Ungapindura Sei?
Zvakaitikira Kupi?
1. Jesu akakwira kudenga achibva panzvimbo ipi?
ZVINGANGOKUBATSIRA: Verenga Mabasa 1:6-12.
Tenderedza mhinduro yako pamepu.
Gomo reKameri
Gomo reGerizimu
Gomo reMiorivhi
Hebroni
◼ Nguva pfupi Jesu asati akwira kudenga, vadzidzi vake vakamubvunza nezvei?
․․․․․
◼ Jesu akati vadzidzi vake vaizoitei?
․․․․․
ZVOKUKURUKURIRANA:
Mashoko engirozi ari pana Mabasa 1:11 akazadzika sei? Ungaitei kuti uitewo basa rakapiwa vadzidzi naJesu, sezvakanyorwa pana Mabasa 1:8?
Zviri Mumagazini Ino
Pindura mibvunzo iyi, uye nyora ndima dzeBhaibheri dzisipo.
PEJI 4 Bhaibheri rinotsanangura sei Eriya? Jakobho 5:________
PEJI 7 Munhu anofanira kurarama nei? Mateu 4:________
PEJI 20 Tinofanira kuitei nokuzvidya mwoyo kwedu kwose? 1 Petro 5:_________
PEJI 24 Munhu anoda mari haazomboitei? Muparidzi 5:_________
PEJI 27 Ndivanaani vachafara? Mateu 5:_________
Ndivanaani Vaiva Mudzinza raJesu?
Ona zvimwe zvingangokubatsira. Tarisa magwaro. Wadaro ibva wanyora mazita akarurama munzvimbo dziripo.
2. ․․․․․
ZVINGANGOKUBATSIRA: Pandaitonga, Hirikiya akawana “bhuku romutemo waJehovha wakapiwa pachishandiswa Mosesi.”
Verenga 2 Makoronike 34:1, 14.
3. ․․․․․
ZVINGANGOKUBATSIRA: Ndini ndaiva gavhuna wokutanga wevaJudha vakadzoka kuIsraeri vachibva kuBhabhironi.
Verenga Hagai 1:14.
4. ․․․․․
ZVINGANGOKUBATSIRA: Ndaiita basa rokuveza.
Verenga Mateu 1:16; 13:55.
Mhinduro
1. PaGomo reMiorivhi.
◼ Vakabvunza nguva yaizodzorera Jesu Umambo.
◼ Jesu akati vadzidzi vake vaizopupura nezvake kusvikira kurutivi ruri kure kwazvo rwenyika.
2. Josiya.—Mateu 1:10.
3. Zerubhabheri.—Mateu 1:12.
4. Josefa.—Mateu 1:16.