nokuita izvozvo, Jesu akava ‘Adhamu wechipiri’ akabva aita kuti vose vaya vakatendeka kuna Mwari vadzikinurwe muchivi norufu.—1 VaKorinde 15:45, 47.

Chokwadi tinofanira kuda Mwari pamusana pokutida chaizvo kwaakaita! Sokutaura kunoita Bhaibheri, “Mwari akada nyika kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.” (Johani 3:16) Mubvunzo zvino ndewokuti, Tichaita sei nokudiwa kwatakaitwa naMwari? Hatifaniri kuonga chipo chake here? Funga nezvevamwe vakamuonga saizvozvo.

Kuva Noupenyu Hune Chinangwa

Denise ataurwa munyaya yapfuura, akaona kuti kukudza Mwari nokuteerera mitemo yake uye zvaanorayira zvakaita kuti upenyu hwake huve nechinangwa. Anorondedzera kuti: “Ndakadzidza muBhaibheri kuti Mwari haangovi nechinangwa chaachaitira vanhu munguva yemberi, asi ane basa chairo raanoda kuti vanomunamata vaite. Handioni paine humwe upenyu hunogutsa kupfuura kushandisa chipo chokuzvisarudzira chandakapiwa naMwari kuti ndimurumbidze nokurarama maererano nechinangwa chake.”

Tingaitawo saizvozvo nokudzidza zvinodiwa naMwari tozviita. Chokwadi, chibayiro chorudzikinuro, icho chichaita kuti tive vanhu vakakwana munyika itsva yakarurama, hachisati chatibatsira zvizere. Asi iye zvino, tinofanira kukurumidza kugutsa chido chokunamata chakaiswa matiri naMwari.

Dave, ataurwa munyaya yokutanga ndemumwe akazogutsa chido chake chokunamata. Akawana mhinduro dzemibvunzo yake yechinangwa choupenyu. Anoti, “Ndikatarira shure, ndinoona zvandaiita muupenyu hwangu ndisati ndadzidza nezvechinangwa chaMwari sezvinhu zvisina zvazvaibatsira. Ndaisazviziva panguva iyoyo, asi kusava nematuro kwandainzwa, chokwadi kwaikonzerwa nokusagutsa chido chokunamata. Iye zvino handichanzwi saizvozvo. Ndinonzwisisa nei ndiri panyika uye zvandinofanira kunge ndichiita noupenyu hwangu.”

Chokwadi, maonero anoita Mwari chinangwa choupenyu, sokutaurwa kwachinoitwa muBhaibheri, anogutsa chaizvo. Iwo akasiyana nemafungiro evanhu vanotadza. Tiri panyika pamusana pechinangwa chaJehovha chaakatisikira, chokuti tirumbidze zita rake, tive noukama hwakanaka naye, tobva tagutsa chido chokumunamata. Tinogona kunakidzwa iye zvino uye nokusingaperi nokuzadzika kwemashoko akafuridzirwa anoti: “Vanofara vanhu avo Mwari wavo ari Jehovha!”—Pisarema 144:15.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 8]

DAMBUDZIKO ROKUTAMBURA

Kutambura kunonzi ndechimwe chezvipingamupinyi zvikuru zvinoita kuti kunzwisisa chikonzero chokuva panyika kuve kwakaoma. Viktor Frankl akati: “Kana upenyu huchitongova nechinangwa, saka kutambura kunofanirawo kuva nechinangwa. Kutambura chinhu chatisingagoni kubvisa muupenyu, sezvakangoitawo kutemerwa zvichaitika uye kufa.”

Bhaibheri rinotsanangura chikonzero chokutambura uye kufa. Hazvikonzerwi naMwari. Asi, izvi zvakakonzerwa noumbimbindoga hunokuvadza hwevanhu vaviri vokutanga vakasarudza kusiya Musiki wavo. Kungoda kutadza uku kwakavawo muvana vavo vose uye ndiko kunokonzera kutambura.

Kunyange zvazvo kunzwisisa chikonzero chokuva kwedu panyika kusingapedzi matambudziko ose oupenyu, kunobatsira kuti tiatsungirire. Uyewo, tinova netariro yeramangwana, Mwari paachabvisa kutambura uye kufa nokusingaperi.

[Dhaigramu/Mufananidzo uri papeji 7]

Bhaibheri rinoti kuvimbika kwezvipikirwa zvaMwari kwakaita sokutenderera kwemvura kunoshamisa

[Dhaigramu]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

Kunaya kwemvura

Kusimuka kwemvura

Kusimuka kwemvura

Madhamu, nzizi

Makungwa

[Mufananidzo uri papeji 8, 9]

Nei tingava nechokwadi chokuti munguva yakakodzera, nyika ichava paradhiso izere nevanhu vanofara, vakagwinya?

[Mufananidzo uri papeji 9]

‘Handioni paine humwe upenyu hunogutsa kupfuura kushandisa chipo changu chokuzvisarudzira kushumira Mwari.’​—Denise

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe