Vanhu Vanogona Kuita Kuti Pave Neramangwana Rinofadza Here?
Uchangobva kutamira muimba itsva yezvidhinha inoita seyakasimba uye inoyevedza. Ndizvo zvawagara uchida. Unoita seune ramangwana rakanaka! Asi mumakore mashomanana chete, imba yacho inoita mitswe yakakura uye inofanira kupazwa. Unoora mwoyo. Asi hazviitike kwauri woga. Matambudziko akadaro akaitikawo pane dzimwe dzimba dzokwaunogara. Kuongorora kwakaitwa kunoratidza kuti akakonzerwa noruzivo rushoma rwokuvaka uye zvidhinha zvakanga zvisina kusimba.
KUFANANA neimba iyoyo, nyika iri mumoto chaiwo. Pasinei nezvinhu zvakawanda zvakaedza kuitwa nevanhu uye nevezvematongerwo enyika, uye kufambira mberi mune zvesayenzi noruzivo rwokugadzira zvinhu, nzanga yevanhu iri kuita seiri kukamukana. Munyika dzinoverengeka, kusateerera mutemo uye mhirizhonga zvangova zvinhu zvezuva nezuva. Kupererwa nemazano kuchamanikidza vanhu kuti vagadzirise zvinetso zvavo, voumba hurumende yakanaka pakupedzisira here? Chimboona zvakataurwa nevamwe vane simba nezvenhoroondo yevanhu.
“Taedza Zvose”
Vachiedza kuita kuti nyika ive nzvimbo iri nani, vanhu vakadzidza vakadai somuzivi wechiGiriki Plato kusvika kumuzivi wezvematongerwo enyika aitsigira gutsaruzhinji wokuGermany Karl Marx vakataura nezvokuedza hurumende dzakasiyana-siyana. Zvakaguma nei? Imwe nyaya iri mumagazini inonzi New Statesman yakati: “Hatina kupedza urombo kana kuita kuti nyika ive norugare. Asi zvinoita sokuti takatoita zvakasiyana. Hakusi kuti hatina kumboedza. Takaedza hurumende dzemhando mbiri, hurumende inodzora upfumi hwenyika uye isingahudzori; takaumba Sangano Renyika Dzakabatana nechinangwa chokuti pasava nehondo yenyukireya. Takarwa ‘hondo dzakawanda’ chaizvo nechinangwa chokugumisa hondo tichifunga kuti tinoziva kugumisa hondo, uye mumaguta edu munoita semune hondo iri kuenderera mberi.” Nyaya yacho yakapfuurira ichiti: “Takapinda muzana remakore [rechi20] tichifara chaizvo tichifunga kuti masayendisiti achatiponesa asi rakazopera tisisadaviri zvaanotaura.”
Muna 2001 aimbova purofesa wenhoroondo youpfumi uye yenzanga paLondon University Eric Hobsbawm akanyora kuti hurumende dzevanhu “dzatarisana nenguva iyo vanhu vakanganisa pasi nezvinhu zvaro pamwero mukuru.” Kuti zvinetso izvi zvigadziriswe “zvichada matanho asingatsigirwi nokuverenga mavhoti kana kuyera zvinofarirwa nevatengi. Izvi hazvikurudziri kune zvave zvichitarisirwa kwenguva refu nevegutsaruzhinji kana kuti nenyika yose.”
Achiona dambudziko guru rakatarisana nenyika pamberi apa, Stephen Hawking nyanzvi yokuongorora nyeredzi nenyika dzomuchadenga akabvunza kuti: “Munyika isina kugadzikana mune zvematongerwo enyika, mune zvemagariro evanhu uye mune zvakatipoteredza, vanhu vangaramba varipo sei kwemamwezve makore 100?”
Nei Vanhu Vasiri Kubudirira?
Bhaibheri chete ndiro rinotsanangura zvinogutsa kuti nei vanhu vari kukundikana kuzvitonga. Chokwadi, Bhaibheri rinonyatsorondedzera nenzira yakajeka zvatiri. Somuenzaniso, chimboona zvinhu zvina zvinokosha zvinotevera.
Tose hatina kukwana. “Vanhu vose vakatadza, vakakundikana kusvika pakubwinya kwaMwari.” (VaRoma 3:23) Sezvo kusasimba kwezvidhinha kuchiita kuti chivako chirege kusimba uye chiwondomoke, kusakwana kwatagara nhaka kunooneka munzira dzinogona kuita kuti nzanga isava yakasimba. Nzira dzacho dzinosanganisira kuda kuita uori, kusatendeseka, makaro uye kushandisa simba zvisina kufanira. Izvi hazvisi zvitsva. Makore anenge zviuru zvitatu akapfuura, mumwe munyori weBhaibheri akachenjera akati: “Munhu akatonga mumwe munhu achimukuvadza.”—Muparidzi 8:9.
Vatungamiriri vehurumende nematare vanobvuma kuti hatina kukwana uye kuti hatina simba uye vanoedza kugadzirisa izvi nokudzika mitemo yakawanda. Asi vanoita izvi vachinyatsoziva kuti havagoni kudzika mutemo unomanikidza vanhu kuti vadanane kana kuti vateerere mutemo.
Tose tinofa. “Usavimba nevanokudzwa, kana nomwanakomana womunhu wepanyika, asingagoni kuponesa. Simba rake roupenyu rinobuda, iye odzokera kuivhu rake; nezuva iroro pfungwa dzake dzinoparara.” (Pisarema 146:3, 4) Zvaaiva mutongi akachenjera kupfuura vose, Mambo Soromoni weIsraeri yekare akaona kuti kushanda kwaaiita nesimba kwaigona kusava nematuro. Akanyora kuti: “Ini, iyeni, ndakavenga basa rangu rose rakaoma randaishanda zvakaoma pasi pezuva, randaizosiyira munhu aizonditevera. Ndiani anoziva kana iye achizova akachenjera kana kuti benzi? Asi achava nesimba pamusoro pebasa rangu rose rakaoma . . . Izviwo hazvina zvazvinobatsira.”—Muparidzi 2:18, 19.
Hatimbokwanisi kuzvitonga zvakanaka. “Nzira yomunhu wepanyika haisi yake. Munhu anofamba haakwanisi kudzora nhanho dzake.” (Jeremiya 10:23) Kunyange dai tiri vanhu vakakwana, Bhaibheri rinodzidzisa kuti maererano nechinangwa chaMwari chepakutanga, vanhu havana kodzero yokuzvitonga uye havakwanisi kuita izvi vachibudirira. Somuenzaniso, nei vanhu vachiwanzosemburwa pavanoudzwa neboka revanhu kana nomumwe munhu zvokuita kana kuti tsika dzokutevera? Mhinduro yacho ndeyokuti: Takasikwa tichifanira kutongwa nomunhu ane simba guru kutipfuura. Munhu wacho ndiMwari.—Isaya 33:22; Mabasa 4:19; 5:29.
Vanhu vanonyengerwa nomutongi asingaoneki. “Nyika yose iri musimba reakaipa,” Satani Dhiyabhorosi. (1 Johani 5:19) Ngatitii vakuru vakuru vekambani vane uori chaizvo uye hapana ane simba rokuvaudza zvokuita, chii chingaitwa nomushandiwo zvake kuti aruramise zvinhu? Kana zviripo, zvishoma chaizvo. Izvi zvakafananawo nokururamisa matambudziko anokonzerwa nevatongi vasingaoneki venyika ino, zvisikwa zvakaipa zvomudzimu zviri kushanda pasi paSatani. Bhaibheri rinorondedzera vatongi ava richivati “hurumende,” “vanhu vane masimba,” “vatongi venyika verima rino,” uye “masimba emidzimu yakaipa ari munzvimbo dzomumatenga.”—VaEfeso 6:12.
Zvisinei, Bhaibheri haringofumuri zvinokanganiswa nevanhu nevatongi vasingaoneki venyika ino. Rinotiudzawo mashoko akanaka okuti ndiani achagadzirisa zvinetso zvedu zvose, richiita kuti tive netariro.
Musiki Wedu Ndiye Achatinunura!
Kudai taizongosiyiwa takadaro, taisazombofa takagona kugadzirisa zvinetso izvi. Hapana kunyange munhu akangwara zvikuru, ane simba, kana kuti shoroma ane simba rokuchinja chimwe chezvinhu zvina zvadudzwa munyaya ino.a Asi sezvinotsanangurwa munyaya inotevera, Musiki wedu haana kutikanganwa kana kutisiya. Kutaura zvazviri, zvaari Mutongi wenyika akarurama, achabvisa zvipingamupinyi zvose zvinokanganisa mufaro wedu. (1 Johani 4:8) Uyezve, achaita izvi nokukurumidza. Tinoziva sei?
Sezvakatsanangurwa nemagazini ino, zvinhu zviri kuitika munyika nemamiriro ezvinhu enzanga zviri kuratidza kuti tiri kurarama mukati-kati me“mazuva okupedzisira” enyika ino. (2 Timoti 3:1; Mateu 24:3-7) Mugumo hausi kuzouya sokuparadza kwenyukireya kana kuti kubonderana kwapasi rino nechimwe chezvinhu zvomuchadenga kana kuti neimwe nzira inoparadza zvakanaka nezvakaipa isingasarudzi. Asi uchavapo nokupindira kwaMwari akananga vakaipa, kusanganisira vaya vanoomerera pakuti vanhu varambe vachitonga. (Pisarema 37:10; 2 Petro 3:7) Panguva imwe chete, Mwari achagumisa kutambura kwose kwakakonzerwa nevanhu vakadaro vanoshora Mwari.b—2 VaTesaronika 1:6-9.
Pashure pacho, Musiki achapedza matambudziko edu ane chokuita nehurumende nokuita kuti pasi ritongwe zvizere nehurumende inonzi “umambo hwaMwari.” (Ruka 4:43) Sezvatichaona, hurumende iyoyo inoita kuti tione ramangwana nemaonero akasiyana zvachose.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona nyaya inoti “Mazuva Okupedzisira Echii?” iri papeji 19.
b Mubvunzo unoti “Nei Mwari Achibvumira Kutambura?” unokurukurwa papeji 106 yebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 14]
“ZVIDHINHA” ZVISINA KUSIMBA ZVENZANGA YEVANHU
◼ Tose hatina kukwana.
◼ Tose tinofa.
◼ Hatimbokwanisi kuzvitonga zvakanaka.
◼ Vanhu vanonyengerwa nomutongi asingaoneki.
[Bhokisi riri papeji 15]
Vanhu Havasi Kuzoparadza Nyika!
Chinangwa choMusiki chokuti nyika inge iri musha wakachengeteka, une rugare wevanhu vanotya Mwari chinonyatsotsigirwa neBhaibheri. Chimboona magwaro anotevera.
“Akavaka nheyo dzenyika panzvimbo dzayo dzisingachinji; haizozununguswi nokusingagumi, kana kuti nokusingaperi.”—Pisarema 104:5.
“Makasimbisa nyika kwazvo, kuti irambe yakamira.”—Pisarema 119:90.
“Chimwe chizvarwa chinoenda, uye chimwe chizvarwa chinouya; asi nyika inogara iripo nokusingagumi.”—Muparidzi 1:4.
“Nyika ichazara nokuziva Jehovha sokufukidzwa kwakaitwa gungwa nemvura.”—Isaya 11:9.
“[Jehovha ndiye] Muumbi wenyika noMuiti wayo, Iye akaisimbisa kwazvo, asina kungoisikira pasina, akaiumba kuti igarwe.”—Isaya 45:18.