RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g08 July pp. 3-4
  • “Mwana Wangu Aita Sei?”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Mwana Wangu Aita Sei?”
  • Mukai!—2008
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Uchenjeri uye Kunzwisisa
  • Kukurukura Nevana Vari Kuyaruka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Mibvunzo Inobvunzwa Nevabereki
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
  • Dzidzisai Vari Kuyaruka Zvichazovabatsira Kana Vakura
    Mukai!—2011
  • Kana Mwana Wako Ari Kuyaruka Asisina Chokwadi Nezvaunotenda
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
Ona Zvimwe
Mukai!—2008
g08 July pp. 3-4

“Mwana Wangu Aita Sei?”

Scott naSandraa vakashamisika mwanasikana wavo mukuru ane makore 15 paakapinda muimba yokutandarira. Bvudzi rake raimbova rebhurauni iye zvino rakanga rava dzvuku richitaimira! Chakatonyanya kuvashayisa romuromo kwaiva kukurukurirana kwavakazoita.

“Takakubvumira kuti udhaye bvudzi rako here?”

“Hamuna kumboti ndisadhaya bvudzi.”

“Nei usina kutibvunza?”

“Nokuti ndaiziva kuti maizondirambidza!”

SOKUBVUMA kunoita Scott naSandra, kuyaruka inguva yezvinetso kwete kune vechiduku chete asiwo kuvabereki vavo. Zvechokwadi, vabereki vakawanda vanowanikwa vasina kugadzirira zvachose kuchinja kukuru kunongoerekana kwaitika mwana paanotanga kuyaruka. Vamwe amai vokuCanada vanonzi Barbara vanoyeuka kuti, “Tisina zvataitarisira, mwanasikana wedu akachinja.” “Ndakanetseka kuti, ‘Mwana wangu aita sei?’ Zvaiita sokuti akanga atorwa isu takarara achibva achinjaniswa nomumwewo!”

Zvakaitika kuna Barbara hazvina kungoitika kwaari oga. Ona zvakaudzwa Awake! nevabereki vakasiyana-siyana pasi pose.

“Paakanga ava nemakore 17, mwanakomana wangu akaerekana ava chandagwinyira uye akanyanya kusava nechokwadi nesimba redu sevabereki.”—Lia, wekuBritain.

“Vanasikana vedu vakatanga kunyanya kusagadzikana, zvikurukuru pamusoro pechitarisiko chavo.”—John, wekuGhana.

“Mwanakomana wangu aida kuzvisarudzira zvokuita. Akanga asingadi kuudzwa zvokuita.”—Celine, wekuBrazil.

“Mwanasikana wedu akanga asisadi kuti timumbundire kana kumutsvoda.”—Andrew, wekuCanada.

“Vanakomana vedu vakatanga kuva ndurururani. Pane kuti vagamuchire zvataisarudza, ivo vaizvipikisa uye vaiita nharo nesu.”—Steve, wekuAustralia.

“Mwanasikana wangu aivanza manzwiro ake. Akanga ari zindoga, uye aindigumbukira pandaiedza kumuita kuti ataure manzwiro ake.”—Joanne, wekuMexico.

“Vana vedu vaida kuvanza zvavaiita uye vaida kuita zvinhu pasina vamwe. Kazhinji kacho vaida kuva neshamwari dzavo pane kuva nesu.”—Daniel, wekuPhilippines.

Kana uri mubereki ane mwana ari kuyaruka, ungaona kuti mashoko ari pamusoro apa unogona kuataurawo. Kana zvakadaro iva nechokwadi chokuti unogona kunzwisisa “mueni” uyu ari mumhuri yenyu, mwanakomana kana mwanasikana wako achiri kuyaruka. Bhaibheri rinogona kukubatsira. Sei?

Uchenjeri uye Kunzwisisa

Chirevo cheBhaibheri chinoti: “Wana uchenjeri, wana kunzwisisa.” (Zvirevo 4:5) Izvi zviviri zvinokosha kana uchibata nomunhu achiri kuyaruka. Kunzwisisa kunodiwa kuti usangotarira maitiro emwana wako chete asi kuti unzwisise zvaari kusangana nazvo. Uchenjeri hunodiwawo kuti unyatsobatsira mwana wako achiri kuyaruka kuti akure achiziva zvaanoita.

Usafunga kuti mwana wako haakudi pamusana bedzi pokuti ukama hwako naye hunoita sehusisiri hwapedyo. Chokwadi ndechokuti vachiri kuyaruka vanoda kubatsirwa nevabereki vavo panguva iyi inonetsa muupenyu. Uchenjeri nokunzwisisa zvinogona sei kukubatsira kuti uvatungamirire?

[Mashoko Omuzasi]

a Mazita ari munyaya dzino akachinjwa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe