Kurera Vana Vachiri Kuyaruka—Basa Rinoda Uchenjeri
“Tinoedza chaizvo kurayiridza mwanakomana nemwanasikana wedu, asi nguva dzose zvinoita sokuti tinenge tichivatuka. Dzimwe nguva tinonetseka kuti tiri kuita kuti vazvivimbe here kana kuti vasazvivimbe. Zvakaoma kuvarayiridza nenzira iri pakati nepakati.”—George naLauren, wekuAustralia.
HAZVISI nyore kurera mwana achiri kuyaruka. Pane kugadzirisa zvinetso zvitsva zvinenge zvakonzerwa nemwana, vabereki vangafanira kubata nokusuruvara kwavanonzwa pamusana pokukura kunoita mwanakomana kana kuti mwanasikana wavo. Vamwe baba vokuAustralia vanonzi Frank vanoti: “Tinosuruvara nokungoziva kuti rimwe zuva mwana wedu achaenda. Hazvisi nyore kubvuma kuti hauchadzori upenyu hwavo.”
Lia ambotaurwa mune imwe nyaya, anobvumirana nazvo. Anoti, “Zvakaoma kubata mwanakomana wangu somunhu akura, nokuti ndichiri kumuona sekakomana kangu kaduku. Zvinoita sokuti akatanga kuenda kuchikoro nezuro!”
Kunyange zvakaoma kugamuchira, vachiri kuyaruka havachisiri vana vaduku. Ivo vanhu ‘vakuru vari kudzidziswa,’ uye vabereki ndivo vanovadzidzisa uye vanovatsigira. Zvisinei, sezvambotaurwa naGeorge naLauren pamusoro apa, vabereki vane simba rokuvaka nokuparadza chivimbo chemwana. Vabereki vangava sei pakati nepakati? Bhaibheri rine mazano anobatsira. (Isaya 48:17, 18) Ngatimboona mimwe mienzaniso.
Kukurukurirana Zvakanaka Kunokosha
Bhaibheri rinoudza vaKristu kuti ‘vakurumidze kunzwa, vononoka kutaura.’ (Jakobho 1:19) Kunyange zvazvo iri riri zano rakanaka paunenge uchirera vana vemazera ose, kunzwa kana kuti kuteerera kunonyanya kukosha patinenge tichirera vachiri kuyaruka. Uye izvi zvingada kushanda nesimba.
Peter, vamwe baba vokuBritain, akati: “Ndaifanira kuvandudza unyanzvi hwokukurukura nevanakomana vangu vaviri pavakatanga kuyaruka. Pavaiva vaduku, ini nomudzimai wangu taivaudza zvokuita, uye vaiteerera. Asi nokuti iye zvino vakura, tinofanira kutaurirana navo, tovabvumira kuti vashandise mano avo okufunga kugadzirisa zvinhu. Chinangwa chikuru ndechokusvika pamwoyo yavo.”—2 Timoti 3:14.
Kuteerera kunonyanya kukosha kana paine kusawirirana. (Zvirevo 17:27) Danielle, wokuBritain, akaona kuti izvi zvaive zvechokwadi kwaari. Akati: “Ndainetsana nomumwe mwanasikana wangu pamusana pokundipindura kwaaiita pandaimukumbira kuti aite chimwe chinhu. Asi aindiudza kuti ndaigara ndichingomupopotera uye ndichingomuudza zvokuita. Takagadzirisa dambudziko racho nokugara pasi ndokunzwisisana. Akatsanangura matauriro andaiita kwaari uye kuti zvaiita kuti anzwe sei, uye ini ndakamutsanangurira zvandaifunga uye manzwiro angu.”
Danielle akaona kuti “kukurumidza kunzwa” kwakamubatsira kuti anzwisise kuti nei mwanasikana wake aimupindura saizvozvo. Anoti: “Iye zvino ndinoedza kushivirira mwanasikana wangu, uye ndinoedza kutaura naye chete pandinenge ndisina kugumbuka.” Akatizve, “Ukama hwedu huri kuita nani.”
Zvirevo 18:13 inoti: “Kana munhu achipindura nyaya asati ainzwa, ihwohwo upenzi kwaari uye kuzvinyadzisa.” Greg, vamwe baba vokuAustralia, vakaona kuti izvi zvinoshanda. Anoti: “Dzimwe nguva tinoburana nevana vedu kana tisina kutanga tavateerera uye kunzwisisa manzwiro avo, uye ini nomudzimai wangu patinokurumidza kuvatsiura tisingavapi mukana wokutaura. Kunyange kana tisingabvumirani zvachose nemaitiro avo, takaona zvichikosha zvikuru kuti tivabvumire kuti vataure manzwiro avo tisati tavaruramisa kana kuvapa zano.”
Vanoda Rusununguko Rwakawanda Sei?
Nyaya yokuda kuzvimirira zvichida ndiyo inowanzoita kuti vabereki nevachiri kuyaruka vakakavadzane. Mwana achiri kuyaruka anofanira kupiwa rusununguko rwakawanda sei? Vamwe baba vanoti: “Dzimwe nguva ndinofunga kuti ndikabvumira mwana wangu kusununguka angabva ada kutambarara sorunyemba.”
Zviri pachena kuti kubvumira vechiduku kuti vasununguke asi vasingadzorwi kunovapinza munataisireva. Zvechokwadi, Bhaibheri rinonyevera kuti “mukomana anongoregwa hake achanyadzisa amai vake.” (Zvirevo 29:15) Vechiduku vanoda kupiwa mirayiridzo yakasimba pasinei nezera ravo, uye vabereki vanofanira kuvada asi vachiramba vachivapa mitemo yavanofanira kutevedzera mumhuri. (VaEfeso 6:4) Panguva imwe chete iyi, vechiduku vanenge vachifanira kupiwawo rusununguko kuitira kuti vanyatsokwanisa kuzosarudza zvinhu zvoupenyu nenzira yokuchenjera.
Somuenzaniso, chimbofunga kuti wakadzidzira sei kufamba. Pakutanga pawaiva kacheche, waifanira kutakurwa. Nokufamba kwenguva, wakatanga kukambaira ndokuzofamba. Zvechokwadi, zvingava nengozi kana mwana ava kutanga kufamba. Saka vabereki vako vainyatsokutarira uye vangave vaitoisa zvinhu zvinovhariridza kuti usaende kunzvimbo dzine ngozi. Kunyange zvakadaro, vaikubvumira kuti umbodhanaira zvako woga zvokuti nokufamba kwenguva wambodonha kanoverengeka, wakadzidzira kufamba zvakanaka.
Izvi ndizvo zvinoitikawo pakuti vana vasvike pakuwana rusununguko. Chokwadi, pakutanga vabereki vanotakura vana vavo vaduku. Vanoita izvi nokuvasarudzira zvavanofanira kuita. Gare gare, vana vavo zvavanoratidza kuti vati kurei zvishoma, vabereki vavo vanoita sevanovabvumira kukambaira. Vanovabvumira kuti vazvisarudzire zvimwe zvinhu. Panguva imwe chete, vanoisa zvinovhariridza uye izvi zvinodzivirira vechiduku kuti vasakuvara. Vana vavo zvavanenge vachikura, vabereki vanovabvumira kuti “vazvifambire” voga. Saka pavanova vanhu vakuru, vanenge vava kunyatsokwanisa ‘kuzvitakurira mutoro wavo.’—VaGaratiya 6:5.
Kudzidza Mune Mumwe Muenzaniso Uri muBhaibheri
Zvinoratidza kuti Jesu paaiva nemakore 12, vabereki vake vaimusiya achiitawo zvimwe zvaaida, asi haana kubva ati dzawira mutswanda. Kunyange zvakadaro, “akaramba achizviisa pasi” pevabereki vake sezva“akaramba achifambira mberi pakuchenjera nokukura mumuviri uye achidiwa naMwari nevanhu.”—Ruka 2:51, 52.
Somubereki, unogona kudzidza kubva mumuenzaniso uyu uye kupa vana vako rusununguko rwakawedzera pavanenge vachiratidza kuti vari kushandisa zvakanaka rusununguko rwavo. Ona zvinotaurwa nevamwe vabereki pamusoro pezvakaitika kwavari nezvenyaya iyi.
“Kakawanda ndainyanya kupindira pazvinhu zvaiitwa nevana vangu. Gare gare, ndakavadzidzisa mirayiro uye ndakavabvumira kuti pakusarudza vaite zvavainge vadzidza. Pashure paizvozvo, ndakaona kuti vakatanga kunyatsoyera zvinhu vasati vasarudza.”—Soo Hyun, wokuKorea.
“Nguva dzose ini nomurume wangu tinombotyira vana vedu parusununguko rwatinovapa, asi hatina kubvumira izvi kutitadzisa kupa vana vedu rusununguko rwavanofanira kuva narwo uye kuti varwushandise nenzira inoratidza kukura.”—Daria, wokuBrazil.
“Ndakaona zvichikosha kurumbidza mwanakomana wangu achiri kuyaruka nokuti anoshandisa zvakanaka rusununguko rwandinomupa. Ndinoitawo zvandinomukumbira kuti aite. Somuenzaniso, ndinomuudza kwandinenge ndichienda uye zvandinenge ndichiita. Ndinomuudza kana ndichizononoka kudzoka.”—Anna, wokuItaly.
“Mumusha medu tinosimbisa kuti haisi kodzero yevanakomana vedu kuti vave norusununguko, asi vanofanira kuratidza kuti vanogona kurushandisa zvakanaka.”—Peter, wokuBritain.
Kutambura Nezvinozogumisira Zvaitika
Bhaibheri rinoti: “Zvakanaka kuti murume atakure joko achiri muduku.” (Mariro 3:27) Imwe yenzira dzakanakisisa iyo wechiduku angatakura nayo mutoro ndeyokudzidza nokuzvionera oga chokwadi ichi chokuti: “Zvinodyarwa nomunhu, ndizvo zvaachakohwa.”—VaGaratiya 6:7.
Vaine vavariro dzakanaka, vamwe vabereki vanodzivirira vana vavo vachiri kuyaruka pamigumisiro yakaipa yezvavanoita nokusachenjera. Somuenzaniso, ngatitii mwanakomana anotenga zvinhu zvaasingadi kushandisa obva apinda muchikwereti. Anodzidzei kana Baba naAmai vakangomubhadharira chikwereti chacho? Ukuwo, anodzidzei kana vabereki vake vakamubatsira kutsvaka mazano okuti abhadhare chikwereti chacho oga?
Vabereki havana chakanaka chavanenge vaitira vana vavo kana vakasavabvumira kuti vadzidze kubva pamigumisiro yokuita zvinhu nokusafunga. Pane kuti vavagadzirire kuva vanhu vakuru, izvi zvinongovadzidzisa kuti pachava nomumwe munhu achagara achivabatsira kana vazvipinza mumatope, ovhara zvikanganiso zvavo. Zvakanaka kwazvo kupa vachiri kuyaruka mikana yokukohwa zvavanenge vadyara uye vodzidza kugadzirisa matambudziko avo. Izvi zvinokosha pakuita kuti “simba ravo rokunzwisisa rirovedzwe kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa.”—VaHebheru 5:14.
“Munhu Ari Kuchinja Uye Ari Kukura”
Hapana mubvunzo kuti vabereki vane vana vachiri kuyaruka vane basa rakaoma. Dzimwe nguva, vangatosvimha misodzi yokushungurudzika sezvavanoedza kurera vana vavo “mukuranga nokutungamirira pfungwa kunoitwa naJehovha.”—VaEfeso 6:4.
Pakupedzisira, kuti mubereki abudirire pakurera vana, hazvibvi pakuvanyima rusununguko asi zvinobva pakuvadzidzisa tsika dzakanaka. (Dheuteronomio 6:6-9) Zviri nyore kuzvitaura pane kuzviita here? Hungu. Greg ambotaurwa anoti, “Tiri kubata nomunhu ari kuchinja uye ari kukura. Izvi zvinoreva kuti tinofanira kuramba tichiziva uye tichijairana nomunhu mutsva iyeye.”
Edzai kwazvo kushandisa zvinotaurwa neBhaibheri zvakurukurwa munyaya ino. Ratidzai kunzwisisa pane zvamunotarisira kuvana venyu. Musambofa makakanda mapfumo pasi pabasa renyu rokuvasiyira muenzaniso wakanaka muupenyu hwavo. Bhaibheri rinoti: “Rovedza mukomana maererano nenzira yakamukodzera; kunyange paanokwegura haazotsauki pairi.”—Zvirevo 22:6.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 7]
Kuwana rusununguko kwakafanana nokudzidzira kufamba—zvinoitika zvishoma nezvishoma
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 8]
Jesu paaiva nemakore 12, vabereki vake vaimusiya achiitawo zvimwe zvaaida
[Bhokisi riri papeji 7]
“Kusimbisa Simba Rako Somubereki”
Kugumbuka kungaita mwana wako kana wamurambidza zvimwe zvinhu hakurevi kuti unofanira kurega kushandisa simba rako somubereki. Yeuka kuti vana vanenge vachiyaruka havana ruzivo rwoupenyu uye vanenge vachiri kungoda kutungamirirwa.—Zvirevo 22:15.
Mubhuku rake rinonzi New Parent Power! John Rosemond anoti: “Zviri nyore kuti vabereki vatyisidzirwe nokusagadzikana mupfungwa kunomboita vana vavo uye vobva vavapa rusununguko rwakanyanyisa rwokuzvisarudzira zvavanoda kuita kuitira kuti vasakakavadzane navo. Asi vabereki vanotofanira kuita zvakasiyana neizvi. Iyi ndiyo nguva yokusimbisa simba renyu sevabereki pane kubvumira vana venyu kuti varirerutse. Kunyange zvazvo chiri chokwadi kuti vacharamba simba renyu, iyi ndiyo nguva yokutiwo vana vazive kuti vabereki vakagadzirira kuvatungamirira zvakakodzera.”
[Bhokisi riri papeji 9]
Kupa Vana Venyu Rusununguko Rwakawanda
Kazhinji vana vanoda rusununguko rwakawanda kupfuura rwavanofanira kupiwa. Panguva imwe chete, vamwe vabereki vanoita sevanopa rusununguko rushoma kupfuura zvavanofanira kuita. Pane kuvapa rusununguko rwakawanda kana kuvanyima, vabereki vanofanira kuva pakati nepakati. Mungazviita sei? Kutanga, mungada kufunga nezvemashoko ari pasi apa. Mwanakomana kana kuti mwanasikana wenyu ari kuratidza unhu hunoratidza kukura muzvinhu zvipi?
□ Shamwari dzake
□ Zvaanosarudza kupfeka
□ Kuchengetedza mari
□ Kudzokera kumba nenguva
□ Kupedza mabasa epamba
□ Kupedza basa rokuchikoro
□ Kukumbira ruregerero
□ Zvimwewo ․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․
Kana mwana wako achitoratidza kuti ari kuita zvinhu zvinoverengeka zvataurwa pamusoro apa nenzira inoratidza kukura, wadii wafungazve dzimwe nzira dzaungaratidza nadzo kumuvimba?
[Mufananidzo uri papeji 7]
Vabvumire kutaura manzwiro avo usati wavaruramisa kana kuvapa zano
[Mufananidzo uri papeji 8, 9]
Vabereki vanofanira kudzidzisa vana vavo kuti vagone kuvimbwa navo