Nei Tiri Panyika?
Chinangwa choupenyu ndechei?
PAMIBVUNZO inowanzobvunzwa iri pamusoro apa, vakawanda vangawedzera mumwe wokuti: Pane chimwe chatingatarisira here kunze kwokungorarama nguva pfupi yemakore 70 kana kuti 80 tobva tafa?—Pisarema 90:9, 10.
Zvimwe tinonyanya kubvunza mibvunzo iyi patinoona kuti upenyu hwedu hupfupi chaizvo. Chokwadi, hatifaniri hedu kumirira kuti upenyu hwedu huve pamutanhiko kuti tizobvunza nei tiri panyika. Kuora mwoyo kungamutsawo mubvunzo wacho. Vamwe vanoubvunza pavanofunga nezvemararamiro avo.
Dave aiva nebasa rine mari, imba yakanaka, uye aifarira kusharanganya neshamwari dzake dzakawanda. Anorondedzera kuti: “Humwe usiku pandaibva kupati ndichienda kumba, ndakangoerekana ndazvibvunza kuti ‘Ndizvo chete zvokuraramira here izvi?—Ndichangorarama nguva pfupi ndobva ndafa here? Kana kuti pane zvimwe here?’ Chakandinetsa kusava nematuro kwoupenyu hwangu panguva yacho.”
Viktor Frankl anotaura mubhuku rake rinonzi Man’s Search for Meaning, kuti vamwe vake vaakapona navo pakutsakatiswa kwevanhu neNazi vakazvibvunza mubvunzo iwoyo pashure pokusunungurwa mumisasa yevasungwa. Vadzoka kumba, vamwe vavo vakawana vadiwa vavo vatsakatika. Frankl akanyora kuti: “Tine urombo nevaya vaifarira kusunungurwa, vakazoona upenyu husiri sezvavaitarisira!”
Vaya Vanobvunza Mubvunzo Wacho
Mubvunzo wokuti nei tiri panyika wave uchibvunzwa nevanhu vezvizvarwa zvose. Bhaibheri rinotaura nezvevanhu vaida kuziva nezvechinangwa choupenyu hwavo. Murume ainzi Jobho, arasikirwa nepfuma yake, vana vake vafa, uye achirwara chaizvo, akabvunza kuti: “Nei ndisina kufira muchibereko? Nei ndisina kubuda mudumbu ndichibva ndafa?”—Jobho 3:11.
Muprofita Eriya ainzwawo saizvozvo. Paaifunga kuti ndiye munamati waMwari akanga asara chete, akachema-chema achiti: “Zvakwana! Zvino, haiwa Jehovha, chiurayai henyu mweya wangu.” (1 Madzimambo 19:4) Vanhu vakawanda chaizvo vanonzwawo saizvozvo. Zvechokwadi, Bhaibheri rinorondedzera Eriya so“munhu aiva nemanzwiro akafanana needu.”—Jakobho 5:17.
Rwendo Rwoupenyu Runobudirira
Kakawanda upenyu hunonzi hwakaita sorwendo. Sezvo ungatanga kungofamba usina chaiko kwawakananga, saizvozvowo ungararama upenyu hwako usina chinangwa chaicho. Kana ukadaro, unova pangozi yokuita “chipatapata” muupenyu, sokutaura kwakaita mumwe munyori. Akanyora nezvevaya “vanokunda asi zvisina zvazvinovabatsira, vaya vanobudirira asi vachizoona kuti vakarasikirwa nezvinhu zvaikosha kupfuura kubudirira kwavakaita.”
Haubvumi here kuti kumhanya chaizvo parwendo asi takananga kusiko hakuna zvakunobatsira? Saizvozvowo, kutsvaka chinangwa choupenyu nokungoita “chipatapata” kuchaita kuti tisafara, tisagutsikana zvechokwadi.
Vanhu vemazera ose nevetsika dzose vanoda kuziva nei tiri panyika. Izvi zvinokonzerwa nechido chatinacho tose zvedu, chido chokunamata. Kunyange kana tikava nezvimwe zvinhu, chido ichocho chinoramba chiripo. Ona kuti vamwe vakaedza sei kugutsa chido ichi pavaitsvaka chinangwa choupenyu.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 4]
Kutsvaka chinangwa choupenyu nokungoita “chipatapata” kuchaita kuti tisafara, tisagutsikana zvechokwadi
[Mufananidzo uri papeji 3]
Jobho akabvunza nei akanga aberekwa
[Mufananidzo uri papeji 4]
Eriya “aiva nemanzwiro akafanana needu”