RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g08 July pp. 4-5
  • Kurera Vana Vachiri Kuyaruka—Kubatsira Kunoita Kunzwisisa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kurera Vana Vachiri Kuyaruka—Kubatsira Kunoita Kunzwisisa
  • Mukai!—2008
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvavanoita Zvinokonzerwa Nei?
  • Kurera Vana Vachiri Kuyaruka—Basa Rinoda Uchenjeri
    Mukai!—2008
  • Vechiduku Vane Matambudziko Api?
    Mukai!—2009
  • Kubatsira Vaduku Vanhasi
    Mukai!—2005
  • “Mwana Wangu Aita Sei?”
    Mukai!—2008
Ona Zvimwe
Mukai!—2008
g08 July pp. 4-5

Kurera Vana Vachiri Kuyaruka—Kubatsira Kunoita Kunzwisisa

Ngatitii uri kushanyira imwe nyika uye haugoni mutauro weko. Hapana mubvunzo kuti zvingava zvakaoma kuti ukurukure nevamwe—asi hazvirevi kuti haugoni kukurukura navo. Somuenzaniso duramazwi romutauro weko ringakubatsira kudzidza mashoko anokosha omutauro wacho. Kana kuti mumwe munhu anogona kuturikira kuti vamwe vakunzwisise uye kuti uvanzwisisewo.

VABEREKI vari kurera vana vari kuyaruka vanganzwawo saizvozvi pane dzimwe nguva. Kungofanana nomumwe mutauro, zvinoitwa nevari kuyaruka zvingava zvakaoma asi zvichinzwisisika. Chinhu chinokosha ndechokuti vabereki vaedze kunzwisisa zvinenge zvichiitika panguva iyi yokuyaruka inombonakidza asi inowanzovhiringidza.

Zvavanoita Zvinokonzerwa Nei?

Kuda kunoita wechiduku kuzvimiririra nguva dzose hachisi chiratidzo chokupandukira. Yeuka kuti Bhaibheri rinobvuma kuti nokufamba kwenguva, “murume achasiya baba vake naamai vake.” (Genesisi 2:24) Kuti vagadzirire mitoro mikuru kana vakura, vechiduku vanofanira kumbodzidzira kusarudza zvinhu voga.

Ngationei zvingave zvichikonzera maitiro akaonekwa nevabereki vakataurwa munyaya yapfuura.

Lia, wekuBritain akati: “Mwanakomana wangu akaerekana ava chandagwinyira uye akanyanya kusava nechokwadi nesimba redu sevabereki.”

Kufanana netuvana tuduku, vachiri kuyaruka vanodzokorora kubvunza kuti, “Nei?” Kusiyana nezvavaiita vari vaduku, parizvino mhinduro pfupi ingasavagutsa. Nei zvingasavagutsa? Muapostora Pauro akanyora kuti: “Pandaiva mucheche, . . . ndairangarira somucheche.” (1 VaKorinde 13:11) Vechiduku pavanonatsiridza mano avo okufunga, vanoda kunyatsotsanangurirwa kuitira kuti “simba ravo rokunzwisisa rirovedzwe.”—VaHebheru 5:14.

John wekuGhana, akati: “Vanasikana vedu vakatanga kunyanya kusagadzikana, zvikurukuru pamusoro pechitarisiko chavo.”

Kunyange kuchinja kunoitika pakuyaruka kukakurumidza kuitika, kukaitika pava paya kana kuti panguva chaiyo, kunoita kuti vechiduku vakawanda vanyanyopedza nguva vachifunga nezvechitarisiko chavo. Vasikana vakawanda vangafarira kuchinja kunenge kwaita chitarisiko chavo kana kuti vangasazvifarira—kana kuti zvose zvinoitika. Nokuti vanenge vachifunga nezvemapundu okumeso uye kupoda poda, saka zviri nyore kuona kuti nei vachiri kuyaruka vachipedza nguva yakawanda vari pagirazi kupfuura yavanopedza vachiverenga.

Daniel wekuPhilippines akatsanangura kuti: “Vana vedu vaida kuvanza zvavaiita uye vaida kuita zvinhu pasina vamwe. Kazhinji kacho vaida kuva neshamwari dzavo pane kuva nesu.”

Zvingava nengozi kuita zvinhu muchivande. (VaEfeso 5:12) Zvisinei, izvi zvakasiyana nokuita zvinhu uri woga. Jesu akatoona zvichikosha kutsvaka “nzvimbo yakanga isina vanhu kuti ave oga.” (Mateu 14:13) Pavanokura, vechiduku vanodawo kusununguka uye vanoda kuti vakuru varemekedze rusununguko irworwo. Kumbova voga kunobatsira vechiduku kuti vadzidze kufunga—unyanzvi hunokosha huchavabatsira zvakanaka kana vakura.

Saizvozvowo, munhu paanenge achikura anodzidza kushamwaridzana nevamwe. Chokwadi, “ushamwari hwakaipa hunoshatisa tsika dzinobatsira.” (1 VaKorinde 15:33) Zvisinei, panguva imwe chete, zvakaita sezvinotaurwa neBhaibheri kuti: “Shamwari yechokwadi ine rudo nguva dzose, uye ihama inoberekerwa kubatsira pakunenge kuine kutambudzika.” (Zvirevo 17:17) Kudzidza kuumba uye kuchengetedza ushamwari hwakanaka unyanzvi hunokosha hunoramba huripo kusvika munhu akura.

Kana vasangana nechimwe chezviri pamusoro apa, vabereki vangaita zvakanaka kuti vawane nzwisiso kuitira kuti vasaone zvisiri izvo zvinoitwa nevana vavo vari kuyaruka. Kutaura zvazviri, kuwedzera pakunzwisisa kwavo, vabereki vanofanira kuva nouchenjeri, vachikwanisa kuita chimwe chinhu pamamiriro ezvinhu akati nenzira inobudisa migumisiro yakanaka. Vabereki vane vana vachiri kuyaruka vangazviita sei?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 5]

◼ Vechiduku pavanonatsiridza mano avo okufunga, vanoda kunyatsotsanangurirwa mitemo yemhuri

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe